Urombo—‘Mamiriro Ezvinhu Anoda Betsero Yokukurumidzira Asingazivikanwi Zvikuru’
“TINONZWA zvizhinji pamusoro pemamiriro ezvinhu ekurumidziro anotyisa okudziya kwepasi nokushatiswa kwemaozone layer uye makungwa,” akadaro mupi wezano weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose Dr. Mahbub Ul-Haq, asi akawedzera kuti: “Kudziya kwepasi nemamwe mamiriro ezvinhu ekurumidziro mazhinji anozivikanwa zvikuru achigere kuuraya munhu upi noupi [nepo] mamiriro ezvinhu ekurumidziro asingazivikanwi zvikuru ari kuuraya upenyu huzhinji munyika dzichiri kusimukira zuva riri rose.” Dr. Ul-Haq akatsinhira pamusoro pemamwe emamiriro ezvinhu ekurumidziro iwayo asingazivikanwi zvikuru. “Urombo,” akadaro, “chaizvoizvo ndiye muurayi mukurusa.” Kwakadaro sei?
Nokuda kwevazhinji vevanhu mabhiriyoni 1,3 munyika yose avo vanorarama nemadhora gumi kana kuti mashoma pazuva, urombo zvirokwazvo hunova ngwavaira inouraya. Vanhu vanosvika kumamiriyoni 18, inoshuma kudaro magazini inonzi UN Chronicle, vanofa ne“zvisakiso zvine chokuita nourombo” gore rimwe nerimwe. Iyi nhamba inokatyamadza! Fungidzira misoro mikuru “inobata ngwariro” kana, somuenzaniso, vagari vose vomunyika yeAustralia, vane mamiriyoni 18, vakaziya nenzara mugore rimwe! Bva, nzufu dzeaya mamiriyoni avarombo, kwakatsinhira kudaro kumwe kuparadzira mashoko kweRedhiyo yeUN, “hadzitaurwi zvikuru.” Iyoyi, kutaura idi, ‘ingwavaira isingazivikanwi zvikuru.’
Kuti vagumise kusazivikanwa kwacho, vamiririri vakabva kunyika 117 vakapinda World Summit for Social Development yokutanga yati yamboitwa vakataura nezvenzira dzokurwisa nadzo chinetso chourombo hwenyika. “Makore zana nemakumi mashanu akapfuura nyika yakatanga nhimbe yokurwisa uranda,” akayeuchidza kudaro James Gustave Speth, mutungamiriri weUnited Nations Development Programme. “Nhasi tinofanira kutanga nhimbe yenyika yokurwisana nourombo hukuru.” Kunetsekerei? Urombo, akanyevera kudaro, “huri kubereka kupera mwoyo nokusagadzikana uye [huri] kuisa mungozi nyika yedu.”
Zvisinei, kunyange sezvo nhume dzacho dzakanga dzichikurukura nzira dzokugumisa nadzo urombo, ‘wachi yourombo,’ inoratidzira nhamba yevacheche vanoberekerwa mumhuri dzine urombo zuva riri rose, yakaratidza kuti mamiriro ezvinhu eurombo hwenyika akanga ari kuipisisa. Wachi yacho, yakaratidzirwa panzvimbo yemusangano, yakaratidzira kuti mukati memusangano wacho wakapedza vhiki imwe, vachangobva kuzvarwa vanoda kusvika 600 000 vakawedzerwa kunhamba inoramba ichingowedzera yevarombo. Pamugumo wezuva rokupedzisira romusangano wacho, kuratidzirwa kwewachi kwacho kwakadzimwa; asi chaizvoizvo, seizvo Speth akatsinhira, “wachi yacho inopfuurira kufamba.” Mubvunzo zvino ndewokuti, Chinetso chacho chichapiwa ngwariro here?