RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 3/8 pp. 25-26
  • Kugara Nekusakwanisa Kudzidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugara Nekusakwanisa Kudzidza
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurondedzera Kusakwanisa Kudzidza
  • Kugovera Betsero Inodikanwa
  • Kubatsira Vana Vane Urema Hwokudzidza
    Mukai!—2009
  • Nzira Yokukudziridza Nayo Chido Chokudzidza
    Mukai!—2004
  • Nei Ndisingagoni Kudzidza?
    Mukai!—1996
  • Neiko Ndichifanira Kutambura Nohurema?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 3/8 pp. 25-26

Kugara Nekusakwanisa Kudzidza

Rutivi rwezuva runodiwa zvikurusa naDavid ane makore matanhatu okukura inguva yengano. Anoda apo Mai vanomuravira, uye haana chinetso chokuyeuka zvaanonzwa. Asi David ane chinetso. Haagoni kuzviravira amene. Kutaura idi, basa ripi neripi rinoda unyanzvi hwokuona rinomushatirisa.

Sarah ari mugore rake rechitatu rechikoro, bva runyoro rwake rwakashata zvikuru. Mabhii ake anonyorwa zvakashata zvisina kukwana, uye mamwe awo anonyorwa achidzokera shure. Chinowedzera kushushikana kwevabereki vake iidi rokuti Sarah ane chinetso kunyange chokunyora zita rake amene.

Josh, wechiduku, anoita zvakanaka muchidzidzo chiri chose kuchikoro kunze kwemasvomhu. Kurangarira nhamba kunomuvhiringa chose chose. Kungotarisa manhamba kunotsamwisa Josh, uye apo anogara pasi kuti aite basa rake rinoitirwa kumba remasvomhu anosuruvara nokukurumidza.

CHII chisina kururama naDavid, Sarah uye Josh? Vanongova havo nousimbe, nechisimbwa, zvichida madofo here? Nyangwe napaduku pose. Mumwe nomumwe wevana ava ane uchenjeri hwenguva dzose kusvika kuhunopfuura avhareji. Bva, mumwe nomumwe anodziviswawo nokusakwanisa kudzidza. David ane dyslexia, shoko rinoshandisirwa kuzvinetso zvokurava zvinoverengeka. Chinetso chikuru chaSarah chokunyora chinonzi dysgraphia. Uye kusakwanisa kwaJosh kunzwisisa maitirwo makuru emasvomhu kunozivikanwa sedyscalculia. Ikoku kutatu chete kwezvinetso zvokusakwanisa kudzidza. Kune kumwe kwakawanda, uye dzimwe nyanzvi dzinofungidzira kuti pamwe chete kunotapura inenge 10 muzana yevana vari muUnited States.

Kurondedzera Kusakwanisa Kudzidza

Sezvinobvumwa, padzimwe nguva pwere zhinjisa dzinowana kudzidza kuva denho. Kazhinji kazhinji, zvisinei, ikoku hakuratidziri kusakwanisa kudzidza. Panzvimbo pezvo, kunongoratidzira hako kuti vana vose vane mano okudzidza akasiyana-siyana. Vamwe vane unyanzvi zvikuru hwokunzwa; vanogona kunzwisisa mashoko zvakaisvonaka nokuteerera. Vamwe vanoda kuita zvokuona; vanodzidza zviri nani nokurava. Muchikoro, zvisinei, vadzidzi vanounganidzwa mukamuri rokudzidzira uye vose vanokarirwa kudzidza pasinei zvapo nomutoo wokudzidzisa unoshandiswa. Nokudaro, hakudzivisiki kuti vamwe vachave nezvinetso zvokudzidza.

Maererano nezvimwe zviremera, zvisinei, pane musiyano pakati pezvinetso zvokudzidza zviri nyore nekusakwanisa kudzidza. Kunotsanangurwa kuti zvinetso zvokudzidza zvinogona kukundwa neshiviriro nenhamburiko. Mukupesana, kusakwanisa kudzidza kunonzi kwakasimba zvikuru. “Uropi husingakwanisi kudzidza hwomwana hunoratidzika kuva hunonzwisisa, hunonzvera, kana kuti hunoyeuka marudzi akati emabasa endangariro nomutoo wakaipa,” vanonyora kudaro Drs. Paul naEsther Wender.a

Zvisinei, kusakwanisa kudzidza hakurevi hako kuti mwana akaremara ndangariro. Kuti vatsanangure ikoku, vanaWender vanoenzanisa nevanhu vasinganzwi musiyano wokukwira nokuderera kwerwiyo. “Vanhu vasinganzwi musiyano wokukwira nokuderera kwerwiyo havana kukuvara uropi uye hapana chakaipa nokunzwa kwavo,” vanaWender vanonyora kudaro. “Hapana munhu aizokarakadza kuti kusanzwa musiyano wokukwira nokuderera kwerwiyo kunoparirwa nousimbe, madzidzisiro akaipa, kana kuti kusada.” Ndozvimwe chetezvo, vanodaro, nezvevasingakwanisi kudzidza. Kazhinji kazhinji, chinetso chinonanga parutivi rumwe rwakati rwokudzidza.

Ikoku kunotsanangura chikonzero nei vana vazhinji vasingakwanisi kudzidza vane ungwaru huri paavhareji kusvika kuhunopfuura paavhareji; zvirokwazvo, vamwe vanogona zvikuru. Imhesano iyoyi inowanzongwadza vanachiremba nezvebviro yokuvapo kwekusakwanisa kudzidza. Bhuku rinonzi Why Is My Child Having Trouble at School? rinotsanangura kuti: “Mwana asingakwanisi kudzidza ari kushanda ari pasi pemwero unokarirwa zera rake neungwaru hwakayerwa nemakore maviri kana kupfuura.” Namamwe mashoko, chinetso hachingori hacho chokuti mwana ane chinetso chokuenderana nevaenzani vake. Panzvimbo pezvo, zvaanoita hazvienzani nezvaanokwanisa iye amene.

Kugovera Betsero Inodikanwa

Kutapura ndangariro kwekusakwanisa kudzidza kazhinji kazhinji kunowedzera chinetso chacho. Apo vana vasingakwanisi kudzidza vanokonewa muchikoro, vangaonekwa semadofo nevadzidzisi nevaenzani vavo, zvichida kunyange nemhuri yavo vamene. Nenzira inosuruvarisa, vana vazhinji vakadaro vanotanga kuzvivenga kunogona kupfuurira sezvavanokura. Uku kuitira hanya zviripo, sezvo kusakwanisa kudzidza kazhinji kazhinji kusingaperi.b “Kusakwanisa kudzidza urema hweupenyu hwose,” anonyora kudaro Dr. Larry B. Silver. “Urema humwe chetehwo hunovhiringidza kurava, kunyora, uye masvomhu uyewo huchavhiringidzawo mitambo nemimwe mibato, upenyu hwemhuri, uye kufambidzana neshamwari.”

Kunokosha, naizvozvo, kuti vana vasingakwanisi kudzidza vagamuchire tsigiro yavabereki. “Vana vanoziva kuti vabereki vavo vatsigiri vavo vakasimba vane hwaro hwokutanga kuva nepfungwa yokugona nokuzviremekedza,” rinodaro bhuku rinonzi Parenting a Child With a Learning Disability.

Asi kuti vave vatsigiri, vabereki vanofanira kutanga kunzvera manzwire avo vamene. Vamwe vabereki vanonzwa vane mhaka, sokunge kuti ndivo vane mhaka munzira yakati nokuda kwechinetso chemwana wavo. Vamwe vanovhunduka, vachinzwa varemerwa nedenho dzinenge dzaiswa pamberi pavo. Kuita kwose ikoku kuri kuviri hakubetseri. Kunoita kuti vabereki vashaye chavanoita ndokudzivisa mwana wacho kuwana betsero yaanoda.

Naizvozvo kana mazvikokota akawana kuti mwana wenyu haakwanisi kudzidza, musapera mwoyo. Yeukai kuti vana vasingakwanisi kudzidza vanongoda chete tsigiro yomuraudzo muunyanzvi hwokudzidza hwakati. Torai nguva yokurovedzana nezvirongwa zvipi nezvipi zvingave zvichiwanika munharaunda menyu zvevana vasingakwanisi kudzidza. Zvikoro zvizhinji zvakashongedzerwa zviri nani kubata nemamiriro ezvinhu akadaro kupfuura zvazvaive makore akapfuura.

Vanamazvikokota vanosimbisa kuti unofanira kurumbidza mwana wako nokuda kwezvaanoita zvipi nezvipi, pasinei zvapo nokuti zviduku zvakadini. Rumbidza zvikuru. Panguva imwe cheteyo, usaregeredza chirango. Vana vanoda kururamiswa, uye ikoku ndekwechokwadi zvikuru neavo vasingakwanisi kudzidza. Ita kuti mwana wako azive zvaunokarira, uye kuomerera kumipimo yawakagadza.

Pakupedzisira, dzidza kurangarira mamiriro ezvinhu zvako nenzira chaiyoiyo. Bhuku rinonzi Parenting a Child With a Learning Disability rinokuenzanisira neiyi nzira: “Fungidzira uchienda kuresitorendi yaunodisisa uye uchiodha chidimbu chenyama yemhuru. Apo hweta anoisa ndiro pamberi pako, unowana mune mbabvu yegwayana. Zvose ndezvokudya zvinonaka, asi waikarira nyama yemhuru. Vabereki vazhinji vanofanira kuchinja ndangariro mukufunga kwavo. Ungave waisakarira gwayana, asi unowana kuti rinonaka. Ndozvazvakaita apo unorera vana vane zvinodikanwa chaizvo.”

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe nzvero dzinokarakadza kuti kusakwanisa kudzidza kungava nechokuita nemavara okugara nhaka kana kuti zvinhu zvine chokuita nemhoteredzo, zvakadai sekupindwa mumuviri nechepfu yelead kana kuti nemurimo kana kuti kushandiswa kwechinodhaka kana munhu ane nhumbu, zvinogona kuparira urema hwakadaro. Zvisinei, chinoparira chaichoicho kana kuti zvinoparira hazvizivikanwi.

b Mune zvimwe zviitiko, vana vanoratidzira kusakwanisa kudzidza kwechinguvana nemhaka yokuti kukura kwavo mune imwe nharaunda kunononotswa. Pashure penguva yakati, vana vakadaro vanokurira zviratidzo zvacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe