Murangariro weBhaibheri
Vakristu Vanofanira Kuramba Hondo Here?
“MACHECHI ANOFANIRA KURAMBA HONDO ZVEKARE SEZVAAKANGA AKAITA MUMAZANA EKUTANGA EMAKORE ECHIKRISTU.”—Hubert Butler, munyori wekuIreland.
PASHURE peshanyo kuYugoslavia pashure peHondo Yenyika II, Hubert Butler akanyora noushingi mashoko ari pamusoro apa munhoroondo yakanyorwa muna 1947 asi isina kubudiswa kutozosvikira gore rapfuura chete! Akakatyamadzwa nenzira iyo “Chechi yeChikristu mukati mehondo yakafuratira [nayo] mhaka dzisingatauriki ndokubva zvikuru kwazvo pakudzidzisa kwaKristu.”
Butler haana kutya kutaura noushingi nheyo dzisingadikanwi kana kuti mapoka. Apo akadaro, kazhinji kazhinji akanga ari ega. Akazvitaura pasina kutya apo aisiyanisa mufambiro wemachechi nechimiro chendangariro chokushinga cheZvapupu zvaJehovha, izvo zvakarondedzerwa muThe Irish Times se“zvirokwazvo sekete rerudzidziso risiri rematongerwe enyika uye risina charinopomerwa pane ose.” Munhoroondo yake, “Mushumo Pamusoro peYugoslavia,” Butler akanyora kuti Zvapupu, izvo “zva[ka]ramba kurangarira kwose kwekunyengera kunoruramiswa nako hondo nevatungamiriri mumabasa ezvematongerwe enyika neerudzidziso,” zvakatongwa nezviremera zveYugoslavia nokuda kwekuramba kwazvo kukumbanira basa rehondo.
Kwakarurama here muMagwaro, zvisinei, kurondedzera Zvapupu zvaJehovha sezvinoramba hondo? Kujekesa nhau yacho, kungatsamira pachinorehwa neshoko rokuti “anoramba hondo.” Butler akashandisa kutaura kwacho kurumbidza Zvapupu nokuda kwoushingi hwazvo mukuramba, pakutambura kukuru kwemunhu oga, kutora zvombo muhondo. Zvinosuruvarisa, kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vanobatwa mukunyanyisa kwehondo vanorangarira anoramba hondo bedzi “sembwende kana kuti mutengesi, uyu [a]noda kunzvenga basa rake kunyika yake.” Murangariro iwoyo wakarurama here?
Kushora Hondo Kana Kuti Masimba Masimba
Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary rinotaura kuti anoramba hondo mumwe munhu uyo “anoshora zvakasimba uye nokushingaira rwisano uye zvikuru[kuru] hondo.” Rinorondedzera “kuramba hondo” se“kushora hondo kana kuti masimba masimba semutoo wekupedza nawo kakavadzano; zvaka[nanga]: kuramba kutakura zvombo nemhaka yezvikonzero zvetsika kana kuti zverudzidziso.” Idzi rondedzero dzingashanda sei kuvatendi veungano yeChikristu chepakuvamba?
Vaka‘ramba kutakura zvombo nemhaka yezvikonzero zvetsika nezverudzidziso’ uye vakadzivisa ‘rwisano [yose] nehondo.’ Nei? Nemhaka yokuti vaiziva kuti Jesu akanga ataura kuti vateveri vake vakanga va“sati [vari] venyika” uye kuti “vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.” (Johane 15:19; Mateo 26:52) MuThe Early Church and the World, mumwe wezvenhau anotiudza kuti “kusvikira kukutonga kwaMarcus Aurelius munenge muna [161-180 C.E.], hakuna Mukristu aizova murwi mushure mokubhabhatidzwa kwake.” MuThe New World’s Foundations in the Old, mumwe wezvenhau anoti: “Vakristu vekutanga vaifunga kuti kwakanga kwakaipa kurwa, uye vaisabatira mumauto kunyange apo Umambo hwaida varwi.”
Basa reVakristu rakanga riri rokuparidza mashoko akanaka. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Vakanzwisisa kuti vakanga vasina basa rinobva kuna Mwari rokurwa nevavengi vake, rokuita sevapondi vaMwari, sokunge zvakadaro. (Mateo 5:9; VaRoma 12:17-21) Panongova bedzi apo vanonzi Vakristu vano‘bva zvikuru pakudzidzisa kwaKristu,’ sezvakataura Butler, vanobatanidzwa muhondo dzemarudzi. Ipapo vafundisi vanokomborera mauto uye vanonyengeterera rukundo, kazhinji kazhinji pamativi ose ari maviri erwisano. (Enzanisa naJohane 17:16; 18:36.) Mumazana amakore akapfuura, somuenzaniso, vaPurotesitendi nevaKaturike vakarwa hondo dzakawanda dzine chishava, kuchiguma ne“zvinotyisa izvo [zvakawira] Western Europe, mativi ose ari maviri achizvitaura kuva zvishandiswa zvokutsamwa kwaMwari,” anonyora kudaro Kenneth Clark mubhuku rake rinonzi Civilisation. Zvibvumikiso zvakaitwa zvekururamisa urwu rudzi rwehondo, inodaro Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature yaMcClintock naStrong, “sezviri pachena zvakaitwa zvichibva muchishuvo chokunyaradza simba rehurumende, uye zvinoramba zvakajeka chitendero chekare cheChikristu uye revo yose yeEvhangeri.”—Jakobho 4:4.
Vanoshora Hondo Chose Chose Here?
Zvisinei, ‘chitendero cheChikristu chekare uye revo yose yeEvhangeri’ zvakanga zviri zvokuramba hondo chaizvoizvo here? Vakristu vekare vaigona here kurondedzerwa zvirokwazvo sevairamba hondo, sezvamborondedzerwa? Aiwa! Nei zvisirizvo? Chimwe chikonzero ndechokuti, vakaziva kodzero yaMwari yekurwa hondo. (Eksodho 14:13, 14; 15:1-4; Joshua 10:14; Isaya 30:30-32) Kunze kwezvo, havana kutongopokanidza kodzero yaMwari yekupa Israeri wekare chiremera chokumurwira apo rudzi irworwo rwakabatira sechishandiswa chake choga pasi pano.—Pisarema 144:1; Mabasa 7:45; VaHebheru 11:32-34.
Mwari haana kodzero bedzi asiwo ane musengwa pahwaro hweruramisiro wekubvisa vanhu vakaipa mupasi. Vaiti vezvakaipa vakawanda havasati vachizotongodavidza zvikumbiro zvokushivirira zvaMwari kwavari kuti vagadzirise nzira dzavo. (Isaya 45:22; Mateo 7:13, 14) Kushivirira kwaMwari zvakaipa kune miganhu. (Isaya 61:2; Mabasa 17:30) Vakristu, naizvozvo, vanoziva kuti pakupedzisira Mwari achabvisa nokumanikidza vanhu vakaipa mupasi. (2 Petro 3:9, 10) Sezvinofanotaura Bhaibheri, ikoku kuchava “pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumoto unopfuta, achitsiva vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu.”—2 VaTesaronika 1:6-9.
Bhuku rekupedzisira reBhaibheri rinorondedzera iyi rwisano se“kurwa pazuva raMwari wamasimba ose,” kana kuti Armagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Rinotaura kuti Jesu Kristu achatungamirira muna iyoyi, kuti ano“rwa nokururamisa.” (Zvakazarurwa 19:11, 14, 15) Jesu Kristu nenzira yakarurama anonzi “Muchinda Worugare.” (Isaya 9:6) Asi haarambi hondo. Akatorwa imwe hondo mudenga yekubvisa mariri vavengi vose vaMwari vanopandukira. (Zvakazarurwa 12:7-9) Nokukurumidza acharwa imwe hondo kuti a“paradze avo vanoparadza nyika.” Zvisinei, vateveri vake pasi pano havasati vachizotora rutivi murutongeso irworwo rwaMwari.—Zvakazarurwa 11:17, 18.
Vakristu vechokwadi vanoda rugare. Vanoramba vasingatori rutivi chose chose murwisano dzenyika dzehondo, dzezvematongerwe enyika, uye dzedzinza. Asi, chaizvoizvo, havarambi hondo. Nei? Nemhaka yokuti vanogamuchira hondo yaMwari iyo pakupedzisira ichaita kuti kuda kwake kuitwe pasi pano—hondo ichapedza nhau huru youchangamire hwemuchisiko chose ndokubvisira pasi vavengi vose vorugare nokusingaperi.—Jeremia 25:31-33; Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Kristu Anonyombwa/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.