Zvino Ndinofara Kuva Mupenyu!
“Unoziva kuti uchafa, handizvo here?” chiremba akabvunza. Nenzira inosetsa, kaviri nguva yakapfuura, rufu rungadai rwakava zorodzo rinogamuchirwa. Asi kwete nguva ino. Regai nditsanangure.
NDAKARERERWA mumusha weLong Island, New York, umo baba vangu vakanga vari muchairi akakurumbira wemotokari dzemujaho. Vakanga vari mazvikokota aibudirira pamakwikwi. Vakanga vachinetsawo kuziva zvavanoda uye vakaoma zvikuru kufadza. Amai, pane rumwe rutivi, vakanga vari munhu worugare zvikuru, akanyarara, uyo akanga achitya zvikuru mujaho waBaba zvokuti vaisatombogona kushinga kunovaona vachiita mujaho.
Mukoma wangu neni takakurumidza kudzidza kugara takanyarara pamba, chimwe chinhu icho Amai vakanga vatorovedzana nacho kuita. Asi zvakanga zvisiri nyore. Tose taigara tichitya Baba. Kwakanditapura zvokuti handina kutongonzwa kuti ndaigona kuita chinhu chipi nechipi chakarurama. Kuzviremekedza kwangu ndimene kwakatoderera zvikuru apo, mumakore angu okuyaruka, imwe “shamwari” yemhuri yakandibata zvisina kufanira muvatano. Ndisisakwanisi kugonana nemanzwire angu, ndakaedza kuzviuraya. Ndiyo nguva yokutanga yandakafunga kuti rufu rwaizova zorodzo rinogamuchirwa.
Ndakanzwa ndisisina basa uye ndisingadiwi ndokuvamba chinetso chokudya chinowanzoitika kuvakadzi vaduku vane kuzviremekedza kwakaderera. Ndakavamba kurarama upenyu hwemafaro ndichitsvaka, kushandisa mirimo zvisina kufanira, ufeve, uye kubvisa pamuviri—sokutaura kunoita mutsetse werumwe rwiyo kuti, “kutsvaka rudo munzvimbo dzisiri idzo dzose.” Ndaiita zvokushandisa zvimudhudhudhu, mijaho yemotokari, nokushambira, uye panhambo nenhambo ndaiita nzendo dzokunobhejera kuLas Vegas. Ndaitsvakawo zano remuuki uye ndaishandisa bhodhi reOuija nokuda kwevaraidzo, ndisingaoni ngozi yokushandisa midzimu.—Dheuteronomio 18:10-12.
Mukuwedzera, kutsvaka mafaro kwakatungamirira kukubatanidzwa mumibato isiri yapamutemo yakadai sokutengesa mirimo nokuba muzvitoro. Kutsvaka kwangu rudo nokutenderwa kwakagumawo nevakomana vakawanda nezvikomba. Zvinhu zvose izvozvi zvakabatana ndokuumba mararamiro akanga ane ngozi zvikuru kupfuura zvandaiziva.
Humwe usiku, pashure pokunwa mubatanidzwa wechinwiwa chinodhaka nemirimo panzvimbo inogadzirirwa motokari mumugwagwa wemijaho, nokusachenjera ndakabvumira mukomana wangu kundiendesa kumba nemotokari. Pashure pokunge ndafenda ndiri pachigaro chemberi, sezviri pachena akaita zvimwe chetezvo. Ndakavhundutswa nokurovera kwokubondera ndokumuka. Ndakagariswa muchipatara ndakuvara zvikuru, asi pakupedzisira ndakapora ndine ibvi rerudyi rakaremadzwa bedzi.
Chishuvo Chechimwe Chinhu Chiri Nani
Kunyange zvazvo ndakanga ndisingatongoongi upenyu hwangu, ndakanga ndichishushikana zvikuru pamusoro pokuchengeteka nekodzero dzevana nemhuka uye pamusoro pokudzivirira mhoteredzo. Ndaishuva kuona nyika iri nani uye munhamburiko yokubetsera kuiita, ndakanga ndichishingaira mumasangano akawanda. Ichi chishuvo chenyika iri nani ndicho chakatanga kundikwezva kuzvinhu zvaitaurwa newandaishanda naye uyo akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akaramba achinongedzera ku“tsika ino” akagumbuka panguva ipi neipi apo zvinhu zvaikanganisika pabasa. Apo ndakamubvunza zvaaireva, akatsanangura kuti rimwe zuva nokukurumidza upenyu huchave husisina funganyo dzose. Sezvo ndaimuremekedza zvikuru, ndakateerera ndichifarira zvikuru.
Nenzira isingafadzi, hatina kuzoramba tichionana nokukurukurirana, asi handina kutongokanganwa zvinhu zvaakanga ataura. Ndakaziva kuti rimwe zuva ndaizofanira kuita chinjo huru mumararamiro kuitira kuti ndifadze Mwari. Asi ndakanga ndisati ndagadzirira. Bva, ndaizivisa vakwanyina veroorano vaikarirwa kuti rimwe zuva ndaizova Chapupu uye kana vaisada izvozvo, taibva tatorambana ipapo.
Somugumisiro, mukomana wangu wokupedzisira akanga achida kuziva zvakawanda, achitaura kuti kana ndaifarira, angangofarirawo. Naizvozvo takavamba kutsvaka Zvapupu. Panzvimbo pezvo, vakatiwana apo vakasvika pasuo rangu remberi. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, asi pakupedzisira, mukomana wangu akasarudza kumira kufunda ndokudzokera kumudzimai wake.
Fundo yangu yeBhaibheri kazhinji kazhinji yaisava yenguva dzose. Kwakanditorera nguva kunzwisisa murangariro waMwari pamusoro peutsvene hwoupenyu. Pandakangogadzirisa mafungire angu, zvisinei, ndakaona kudikanwa kwokurega nzendo dzokuenda kumutambo wokusvetuka kubva mundege nokurega kuputa. Sezvo upenyu hwakava hunokosha zvikuru kwandiri, ndakanga ndagadzirira kugadzikana ndokusatamba noupenyu hwangu zvakare. Pana October 18, 1985, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha kupfurikidza norubhabhatidzo rwomumvura. Ndisatongoziva kuti nokukurumidza upenyu hwangu hwaizova mungozi.
Kushuva Zvakare Kufa
Mwedzi mishomanene gare gare—pausiku hwaMarch 22, 1986—ndakanga ndiri mberi kwemba yangu, ndichibudisa mbatya dzakanga dzabva kundogezwa mumotokari yangu, apo imwe motokari yaimhanya yakandirova ndokundizvuzvurudza anopfuura mamita makumi matatu! Ndakawirwa netsaona inoitika muchairi wemotokari yacho obva atiza. Kunyange zvazvo ndakakuvara musoro, ndakanga ndichiziva nguva yose.
Chiso chakatarira pasi pakati pemugwagwa wakati ndoo, ndaingogona kufunga bedzi nezvekutyisa kwokurohwazve. Marwadzo acho akanga akakomba, kupfuura zvandaigona kutsungirira. Naizvozvo ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha kuti andirege ndife. (Jobho 14:13) Mumwe mukadzi akasvika uyo akanga ari mukoti. Ndakamukumbira kugadzirisa makumbo angu sezvo akanga akuvadzwa. Akaita kudaro, akandisungawo nerutivi rwerokwe rake, kuti amise kubuda kweropa panzvimbo dzakawanda dzakanga dzatyoka-tyoka pagumbo rimwe. Shangu dzangu dzakawanikwa dzava kure nechinhambwe chebhuroko rimwe, dzizere neropa!
Vapfuuri, vasingazivi kuti ndakanga ndichifamba netsoka, vakaramba vachindibvunza kwaiva nemotokari yangu. Ndisingazivi kuti ndakanga ndazvuzvurudzirwa kure zvakadini, ndakafunga kuti ndakanga ndichiri pedyo nayo! Apo varapi vakasvika, vakafunga kuti ndaizofa. Naizvozvo vakadana matikitivha emapurisa, sezvo kuuraya munhu nemotokari kuchigona kuva mhaka yakakomba. Muchairi wacho akazosungwa pakupedzisira. Vakavhara mugwagwa panharaunda yacho sepanzvimbo pakaitika mhaka ndokuchengeta motokari yangu seufakazi. Masuo ose ari maviri kurutivi rumwe akanga akwachurwa.
Kutarisana Nedambudziko
Panguvayo, apo ndakasvika panzvimbo yevakuvara yomunzvimbomo, ndakaramba ndichidzokorora, kunyange nomuchokufemesa kuti: “Ropa kwete, ropa kwete. Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Chinhu chokupedzisira chandinoyeuka kunzwa chigero chemachira chichikwira nokumusana kwangu uye ndichinzwa chikwata chevarapi vavakakuvara chichishevedzera mirayiridzo nembavarira.
Apo ndakamuka, ndakashamisika nokuva mupenyu. Pamwe ndaimbova ndichiziva pamwe ndaimbova ndisingazivi chinhu. Nguva imwe neimwe yandaimuka, ndaikumbira vemhuri yangu kuti vaonane nevaroorani vakanga vadzidza neni Bhaibheri. Mhuri yangu yakanga isingafari kuti ndakanga ndava Chapupu, naizvozvo vaka“kanganwa” nemaune kuvazivisa. Asi handina kurega—ndicho chakanga chiri chinhu chokutanga chandaibvunza nezvacho nguva iri yose yandaivhura maziso angu. Pakupedzisira, kusarega kwangu kwakashanda, uye rimwe zuva apo ndakamuka, vakanga varipo. Izorodzo rakadini! Vanhu vaJehovha vakaziva kwandakanga ndiri.
Mufaro wangu wakanga uri wechinguvana, zvisinei, nemhaka yokuti uwandu hweropa rangu hwakavamba kuderera uye ndakaita fivha. Mapfupa aifungidzirwa kuti aiparira hosha akabviswa, uye simbi ina dzakaiswa mugumbo rangu. Asi nokukurumidza fivha yacho yakadzoka, uye gumbo rangu rakasviba. Kufa kwamasero kwakanga kwavamba, uye kurarama kwaitsamira pakugura gumbo racho.
Ndakamanikidzwa Kuisirwa Ropa
Sezvo uwandu hweropa rangu hwakanga hwadzikira zvikuru, kuvhiya kwakarangarirwa sekusingabviri pasina kuisirwa ropa. Vanachiremba, vanamukoti, mitezo yemhuri, uye dzaichimbova shamwari vakadanwa kuzondimanikidza. Ipapo, zevezeve rakavamba pasuo rangu. Ndakanzwa vanachiremba vachironga chimwe chinhu, asi handina kugona kunzwisisa kuti chaiva chii. Sezvineiwo, Chapupu chakanga chichishanya panguva yacho chakanzwa zano rokuedza kundimanikidza kuisirwa ropa. Chakakurumidza kuonana nevakuru veChikristu vemunzvimbomo, avo vakandibetsera.
Murapi wendangariro akatsvakwa kuti azonzvera chimiro chendangariro dzangu. Chinangwa chiri pachena chakanga chiri chokuti ndinzi ndave kupenga uye nenzira iyoyo ndokufuratira zvishuvo zvangu. Iri zano rakakundikana. Ipapo, mumwe mutezo wevafundisi, uyo wakanga wabvuma kuisirwa ropa pachawo, wakaunzwa kuti uzondipwisa kuti kuisirwa ropa kwaibvumirwa. Pakupedzisira, mhuri yangu yakatsvaka murayiro wedare wokundimanikidza kuisirwa ropa.
Dzinenge 2 kiroko dzemangwanani, chikwata chavanachiremba, munyori wedare anoshandisa manyorero anokurumidza, nhume yomukuru mukuru wedare magweta aimirira chipatara, uye mutongi vakafamba vachipinda mukamuri rangu romuchipatara. Dare rakatanga. Ndakanga ndisina kufanoziviswa, ndisina Bhaibheri, ndisina mumiririri, uye ndakanga ndapiwa mishonga yokunyaradza marwadzo yakawanda zvikuru. Chii chakava mugumisiro wedare racho? Mutongi wacho akaramba murayiro wacho wedare, achitaura kuti akanga atoororwa zvikuru neperero yeZvapupu zvaJehovha kupfuura zvaakanga aitwa kare.
Chipatara chiri muCamden, New Jersey, chakabvuma kutarisira nhau yangu. Sezvo vatarisiri vechipatara vaiva muNew York vakanga vagumburwa, vakarega kundirapa kwose, kubatanidza kundipa mishonga yokunyaradza marwadzo. Vakarambawo kubvumidza herikopita kumhara iyo yaifanira kunditakura kuenda kuchipatara cheNew Jersey. Ndinoonga, kuti ndakakwanisa kusvika ndiri mupenyu apo ndakaenda neamburenzi ikoko. Pandakasvika, ndakanzwa mashoko adudzwa pakuvamba kwenyaya ino okuti: “Unoziva kuti uchafa, handizvo here?”
Kuvhiyiwa—Kwakabudirira
Ndakanga ndisina kana simba zvokuti mukoti aitofanira kundibetsera kutara X pafomu rokubvuma kuti ndibvumire kuvhiyiwa. Gumbo rangu rorudyi raifanira kugurwa nechapamusoro pebvi. Pashure pezvo, uwandu hwezvinotsvukisa ropa hwakadzika pasi pa2, uye vanachiremba vakafungira kukuvadzwa kweuropi kwakakomba. Ikoku kwakanga kuri nemhaka yokuti vakanga vakundikana kuwana mhinduro apo vakanga vachindidanidzira munzeve mangu kuti, “Virginia, Virginia”—zita rakanga riri pamapepa angu okupinda muchipatara. Asi apo ndakanzwa kuti, “Ginger, Ginger,” achizevezerwa zvinyoronyoro gare gare, ndakavhura maziso angu ndokuona murume uyo ndakanga ndisati ndatongoona kare.
Bill Turpin akanga achibva muimwe yeungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha muNew Jersey. Akanga anzwa zita rangu rokunemera rokuti Ginger—randakanga ndave ndichizivikanwa naro kweupenyu hwangu hwose—kubva kuZvapupu zvemuNew York. Akaumba mibvunzo yandaingogona kupindura nokubwaira. Sezvo ndakanga ndiri pamuchina wokubetsera kufema uye ndaisagona kutaura nyange napaduku pose. “Unoda kuti ndirambe ndichiedza kukushanyira,” akabvunza kudaro, “uye kuudza Zvapupu zvemuNew York nezvako here?” Hakuzi kubwaira kwandakaita! Hama Turpin vakanga vaisa upenyu hwavo mungozi nokuverevedza vachipinda mukamuri rangu, sezvo mhuri yangu yakanga yarayira kuti ndaisafanira kuva nevashanyi vaiva Zvapupu.
Pashure pemwedzi mitanhatu yokuva muchipatara, ndakanga ndichiri kungogona kuita mibato yezuva nezuva inokosha bedzi, zvakadai sokudya ndoga nokugeza mazino angu. Pakupedzisira, ndakawana gumbo rokuisira uye ndaikwanisa kufamba-famba zvishoma nemudonzvo. Apo ndakabuda muchipatara muna September 1986 ndokudzokera kufurati rangu, kweinenge mimwe mwedzi mitanhatu mubetseri weutano akagara neni kumba kuti andibetsere.
Betsero Yakabva Kuuhama Hwedu
Kunyange ndisati ndadzokera kumba, ndakavamba zvirokwazvo kuonga zvakunoreva kuva rutivi rwouhama hweChikristu. (Marko 10:29, 30) Hama nehanzvadzi dzakatarisira norudo kwete bedzi zvinodikanwa zvangu zvokunyama asi nezvomudzimuwo. Nebetsero yadzo yorudo, ndakakwanisa kutangazve kupinda misangano yeChikristu uye, pashure penguva yakati, kunyange kugoverana muhunonzi ushumiri hweupiyona hwebetsero.
Mhosva ine chokuita nevanhu yaipiwa muchairi wemotokari, inowanzotora makore asiri pasi pemashanu kunyange kuti iiswe parudungwe rwokupinda mudare, yakagadzikiswa mukati memwedzi inoverengeka—zvikashamisa gweta rangu. Nemari yandakanga ndaripwa pakugadzikiswa kwenyaya yacho, ndakakwanisa kutamira kumusha uri nyore kusvika. Mukuwedzera, ndakatenga motokari yakanga ine chokusimudza wiricheya nezvokudzorwa zvemaoko. Nokudaro, muna 1988, ndakapinda mubasa roupiyona hwenguva dzose, ndichipa maawa anenge 1 000 kubasa rokuparidza gore rimwe nerimwe. Kwemakore ose aya, ndakafarikanya kushanda ndima dziri munyika dzeNorth Dakota, Alabama, uye Kentucky. Motokari yangu yafamba anopfuura makiromita 150 000, mazhinjisa awo muushumiri hwechiKristu.
Ndakava nezvakaitika kwandiri zvizhinji zvinofadza mukushandisa kwangu chimudhudhudhu chemagetsi chine mavhiri matatu. Kaviri ndakabheuka nacho ndichishanda nevadzimai vevatariri vematunhu. Kamwe, muAlabama, ndakakanganisa nokufunga kuti ndaigona kusvetuka karukova nacho ndokuguma ndava pasi, ndazara madhaka. Zvisinei, kuzvitora sezvinosetsa ndisinganyanyi kufunga nezvangu ndimene zvakandibetsera kuchengeta murangariro wakanaka.
Ndakatsigirwa Netariro Yechokwadi
Pane dzimwe nguva zvinetso zvoutano zvave zviri zvinenge zvakanyanyisa. Ndaifanira kumbomira kupayona panhambo mbiri makore mashomanene akapfuura nokuti kwairatidzika sokunge kuti rimwe gumbo rangu raifanira kugurwa. Tyisidziro yokurasikirwa negumbo rangu inogara iripo zvino, uye kwemakore mashanu akapfuura, ndave ndichimanikidzirwa chose chose kuramba ndiri pawiricheya. Muna 1994, ndakatyoka ruoko, ndaida kubetserwa kugeza, kupfeka, kubika, uye kuchenesa uye ndaifanira kuva nechokufambisa kuenda kwose kwose. Bva, nemhaka yebetsero yehama, ndakakwanisa kupfuurira kupayona ndichipfuura nomumhinganidzo iyi.
Muupenyu hwangu hwose ndakatsvaka zvairatidzika kuva zvinofadza, asi zvino ndinoona kuti nguva dzinofadza zvikuru dziri mberi. Kupwiswa kwangu kwokuti Mwari achaporesa undonda hwose huripo zvino munyika yake itsva iri kusvika nokukurumidza ndiko kunoita kuti ndifarire kuva mupenyu zvino. (Isaya 35:4-6) Munyika itsva iyoyo, ndinokarira kushambira nehove huru, ndichifamba-famba kuti ndione makomo neshumba nevana vayo, uye ndichiita chimwe chinhu chiri nyore sokufamba pamahombekombe erwizi. Zvinondifadza kufungidzira ndichiita zvinhu zvose izvo Mwari akatisikira kuti tifarikanye muParadhiso yapasi iyoyo.—Yakataurwa naGinger Klauss.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Apo kubhejera kwakanga kuri rutivi rwoupenyu hwangu
[Mufananidzo uri papeji 25]
Zvipikirwa zvaMwari zvinonditsigira