RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 9/8 pp. 3-4
  • Nei Kune Kuvenga Kwakanyanya Kwazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kune Kuvenga Kwakanyanya Kwazvo?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marudzi Akanaka Neakaipa Oruvengo
  • Nei Vanhu Vachivengana Zvakanyanya Kudaro?
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Tinogona Kukurira Ruvengo!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Ruvengo Ruchazomboguma Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ruvengo Paruchapera Zvachose!
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 9/8 pp. 3-4

Nei Kune Kuvenga Kwakanyanya Kwazvo?

Yakanyorwa Nomunyori weMukai! muGermany

“NEI”—ishoko pfupi, bva riya rinoda mhinduro. Somuenzaniso, apo rakaoneka pakapepa kakasungirirwa pakati pemirwi yamaruva nezvidhori zvaiva panze pechikoro muDunblane, Scotland, muna March 1996. Mazuva mashomanene chete zvisati zvaitika, mumwe murume akanga apindamo achimhanya ndokupfura vana 16 nomudzidzisi wavo vakafa. Akakuvadza vamwe vanoverengeka uye ipapo akazvipfura. Nenzira yakajeka, akanga akazara nokuvenga—kuzvivenga, kuvenga vamwe, uye nzanga yose zvayo. Vabereki vanochema neshamwari pamwe chete nemamiriyoni avanhu munyika yose vane mubvunzo wakafanana, ‘Nei? Nei vana vasina mhaka vachifa nenzira iyi?’

Sezvingabvira wakacherechedza kuti nyika yakazara noruvengo rwusina mufungo, rwusingatsananguriki. Kutaura idi, nokuda kwechikonzero chakati, ungave wakambova nyajambwa woruvengo iwe pachako. Zvichida iwewo wakabvunza kuti, ‘Nei?’—zvichida kanopfuura kamwe chete.

Marudzi Akanaka Neakaipa Oruvengo

“Venga” uye “ruvengo” anorondedzerwa se“mbengo huru nokunyangadzwa.” Chokwadika, zvinobetsera kuva ne“mbengo huru nokunyangadzwa” nezvinhu zvinokuvadza kana kuti zvingagona kuva zvinokuvadza kuukama hwomunhu oga. Kudai munhu ari wose aiva norudzi urwu rworuvengo, chokwadi nyika ingadai iri nzvimbo iri nani yokugara. Zvisinei, zvinosuruvarisa kutaura kuti, vanhu vasina kukwana vanovenga zvinhu zvisina kururama nemhaka yezvikonzero zvisina kururama.

Ruvengo rwunoparadza rwakavakirwa pakufungira zvakaipa, kusaziva, kana kuti kuudzwa mashoko asina kururama uye kazhinji kazhinji rwunoparirwa no“rutyo, hasha, kana kuti mafi,” maererano neimwe rondedzero. Zvarwusina hwaro hwakanaka, ruvengo urwu rwunoguma nezvakaipa uye rwunomutsa rwamutsazve mubvunzo wokuti, ‘Nei?’

Tose zvedu tinoziva vanhu vane mavara kana kuti miitiro ingatishatirisa padzimwe nguva uye avo tinowana vakaoma kushamwaridzana vavo. Asi kushatiriswa ndechimwe chinhu; chishuvo chokukuvadza muviri wavanhu ndechimwe chinhu chakasiyana. Nokudaro, tingawana zvakaoma kunzwisisa kuti munhu angagona sei kuchengeta mirangariro yokuvenga mapoka ose avanhu, kazhinji kazhinji vanhu vaasingatomboziva. Vangasabvumirana nemirangariro yake yezvamatongerwe enyika, vangava vorudzidziso rwakasiyana, kana kuti kuva verimwe boka rorudzi, asi ichocho chikonzero chokuvavenga here?

Zvisinei, ruvengo rwakadaro rwuriko! MuAfrica ruvengo rwakatungamirira kukuurayana kwavaTutsi navaHutu muRwanda muna 1994, kuchiparira mumwe munyori wenhau kubvunza kuti: “Ruvengo rwakanyanya kwazvo rwakaungana sei munyika duku zvakadaro?” MuMiddle East, ruvengo rwakaparira kurwisa kwamagandanga kwakaitwa navanyanyisi vechiArab nevechiIsrael. MuEurope ruvengo rwakatungamirira kukuparadzaniswa kweyaichimbova Yugoslavia. Uye maererano nomumwe mushumo wepepanhau, muUnited States moga “anenge mapoka 250 anovenga” ari kuparadzira pfungwa dzorusaruraganda. Nei kune ruvengo rwakanyanya? Nei?

Ruvengo rwakadzika midzi kwazvo zvokuti kunyange apo rwisano dzarwakasakisa dzinopedzwa, rwunoramba rwuripo. Tingagonawo sei kutsanangura chinetso mukuchengeta rugare nokumisa hondo munyika dzasakadzwa nehondo nedzinotambudzwa namagandanga? Tingagonawo sei kutsanangura zvakaitika pashure pechibvumirano chorugare chakabvumiranwa pakapera 1995 muParis chaida kuti guta reSarajevo ribatanidzwezve pasi peBosnia and Herzogovina-Croat Federation? Vazhinjisa vavaSerb vaigaramo vakavamba kutiza guta namasabhabha nemhaka yokutya matsive. Ichishuma kuti vanhu vaipamba nokupisa zvivako zvavaisiya shure, Time yakagumisa kuti: “Sarajevo rabatanidzwazve; vanhu varo havana.”

Rugare pakati pavanhu vanovengana zvikurukuru rugare rwokunyepedzera, rwusina maturo semari yokunyepedzera. Pasina chinhu chine ukoshi chaihwoihwo chinorutsigira, rwunogona kuparara pakava nedzvinyiriro dukusa. Asi kune ruvengo rwakanyanya kwazvo munyika norudo rushoma kwazvo. Nei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Ruvengo rwunoparadza rwakavakirwa pakufungira zvakaipa, kusaziva, kana kuti kuudzwa mashoko asina kururama

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe