RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 3/8 pp. 11-13
  • Kurega Utsotsi Hwakarongwa—“Ndakanga Ndiri Yakuza”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurega Utsotsi Hwakarongwa—“Ndakanga Ndiri Yakuza”
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Kwemhuri Yangu
  • Kubuda Mutorongo
  • Kurega Upenyu Hwangu Hwoutsotsi
  • Neiko Utsotsi Hwakarongwa Huchibudirira?
    Mukai!—1997
  • Nyika Isina Utsotsi—Sei?
    Mukai!—1997
  • “Ndaiva Nehasha Dzisingaiti”
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 3/8 pp. 11-13

Kurega Utsotsi Hwakarongwa—“Ndakanga Ndiri Yakuza”

“BABA, apo munouya kumba, ngatiendei kumisangano pamwe chete. Ndivimbisei, muchadaro here?” Ndakagamuchira iyi tsamba kubva kumwanasikana wangu wechipiri pandaiva mutorongo kechitatu. Akanga achipinda misangano yeZvapupu zvaJehovha nguva dzose nomudzimai wangu. Sezvo tsamba dzaibva kumhuri yangu dzakanga dziri manyuko bedzi enyaradzo, ndakamuvimbisa kuti ndaizoita sezvaakanga akumbira.

‘Nei ndiri kurarama upenyu hwoutsotsi uhwo hunondibvisa kumhuri yangu?’ ndakafunga kudaro. Ndakayeuka mazuva apo ndakanga ndiri muduku zvikuru. Baba vakafa pandaive nemwedzi 18 bedzi yokukura, naizvozvo handitongoyeuki chiso chavo. Mai vakaroorwazve kaviri pashure paizvozvo. Mamiriro ezvinhu emhuri akadaro akanditapura zvikuru, uye muchikoro chapamusoro ndakavamba kusonganirana nevanoita masimba masimba. Ndakava nemasimba masimba ndokubatanidzwa kazhinji kazhinji mukurwisana kunze kwechikoro. Pandaiva mugore rangu rechipiri rechikoro chapamusoro, ndakaronga boka ravadzidzi kuti rirwe nerimwe boka. Somugumisiro, ndakasungwa ndokuendeswa kusangano rokuranga kwechinguvana.

Ndakanga ndakafanana nebhora riri kukunguruka pamawere ndichienda kuupenyu hwamasimba masimba. Nokukurumidza ndakaumba boka resindimari, uye taigona kutenderera-tenderera pedyo nehofisi yeboka reyakuza. Pamakore 18, ndakava nhengo izere yeboka iroro. Pandaive nemakore 20, ndakasungirwa zviito zvakasiyana-siyana zvemasimba masimba uye ndakatongerwa makore matatu mutorongo. Kutanga, ndakashanda ndiri muTorongo Revechiduku reNara, asi maitire angu haana kuva nani. Naizvozvo ndakaendeswa kune rimwe torongo, revakuru. Asi ndakanyanyisa kuipa ndokupedzisira ndava muKyoto mutorongo rematsotsi ari nhinhi.

‘Ndinorambirei ndichipara idzi mhaka?’ ndakazvibvunza kudaro. Sezvandinotarira shure, ndinoziva kuti yaiva mhaka yokurangarira kwangu kwoupenzi. Panguva yacho, ndaifunga kuti maitire akadaro aiva echirume, chibvumikiso chokuva kwangu murume. Pandakabudiswa mutorongo pazera ramakore 25, nhengo biyangu dzegen’a rematsotsi dzakandiremekedza somunhu anokosha. Zvino nzira yakanga yakandizarukira kuti ndiwane nzvimbo yepamusoro mune zvoutsotsi.

Kuita Kwemhuri Yangu

Ndakaroora panenge panguva iyoyo, uye nokukurumidza mudzimai wangu neni takava nevanasikana vaviri. Zvisinei, upenyu hwangu hauna kuchinja. Ndakaramba ndichienda nokudzoka kumba nokumapurisa—ndakanga ndichirova vanhu uye ndichiita ugororo. Chiitiko chimwe nechimwe chakandibetsera kuwana ruremekedzo rwenhengo biyangu dzegen’a rematsotsi uye chivimbo chabhosi wacho. Pakupedzisira, “mukoma” wangu weyakuza akakwanisa kuva mukuru wegen’a ndokuva bhosi wacho. Ndakakwidziridzwa kuva wechipiri.

‘Mudzimai wangu nevanasikana vanonzwa sei pamusoro pemararamire angu?’ ndakafunga kudaro. Vanofanira kuva vakanyadziswa kuva netsotsi somurume nababa. Ndakaiswazve mutorongo pazera remakore 30 uye ipapo zvakare pandaiva nemakore 32. Nguva ino, nhambo yemakore matatu mutorongo yakanga yakandiomera chaizvoizvo. Vanasikana vangu vaisabvumidzwa kundishanyira. Ndakasuwa kutaura navo nokuvambundira.

Panenge panguva yandakavamba kubatira iyi nhambo yokupedzisira yetorongo, mudzimai wangu akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zuva nezuva akandinyorera pamusoro pechokwadi chaakanga achidzidza. ‘Chokwadi ichi icho mudzimai wangu ari kutaura pamusoro pacho chii?’ ndakashamisika kudaro. Ndakarava Bhaibheri rose ndiri mutorongo. Ndakarangarira izvo mudzimai wangu akanga achitaura mutsamba dzake pamusoro petariro yenguva yemberi uye pamusoro pedonzo raMwari.

Tariro yavanhu vachirarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano yaifadza nokuti rufu rwaindityisa chaizvoizvo. Ndakanga ndafunga nguva dzose kuti, ‘Kana ukafa, ndiwe waruza.’ Sezvandinotarira shure, ndinoziva kuti kwaiva kutya kufa uko kwaindisunda kuti ndikuvadze vamwe vasati vagona kundikuvadza. Tsamba dzomudzimai wangu dzakandiitawo kuti ndione kusabetsera kwenharidzano yangu yokuwana nzvimbo yapamusoro mune zvemagen’a.

Kunyange zvakadaro, handina kusundwa kuti ndifunde chokwadi. Mudzimai wangu akazvitsaurira kuna Jehovha ndokuva mumwe weZvapupu zvake zvakabhabhatidzwa. Kunyange zvazvo mutsamba yangu ndakanga ndabvuma kuenda kumisangano yavo, ndaisafunga nezvokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakanzwa sokunge kuti mudzimai wangu nevanasikana vakanga vaenda kure zvikuru neni, vachindisiya shure.

Kubuda Mutorongo

Zuva rakasvika pakupedzisira rokuti ndisunungurwe. Pasuo reTorongo reNagoya, nhengo zhinji dzegen’a rematsotsi dzakaita mudungwe kuti dzindigamuchire. Muboka guru ravanhu, zvisinei, ndakanga ndichitsvaka bedzi mudzimai wangu nevanasikana vangu. Ndichiona vanasikana vangu, avo vakanga vakura zvikuru mumakore matatu nemwedzi mitanhatu, ndakasundwa kuchema.

Mazuva maviri pashure pokuenda kumba, ndakachengeta vimbiso yangu kumwanasikana wangu wechipiri ndokupinda musangano weZvapupu zvaJehovha. Ndakashamiswa kuona chimiro chendangariro chokufara chavose vaivapo. Zvapupu zvacho zvakandigamuchira noushamwari, asi ndakanzwa ndisina kukodzera kuvapo. Apo ndakaziva gare gare kuti avo vakanga vandikwazisa vaiziva nezvemamiriro angu ezvinhu ekare outsotsi, ndakakatyamadzwa. Ndakanzwa ushamwari hwavo, zvisinei, uye ndakafadzwa zvikuru nehurukuro yakavakirwa paBhaibheri yakapiwa. Yaiva nechokuita navanhu vachirarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.

Mufungo wokupukunyuka kwomudzimai wangu nevanasikana vachipinda muParadhiso uye ini ndichiparadzwa wakandirwadza zvikuru kwazvo. Ndakafungisisa zvakakomba izvo ndaifanira kuita kuti ndirarame nokusingaperi nemhuri yangu. Ndakavamba kurangarira kurega upenyu hwangu senhengo yegen’a rematsotsi, uye ndakavamba kufunda Bhaibheri.

Kurega Upenyu Hwangu Hwoutsotsi

Ndakarega kupinda misangano yegen’a ndokurega kusonganirana neyakuza. Kwaisava nyore kuchinja mafungire angu. Ndaifamba nemotokari hombe yakabva kunze kwenyika nokuda kwokufadzwa bedzi—chakanga chiri chiito chinogutsa. Kwakatora makore matatu kuti nditengese motokari yangu nokuda kweine mwero. Ndaivawo nechimiro chendangariro chokutsvaka nzira iri nyore yokuita nayo zvinhu. Sezvandakadzidza chokwadi, zvisinei, ndaigona kuona kuti ndaifanira kuchinja. Asi seizvo Jeremia 17:9 inotaura, “mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose?” Ndaigona kuziva chakanga chakarurama asi zvakanga zvakandiomera kushandisa zvandaidzidza. Zvinetso zvandaitarisana nazvo zvairatidzika segomo guru. Ndakanetseka, uye kazhinji ndakafunga zvokurega fundo yacho ndokurega pfungwa yokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Ipapo, muitisi wangu wefundo yeBhaibheri akakoka mutariri anofambira uyo akabva mumamiriro ezvinhu ekare akafanana neangu kuzopa hurukuro yavose muungano yedu. Kubva kuAkita, kure nemamaira 400, akauya kuSuzuka kubva ikoko kwose kuzondikurudzira. Pashure paikoko, papi nepapi pandaiva akaneta ndokufunga nezvokurega, ndaigamuchira tsamba kubva kwaari, achindibvunza kana ndakanga ndichifamba zvakatsiga munzira yaShe.

Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha kuti andibetsere kurega batano dzangu dzose dzeyakuza. Ndaiva nechivimbo chokuti Jehovha aizopindura munyengetero wangu. Muna April 1987, ndakakwanisa pakupedzisira kubuda musangano reyakuza. Sezvo bhizimisi rangu pachangu raindiendesa mhiri kwemakungwa mwedzi uri wose, kure nemhuri yangu, ndakachinjira basa rangu kubasa romutarisiri wezvivako. Ikoku kwakasiya masikati angu akasununguka nokuda kwemibato yomudzimu. Kwenguva yokutanga, ndakagamuchira hamvuropu yepeyi. Yakanga yakareruka, asi yakandiita kuti ndifare zvikuru.

Apo ndaiva wechipiri musangano reyakuza, ndaiva ndakapfuma mune zvokunyama, asi zvino ndine upfumi hwomudzimu uhwo husingaparari. Ndinoziva Jehovha. Ndinoziva madonzo ake. Ndine nheyo dzokurarama mukuwirirana nadzo. Ndine shamwari dzechokwadi dzinoitira hanya. Mune zveyakuza, nhengo dzegen’a rematsotsi dzaiitira hanya nechokunze, asi hapana yakuza wandaiziva, kunyange mumwe, aizozvipira amene nokuda kwavamwe.

Muna August 1988, ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha kupfurikidza norubhabhatidzo rwomumvura, uye mwedzi wakatevera, ndakavamba kupedza anenge maawa 60 pamwedzi ndichiudza vamwe pamusoro pemashoko akanaka ayo akanga achinja upenyu hwangu. Ndave ndichibatira somushumiri wenguva yakazara kubvira muna March 1989 uye zvino ndakapiwa ropafadzo yokushanda somubatiri anoshumira muungano.

Ndakakwanisa kuzvibvisira ndimene zvizhinjisa zvezvisarira zvoupenyu hwangu hweyakuza. Zvisinei, kune chimwe chasara. Inyora iri pamuviri pangu iyo inondiyeuchidza, pamwe chete nemhuri yangu nevamwe, nezvenguva yangu yakapfuura yeyakuza. Pane imwe nguva, mwanasikana wangu mukuru akauya kumba achibva kuchikoro achichema, achitaura kuti aisazoendazve kuchikoro nokuti shamwari dzake dzakamuudza kuti ndakanga ndiri yakuza uye ndaiva nenyora. Ndakakwanisa kukurukura nhau yacho zvikuru nevanasikana vangu, uye vakasvika pakunzwisisa mamiriro acho ezvinhu. Ndiri kukarira zuva apo pasi richava paradhiso uye nyama yangu ichava “itsva kupfuura yomwana.” Ipapo nyora dzangu neyeuko dzemakore 20 oupenyu hweyakuza zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Jobho 33:25; Zvakazarurwa 21:4)—Yakataurwa naYasuo Kataoka.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ndinoshuva zuva apo nyora dzangu dzichadzimwawo

[Mufananidzo uri papeji 13]

PaHoro yoUmambo nemhuri yangu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe