Kusununguka Muurovha—Sei Uye Rini?
KUFANANA noMusiki wake, munhu anogona kuva nomufaro mubasa, iro rinorondedzerwa nenzira yakarurama se“chipo chaMwari.” (Muparidzi 3:12, 13; Johane 5:17) Basa rinofadza rinogona kutipa mufarwa ndokutiita kuti tinzwe tichibetsera uye tichidiwa. Munhu upi noupi haatongodi kurasikirwa nebasa, pasinei zvapo nokuti angarifarikanya zvishoma sei? Kunze kwokuvimbisa mubayiro, basa rinobhadharwa rinopa upenyu hwomunhu kurongeka, chinangwa, uye pfungwa yokuva akasiyana. Hakushamisi kuti kazhinji kazhinji “marovha anoda basa kupfuura chinhu chipi nechipi.”
Kutsvaka Basa
Sezvatatoona, mumiriro wezvinhu muvanoda basa wakaoma zvikuru. Somugumisiro, kune mitoo mizhinji inoshanda yokutsvaka nayo basa. Vapi navapi vanodziwana vanogona kushandisa betsero dzehurumende dzourovha uko dzinowanika; uye uko zvinoshanda, vanogona kunyoresa pahofisi yourovha ndokushandisa betsero dzinogoverwa. Vamwe vanowana basa kupfurikidza nokuita basa ravo vamene. Asi ngwariro inofanira kushandiswa. Kazhinji kazhinji vanozvishandira vanofanira kuripira ndyiko huru zvikuru dzokutanga idzo dzingasava dziri nyore kuripira dzose. Kuri madikanwawo kuziva ndokuremekedza mitemo yezvemari neyomutero—uko kuri kwakaoma zvikuru kuita mune dzimwe nyika!—VaRoma 13:1-7; VaEfeso 4:28.
Kuti vawane basa, vamwe vakaita basa rokutsvaka basa, vachizvitsaurira vamene kwariri nomutoo nokupfuurira. Vamwe vakanyorera makambani ari kutsvaka vashandi, kana kuti vakaisa zviziviso mumapepanhau omunzvimbomo—mamwe acho anodhinda zviziviso zvokukumbira basa pachena. Mukai! yakawanzopa zano rinobetsera nerinoshanda panhau yacho—nokuda kwavanhu vaduku navakuru nenzira yakafanana.a—Ona mabhokisi, peji 11.
Unofanira kuva anochinjika—anodisa kuita marudzi ose ebasa, kubatanidza mabasa ausati uchida chaizvoizvo. Nyanzvi dzinotaura kuti pakati pezvinhu zvokutanga zvinobvunzwa pamusoro pazvo pabvunzurudzo dzebasa ndirwo ruzivo rwokuzviwanira rwebasa rwomunguva yakapfuura neurefu hwenguva usingashandi. Nguva refu yokusava nebasa renguva dzose inorangarirwa sechinhu chisina kunaka nomushandirwi anobvira.
Munhu anopedza nguva yake muchikoro nenzira yokuchenjera achiwana unyanzvi ane mukana uri nani wokuwana basa rake rokutanga. “Urovha,” anodaro Alberto Majocchi, mudzidzisi wesayenzi dzezvemari, “hunotapura zvikurukuru vashandi vasina unyanzvi.”
Ukoshi Hwetsigiro Yemirangariro
Chimwe chinhu chinokosha chimiro chendangariro chakanaka. Ichochi chinogona kuita musiyano pakati pokuwana basa nokusariwana. Marovha anoonga zvikuru tsigiro yemirangariro, iyo inoabetsera kudzivisa kuzviparadzanisa amene kana kuti kuwira mukusaitira hanya. Inobatirawo kukurira kurasikirwa nokuzviremekedza uko kunogona kubva mukuzvienzanisa umene navamwe avo vasina kurasikirwa namabasa avo.
Kugona kurarama nezvishomanene kungasava kuri nyore. “Ndanetseka sezvandaiva, ndakakuwana kwakaoma kushandisa zvakanaka nguva yandakanga ndinayo,” anodaro Stefano. “Mumiriro wacho wezvinhu wakandiita akaoma zvikuru,” anoyeuka kudaro Francesco, “zvokuti ndakavamba kuwanira mhaka shamwari dzangu dzinodiwa.” Apa ndipo apo tsigiro yemhuri inokosha. Kushayikwa kwemari inowanwa kunoda kuchinjika kunoitwa nemitezo yose yemhuri, kuti igoderedza zvokurarama nazvo. Franco, akabudiswa basa pazera ramakore 43 pashure pokushandira kambani imwe cheteyo kwamakore 23, anoti: “Kubva panguva chaiyo yandakabudiswa basa, mudzimai wangu akanga ari ane chimiro chendangariro chakanaka uye manyuko ekurudziro huru.” Armando anoonga zvikuru mudzimai wake nokuda kwo“uchenjeri hwake hukuru mukutenga.”—Zvirevo 31:10-31; Mateo 6:19-22; Johane 6:12; 1 Timotio 6:8-10.
Nheyo dzeBhaibheri dzinogona kutibetsera kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka ndokusakanganwa mipimo inokosha zvikuru. Avo vakabvunzurudzwa neMukai!, vadudzwa pamusoro apa, vakawana vimbiso inonyaradza kubva muBhaibheri. Ikoku kwakavaita kuti vanzwe vari pedyo zvikuru naMwari. (Pisarema 34:10; 37:25; 55:22; VaFiripi 4:6, 7) Kuva noukama hwapedyo naJehovha Mwari ndekwoukoshi hukurusa, nokuti anopikira, kuti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.”—VaHebheru 13:5.
Munhu angava rovha kana kuti kwete, Shoko raMwari rinokurudzira munhu ari wose kusakurira mavara anobetsera nokuda kwoupenyu hwezuva riri rose. Hakushamisi kuti Zvapupu zvaJehovha padzimwe nguva zvinotsvakwa pashure ndokuongwa savashandi vakatendeseka. Zvinotevera zano reBhaibheri rokuva zvinoshingaira nezvakavimbika, kwete zvine usimbe.—Zvirevo 13:4; 22:29; 1 VaTesaronika 4:10-12; 2 VaTesaronika 3:10-12.
Rusununguko Mupfungwa Inotyisa Yourovha
Seri kwourovha, kune chisakiso chikuru—udyire hwomunhu namakaro. Seizvo Bhaibheri rinotaura, “munhu akadzora munhu kusvika kukuvadziko yake.”—Muparidzi 8:9, NW.
Chinetso chourovha—nezvimwe zvinetsowo—zvichapedzwa nokubviswa kwoudzori hwomunhu, huri zvino mu“mazuva okupedzisira” ahwo. (2 Timotio 3:1-3) Pane kudikanwa kwenyika iyo iri itsva chaizvoizvo. Hungu, nyika umo nzanga yomunhu yakarurama inogona kugara nokushanda mukutonga kwakarurama nokusingasaruri, umo makaro asati achizovamo. (1 VaKorinte 6:9, 10; 2 Petro 3:13) Ndicho chikonzero nei Jesu akadzidzisa vanhu kunyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda Kwake kuitwe pasi pano.—Mateo 6:10.
Richirondedzera nenzira youporofita kubviswa kwezvimwe zvezvinetso zvikuru zvorudzi rwomunhu, Shoko raMwari rinoenzanisira tapuro dzoUmambo ihwohwo, richiti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; . . . vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa.” (Isaya 65:21-23) Pfungwa inotyisa yourovha ichakurumidza kunyangarika zvachose. Kana ungada kuziva zvakawanda pamusoro pemhinduro yaMwari, tapota onana neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi yaOctober 22, 1994, mapeji 16-18; August 8, 1991, mapeji 6-10; January 22, 1983, mapeji 17-19; uye June 8, 1982, mapeji 3-8.
[Bhokisi riri papeji 11]
Kuita Basa Pamusha
• Kurera mucheche, kutarisira mwana
• Kutengesa miriwo inorimwa pamusha kana kuti maruva
• Kusona, kuchinja, uye kugadziridza zvipfeko
• Basa rechinguvana nokuda kwavagadziri vezvinhu
• Kubheka nokugadzira zvokudya
• Kugadzira kwiriti, kukirosha, kuruka; kuita zvinhu netambo, kuumba; mamwe mabasa
• Kugadzira zvinotefenyekera zvezvigaro
• Kutarisira akaunzi, kutaipa, mabasa apamba amakombiyuta
• Basa rokudavira runhare
• Kugadzira bvudzi
• Kugamuchira vanoda pokugara
• Kuisa kero nokuzadza hamvuropu dzavazivisi
• Kugeza motokari nokuisa porishi (kasitoma inounza motokari kumba)
• Kutsvindisa chipfuwo chinotambwa nacho nokuchisimbisa muviri
• Kugadzira zvimai zvekiyi nokugadzira kiyi (shopu iri pamba)
• Zviziviso zvakawanda zveiri basa zvinogona kuiswa mupepanhau pamutengo wakaderera
[Bhokisi riri papeji 11]
Kuita Basa Kunze Kwomusha
• Kuchengeta musha (apo vanhu vanenge vari pazororo uye vachida kuti musha wavo utarisirwe)
• Kuchenesa: zvitoro; mahofisi; misha nemafurati pashure pokuvaka, pashure pokutsva, pashure pokunge vanhu vatama; basa romumba (mumisha yavamwe); mawindo (ebhizimisi neapamusha)
• Kugadzira zvinhu zvakafa: zvokushandisa zvamarudzi ose (maraibhurari ane mabhuku ari nyore kutevera pamusoro pokugadzira zvinhu zvakafa)
• Mabasa asiri enguva dzose: kuisa mapuranga kana kuti marata kunze kwamadziro edzimba; kugadzira makabhineti, madhoo, mavheranda akaparadzana; kupenda; kufenza; kuisa matenga
• Basa rapapurazi: kudyara nokukohwa zvirimwa, kutanha michero
• Kugadzirwa kwenzvimbo yomukati mezvivako nokutarisirwa kwamaruva: mumahofisi, mabhangi, nzvimbo yavose yezvitoro uye nzvimbo dzinosvikira vashanyi, mikoto
• Kutarisirwa kwezvinhu: vachengeti venzvimbo, mutarisiri wefurati (pane dzimwe nguva kunobatanidza imba dzokugara dzapachena)
• Inishuwarenzi, pfuma yezvinhu nenzvimbo
• Kuisa kapeti, kuchenesa
• Kwakamirirwa mapepanhau (vakuru navana), mamwe mabasa okusvitsa zvinhu: zviziviso, mabhiri emanisiparati
• Kutakura, kuchengeta
• Kugadziridza nzvimbo, kuchekerera miti, kutarisira tsangadzi, kutema huni
• Mutyairi webhazi rechikoro
• Kutora mifananidzo (mapikicha nezviitiko zvavose)
• Hwambo hwavaredzi
• Basa rokuchinjana: kuchinjana kugadzirwa kwemotokari nebasa ramagetsi, kusona nokubatanidzwa kwepombi, uye zvichingodaro.
[Mufananidzo uri papeji 10]
“Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:22