RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 8/8 pp. 25-26
  • Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Nzira Yaunobatanidzwa Nayo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Nzira Yaunobatanidzwa Nayo
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Areka Yokupukunyukira
  • Mhuka Munyika Itsva
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Ukuru Hwechinetso Chacho
    Mukai!—1996
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Noa Anovaka Areka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 8/8 pp. 25-26

Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Nzira Yaunobatanidzwa Nayo

MATIGER, kamba dzemumvura, zvipembere, mafufura—chokwadika, ndaza yemarudzi ari kutyisidzirwa inoratidzika kuva isingagumi! Pasina panikiro uchabvuma kuti munhu anofanira kuva nemhaka huru. Asi ikoku kunokubatanidza sei?

Mukurangarira mamiriro ezvinhu akaipa ezveupfumi, kune mufungo here kukarira vanhu vanonetseka pamusoro pegarikano yavo vamene yokutsigira zvirongwa zvokuchengetedza, pasinei zvapo nokuti zvingava zvakanaka zvikuru sei? “Hakusi nyore zvirokwazvo kuitira hanya mhoteredzo murutivi rukurusa rweAfrica rwekumaodzanyemba kweSahara, umo mamiriyoni evanhu anotarisana nokusagadzikana kwezvematongerwo enyika, hondo yemadzinza, nzara uye hosha yakapararira,” inotsinhira kudaro Time. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi kune dzimwe nzvimbo.

Chinjo huru dziri madikanwa kana chinetso chemarudzi ari mungozi yokutsakatika chichizopedzwa. Mukuwirirana neThe Atlas of Endangered Species, idzi chinjo nde“dzeukuru hwakadaro zvokuti dzinogona bedzi kuitwa nehurumende.” Ipapo inorumbidza, kuti: “Umo hurumende dzinosarudzwa, ibasa remunhu mumwe nomumwe kuti ave nechokwadi chokuti panozosvika gore ra2000 vezvamatongerwo enyika vanoitira hanya mhoteredzo bedzi vanosarudzwa.”

Iyoyi ikariro yechokwadi here? Tichisarudza nechipupuriro chenhau, tinofanira kugumisa kuti “munhu akadzora munhu kusvika kukuvadziko yake”—uye mhuka dzemusangowo. (Muparidzi 8:9, NW) Zvirokwazvo, vachengetedzi vazhinji vanodavira kuti miti nemhuka zvepasi zvinobatira sezviratidzo zvemhoteredzo. Apo izvozvi zvinoiswa mungozi yokutsakatika, ndizvo zvatinoitawo isu vanhu. Asi iyoyi handiyo nguva yekutanga munhau yomunhu apo upenyu hwepasi rose hwakatyisidzirwa nokutsakatika.

Rekare zvikurusa remabhuku enhau rinoshuma mashoko, anoti: “Ini ndinouyisa panyika mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvine mweya woupenyu, pasi pedenga; zvose zviri panyika zvichafa.” (Genesi 6:17) Kunyange zvakadaro, haasati ari munhu ari wose kana kuti chimwe chimiro cheupenyu chiri chose chakafa, nokuti Mwari akaronga mutoo wokupukunyuka nawo.

Areka Yokupukunyukira

Vezvesayenzi vanodavira kuti mhinduro yakanakisisa yechinetso chemarudzi ari mungozi yokutsakatika anhasi inobatanidza kuchengetedza nzvimbo dzawo dzokugara. Nenzira inofadza, New Scientist inoshuma pamusoro paikoku uye inonongedzera kukushandisa kwavachengetedzi “fananidziro yeAreka yaNoa.” Areka yaNoa ndiwo wakanga uri mutoo umene uyo vanhu nemhuka vakapona nawo Boporodzi rezuva raNoa.

Mwari akapa Noa purani yeareka yacho, bhokisi guru zvikuru remiti, iro raifanira kuyangamara pamusoro pemvura dzemafashamo. Irori rakaponesa upenyu hwaNoa, mudzimai wake, vanakomana vavo vatatu, uye vadzimai vavo, pamwe chete nevamiririri vemarudzi akasiyana-siyana emhuka, dzose dziri mbiri dzemusango nedzepamusha—zvirokwazvo, “zvipenyu zvose zvine mweya woupenyu.” (Genesi 7:15) Kuwanda kwezvimiro zvoupenyu izvo zviripo nhasi kunobvumikisa kuti areka iyeyo yakabatira donzo rayo zvakanaka sei.

Cherekedza, zvisinei, kuti kupukunyuka hakuna kutsamira chose chose panhamburiko dzemunhu. Noa nemhuri yake vaifanira kuteerera Mwari, uyo aiva nesimba rokuvachengetedza vari vapenyu. Akanga ari Mwari uyo akagumisa gakava, masimba masimba, uye makaro zvenyika iyeyo yaivapo Mafashamo asati aitika.—2 Petro 3:5, 6.

Mhuka Munyika Itsva

Jehovha Mwari akapikira kuti kuteerera mitemo yake kunogona kuchinja vanhu vakaita sezvikara zvesango, zvinorura kuva vakafanana nemhuka nyoro, dzakapfava. (Isaya 11:6-9; 65:25) Kunyange zvino, ufakazi hwaikoku hwakawanda. Pinda misangano paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo newe, ndokuzvionera umene. Kana Jehovha achigona kuita chinjo huru dzakadaro pakati pevanhu, haangagoniwo here kuronga kuti mhuka dzirarame pamwe chete murugare nechengeteko, kunyange kana ikoku kuchireva kuchinja mavara adzo emuzuva razvino? Kutaura idi, anopikira, kuti: “Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; . . . ndivavatise pasi vakachengetwa.”—Hosea 2:18.

Muapostora Petro akanyora nezve“zuva [romunguva yemberi] rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Kupindira kwaMwari kunodzorwa kuchaparadza bedzi vanhu vasingadi Mwari. Mwari acha“paradz[a] avo vanoparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:18.

Fungidzira kuti uchava mufaro wakadini kurarama munyika umo zvisikwa zvinenge zvisisirizve kutyisidzirwa. Kuchava nezvakawanda sei zvokudzidza mumhuka dzomusango idzo dzichatipoteredza panguva iyeyo! Hungu, matiger, shumba, nzou, zvichafamba-famba zvisingadzongonyedzwi. Zvipenyu zvomugungwa zvichawanda, sezvichaitawo zvinokambaira, twupukanana, uye mhatsa yeshiri, kubatanidza mamacaw—zvose zviri mudzikamo yakarurama. Norudzi rwomunhu runoteerera rwadzorerwa kukukwana kwomunhu muUmambo hwaMesiya, zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo zvakakwana zvichakurira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe