Sango Rinogara Richinaya reAmazon—Raiva Rakavanzwa Mungano
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL
MAINDIA eIrimarai aigara akatevedza Rwizi rweNapo rwokuPeru aisagona kudavira zvaakaona! Zvikepe zviviri zvaive nemicheka inobata mhepo yakachinjika, zvakasiyana nemagwa awo matete, zvakauya nomumvura zvakananga musha wawo. Akaona varwi vane ndebvu varimo—vakasiyana nerumwe rudzi rupi rwaakanga ati amboona. Akangaidzwa, maIndia acho akaita chipatapata chokutsvaka pokuvanda ndokungotarira sezvo vokumwe veganda jena vakasvetukira pamhenderekedzo, vakadya mugove wezvokudya zvomusha wacho, uye ipapo ndokuenda zvakare nomumvura—vachikuchidzirwa nepfungwa yokuita mukurumbira seboka revafambi rokutanga kugura nomusango rose rinogara richinaya, kubva kuMakomo eAndes kusvikira kuGungwa reAtlantic.
Mukati megore iroro, 1542, rudzi rwechiIndia rumwe pashure porumwe rwakatambura tyisidziro dzakafanana sezvo vapanguri veEurope ivavo, vachiratidza uta uye pfuti, vakaramba vachipinda mukati-kati mesango remunyika dzinopisa zvikuru reSouth America.
Francisco de Orellana, kaputeni wokuSpain aitarisira vakundi, akakurumidza kuziva kuti shoko rokupamba kwemauto ake nokupfura rakanga rafamba nokukurumidza kupfuura zvikepe zvavo zviviri. Marudzi emaIndia ari zasi zvishoma kworwizi (pedyo neguta reBrazil ranhasi reManaus) nemiseve yavo yakagadzirira kupfura vakanga vakamirira vavhozhokeri vanopfuura 50.
Uye maIndia iwayo akanga asingapotsi, akabvuma kudaro mumwe mutezo wevatyairi vechikepe Gaspar de Carvajal. Akataura zvaakazvionera, nokuti rimwe remapfumo emaIndia acho rakanga ramubaya pakati pembabvu. “Dai kwanga kusiri kukora kwenguo yangu,” akanyora kudaro mumongi wacho akakuvara, “ndingadai ndakafa.”
‘Vakadzi Vanorwa Sevarume Gumi’
Carvajal akapfuurira kurondedzera simba rinosunda riri seri kwemaIndia ane ushingi iwayo. ‘Takaona vakadzi vachirwa vari mberi kwevarume semakaputeni echikadzi. Vakadzi ava vachena uye varefu, nebvudzi ravo refu rakarukwa ndokumonerwa rakatenderedza misoro yavo. Vane simba uye, neuta hwavo nemiseve mumaoko avo, mumwe nomumwe wavo ari kurwa sevarume gumi.’
Kuti kuona kwavapanguri varwi vechikadzi kwakanga kuri chaikoiko kana kuti, zvimwe seizvo mamwe manyuko anotaura, “chionowo zvacho chakaparirwa nefivha yomusango” hazvizivikanwi. Asi maererano nedzimwe nhoroondo zvisinei, pakasvika nguva apo Orellana naCarvajal vakasvika panodira rwizi rukuru rwacho mugungwa ndokufamba vachipinda muGungwa reAtlantic, vakadavira kuti vakanga vaona rudzi rwevaAmazon veAmerica, varwi vechikadzi vanotyisa vanorondedzerwa mungano yechiGiriki.a
Mumongi Carvajal akachengetedzera zvizvarwa zvinotevera rungano rwacho rwevaAmazon veAmerica kupfurikidza nokurubatanidza munhoroondo yake yaakaona yerwendo rwemwedzi misere rwaOrellana. Kaputeni Orellana, iye amene, akafamba nomumvura achienda kuSpain, uko akapa nhoroondo yakajeka yerwendo rwake achitevedza rwaakati Río de las Amazonas, kana kuti Rwizi rweAmazon. Nokukurumidza, vagadziri vemapu vemuzana ramakore rechi16 vakanga vava kunyora zita idzva pamapu yakanga ichangovamba yeSouth America—Amazon. Naizvozvo sango reAmazon rakava rakavanzwa mungano, asi zvino sango iroro rava kuzivikanwa zvinonetsa.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “Amazons” sezvingabvira rinobva mushoko rechiGiriki a, rinoreva “asina,” uye ma·zosʹ, rinoreva “zamu.” Maererano nengano, vaAmazon vaibvisa zamu rekurudyi kuti vabate uta nomuseve zviri nyore zvikuru.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 11]
Mufananidzo wapamusoro uri shure: The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck