Imhaka Yaani?
MURUME wokutanga, Adhama, akatanga muitiro wacho. Pashure pokunge atadza akati kuna Mwari: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Kutaura idi, akanga achiti: “Haisi mhaka yangu!” Mukadzi wokutanga, Evha, akaita zvimwe chetezvo apo akati: “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”—Genesi 3:12, 13.
Nokudaro muenzaniso wakatangwa mubindu reEdheni wokuramba kwavanhu kugamuchira mutoro wezviito zvavo vamene. Wati wambova nemhaka yaikoku here? Apo zvinetso zvinomuka, unokurumidza kupa vamwe mhaka here? Kana kuti unonzvera mamiriro ezvinhu kuti uone kuti imhaka yaani chaizvoizvo here? Muupenyu hwezuva nezuva, kuri nyore kwazvo kuwira mumusungo wokupa vamwe mhaka nokuda kwemhosho dzedu ndokuti, “Haisi mhaka yangu!” Ngatitarirei mamiriro ezvinhu anozivikanwa navose ndokuona izvo vamwe vanhu vanowanzoda kuita. Chinokosha zvikuru, rangarira izvo waizoita mumamiriro ezvinhu mamwe chetewo.
Nhamo Yemari
“Haisi mhaka yangu—upfumi hwacho, vanhu vebhizimisi vasina kutendeka, mitengo yakakwira yezvokurarama nazvo,” vamwe vangadaro apo vanozviwana vamene vari muchinetso chikuru chemari. Asi zvinhu izvi chaizvoizvo zvinofanira kupiwa mhaka here? Zvichida mamiriro ezvinhu asina chokwadi akavatungamirira kupinda mumiitiro yebhizimisi inopokanwa kana kuti yokufungidzira. Pane dzimwe nguva udyire hunodzikatidza kufunga zvakanaka, uye vanhu vanozviwana vamene vachibata nemiitiro yebhizimisi isingazikanwi, vachiva vananyajambwa vari nyore vezvinhu zvinokuvadza. Vanokanganwa chirevo chinoti, “Kana chichitarisika zvakanyanyonaka zvokusava chechokwadi, kazhinji kazhinji chakadaro.” Vanotsvaka zano ravanoda kunzwa, asi apo nhamo yemari inova chinhu chaichoicho chakashata, vanotsvaka mumwe munhuwo zvake wokupa mhaka. Ikoku, nenzira inonzwisa urombo, padzimwe nguva kunoitika kunyange muungano yechiKristu.
Vamwe vakabatwa mumusungo wezvirongwa zvokutenga nokuda kwemhindu zvokusachenjera kana kuti kunyange zvokunyengera, zvakadai sokutenga madhaimani aisavapo, kupa mari kuzvirongwa zveterevhizheni zvinobudirira izvo zvakakurumidza kunyangarika, kana kuti kutsigira mabhizimisi anotarisira nzvimbo nezvivako akabhuroka. Chishuvo chokunyanyisa chepfuma chingava chakadzikatidza kuyeuka kwavo zano reBhaibheri, rinoti: “Vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo . . . va[no]zvibaya neshungu.”—1 Timotio 6:9, 10.
Kushandisa kusingadzorwi kunogonawo kutungamirira kukuvadziko mune zvemari. Vamwe vanonzwa kuti vanofanira kutarisika savanhu vari mumagazini efashoni azvino uno, kuva namazororo anodhura, kudyira mutuhotera twapamusoro, uye kutenga “zvinhu zvokutambisa” zvokuvaraidza vakuru zvazvino uno—motokari dzenhandaro, zvikepe, kamera, masitiriyo. Chokwadika, pashure penguva yakati vamwe vangakwanisa kuva nezvinhu izvi kupfurikidza nokuronga nokuchengeta mari kwokuchenjera. Bva avo vanomhanyira kuva nazvo vangazviwana vamene vanyura zvikuru muchikwereti. Kana vakadaro, imhaka yaani? Sezvinooneka vakafuratira zano rakanaka raZvirevo 13:18, rinoti: “Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro wounoramba kurayirirwa.”
Kuodzwa Mwoyo Navana
“Imhaka yavakuru kuti vana vangu vakasiya zvokwadi,” vamwe vabereki vangadaro. “Havana kupa ngwariro yakakwana kuvana vangu.”
Vakuru vane basa rokufudza nokutarisira boka, asi zvakadiniko navabereki vamene? Ndovomuenzaniso here mukuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari mumufambiro wavo wose? Fundo yemhuri yeBhaibheri yakanga ichiitiswa nguva dzose here? Vabereki vacho vakaratidza shingairo mubasa raJehovha ndokubetsera vana kurigadzirira here? Vakanga vachingwarira pamusoro pavasonganiri vavana vavo here?
Nenzira yakafanana, kuri nyore kuti mubereki ati pamusoro pebasa rokuchikoro: “Mwanakomana wangu haana kuita zvakanaka muchikoro nemhaka yavadzidzisi. Vakanga vasingadi mwanakomana wangu. Uye chikoro ichocho chine mipimo yokufunda yakaderera zvisinei.” Asi mubereki wacho akasanokurukura nechikoro chacho here? Mubereki wacho akanga achifarira zvinodzidzwa nezvifundo zvomwana here? Basa rake rinoitirwa kumba rakanga rakarongwa here, uye yamuro yakapiwa here apo yaidiwa? Chinetso chikuru chingagona kuva nhau yechimiro chendangariro kana kuti unyope zvomwana kana kuti mubereki here?
Panzvimbo pokuti vabereki vape mhaka gadziriro yechikoro, kunoshanda zvikurusa kana vakaita chiito chakanaka chokuva nechokwadi chokuti vana vavo vane chimiro chendangariro chakarurama uye kuti vashandise mikana yokudzidza inowanika kwavari pachikoro.
Kukundikana Kubudirira Mumudzimu
Panhambo nenhambo tinonzwa mumwe munhu achiti: “Ndaizova ndakasimba mumudzimu zvikuru, asi haisi mhaka yangu kuti handina. Vakuru havapi ngwariro yakakwana kwandiri. Handina shamwari dzipi nedzipi. Mudzimu waJehovha hausati uri paungano ino.” Munguvayi, vamwe muungano vane shamwari, vanofara, uye vanoita fambiro mberi yomudzimu yakaisvonaka; uye ungano inokomborerwa nokukura nebudiriro yomudzimu. Naizvozvo neiko vamwe vane zvinetso?
Vanhu vashomanene vanoda kuva shamwari dzapedyo naavo vanoratidzira mudzimu wakaipa uye wokunyunyuta. Kutaura kunokuvadza uye kunyunyuta kwenguva dzose zvinogona kuva zvinoodza mwoyo zvikurusa. Vasingadi kuneteswa mumudzimu, vamwe vangaganhurira songaniro yavo youshamwaridzani navanhu vakadaro. Achirangarira ikoku kuva kutonhora kweungano, mumwe munhu angavamba kutama, achitamira kutanga kuungano imwe, ipapo kuimwe, uye imwe. Kufanana namapoka anotama emhuka dzomumipata yeAfrica ayo anotsvaka mafuro manyoro nguva dzose, ava vaKristu “vanotama” vanotsvaka nguva dzose ungano yakarurama. Vaizova vanofara zvikuru sei kudai vaizotarira, panzvimbo pezvo, zvakanaka muvamwe vanhu ndokuvavarira kuratidzira zvizere zvikuru zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwavo vamene!—VaGaratia 5:22, 23.
Vamwe vanoita saizvozvo kupfurikidza nokuita nhamburiko chaiyo yokutaura kumunhu akasiyana pamusangano mumwe nomumwe paHoro yoUmambo ndokumurumbidza zvapachokwadi papfundo rakanaka. Ringagona kuva pamusoro pavana vake vanozvibata zvakanaka, kuva venguva dzose pamisangano yechiKristu, tsinhiro dzakasanogadzirirwa muFundo yeNharireyomurindi, mutsa nokuda kwokuzarura kwake musha wake nokuda kweFundo Yebhuku Yeungano uye misangano yebasa romumunda, uye zvichingodaro. Kupfurikidza nokuiita vavariro yako kucherekedza mavara avo akanaka pakutanga angadzikatidzwa nokusakwana, uchawana zvirokwazvo mavara akaisvonaka muhama nehanzvadzi dzako dzechiKristu. Ikoku kuchaita kuti vakude, uye uchawana kuti hausati uri asina shamwari dzakavimbika.
Pembedzo Yokupedzisira
“Kuda kwaMwari.” “Ipa mhaka Dhiyabhorosi.” Zvimwe pembedzo yokupedzisira ndeyokupa mhaka Mwari kana kuti zvimwe Dhiyabhorosi nokuda kwokukundikana kwedu timene. Ichokwadi kuti Mwari kana kuti Satani angapesvedzera zvimwe zviitiko muupenyu hwedu. Zvisinei, vamwe vanodavira kuti chinenge chinhu chiri chose, chakanaka kana kuti chakashata, muupenyu hwavo mugumisiro wokupindira kwaMwari kana kuti kwaSatani. Kuri sokunge kuti hapana chakaitika kwavari chakanga chiri mugumisiro wezviito zvavo vamene. “Kana Mwari achida kuti ndive nemotokari itsva iyoyo, achava nechokwadi chokuti ndinoiwana.”
Vakadaro vanowanzorarama upenyu hwavo nenzira yokusaitira hanya, vachiita zvisarudzo zvemari uye zvimwe pafungidziro yokuti Mwari achavaponesa. Kana zviito zvavo zvokusachenjera zvikaguma nengwavaira yakati, yepfuma kana kuti neimwe nzira, vanopa mhaka Dhiyabhorosi. Kuita chimwe chinhu nechimbichimbi pasina kutanga ‘kuverenga ndyiko’ uye ipapo kupa mhaka Satani nokuda kwekundikano, kana kuti zvakatoipa zvikuru, kukarira Jehovha kupindira, kwaizova kwete kuzvitutumadza bedzi asiwo kupesana noRugwaro.—Ruka 14:28, 29.
Satani akaedza kuita kuti Jesu afunge nenzira iyoyo uye kusava nemhaka nokuda kwezviito Zvake. Nezvomuedzo wechipiri, Mateo 4:5-7 inoshuma, kuti: “Zvino Dhiyabhorosi akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Iye ucharayira vatumwa vake pamusoro pako, pamaoko avo vachakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.” Jesu akaziva kuti aisagona kukarira Jehovha kupindira kana aizofanira kutora nzira youfuza yakajeka, kunyange yokuzviuraya. Nokudaro, akapindura, achiti: “Kwakanyorwawo: Usaidza Ishe, Mwari wako.”
Avo vane muitiro wokupa Dhiyabhorosi kana kuti Mwari mhaka yezviito zvavo vamene zvinopokanwa vakafanana zvikuru navateveri vokufundwa kwenyeredzi, avo vanongotsivawo zvavo nyeredzi naMwari kana kuti Dhiyabhorosi. Vapwiswa zvakakwana kuti havagoni kudzora chinenge chinhu chiri chose chinoitika, vanofuratira nheyo yakapfava inotaurwa pana VaGaratia 6:7: “Izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanochekazve.”
Kutarisana Nechokwadi
Hapana achaita nharo dzokuti tiri kurarama munyika isina kukwana. Zvinetso zvakurukurwa pano ndezvechokwadi chakakwana. Vanhu vachatibata zvisina kururama mune zvemari. Vamwe vashandirwi vachava vasina kururama. Vazivikanwi vangapesvedzera vana vedu nenzira yakashata. Vamwe vadzidzisi uye zvikoro zvinoda vandudziko. Vakuru padzimwe nguva vangagona kuva vane rudo zvikuru navanoitira hanya. Asi tinofanira kubvuma mugumisiro wokusakwana uye kuti, seizvo Bhaibheri rinoonesa, “nyika yose igere muna iye wakaipa.” Naizvozvo hakusati kuri kwechokwadi kukarira kuti nzira yedu muupenyu ichava yakanaka nguva yose.—1 Johane 5:19.
Mukuwedzera, tinofanira kuziva kusakwana neganhuriro zvedu timene ndokuziva kuti nguva dzakawanda zvinetso zvedu mugumisiro woufuza hwedu timene. Pauro akapa zano vaKristu muRoma, achiti: “Ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo.” (VaRoma 12:3) Zano iroro rinoshanda nesimba rakaenzana kwatiri nhasi. Apo chimwe chinhu chinoshata muupenyu hwedu, hatisati tichizokurumidza kutevera madzitateguru edu Adhama naEvha ndokuti: “Haisi mhaka yangu!” Panzvimbo pezvo, tichazvibvunza timene kuti, ‘Chii chandaigona kuve ndakaita nenzira yakasiyana kuti ndidzivise uyu mugumisiro usingafadzi? Ndakashandisa chisarudzo chakanaka munhau yacho ndokutsvaka zano rinobva mumanyuko ouchenjeri here? Ndakarangarira rumwe rutivi kana kuti mativi anobatanidzwa kuva asina mhaka here, ndichiapa chiremera?’
Kana tikatevera nheyo dzechiKristu ndokushandisa chisarudzo chakanaka, tichava neshamwari dzakawanda nezvinetso zvishomanene zvikuru. Zvakawanda zvezvinetso zvisiri madikanwa muupenyu hwedu hwezuva nezuva zvichapedzwa. Tichawana mufaro mukubata kwedu navamwe uye hatisati tichizotambudzwa nomubvunzo, wokuti: “Imhaka yaani?”
[Mifananidzo iri papeji 28]
Vabereki vanogona kuita zvakawanda zvikurusa kubetsera vana vavo kubudirira mumudzimu