Mararamire Asina Kunaka—Mutengo Wacho Wakakwira Sei?
“CHIRWERE nditenzi womunhu ari wose,” chinodaro chirevo chechiDanish. Munhu upi noupi akava nyajambwa wechirwere chenguva refu achapupurira nokudisa kuti uyu “tenzi” anogona kuva ane utsinye zvirokwazvo! Bva, ungashamisika kuziva kuti chirwere kazhinji kazhinji chakafanana zvikuru nomweni akakokwa kupfuura tenzi. United States Centers for Disease Control and Prevention inoti 30 muzana yamazuva ayo varwere vanopedzera muchipatara inoparirwa nehosha nokukuvadzwa zvaigona kudziviswa. Chisakiso chacho? Mararamire asina kunaka uye ane ngozi. Rangarira mimwe mienzaniso.
KUSVUTA. Ira, ane makore 53 okukura, ane emphysema—mugumisiro wamakore anoda kusvika makumi mana okusvuta. Kuti arape chirwere chake, anoda mugove wenguva dzose weoxygen yomubhotoro, unoita inenge $4 000 pamwedzi. Muna 1994 kupiwa mubhedha kwamazuva mapfumbamwe nokuda kwechirwere chake kwakaguma nechikwereti che$180 000, kuchisvitsa hwerengedzo yomutengo wokutarisira utano hwaIra gore iroro kuinopfuura zvikuru $200 000. Zvisinei, Ira haarangariri kurumidziro yokurega kusvuta. “Ndinongova bedzi neiyi havi isingadaviriki,” iye anodaro.
Chinoitika chaIra hachisi chechienzi. Pasinei zvapo nengozi dzinozivikanwa zvikuru dzokusvuta, vanhu munyika yose vanosvuta mabhiriyoni 15 emidzanga zuva nezuva. MuUnited States, mutengo wokutarisira utano wegore negore nokuda kwezvirwere zvine chokuita nokusvuta unofungidzirwa kuva madhora ane mabhiriyoni 500. Ikoku kunoreva kuti muna 1993, paavhareji, nokuda kwepakiti riri rose remidzanga rakatengwa inoda kusvika $20,60 yakapedzerwa pandyiko dzokurapa kwaiva nechokuita nokusvuta.
Apo mwana anoberekwa, ndyiko dzokurapa dzine chokuita nokusvuta dzinogona kutanga kuungana. Kududza muenzaniso mumwe bedzi, nzvero muUnited States yakawana kuti vana vanoberekwa navanaamai vanosvuta vari mungozi yakapetwa kaviri yokuva nemiromo yokumusoro kana kuti kumusoro kwomukanwa kwakatsemuka, mamiriro ezvinhu angada kuvhiyiwa kunosvika kukana panosvika zera ramakore maviri. Avhareji yomutengo woupenyu hwose yokurapwa nendyiko dzinobatanidzwa nokuda kwaaya mamiriro ezvinhu i$1 000 000 pamunhu. Chokwadika, hakuna chitsama chemari chinogona kuenzana nenhamo kuhwerengedza mirangariro yokuva nourema hwomuviri hwokuberekwa nahwo.
Vamwe vanotaura kuti mutengo wakakwira wokutarisira utano wokusvuta unodzikamiswa neidi rokuti vasvuti vazhinji havararami nguva yakareba zvakakwana kuti vawane Mudyandigere. Zvisinei, sezvinotaura The New England Journal of Medicine kuti, “iyi mhedziso inomutsa gakava; uyezve, vazhinjisa vaizobvuma kuti kukurumidza kufa nemhaka yokusvuta haisi mitoo yomutsa yokudzora nayo mutengo wokutarisira utano.”
KUSHANDISWA ZVISINA KUFANIRA KWEZVINODHAKA. Kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka kwave kuchibatanidzwa nezvinetso zvakati zvoutano, kubatanidza kuzvimba kwechiropa, hosha yomwoyo, kuzvimba kwomukati moura, maronda omudumbu, uye kuzvimba kwerwatata. Kunogonawo kuita kuti munhu asatana kubatwa nehosha dzinotapukira dzakadai samabayo. MuUnited States, gore rimwe nerimwe “madhora ane mabhiriyoni 100 anoshandiswa kurapa vanhu vasingagoni kudzora kunwa kwavo zvinodhaka,” maererano naDr. Stanton Peele.
Zvinodhaka kazhinji kazhinji zvinotapura mwana achangobva kunambwa ari mudumbu. Gore rimwe nerimwe makumi ezviuru avana muUnited States moga anoberekwa akaremara nemhaka yokuti vanaamai vavo vainwa apo vaiva napamuviri. Dzimwe dzeshiye idzi dzinowanikwa dziine fetal alcohol syndrome (FAS), uye kazhinji kazhinji idzodzi dzinotambura nourema hwomuviri nohwendangariro. Avhareji yomutengo wokurapa woupenyu hwose hwomwana mumwe nomumwe ane FAS yakafungidzirwa kuva madhora ane mamiriyioni 14.
Sezvo zvinodhaka zvichideredza kuzvidzora, kunwisa kazhinji kazhinji kunoparira masimba masimba, ayo anogona kuguma nokukuvara kunoda kurapwa. Kunewo kuvadziko yakakura inoparirwa naavo vanotyaira motokari vakadhakwa. Rangarira tapuro dzacho pana Lindsey, musikana ane makore masere okukura uyo aifanira kutakanurwa muchigaro cheshure chemotokari yaamai vake pashure pokunge mutyairi akadhakwa abonderana navo. Lindsey akapedza mavhiki manomwe ari muchipatara uye aida kuvhiyiwa kunoverengeka. Ndyiko dzake dzokurapwa dzakapfuura $3 000 000. Kwakanga kwakanaka kuti akapukunyuka.
KUSHANDISWA ZVISINA KUFANIRA KWEMIRIMO. Mumwe munzveri anofungidzira mutengo wegore negore wokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo muAmerica kuva mabhiriyoni 670 amadhora. Joseph A. Califano, Jr., purezidhendi weCenter on Addiction and Substance Abuse paColumbia University yeNew York, anoonesa rumwe rutivi rwunodhura rwechinetso chacho achiti: “Vana vanoberekwa navanaamai vaishandisa crack vaine pamuviri, vaisawanzowanika makore gumi apfuura, vanozadza mawadhi avacheche anoita $20 000 pazuva. . . . Kunogona kuita madhora ane mamiriyoni gumi kusvitsa mupukunyuki mumwe pamunhu mukuru.” Mukuwedzera, Califano anoti, “kukundikana kwavanaamai vane pamuviri kutariswa vasati vasununguka ndokurega kushandisa mirimo zvisina kufanira kunoparira uzhinji hweanoda kusvika madhora ane mabhiriyoni 30 ayo Medical Aid yakashandisa muna 1994 pakutarisira varwere vomuchipatara vaiva nechokuita nokushandiswa kwemirimo.”
Ngwavaira yamamiriro acho ezvinhu inonyanyiswa apo tinorangarira kutambanudzwa kukuru navanhu neichi chakaipa. Gakava muroorano, vana vanoregeredzwa, uye kupedzwa kwemari zviri pakati pezvinetso zvenguva dzose zvinotapura mhuri dzinoparadzwa nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo.
UNZENZA. Vanhu vanopfuura mamiriyoni 12 muUnited States vanobata hosha dzinoparadzirwa muvatano (STDs) gore rimwe nerimwe, kuchipa United States mwero wakakwirira zvikurusa weSTD wenyika ipi neipi yakabudirira. David Celentano, wapaJohns Hopkins University School of Hygiene and Public Health, anodaidza ikoku kuti “chinonyadzisa rudzi.” Mutengo wakananga weidzi hosha, tisingabatanidzi AIDS, anenge madhora ane mabhiriyoni 100 gore negore. Vechiduku vari mungozi chaiyo. Uye hakushamisi! Maererano nomumwe mushumo, pavanosvika fomu yechishanu, 70 muzana yavo inenge yava nevatano uye pedyo ne40 muzana yavo inenge yavatana nevanenge vana.
AIDS pachayo ingwavaira kukutarisira utano. Mumavambo a1996 kurapa kwaishanda zvikurusa kwaiwanika—mainhibitor eprotease akasanganiswa nemimwe mirimo yakare—anoita pakati pe$120 000 ne$180 000 pagore pamunhu. Asi ichi chinongova hacho chikamu chiduku chomutengo usingazivikanwi nyore nyore weAIDS, uyo unobatanidza kusabetsera kwanyajambwa naavo vanokumbira nguva pabasa kana kuchikoro kuti vamutarisire. Kunofungidzirwa kuti panosvika gore ra2000, HIV neAIDS zvichange zvadya madhora ari pakati pamabhiriyoni 3 560 ne5 140 munyika yose—kwakaenzana nokuparadza upfumi hwose hweAustralia kana kuti zvimwe India.
MASIMBA MASIMBA. Apo akanga ari chiremba mukuru weUnited States, Joycelyn Elders akashuma kuti mutengo wokurapa kunoparirwa namasimba masimba waiva madhora ane mabhiriyoni 135 muna 1992. Purezidhendi weUnited States Bill Clinton akati: “Chimwe chezvikonzero nei kutarisirwa kwoutano hweAmerica kuchidhura kwazvo ndechokuti zvipatara zvedu namakamuri edu okurapira vanoda betsero yokukurumidzira akazara navanhu vanochekwa nokupfurwa.” Nechikonzero chakanaka The Journal of the American Medical Association inodana masimba masimba muUnited States kuti “ngozi kuutano hwavanhu.” Mushumo wacho unopfuurira kuti: “Kunyange zvazvo masimba masimba asiri hosha mupfungwa ‘chaiyo,’ tapuro yawo pautano hwomunhu oga nohwavanhu vose yakakura seiyo yezvimwe zvirwere zvomuviri—zvichida kupfuura zvikuru kwazvo.”
Mushumo wakaitwa nezvipatara 40 muColorado unotaura kuti avhareji yomutengo wanyajambwa mumwe nomumwe wamasimba masimba mukati memwedzi mipfumbamwe yokutanga kwa1993 yaiva $96 000. Vanopfuura hafu yaavo vakapiwa mibhedha vakanga vasina inishuwarenzi, uye vazhinji vaivavo vakanga vasingakwanisi kana kuti vakanga vasingadi kubhadhara ndyiko dzavo. Mamiriro akadaro ezvinhu akatungamirira kumitero yakakwira zvikuru, mari inobhadharwa kuinishuwarenzi yakakwira zvikuru, uye zvikwereti zvechipatara zvakakwira zvikuru. Colorado Hospital Association inoshuma kuti: “Tose tinobhadhara.”
Kuchinja Mararamire
Mukuona kwomunhu, kariro yokuchinja murangariro mumararamiro asina kunaka haifadzi. “America harisi Bindu reEdheni uye hatisati tichizotongozvibvisira kushandiswa zvisina kufanira kwose kwezvinhu,” unodaro mushumo wakaitwa neColumbia University. “Asi kusvika kutambanuko yatinodzivisa kushandiswa zvisina kufanira kwakadaro, tichava navana vakagwinya zvikuru, kuderera kwamasimba masimba noutsotsi, mitero yakaderera zvikuru, mitengo yokutarisira utano yakaderedzwa, mhindu yakakwira zvikuru, vadzidzi vakadzidza zviri nani uye vashoma zvikuru vane AIDS.”
Zvapupu zvaJehovha zvakawana Bhaibheri kuva betsero hurusa mukusvika vavariro iyoyo. Bhaibheri harisi bhukuwo zvaro. Rakafuridzirwa noMusiki womunhu, Jehovha Mwari. (2 Timotio 3:16, 17) Ndiye “unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira younofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Nheyo dzinooneswa muBhaibheri dzakanaka, uye avo vanofamba muzano raro vanowana betsero huru.
Somuenzaniso, Esther pane imwe nguva aisvuta kwazvo.a Pashure pokunge atanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, mudzidzisi wake weBhaibheri akamukoka kuti apedze zuva achishanyira dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha, muBrooklyn, New York. Pakutanga, Esther akazengurira. Achiziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisvuti, akarangarira kuti aizogona sei kuva nazvo kwezuva rose. Naizvozvo Esther akaisa mudzanga mumwe muchikwama chake, achirangarira kuti kana akanzwa havi yokusvuta, aizongopinda zvake muchimbudzi. Sezvaakanga aronga, pashure peimwe yeshanyo Esther akapinda muchimbudzi chavakadzi ndokuburitsa mudzanga wake. Asi ipapo akacherekedza chimwe chinhu. Kamuri racho rakanga rakachena zvikuru, uye mhepo yacho yakanga yakanaka. “Ndaisatongogona kusvibisa nzvimbo yacho kupfurikidza nokusvuta mudzanga iwoyo,” Esther anoyeuka kudaro, “naizvozvo ndakaugojera muchimbudzi. Uye iwoyo wakanga uri mudzanga wokupedzisira wandakabata!”
Munyika yose, mamiriyoni kufanana naEsther ari kudzidza kurarama mutsinhirano nenheyo dzeBhaibheri. Vanozvibetsera, uye vanova vanobetsera zvikuru munzanga mavanorarama. Chinokosha zvikurusa, vanounza rukudzo kuMusiki wavo, Jehovha Mwari.—Enzanisa naZvirevo 27:11.
Kunyange zvazvo nhamburiko dzakanakisisa dzomunhu dzisingagoni kuitazve “Bindu reEdheni,” Bhaibheri rinotaura kuti Mwari achaita saizvozvo. Petro wechipiri 3:13 inoti: “Sezvaakapikira [Mwari], tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (Enzanisa naIsaya 51:3.) Mupasi iroro idzva, kutarisira utano haisati ichizova itiro hanya, nokuti rudzi rwomunhu rwuchafarikanya upenyu hune utano hwakakwana—nzira iyo Mwari akakuita donzo kubva pakutanga. (Isaya 33:24) Ungada kudzidza zvakawanda pamusoro pezvipikirwa zvaMwari here? Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubetsera.
[Mashoko Omuzasi]
a Harisi zita rake chairoiro.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]
© 1985 P. F. Bentley/Black Star