Unozivei Pamusoro paJesu?
Mumwe mukadzi ane makore 84 okukura anogara muUnited States akati nezvaMunhu Mukurusa Ati Amborarama, bhuku rine mapeji 448 rine mifananidzo pamusoro poupenyu hwaJesu Kristu: “Ndakarava Bhaibheri rose zvaro panguva dzakasiyana-siyana, uye Munhu Mukurusa rakandibetsera kunzwisisa kurava kwangu Bhaibheri zviri nani.” Bhuku racho rinoita kuti nhoroondo dzeBhaibheri dzoupenyu hwaJesu dzive mhenyu nokuda kwake.
“Handitongoneti kurava bhuku racho,” akanyora kudaro. “Ndakarirava kanomwe uye ndakatanga kuriravazve. Mwoyo wangu unoororwa nemavara anoshamisa aJesu. Apo ndinorava maganhuro pamusoro pevhiki yaJesu yokupedzisira pasi pano, ndinorwadziwa nokubatwa zvisina kufanira kwaakawana, zvikurukuru mukati memaawa ake okupedzisira, uye norufu rwake padanda rokutambudzira. Bva, akarumbidza Baba vedu vokudenga, Jehovha.”
Muna Munhu Mukurusa Ati Amborarama, nhamburiko yakaitwa yokupa chiitiko chiri chose muupenyu hwapasi hwaJesu icho chakarongwa muEvhangeri ina. Rinogona kukubetsera kudzidza zvakawanda pamusoro paJesu. Kana ungada kugamuchira kopi kana kuti ungada kuva nefundo yeBhaibheri yepamusha yepachena, tapota nyorera Watch Tower Society, P. Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakarurama iri papeji 5.