Murangariro weBhaibheri
Chokuita Apo Unotadzira Vamwe
CHIMWE chinhu hachina kururama. Unongokuziva. Hama yako yechiKristu iri kukufuratira. Haina kutaura chiri kuinetsa, asi inoda kusamhorosa—uye ipapo bedzi kana ukatanga kuimhorosa! Unofanira kuisvika here kuti uone chisina kururama?
‘Ichocho chinetso chake’, ungafunga kudaro. ‘Kana achinge ane chimwe chinhu chokurwisana neni, anofanira kuuya ndokutaura kwandiri pamusoro pacho.’ Zvirokwazvo, Bhaibheri rinokurudzira munhu atadzirwa kutanga kuita rugare nehama yake. (Enzanisa naMateo 18:15-17.) Asika zvakadiniko nomutadzi? Mutoroi, kana uripo, uyo anawo?
MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akati: “Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paatari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi peatari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.” (Mateo 5:23, 24) Cherekedza kuti mashoko aJesu pano akanangidzirwa pamutadzi. Mutoroi waainawo wokupedza nhau yacho? Kupindura ikoko, ngatirangarirei izvo mashoko aJesu akareva kuvateereri vake vechiJudha vezana rokutanga ramakore.
“Kana Iwe Uchiuya Nechipo Chako Paatari”
Jesu pano anorondedzera zvakajeka: Munamati wechiJudha auya kuJerusarema nokuda kwemumwe wemitambo yegore negore. Iye ane chipo—sezvingabvira chemhuka—chokubayira kuna Jehovha.a Kupa chibayiro kwanga kwakasiyana chose chose nemuitiro usina revo. Bhuku rinonzi Judaism—Practice and Belief rinotsanangura, kuti: “Kusarudza mafuta, vanyajambwa vasina kushata, kuzviona zvichiongororwa nenyanzvi, kufamba nazvo kusvika mukati memayadhi mashomanene eatari iri kupfuta, kuzvigamuchidza, kuisa maoko pamusoro, kureurura kusachena kana kuti mhaka, kana kuti zvimwe kutsaurira mhuka yacho, kugura mutsipa wayo, kana kuti kunyange kungoibata—izvozvi zvaivimbisa kuva nerevo nokutyisa kwenguva yacho. . . . Hapana munhu aidavira kuti Mwari akanga arayira basa racho rose . . . aigona kuriita asingabatanidzwi mariri.”
Mashoko aJesu ari pana Mateo 5:23, 24 nokudaro anoendesa vateereri vake kunguva yakazadzwa nerevo norutyo kumunamati wechiJudha. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inorondedzera chiono chacho nenzira iyi: “Munamati apinda Mutembere; apfuura napakati penhevedzano dzayo dzevazhe, Ruvazhe rweVamarudzi, Ruvazhe Rwevakadzi, Ruvazhe Rwavarume. Mberi kwairworwo kwaiva roRuvazhe rwaVaprista umo munhuwo zvake aisagona kupinda. Munamati amire pachokubatira, agadzirira nyajambwa wake kumuprista; maoko ake ari pa[musoro wemhuka] kuti areurure.”
Panguva iyoyo yakakosha, munamati anoyeuka kuti hama yake ine chimwe chinhu chokurwisana naye. Kungava kuti hana yake amene inomuudza ikoku, kana kuti kungava kuti awana muchimiro chendangariro chehama yake kwaari kuti pane kunzwa kwokutadza. Anofanira kuiteiko?
“Usiye Chipo Chako . . . , Uende”
“Usiye chipo chako ipapo pamberi peatari,” Jesu anotsanangura kudaro, “uende.” Nemhaka yei? Chii chaigona kuva chinokosha panguva iyoyo chinopfuura kupa chibayiro kuna Jehovha? “Umbondoyanana nehama yako,” Jesu anopfuurirazve kutsanangura, “ugozouya woisa chipo chako.” Naizvozvo munamati anosiya chipiriso chake chiri chipenyu paatari yezvipiriso zvinopiswa ndokuenda kundotsvaga hama yake yakatadzirwa.
Sezvo uri mutambo, hama yatadzirwa pasina panikiro iri pakati pevanoenda kunzvimbo tsvene vakadirana kuJerusarema. Nemigwagwa yakamanikana nedzimba dzakabatana zvikuru, Jerusarema rine chiverengero chavanhu chakati. Asi uyu mutambo, uye guta rakazadzwa navashanyi.b
Kunyange kana vanhu vaibva mutaundi rimwe chetero vakafamba ndokuungana pamwe chete, kupinda napakati peguta rakazadzwa navanhu kuzowana mumwe munhu kwaida nhamburiko yakati. Somuenzaniso, mukati moMutambo waMatumba, vashanyi vaivaka matumba muguta mose uye munzira nomuminda yakanga yakapota Jerusarema. (Revhitiko 23:34, 42, 43) Kunyange zvakadaro, munamati wechiJudha anofanira kutsvaka hama yake yakatadzirwa kusvikira aiwana. Ndokuitei ipapo?
“Umbondoyanana nehama yako,” anodaro Jesu. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa “umbondoyanana” rinobva muchiito (di·al·lasʹso) rinoreva “‘ kuita kuti chinjo ishande, kutsinhanisa,’ uye nokudaro, ‘kuyananisa.’” Achinge aita nhamburiko yakati yokutsvaga hama yake yakatadzirwa, munamati wechiJudha anotsvaka kuita rugare naye. Ipapo, anodaro Jesu, angadzokera kutembere ndokupa chipo chake, nokuti zvino Mwari achachigamuchira.
Mashoko aJesu ari pana Mateo 5:23, 24 nokudaro anodzidzisa chidzidzo chinokosha: Kuyanana, kana kuti rugare, zvinotangira chibayiro. Nzira iyo tinobata nayo vanamati biyedu ine chokuita chakananga paukama hwedu naMwari.—1 Johane 4:20.
Chokuita Apo Unotadzira Vamwe
Zvakadiniko, ipapoka, kana ukazviwana umene uri mumamiriro ezvinhu anorondedzerwa pamavambo enyaya iyi—wakaziva kuti watadzira munamati biyako here? Unofanira kuitei?
Kushandisa zano raJesu, tanga kusvika hama yako. Uine vavariroi? Yokumupwisa kuti haana chikonzero chokunzwa agumburwa here? Nyangwe! Chinetso chacho chingava chinopfuura kusanzwisisa hako. “Umbondoyanana,” akadaro Jesu. Bvisa, kana zvichibvira, chigumbu mumwoyo make. (VaRoma 14:19) Nechinangwa ichocho, ungada kubvuma, kwete kuramba, mirangariro yake yokukuvadzwa. Ungadawo kubvunza kuti, ‘Chii chandinogona kuita kugadzirisa mhosho?’ Kazhinji, kazhinji kukumbira ruregerero kwapachokwadi ndiko bedzi kunodikanwa. Muzvimwe zviitiko, zvisinei, munhu atadzirwa angada nguva yokupedza mirangariro yake.
Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana pasinei zvapo nenhamburiko dzako dzinodzokororwa usingakwanisi kuita kuyanana? VaRoma 12:18 inoti: “Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.” Unogona nokudaro kuva nechivimbo chokuti apo bedzi unogona zvishandise umene kuti uite rugare, Jehovha achafara kugamuchira kunamata kwako.
[Mashoko Omuzasi]
a Nguva yenguva dzose yokuunza zvipiriso zvechibayiro yakanga iri mukati memitambo mitatu yemwaka—Paseka, Pentekosta, uye Matumba.—Dheuteronomio 16:16, 17.
b Fungidziro dzinosiyana pamusoro penhamba yevaienda kunzvimbo tsvene avo vaidirana kuJerusarema rakare nokuda kwemutambo. Wezvenhau wechiJudha wezana rokutanga ramakore Josephus akafungidzira kuti vanenge vaJudha vane mamiriyoni matatu vakanga varipo nokuda kwePaseka.—The Jewish War, II, 280 (xiv, 3); VI, 425 (ix, 3).