RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 7/8 p. 32
  • “Handina Kutongoitira Hanya Kurava Mukai!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Handina Kutongoitira Hanya Kurava Mukai!”
  • Mukai!—1997
Mukai!—1997
g97 7/8 p. 32

“Handina Kutongoitira Hanya Kurava Mukai!”

Iwayo ndiwo mashoko omudzidzi wapaSan Jose State University, California, uyo ari kuita kosi yeEnvironmental Studies. Anopfuurira kuti: “Ndaiva nomurangariro wokuti magazini yacho yaizondiparidzira kuti—‘Enda kuchechi’ kana kuti, ‘Iva Chapupu chaJehovha.’ Bva, apo ini ndakarava ichi chinyorwa (January 8, 1996, ‘Pasi Redu Riri Kutyisidzirwa—Rinogona Kuponeswa Here?’), kukushamisika kwangu chakanga chine maidi zvikuru! Nyaya dzacho dzinobatanidza chati rine mashoko anorayiridza e‘Zvimwe Zvezvinetso Zvikuru Zvemhoteredzo Zvenyika,’ iyo inoratidza nzvimbo dzinotambura nokutemwa kwamasango, tsvina ine chepfu, kushatiswa kwemhepo yakapoteredza pasi, kuperevedza kwemvura, marudzi ari mungozi, uye kuipa kwenyika.

“Handisati ndava navana, bva ndinonetseka kana vachizova nemhepo yakachena yokufema, mapaka okutambira, kana kuti mvura kuti vararame. . . . Ndinokurumbidzai nokuda kweidzi nyaya.”

Mukai! zvino ine makopi ane mamiriyoni 18,3 echinyorwa chimwe nechimwe anoparadzirwa mumitauro 80, 56 yayo inobudiswa panguva imwe chete. Kana ungada kurava iyi magazini nguva dzose, tapota onana neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako, kupfurikidza norunhare kana kuti paHoro yoUmambo yomunzvimbomo, kana kuti nyorera kero iri pedyosa yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe