Kusarudza Zvokudya Zvinopa Utano
KUNYANGE zvazvo vanachiremba nhasi vachirovedzwa kurapa hosha, mumwe chiremba akati: “Utano, nenzira inoshamisa zvikuru, harisi basa redu. Utano ibasa romunhu mumwe nomumwe.”
Joe, adudzwa munyaya yapfuura, akagamuchira basa iri pashure pokuvhiyiwa nokuda kwetsinga yemwoyo yakanga yakavharika zvakaipisisa. Akaita kuchinja kwaidikanwa mukudya kwake ndokuwana betsero dzinoshamisa. “Tsinga yako yava nani, Joe,” chiremba wake akashuma kudaro nomufaro. “Zvokudya zvawakashandisa zvakashanda.”
Kuchinja kwerudzii kwatinogona kuita muzvokudya zvedu? Tinogona sei kushandira utano hwedu ndokudya nenzira ingahuita kuti huve nani?
Zvokudya Zvinopa Utano
Zvokudya zvinopa utano zvinoreva kungoita zvisarudzo zvakanaka pazvokudya zvinowanika. Nokuda kwebetsero mukuita zvisarudzo zvinopa utano, Department of Agriculture reUnited States rinorumbidza kushandiswa kwepyramid yemirayiridzo yezvokudya ine nhurikidzwa ina.—Ona chati iri papeji 30.
Pasi pepyramid pane makabhohaidhireti makukutu, ayo anobatanidza zvokudya zvezviyo, zvakadai sechingwa, gorosi, mupunga, uye pasita. Zvokudya izvi hwaro hwezvokudya zvinopa utano. Panhurikidzwa yechipiri pane zvikamu zviviri zvakaenzana; chimwe miriwo, uye chimwe michero. Izvi zvokudya makabhohaidhireti makukutuwo. Zvizhinjisa zvezvokudya zvako zvezuva nezuva zvinofanira kusarudzwa mumapoka matatu ezvokudya aya.
Nhurikidzwa yechitatu ine zvikamu zviduku zviviri. Chimwe chikamu chine zvokudya zvakadai semukaka, yogati, uye chizi; uye chimwe chinobatanidza nyama, huku, hove, bhinzi dzakaoma, mazai, uye mhodzi.a Zvitsama zvine mwero bedzi zvezvokudya zvinofanira kudyiwa kubva mumapoka aya. Nei? Nemhaka yokuti zvizhinjisa zvezvokudya izvi zvine cholesterol yakawanda nemanda yakanyanyisa, izvo zvinogona kuwedzera ngozi yehosha yemwoyo nekenza.
Pakupedzisira, pamusoro chaipo pepyramid pane nharaunda duku inobatanidza manda, mafuta, uye zviwitsi. Zvokudya izvo zvinogovera zvokudya zvinovaka muviri zvishomanene zvikuru uye zvinofanira kudyiwa zvishoma. Zvokudya zvizhinji zvinofanira kusarudzwa murutivi rwepasi rwepyramid, uye zvishoma pamusoro.
Panzvimbo pekuomerera kuzvokudya zvimwe chetezvo zvomuchikamu chimwe nechimwe uchinanga pasi pepyramid, kuchenjera kuedza zvokudya zvakasiyana-siyana zviri muzvikamu izvozvo. Ikoku imhaka yokuti chokudya chimwe nechimwe chine mubatanidzwa wakasiyana wezvokudya zvinovaka muviri nemafibre. Mimwe miriwo nemichero somuenzaniso, zvine mavhitamini A neC, nepo mamwe ane folic acid, yakawanda, calcium, uye iron.
Nenzira isingashamisi, zvokudya zvemuriwo zviri kuramba zvichiva zvakakurumbira. “Mashoko anosimbisa kuti vanodya muriwo vane ngozi yakaderera yokufutisa, . . . kufufutirwa, kenza yemapapu, uye udhakwa,” inodaro nyanzvi yezvokudya Johanna Dwyer muFDA Consumer. Uye, mukupesana neizvo vamwe vangadavira, nokuronga kwokungwarira, kunyange zvokudya zvisina nyama “zvinogona kusvitsa Zvokudya Zvinovaka Muviri Zvinorumbidzwa,” maererano nenhungamiro dza1995 pamusoro pezvokudya.
Chinhu chinokosha kumunhu ari wose kuchengeta manda yezvokudya iri pasi pe30 muzana yehwerengedzo yemacalory ose uye manda yakanyanyisa iri pasi pe10 muzana. Unogona kuita ikoku asi usingavi anodya muriwo chete uye pasina kurasikirwa zvisina kufanira nokufarira kwako kudya. Sei?
Kiyi Inokosha
“Kutsiva ndiyo kiyi,” anodaro Dr. Peter O. Kwiterovich, weThe Johns Hopkins University School of Medicine. “Tsiva zvokudya zvine manda yakawanda nezvine hwerengedzo shoma yemanda, manda yakawandisa, uye cholesterol.” Shandisa mafuta emuriwo nemajarini asina kuomarara panzvimbo pemanda yemhuka, kuisa manda isina kuita mvura, kana kuti bhata—bhata rakacheneswa rinoshandiswa zvikurukuru muIndia. Dzivisa kushandiswa kwemafuta emuriwo akadai semafuta emuchindwi nemafuta ekokonati, ane manda yakanyanyisa zvikuru. Uye ganhurira zvikuru kudya kwako zvokudya zvinobikwa mumabhekari ezvokutengeserana—madhonanzi, makeke, mabhisikiti, uye mapai—sezvo kazhinji kazhiniji zvine manda yakanyanyisa.
Mukuwedzera, tsiva mukaka wakakwana nemukaka weupfu kana kuti une manda shoma (1 muzana), bhata nemajarini, uye chizi yenguva dzose nechizi ine manda shoma. Uyewo, tsiva aizikirimu, neice milk, sherbet, kana kuti yogati yakaita mazaya echando ine manda shoma. Imwe nzira yokuderedza nayo cholesterol muzvokudya zvako kuderedza kudya kwako mondo dzemazai kuimwe kana kuti mbiri pavhiki; shandisa zvichena zvezai kana kuti zvinotsiva zai mukubika nomukubheka.
Nyama inorongwa muchikamu chimwe chetecho chePyramid yeNhungamiro dzeZvokudya sehuku, nehove. Zvisinei, hove, huku, uye karukuni zvinowanzova nemanda shoma pazvokudya kupfuura nyama dzakadai seyemombe, yehwai, uye yenguruve, zvichitsamira panhindi dzinenge dzashandiswa uye mutoo wokubika nawo. Mahambega enguva dzose, mahot dog, bhekoni, uye sochisi kazhinji kazhinji anenge zvikurukuru ane manda yakanyanyisa. Nyanzvi zhinji dzezvokudya dzinorumbidza kuganhurira chitsama chenyama yakaonda, hove, uye huku zvinodyiwa pazuva kumagiramu asingapfuuri 170. Kunyange zvazvo nyama dzemitezo, dzakadai sechiropa, dzingava zvokudya zvinobetsera, kunofanira kuyeukwa kuti kazhinji kazhinji dzine cholesterol yakawandisa.
Pakati penguva dzekudya kwenguva dzose, vanhu vazhinji vanofarira zvokudya zvokuvaraidza nzara zvinowanzobatanidza machipisi, nzungu, macashew, mabhisikiti, machokoreti, zvichingodaro. Avo vanoziva kukosha kwezvokudya zvine utano vachatsiva izvozvi nezvokudya zvokuvaraidza nzara zvine manda shoma zvinobatanidza mapopukoni anoitirwa kumba asina kuwedzerwa bhata kana kuti munyu, michero ichangobva kutanhwa, uye miriwo isina kubikwa yakadai sekerotsi, celery, uye broccoli.
Kuverenga Macalory
Apo unoita makabhohaidhireti makukutu zvokudya zvako zvikuru panzvimbo pezvokudya zvine manda yakawanda, pane betsero dzakanaka. Ungaderedzawo uremu kana uchirema kupfuura mwero. Kana ukatsiva nyama nezviyo, miriwo, uye bhinzi zvakawanda unounganidza manda shoma zvikuru mumuviri mako.
Rosa, adudzwa munyaya yechipiri, akanga achida kuderedza uremu hwake nemakirogiramu 25 mugore. Kuti aderedze nehafu yekirogiramu, anofanira kudya macalory ari pasi peanodikanwa nemuviri wake ne3 500. Anogona kuita ikoku kupfurikidza nokudya zvishoma kana kuti zvimwe kupfurikidza nokurovedza muviri zvikuru. Rosa akasarudza kuita zvose zviri zviviri. Akaderedza macalory emuzvokudya zvake zvezuva nezuva ne300. Uye akatanga kufamba anenge mamaira 20 pavhiki, nenzira iyoyo achishandisa macalory 1 500. Kupfurikidza nokuomerera kugadziriro iyi, akakwanisa kuderera neinenge hafu yekirogiramu pavhiki.
Apo Unodyira Kumwe
Maresitorendi anogadzira zvokudya nokukurumidza azova akakurumbira. Asi kungwarira kunodikanwa nemhaka yokuti zvokudya zvavanogovera kazhinji kazhinji zvine manda yakanyanyisa nemacalory. Hambega hombe kana kuti yakapetwa kaviri, somuenzaniso, ine macalory ari pakati pe525 ne980—mazhinjisa awo achibva mumanda. Kazhinji kazhinji, zvokudya zvinogadzirwa nokukurumidza zvinokangwa kana kuti zvinogoverwa nechizi yokukodza, zvokunakisa pamusoro, kana kuti zvokuwedzera kunaka. Kudya zvokudya zvakadaro sezvingabvira kuchakuvadza utano hwako.
Kana uchigara munyika umo maresitorendi anogovera zvidimbu zvihombe, unofanira kungwarira uwandu hwezvokudya zvaunodya. Kana usingadyi zvokudya zvose, unogona kukumbira kutora zvausingadyi woenda nazvo kumba. Vamwe vanhu vanongwarira zvokudya vanongoodha manyautsamukanwa bedzi, maduku kupfuura zvokudya zvenguva dzose. Vamwe varoorani vanoodha zvokudya zvenguva dzose ndokuzvigoverana, asi vanoodhawo saradhi yomuraudzo. Nenzira yokuchenjera, uchangwarira maresitorendi anogovera zvokudya zvisina kuganhurirwa nokuda kwemutengo mumwe une mwero. Nzvimbo idzodzi dzinogona kukuedza kudyisa!
Zvokudya Zvinopa Utano Nokuda Kwavose
Nepo avo vari munyika dzokuMadokero vachirwisa kufutisa uye vachivhiyiwa, kurapwa nemishonga, radiation, uye kurapwa kunodhura, nhamba huru dzorudzi rwomunhu hadzina zvokudya zvakakwana kana kuti vanotofa nokuziya nenzara. Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, zvisinei, zvinetso zvezvokudya nekudya kunovaka muviri zvichave zvinhu zvomunguva yakapfuura. Bhaibheri rinopikira kuti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) Rudzi rwomunhu ipapo rwuchaziva nzira yokufarikanya nayo zvokudya zvizhinji nenzira inobetsera, sezvo Bhaibheri richitivimbisawo kuti: “Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.
Nguva iyoyo youtano hwakakwana yava pedyo. Panguva ino, tinogona kuedza kuchengeta mwero wakati weutano hwakanaka kupfurikidza nokuita zvisarudzo zvakanaka pazvokudya zvinowanika kwatiri.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvimwe zvokudya zvinogona kuva mumapoka anopfuura rimwe. Bhinzi dzakaoma nemalentil, somuenzaniso, zvinogona kurangarirwa sezvokudya muboka remiriwo kana kuti zvimwe muboka renyama nebhinzi.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 30]
Pyramid Yenhungamiro Yezvokudya
Nenzira yokuchenjera sarudza zvokudya zvakawanda kuvambira pasi pePyramid yeNhungamiro yeZvokudya
Manda, mafuta, uye zviwitsi
Shandisa zvishoma
Mukaka, yogati, uye boka rechizi Nyama, huku, hove, bhinzi
Kudya ka2 kusvikira kuka3 pazuva dzakaoma, mazai, uye boka
remhodzi
Kudya ka2 kusvikira kuka3
pazuva
Boka remiriwo Boka remichero
Kudya ka3 kusvikira kuka5 pazuva Kudya ka2 kusvikira kuka4
pazuva
Chingwa, cereal, mupunga, uye pasita
kudya ka6 kusvikira kuka11 pazuva
[Kwazvakatorwa]
Manyuko: U.S. Department of Agriculture,
U.S. Department of Health and Human Services