Yamuro Yedzidzo Yemararamiro
Mumwe mudzidzisi wechikoro muZimbabwe, Africa, akacherechedza kuti paNyatsime College, apo anodzidzisa, chidzidzo chinoti “Dzidzo Yemararamiro” chinogoverwa. Akarondedzera zvinetso zvemhuri zvaakanga awana ndokubvuma kuti aida betsero mukuzvipedza.
Achitsanangura zvakaitika pashure peroorano yake amene, akati: “Zvinetso zvakatanga panenge pakarepo ndokutungamirira kukusarudza kwedu kuparadzana muna November 1989.” Paivawo nezvimwe zvinetso. Akanyora kuti: “Ndini dangwe raamai vangu, avo vakanga vari mukadzi wokutanga wababa vangu. Pandaiva mugore rechipiri repurogiramu yangu yokurovedzwa somudzidzisi, baba vangu vakafa, vachindisiyira kutarisira vanin’ina nehanzvadzi 16.”
Kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwakabetsera uyu mudzidzisi wechikoro kupedza zvinetso zvake zvemhuri. Iye nomudzimai wake vakabatanidzwazve uye vanofara. Akanyora kuti: “Mudzimai wangu neni takadzidza nechakaitika kwatiri kuti nhamburiko dzomunhu dzokupedza zvinetso zvake asingatariri kuna Mwari hadzina maturo.” Zvakadiniko, zvisinei, nezvokubetsera vadzidzi vake kugadzirisa zvinetso zvavo?
“Ndakarumbidza bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda kumukuru wedu wechikoro nevamwe vadzidzisi sebhuku rinofundwa rakakodzera,” akanyora kudaro. “Vose vakabvuma, uye chikoro chakandipa odha yemabhuku 56, iyo ndakasvitsa kare kare kuchikoro.”
Tinodavira kuti iwewo uchabetserwa zvikuru neiyi yamuro yedzidzo ine mifananidzo inokwezva, yemapeji 320. Kana ungada kugamuchira kopi yayo kana kuti ungada kuva nefundo yeBhaibheri yepamusha yepachena, tapota nyorera Watch Tower Society, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakarurama iri papeji 5.