Izvo Maturakiti eBhaibheri Anogona Kuita
Muguta reGolitsino, pedyo neMoscow, Russia, mumwe weZvapupu zvaJehovha akapa turakiti raFarikanya Upenyu hweMhuri kune mumwe mukadzi aisunda purema. Chapupu chakapfuura, asi nokukurumidza akanzwa inzwi romukadzi richimudana kuti ape ngwariro. Akanga achimanya kuti amubate, ipapo achisunda purema yake.
Mukadzi wacho akataura kuti akanga achifarira kudzidza zvakawanda, naizvozvo Chapupu chakamupa mamwe maturakiti maviri aitaura nezve misoro yeBhaibheri. Akamupawo nhamba yake yerunhare kuitira kuti agogona kumufonera gare gare. Madekwana mamwe chetewo akafona uye akaitirwa gadziriro dzokuti ave nefundo yeBhaibheri yapamusha yevhiki nevhiki. Mukati memwedzi minomwe bedzi, vose vari vaviri iye nomunin’ina wake vakazvitsaurira kubatira Mwari uye vakabhabhatidzwa.
Kana uchida kurava maturakiti eBhaibheri anoti Farikanya Upenyu hweMhuri, Nyaradzo Nokuda Kwavakapera Mwoyo, Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?, uye Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero iri pedyosa newe yakarongwa papeji 5.