RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 3/8 p. 32
  • Rakavabatsira Kurega Kurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakavabatsira Kurega Kurwa
  • Mukai!—1998
Mukai!—1998
g98 3/8 p. 32

Rakavabatsira Kurega Kurwa

Mumwe mukomana ane makore 11 wekuCalifornia, U.S.A., akanyorera Zvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York kuti:

“Ndinoda mabhuku enyu, zvikurukuru Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Tisati tawana Bhuku iroro, hanzvadzi yangu neni taisagona kurega kurwa. Rimwe zuva takasarudza kufunda bhuku iroro, uye takasvika pakuziva kuti takanga tisiri kuita izvo Mwari aida kuti tiite.

“Bhuku iri rakatibatsira zvikuru kwazvo. Ndinoonga nokuda kwaro, uye ndinokurudzira dzimwe mhuri kurava bhuku iri nokuti rakanaka zvikuru. Riri kubatsirawo mhuri yangu kuwana rugare nomufaro mumusha wedu.”

Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri ibhuku rine mapeji 192 rine misoro inobatsira yakadai sa“Dzivirirai Mhuri Yenyu Papesvedzero Dzinoparadza,” Chengetai Rugare Mumhuri Yenyu,” uye “Munogona Kukurira Zvinetso Zvinoparadza Mhuri.”

Kana ungada kuti mumwe munhu afunde newe Bhaibheri pamusha pachena, nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe