Mubereki Ndiani? Mwana Ndiani?
NYANZVI yendangariro muCalifornia, U.S.A., inochema nemwero uyo chiremera chevabereki chakakukurwa nawo mumakore mashoma apfuura. “Muhofisi mangu,” anonyora kudaro, “ndakaona kurukurirano dzisingaverengeki pakati pevabereki nevana uye dzaiitwa sokunge kuti ndedzevanhu vakuru vaviri, kwete mwana nomubereki. Kurukurirano dzakaita sedzemabhizimisi makuru dzakaitwa pamusoro pechinhu chiri chose kubva kunguva yokurara kusvika kumari nemabasa epamba. Padzimwe nguva kwaiva kwakaoma kuziva kuti mubereki ndiani uye kuti mwana ndiani.”
Bhaibheri rinogovera zano rakadzikama kuvabereki. Rinovanyevera pamusoro pengozi yokunyanyisa zvokuti vanotsamwisa mwana wavo, zvichida vachiita kuti mwana aore mwoyo kana kuti kusuruvara. (Vakorose 3:21) Asi rinonyeverawo vabereki pamusoro pokunyanyisa kune rimwe divi—kunyanyisa kubvumira madiro, vachirasa chiremera chavo. Zvirevo 29:15 inoti: “Mwana wakangoregwa hake unonyadzisa mai vake.” Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, pakupedzisira uchada kuva [asingaongi, NW].” (Zvirevo 29:21) Kunyange zvazvo rugwaro urwu ruchinongedzera kumuranda, nheyo yacho inoshandawo kuvana nenzira yakakodzera.
Vabereki vanonyima vana vavo nhungamiro inodikanwa nechirango pakupedzisira vanoripa mutengo unorema—imba isingadzoreki. Zviri nani sei kushandisa zano reBhaibheri! Chokwadi, kuita kudaro kunoda nhamburiko, asi kunogona kuunza betsero dzoupenyu hwose. Bhaibheri rinoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.