RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 10/8 p. 31
  • Nzanga Iri Pamatanda Akamiswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzanga Iri Pamatanda Akamiswa
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubva Mukuva Utiziro Kukuva Nzvimbo Inokwezva Vashanyi
  • Zvinhu Zvinokosha Zviri Mudhamu Guru Kupfuura Ose okuCentral America
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Shanyira Musika Wehove Mukuru Munyika Yose
    Mukai!—2004
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Mukai!—1996
g96 10/8 p. 31

Nzanga Iri Pamatanda Akamiswa

Nemunyori weMukai! muBenin

“GANVIÉ ndeimwe yenzvimbo yokutanga inokwezva vashanyi yeBenin,” rinodaro rimwe bhuku rinotungamira pakufamba muWest Africa. Rimwe rinoti: “Vagari vomuAfrica vamene vanofadzwa neGanvié; uchaona vashanyi vanogara muAfrica vazhinji sevekumadokero.”

Ganvié yakasiyana zvirokwazvo. Musha wevagari 15 000 wakavakirwa pamatanda akamiswa pamusoro pemvura yomuLake Nokoué, kuchamhembe kweCotonou, Benin. MuGanvié, hamuna mabhasikoro, hamuna motokari, hamuna nzira dzetsoka, hamuna migwagwa. Kana vagari vemo vachida kuenda kuchikoro, kumusika, kukiriniki, kuimba yomuvakidzani, kana kuti kune imwe nzvimbo ipi neipi, vanokwira mugwa rakavezwa nomuti weiroko.

Mhuri zhinjisa dzine magwa anoverengeka—rimwe raBaba, rimwe raMai, uye pane dzimwe nguva rimwe ravana. Vana vanodzidza kukwasva pakuvamba. Pazera ramakore mashanu, mwana anogona kufambisa igwa oga. Nokukurumidza iye anenge ava nechivimbo chakakwana chokumira mugwa kuti akande rutava rwehove ruduku. Vamwe vaduku vanofarikanya kuita zvokuonererwa kuvaenzi kupfurikidza nokumira nomusoro mumagwa avo.

Pamusika weGanvié wakayangarara, vatengesi, zvikurukuru vakadzi, vanogara mumagwa avo vane zvinhu zvavo zvakaturikidzaniswa zvichienda mudenga mberi kwavo—zvirunga usavi, michero, hove, mishonga, huni, doro, uye kunyange redhiyo. Vakadzikatirwa pazuva renyika dzinopisa nengowani dzomurara dzine mavharanda makuru, vanotengesera vamwe vanokwasvira magwa avo ikoko kuti vatenge. Pane dzimwe nguva vatengesi vacho vasikana vaduku. Usanyengedzwa nezera ravo! Vanodzidza pakuvamba unyanzvi hwekurukurirano youngwaru yomutengesi.

Nepo vakadzi vachitenga nokutengesa pamusika, varume vanozvibatikanisa vamene nokuredza, kana kuti kurima hove kuva akananga zvikuru. Mutoo wavo wokubata nawo hove unobatanidza kubayira mazana emasanzu pasi pedziva risina kudzika rine madhaka, uko kunoita sango rakapfumvutira remiti. Hove dzinodirana dzichienda kunodya masanzu ari kuora. Pashure pemazuva akati varume vacho vanodzokera novutava hwavo kuti vanokohwa hove.

Kubva Mukuva Utiziro Kukuva Nzvimbo Inokwezva Vashanyi

VaToffinu veGanvié havana kugara vari “Vanhu Vomumvura,” sezvavanozivikanwa nhasi. Pakuvamba muzana remakore rechi18, vakatizira kunyanza yacho nemachakwi kuti vatize kutambudzwa noumambo hwomuAfrica hwavakanga vakavakidzana nahwo. Nyanzvi dzinotaura kuti zita rokuti Ganvié rinoratidza nhau iyi, sezvo mumutauro wevaToffin, shoko rokuti gan richigona kushandurwa kuti “taponeswa” uye shoko rokuti vie rinoreva “nzanga.” Nokudaro, zita romuzinda uyu wemataundishipi emunyanza ringashandurwa norusununguko kuti “nzanga yavanhu vakawana rugare pashure pezvose.”

Kutsvaka kupukunyuka munzvimbo yemachakwi yakapoteredza Lake Nokoué kwakanga kuri kuronga kunobudirira, sezvo zvitenderero zvorudzidziso zveumambo hwacho hwairwisa zvaisabvumira murwi upi noupi kupinda mumvura kana kuti nzvimbo dzinogona kuita mafashamo. Naizvozvo nyanza yacho yakagovera zvose zviri zviviri chokurarama nacho nenzvimbo youtiziro kubva kumuvengi. Zvinosetsa kuti zvino iyi nzanga yakakurumbira, iyo mapoka makuru evashanyi anoshanyira nemagwa einjini, yaichimbova nzvimbo yokuvanda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe