Kutarisana Nedenho Yacho
KUDENHWA kwetsika dzevatano kunotanga pakuvamba-vamba muupenyu nokuvapo kweterevhizheni, mabhuku, magazini, mabhaisikopo, uye nziyo zvinoratidzira vatano. Pwere dzinokurudzirwa kugamuchira mufambiro wevatano wevakura pasina kudzivirirwa kwokugadzikana kwemirangariro. Vamwe vabereki vanotowedzera dzvinyiriro yevatano kupfurikidza nokubvumira kushamwaridzana kwavane mitezo yakasiyana yokubereka nayo pazera duku. Dzvinyiriro yevaenzani inokurudzira kushamwaridzana nevane mitezo yakasiyana yokubereka nayo, uye pwere zhinji idzo dzine mukomana kana kuti musikana akadzikama dzakakurumidza kurega kurinda kwadzo ndokuva dzinoda kuita vatano. “Zvinozivikanwa zvikuru sei . . . kuti musikana muduku achiri kuyaruka anonzwa asingadiwi nevabereki vake . . . awire mukumbundirana kwevatano nomukomana wake achidavira zvisina kururama kuti zvichaunza rudo nokuva pedyo,” akatsinhira kudaro Luther Baker, purofesa wenzvero dzemhuri.
Pwere dzinowanzorarama makore adzo okuyaruka senguva yokupedzisira yokuzvigutsa muupenyu panzvimbo pokugadzirira upenyu. “Dzasundwa nesimba radzo idzva uye dzapwiswa nevaenzani kuti ushingi hwevatano ndiyo nzira yokuva murume, pwere zhinji dzinova zvikara zvevatano” dzichiri kuyaruka, akadaro Purofesa Baker. Makore 30 akapfuura, wezvenhau Arnold Toynbee akanyunyuta pamusoro penyengedzo yakaiswa papwere yedu, sezvaakadavira kuti nhau yakaratidza kuti rutivi rwokungwara kwokuMadokero kwazvino uno rwakabva mukukwanisa kusundira mberi ‘vatano’ yevachiri kuyaruka kuti vagopa ngwariro pakuwanwa kwezivo.
Vabereki Vari Pesvedzero Yakanaka
Vabereki vasingabvumiri vachiri kuyaruka kuti vafambidzane nevane mitezo yakasiyana yokubereka nayo nokuda kwenhandaro vanoratidza itiro hanya yepachokwadi nokuda kwoutano uye mufaro zvemunguva yemberi zvevana vavo. Kupfurikidza nokuva nemipimo yakakwirira yetsika nokuchengeta kurukurirano yakanaka, vanogona kuva vanopesvedzera muupenyu hwevana vavo. Kunzvera mufambiro wevatano wepwere kunoratidza kuti “iyi pesvedzero ingatungamirira vana vacho kuti vanonoke kuva nevatano,” maererano neJournal of Marriage and the Family.
Vabereki vanoroverera pfungwa yakasimba yokuzviranga uye yomutoro muvana vavo vanowana migumisiro yakanakisisa. “Apo vachiri kuyaruka nevabereki vavo vanova nemipimo inosimbisa kuva nomutoro, mikana yeachiri kuyaruka wacho yokuva nomwana wokunze kwomuchato inoderedzwa zvikuru,” inopupurira kudaro imwe nzvero. Izvozvi zvinorayira kubatanidzwa kwokukurumidza kuita chiito mumibato yevana—kutarisira basa ravo rinoitirwa kumba; kuziva kuti vari kupi uye vasonganiri vavo; vachigadza nharidzano dzedzidzo dzine mufungo; uye kugoverana zvinhu zvinokosha zvomudzimu. Vana vanokura vaine uku kusonganirana kwepedyo kwevabereki vachanzwa zviri nani pamusoro pavo vamene uye vachanzwa vakasununguka nezvishuvo zvavo zvevatano.
Zano rakanakisisa nokuda kwevose vari vaviri vabereki nevana uchenjeri hunowanikwa muBhaibheri. Vabereki muna Israeri vakarayirwa kudzidzisa vana vavo mipimo yetsika yakarurama. Jehovha akavabvunza kuti: “Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?” Izvi “zvakatemwa . . . zvakarurama” ndizvo zvavaifanira kudzidzisa vana vavo mumhoteredzo yemhuri youshamwari neyokuva pedyo. “Unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Vana vakarayirwa kuti: “Chengeta murayiro wababa vako, usarasha kudzidzisa kwamai vako.” Kurukurirano youshamwari, uye yepedyo yakadaro nomurayiridzo zvinobva kuvose vari vaviri baba namai zvinovaka muvana vavo chimiro chendangariro chakadzikama choupenyu uye zvishuvo zvevatano, izvo ‘zvicharinda’ pwere muupenyu hwayo hwose.—Dheuteronomio 4:8; 6:7; Zvirevo 6:20, 22.
Pwere, kuparadzirei nguva yenyu yemberi kupfurikidza nokutera kuzvishuvo zvevatano? Makore okuyaruka anenge manomwe. Anofanira kushandiswa kukura mundangariro, mumirangariro, nomumudzimu uye kukudziridza chimiro chendangariro chakadzikama chezvishuvo zvevatano, mukugadzirira makore 50 kana kuti 60 anotevera oupenyu. Vabereki, rangarirai mutoro wenyu wamakapiwa naMwari nenzira yakakomba, uye dzivirirai vana venyu mukutambura kwemwoyo kunounzwa nehosha dzinopfuudzwa muvatano uye pamuviri pasingadikanwi. (Muparidzi 11:10) Vana venyu ngavaone muupenyu hwenyu hwezuva nezuva kuti kuda nokurangarira vamwe zvinovaka sei ukama hunogarisa.
Kutarisana Nedenho Yacho Nenzira Inobudirira
Usabvumira kupengeswa nevatano kwenguva yako kuvhiringidza murangariro wako woupenyu ndokushatisa mukana wako wenguva yemberi inogutsa neinofadza. Fungisisa mienzaniso mizhinji youkama hwevanhu iri muBhaibheri. Iva nechokwadi chokuti upenyu norudo zvinoramba zvakajeka uye zvine revo nguva refu pashure pemakore okuyaruka. Apo iri idi rinorangarirwa zvakakomba mutsinhirano nokuda kwaMwari nokuda kwevarume nevakadzi vechiKristu, ipapo hwaro hunoiswa nokuda kwomubatanidzwa wepedyo nounogara wevanhu vaviri murudo.
Sezvaunonzvera varoorani vemuBhaibheri vakadai saJakobho naRakeri, Bhoazi naRute, uye mukomana mufudzi nomusikana muShuramiti, uchaona rutivi rwokukwezva kwevatano muukama hwavo. Zvisinei, sezvaunorava nokungwarira Genesi ganhuro 28 ne29, bhuku raRute, uye Rwiyo rwaSoromoni, uchacherechedza kuti pane zvimwe zvinhu zvinokosha izvo zvakapfumisa ukama hwakadaro.a
Gamuchira Gadziriro Dzoupenyu dzaJehovha
Jehovha, Musiki worudzi rwomunhu, anonzwisisa zvishuvo zvevatano zvevanhu uye sundo dzinobatanidzwa. Nenzira yorudo, akatisika nomufananidzo wake, kwete ne“mavara okugara nhaka okusasarura,” asi nokukwanisa kudzora mirangariro yedu mukuwirirana nokuda kwaMwari. “Kuda kwaMwari . . . murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa, asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari; munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi.”—1 VaTesaronika 4:3-6.
Izvozvi zvinoratidzirwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose. Zvinoremekedza mipimo yakakwirira yaMwari nokuda kwevarume nevakadzi vechiKristu. Varume vakuru vanorangarirwa savanababa, “navaduku savanun’una, navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Imhoteredzo yokufarikanya yakanaka sei nokuda kwemajaya nevasikana sezvavanokura zvizere, vasingaremerwi nedzvinyiriro dzokufambidzana nevane mitezo yakasiyana yokubereka nayo uye kuroora kana kuti kuroorwa nokukurumidza kana kuti nehosha dzinopfuudzwa muvatano! Mhuri yechiKristu inoshingaira, ichisimbiswa neungano yechiKristu, inzvimbo yakakotsekana munyika inopengeswa nevatano.
Dzichishandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwadzo, pwere dzechiKristu hadzipengeswi nevatano uye dzinowana mufaro mukupa ngwariro kumurayiro unopiwa muShoko raMwari wokuti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose. Dzinga zvinonetsa pamwoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvina maturo.”—Muparidzi 11:9, 10.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona peji 247 yebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]
Usabvumira kupengeswa nevatano kuti kushatise mukana wako wenguva yemberi inogutsa neinofadza
[Mufananidzo uri papeji 9]
Pwere dzinobatanidzwa mumibato yemhuri dzingasatsvaka kuva pedyo kwevatano