Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Dzimwe Pwere Dziine Mufaro Wose?
“Tinongoda kuva nemufaro chete, asi kwakaoma zvikuru,” Jason ane makore 15 okukura akanyunyuta kudaro.
KUNONGOVA kwomuzvarirwo bedzi kuda kuva nemufaro—zvikurukuru apo unenge uri muduku! Nokuda kwepwere zhinjisa, kuva nemufaro kunokosha sekudya uye kurara. Dzakurudzirwa nevamwe vaenzani vadzo uye zvinobudisa nhau, pwere dzinodisa kuronda mhatsa huru yemibato yevaraidzo. Maererano neimwe nzvero, kushanyira shamwari, kutarira TV, kuenda kumabhaisikopu, kuva nepati, uye kutamba zvakauya pakutanga pandaza yekutandara kunodikanwa kwemunguva dzamanheru pakati pevechiduku. Kurava, kutamba mitambo, uye kuteerera nziyo zvakanga zvakakurumbirawo.
Nemibato yemufaro yakawanda kwazvo inowanika, vakuru vangava nenguva yakaoma yokunzwisisa nei dzimwe pwere, dzakadai saJason, dzichinzwa kuti hadzina kuwana mufaro wakakwana. Asi ndizvo chaizvo izvo dzimwe pwere dzechiKristu dzakataura! Casey muduku, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akakutaura neiyi nzira: “Unowana shamwari dzako dzose dzokuchikoro dzichiva nemapati uye dzichiita zvinhu, uye unonzwa uchirasikirwa chaizvoizvo.” Asi mamirire ezvinhu akaipa zvakadaro chaizvoizvo here?
Bhaibheri rinorambidza kuva nenguva yakanaka here? Zvakapesana zvikuru. Bhaibheri rinodana Jehovha kuti “Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11) Naizvozvo hakufaniri kukushamisa kuti Mambo Soromoni akati: “Chimwe nechimwe chine musi wacho, . . . nguva yokuchema, nguva yokuseka; nguva yokuwungudza, nenguva yokupemberera.” (Muparidzi 3:1, 4) Shoko rapakuvamba rechiHebheru nokuda kwa“seka” pano uye mashoko anowirirana rinogona kurevawo “pemberera,” “tamba,” “kutamba mutambo,” ‘govera varayidzo,’ uye “kuva nenguva yakanaka.”—2 Samueri 6:21; Jobho 41:5; Vatongi 16:25; Eksodho 32:6; Genesi 26:8.
Shure munguva dzeBhaibheri, vanhu vaMwari vakafarikanya mhatsa yemibato yakanaka, yakadai sokuridza zviridzwa, kuimba, kutamba, kukurukura, uye kutamba mitambo. Vakanga vanewo nhambo chaidzo nokuda kwemabiko uye songanirano inofadza. (Jeremia 7:34; 16:9; 25:30; Ruka 15:25) Chokwadi, Jesu Kristu amene akapinda kupemberera roorano!—Johane 2:1-10.
Mufaro wakanaka naizvozvo haurambidzwi pakati pepwere dzechiKristu nhasi. Zvirokwazvo, Bhaibheri rinoti: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako.” Zvisinei, Soromoni anopedzisa mashoko iwayo nenyevero: “Asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.” (Muparidzi 11:9) Hungu, une mutoro pamberi paMwari nokuda kwezvisarudzo zvaunoita. Unofanira naizvozvo “kuchenjera kwazvo pakufamba kw[ako], kuti [u]rege kufamba se[a]sina kuchenjera asi se[a]kachenjera” apo kunouya kunhandaro. (VaEfeso 5:15, 16) Chikonzero chacho? Vaduku vazhinji vanoita zvisarudzo zvakaipa zvikuru muna ikoku.
Apo Mufaro Unova Usingadzorwi
Rangarira zvakaitika shure munguva dzeBhaibheri. Vamwe vaIsraeri vakarasikirwa nemufungo wose wedzikamo apo kwakauya kunhandaro, vachifuratira mapati aitora husiku hwose! Muporofita Isaya akati: “Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaga doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro! Rudimbwa, nembira nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo.” Hakusati kuri kuti kwakanga kwakaipa kuungana pamwe chete ndokufarikanya zvokudya, nziyo, uye kutamba. Asi Isaya anoti nezveava vatambi vakaipa: “Asi havana hanya nebasa raJehovha.”—Isaya 5:11, 12.
Pwere zhinji nhasi dzinoita zvimwe chetezvo—hadzirangariri Mwari apo dzinotsvaga nhandaro. Dzimwe dzinozvidza mipimo youmwari dzisinganyari, kuvatana dzisati dzaroorana, kupaza, kushandisa zvisina kufanira mirimo, uye mumwe mufambiro wokusaitira hanya nokuda kwe“mufaro.” Mune zvimwe zviitiko, kunyange zvakadaro, vaduku havasiri chaizvoizvo kuedza kuva vakaipa. Asi vanokundikana kuita zvinhu mumwero uye kudzivisa kunyanyisa. (Zvirevo 23:20; 1 Timotio 3:11) Naizvozvo apo dzinoungana kuti dzive nenguva yakanaka, zvinhu zvinova zvisingadzorwi.—Enzanisa na1 VaKorinte 10:6-8.
Nguva pfupi yapfuura, Mukai! yakabvunza vamwe vaduku kuti “Chii chinoitika pamapati enyika nhasi?” Mumwe musikana wechiduku akapindura, kuti: “Mirimo, kunwisa. Zvinoitika chaizvoizvo.” Andrew muduku akati nezvevakomana vanoenda kumapati muchikoro chake: “Zvavanoita nguva dzose kuganza pamusoro pekuti vakanwa zvikuru sei.” Jason akatoti: “Pati yenyika kanodokuva nguva dzose ine zvinhu zvakaipa zvinoitika.” Sezvo “kutamba kwakaipa,” kana kuti “mapati oupengo,” zvichishurikidzwa muBhaibheri. Pwere dzinotya Mwari dzinodzivisa kokero dzokutandara.—VaGaratia 5:21; Byington.
Ngozi dzingatovanda mudzingaratidzika kuva nhandaro dzisingakuvadzi. Mazhinji emabhaisikopu akakurumbira zvikurusa anhasi, somuenzaniso, anoratidzira vasina kupfeka, kuvatana pachena, uye masimba masimba akashata. Nziyo dzakakurumbira kazhinji kazhinji dzine mashoko eunzenza. Makonzati eRock zviono zvakakurumbira zvokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, mheremhere, uye masimba masimba.a
Apo Vabereki Vanoti Aiwa
Chii chinokosha munhau iyi? Kana uri muKristu, haugoni kuita zvinhu zvose izvo vaenzani vako vanofarikanya kuita. Pashure pezvose, Jesu akataura kuti vateveri vake vai“sazova rutivi rwenyika,” uye ikoko kunoreva kuva akasiyana nevamwe vanhu. (Johane 15:19, NW) Kana vabereki vako vari vanotya Mwari, vanoziva zvikuru nezveidi irori. Naizvozvo padzimwe nguva, vaine chishuvo chokukudzivirira, vabereki vako vangasatendera kana kuti kurambidza zvakasimba zvimwe zvinhu—zvinhu dzimwe pwere dzinobvumidzwa kuita. Ikoku hakusi nyore nguva dzose kugamuchira. “Vanhu vanoda kuva nomufaro!” akaomerera kudaro mumwe musikana muduku. “Vabereki vedu vaiva nomufaro apo vakanga vari vaduku, asi pane dzimwe nguva kunonzwika sokunge vanoda kutidzvinyirira.”
Kutevera zano ravabereki vako munhau dzakadaro kungasava kuri nyore, kunyange apo zvikurukuru unogoverana murangariro wavo. Imwe pwere yairatidzika kuva yemitambo yatichati Jared inoyeuka, kuti: “Ndaida kutamba basketball mutimu yechikoro. Vanhu vazhinji vaindidzvinyirira kuti nditambe, uye kwakada kunditi netsei. Asi ipapo ndakataura kuvabereki vangu.” Vabereki vaJared vakaonesa ngozi dze“songanirano dzakashata” uye vakamuyeuchidza nezvokuti mibato yake yemitambo yaizova inopedza nguva sei. (1 VaKorinte 15:33, NW) “Naizvozvo ndaisagona kutamba,” Jared anodaro akasuruvara. Akateerera zano ravabereki vake, asi akangonzwa zvakashata kuti haana kutamba bhora.
‘Ndiri Kurasikirwa!’
Api kana api ari mamiriro ezvinhu ako, ungaodzwa mwoyo nenzira yakafanana panguva nenguva apo unonzwa vokuchikoro biyako vachiganza nezvenguva dzavo dzakanaka. ‘Nei dzimwe pwere dzichiva nemufaro wose?’ ungabvunza kudaro? Hungu, unogona sei kukurira kunzwa kwokuti uri kurasikirwa?
Kungabetsera kana ukarava Pisarema 73 ndokufungisisa chakaitika chomunyori weBhaibheri ainzi Asafi. Pis 73 Mundima 2 , ne3, iye akabvuma izvi: “Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; makumbo angu akanga otedzemuka. Nokuti ndakanga ndichigodora vanamanyawi.” Hungu, nepo Asafi aiva noupenyu hwakaganhurirwa, vamwe vakaganza kuti vaigona kuita chipi kana chipi chavaida—kuchioneka sepasina migumisiro yakaipa. Kwairatidzika kuti vaiva vane zvakawanda uye nguva dzose waiwana zvakawanda. (Pis 73 Ndima 12) Asafi nokudaro akava akaodzwa mwoyo kwazvo zvokuti akachema, kuti: “Ipapo, ndakazvichengeta, ndimene ndakachena uye handina kuita chivi pasina maturo here?”—Pisarema 73:13, Today’s English Version.
Sezvineiwo, Asafi akarangarira zvakanaka asati akurumidza kuita chinhu chipi nechipi. Akashanyira “nzvimbo tsvene yaMwari,” uye mumhoteredzo idzodzo dzakanaka, akarangarira nhau zvakakomba. Nokukurumidza Asafi akanga aita mhedziso inoshamisa pamusoro pezvevatsvaki vemufaro vasina umwari: “Zvirokwazvo munovaisa panotedza. Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.”—Pisarema 73:17, 18.
Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezvevazhinji vevaenzani vako vanotsvaga mifarwa. Vangafunga kuti vari kuva nenguva yakanaka zvino. Asi kufarikanya chivi ndokwechinguvana bedzi! (VaHebheru 11:25) Nemhaka yokuti havateveri mipimo yeBhaibheri, vamire “panotedza” uye vari mungozi yenguva dzose yokuwana neruparadziko runotyisa—kamwe kamwe uye pasina nyevero. Shoko raMwari rinoti: “Zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanochekazve.” (VaGaratia 6:7) Chokwadi wakanzwa nezvevaduku vezera rako, vakatotambura rufu nguva isati yasvika, hosha inopfuudzwa muvatano, pamuviri pasingadikanwi, kana kuti torongo somugumisiro wezviitiko zve“mufaro.” Hazvikubetseri here, ipapo, kusabatanidzwa mune zvinhu zvakadaro?—Isaya 48:17.
Soromoni anopa zano rakanaka apo anoti: “Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi nguva dzose, asi utye Jehovha mazuva ose. Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo, chawakatarira hachingaparadzwi.” (Zvirevo 23:17, 18) Hungu, hakuna nguva “yakanaka” yakafanirwa nokurasikirwa netariro yako yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.
Panguva ino, unogona sei kugutsa chishuvo chako chomuzvarirwo chokuva nenguva yakanaka zvirokwazvo panhambo nenhambo? Kune nzira dzakachengeteka, dzakanaka dzokuita kudaro here? Zvakadiniko kana mari nezvimwe zvinowanikwa zvichinge zvakaganhurirwa? Mukai! yakabvunza pwere kupote nyika nokuda kwezvikarakadzo nepfungwa. Izvozvi zvichakurukurwa munyaya inotevera munhevedzano.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nyaya ye“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndinofaira kupinda maKonzati eRock Here? muchinyorwa chaDecember 22, 1995, chechiNgezi.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Unofanira kunzwa uchirasikirwa here nemhaka yokuti haugoni kubatikana muicho nyika inoti mufaro?