“Haisi Mhaka Yangu”
KAZHINJI sei nhasi kaunonzwa mumwe munhu achiti, ‘Ndine urombo. Yanga iri mhaka yangu. Ndini ndaparira zvose!’? Kashoma kuti kutendeseka kwakadaro kuri nyore kunzwikwe zvakare. Kutaura idi, muzviitiko zvizhinji, kunyange apo mhaka inobvumwa, nhamburiko iri yose inoitwa yokusundira mhosva yacho kune mumwe munhu kana kuti kumamiriro ezvinhu anopembedzeka ayo mutadzi anoti anga asingagoni kudzora.
Vamwe vanotopomedzera mavara avo okugara nhaka! Asi ikoku kunodavirika here? Bhuku rinonzi Exploding the Gene Myth rinopanikira vavariro nokubudirira zvemamwe mativi enzvero yemavara okugara nhaka. Mutori wenhau weAustralia Bill Deane, muhwirudzuro yake yebhuku racho, anobudisa iyi mhedziso yokufungisisa, yokuti: “Vanodavira kuti zvisarudzo zvomunhu zvakafanorongwa venzanga vanoratidzika savakavamba kudavira misi ichangobva kupfuura iyi kuti vakawana ufakazi hunenge husingakundikani hwokutsigira uzivi hwavo hwokuti hapana munhu anofanira kuzvidavirira nokuda kwezviito zvavo: ‘Hapana chaaigona kuita kuti asamugura huro, Changamire—zviri mumavara ake okugara nhaka.’”
Hausi Muitiro Mutsva Chaizvoizvo
Nechizvarwa chino chiri kukura nokukurumidza zvikuru kuva icho mumwe munyori anoti chizvarwa cha“handisini,” muitiro uyu unoratidzika kuva uri kuwedzera. Zvisinei, nhau yakanyorwa inoratidza kuti kupfuudza mhaka yacho kuvamwe, nokuzviruramisa nokuti “chaizvoizvo haisi mhosva yangu,” kwave kuripo kubvira pamavambo emunhu. Zvakaitwa naAdhama naEvha pashure pechivi chavo chokutanga, kudya muchero uyo Mwari akanga arambidza, wakanga uri muenzaniso wakakwana wokunakurirana nyoka mhenyu. Nhoroondo yomuna Genesi inoshuma kurukurirano yakaitika, naMwari achitanga kutaura, kuti: “Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kuudya? Munhu akati: Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya. Jehovha Mwari akati kumukadzi: Chinyiko icho chawaita? Mukadzi akati: Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”—Genesi 3:11-13.
Kubvira panguva iyoyo, vanhu vakavamba zvimiro zvakasiyana-siyana zvechitendero uye vakatsvaka zvokuzviruramisa nazvo zvakasiyana-siyana zvisiri zvenguva dzose zvaizovapembedza pakuva nemhaka chaikoiko kupi nokupi nokuda kwezviito zvavo. Kwakanga kwakakurumbira pakati pazvo kwakanga kuri kudavira kutemerwa mugumo kwekare. Mumwe mukadzi wechiBuddha aidavira Karma nomwoyo wose akati: “Ndakafunga kuti kwaisava nomufungo kufanira kutamburira chimwe chinhu chandakaberekwa nacho asi chandaisaziva chinhu chipi nechipi nezvacho. Ndaifanira kukugamuchira senguva yangu yemberi.” Kwakudziridzwa nedzidziso yekufanotemerwa mugumo sezvakadzidziswa naJohn Calvin, kudavira kutemerwa mugumo kunozivikanwawo navose muchiKristudhomu. Vafundisi kazhinji kazhinji vanoudza hama dziri kutambudzika kuti tsaona yakati yakanga iri kuda kwaMwari. Ipapowo, vamwe vaKristu vane vavariro dzakanaka vanopa mhaka Satani nokuda kwechinhu chiri chose chinokanganisika muupenyu hwavo.
Zvino, tave kuvamba kuona mufambiro usina kuzvidavirira unotenderwa zvapamutemo uye nenzanga. Tiri kurarama munhambo yekodzero dziri kuwedzera uye mitoro yomunhu iri kuderera.
Kunzvera mufambiro womunhu kwakabudisa hunofungidzirwa kuva ufakazi hwesayenzi uhwo vamwe vanofunga kuti hungagona kupa rusununguko rusingadzorwi kumufambiro unobva paunzenza kusvika kuumhondi. Ikoku chiratidzo chokudisa kwenzanga kusundira mhaka kuchinhu chipi nechipi kana kuti munhu upi noupi kunze kwemunhu wacho.
Tinoda mhinduro dzemibvunzo yakadai seiyi: Ko sayenzi yakawanei chaizvoizvo? Ko mufambiro womunhu unosarudzwa chose chose nemavara edu okugara nhaka here? Kana kuti ose ari maviri masimba okunze nemukati anodzora mufambiro wedu here? Ko ufakazi hunoratidzirei chaizvoizvo?