RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 2/8 pp. 11-13
  • Ndinofanira Kuitei Kana Shamwari Ikapinda Muchinetso?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kuitei Kana Shamwari Ikapinda Muchinetso?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ndinogona Kumuponesa’
  • Kubetsera Kwaungagona Kuita
  • Senguva Dzose Here?
  • Mutoro Mukuru
  • Ndinofanira Kumhan’arira Shamwari Yangu Here?
    Mukai!—2009
  • Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?
    Mukai!—2000
  • Zvaungaita Kuti Ubatsire Shamwari Iri Kurwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 2/8 pp. 11-13

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kuitei Kana Shamwari Ikapinda Muchinetso?

Sherrie ane makore gumi namana okukura anoti: “Shamwari yangu yakanakisa yakatsauka kubva pakuva muKristu. Kunondisuruvarisa. Ndakaedza zvakaoma kwazvo kumukurudzira!”a

KO mumwe munhu wepedyo newe akambopinda muchinetso here kana kuti akavamba kutevera mararamire anopanikirika here? “Ndakanga ndiri pedyo naChris,” Johnny anodaro. “Takanga tiri shamwari dzakanakisisa. Rimwe zuva akatiza pamusha. Ikoku kwakandikatyamadza, uye ndakasungirwa kumutevera. Ndakatyaira motokari usiku hwose ndichimutsvaga.”

Bhaibheri rakanyevera kuti mukati memazuva okupedzisira, dzvinyiriro huru dzaizosvika pavanhu, vaduku navakuru. (2 Timotio 3:1-5) Naizvozvo hakufaniri kutikatyamadza apo panguva nenguva muKristu muduku anogumbuka. Asi apo kunoitika kune mumwe munhu waunoitira hanya, unganzwa nhevedzano yemirangariro, inovambira parusuruvaro nengoni kusvikira kuhasha. Unoda kubetsera shamwari yako. Asika unogona sei kuita saizvozvo?

‘Ndinogona Kumuponesa’

Bhaibheri rinoti: “Ngaazive kuti unodzora mutadzi panzira yokutsauka kwake, uchaponesa mweya [womutadzi] parufu nokufukidza zvivi zvizhinji.” (Jakobho 5:20) Asika ikoku kunoreva here kuti kuita saizvozvo mutoro wako? Kwete hazvo. Vabereki veshamwari yako ndivo vane mutoro mukuru nokuda kwake.b (VaEfeso 6:4) Bhaibheri rinotizve pana VaGaratia 6:1: “Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro.” Vatariri veungano zvikurukuru vakakwaniriswa muna ikoku. Ivo nokudaro vari vanokwanisa zviri nani kubetsera muna ikoku kupfuura zvauri.

Ziva izvozvo, semunhu muduku, une ruzivo rwokuzviwanira rwakaganhurirwa muupenyu. (Enzanisa naVaHebheru 5:14.) Naizvozvo bvuma nokuzvininipisa ganhuriro dzako muna ikoku uye dzivisa kutanga zvinhu zvakawanda zvausingapedzi. (Zvirevo 11:2) Rangarira pwere yainzi Rebekah. Yakaedza kubetsera shamwari rume, hama yokunyama, iyo yakanga yabatanidzwa mumirimo. Anorondedzera, kuti: “Chakandidzvinyirira chakanga chiri chokuti iye aivimba neni kwete navabereki vake. Ndakaedza kumubetsera, asi kwaikangaidza zvikuru. Kwakandibetsera apo ndakaziva pakupedzisira kuti hapana chandaigona kuita . . . Ndakanga ndisingagoni kuva muponesi wake.” Rebekah ipapo akamukurudzira kuwana betsero kuvakura vakakwaniriswa.

Matthew muduku akanga ari mumamirire ezvinhu akafanana, asi akabvuma ganhuriro dzake pamavambo. Iye anoti pamusoro peshamwari yakanetseka: “Aiuya kwandiri nezvinetso zvake, asi ndaimuudza kuti aende kuvabereki vake. Ndaiziva pane kuti nditakure zvinetso zvake.”

Kubetsera Kwaungagona Kuita

Ikoku hakurevi kuti haungagoni kuita chinhu chipi nechipi kuti ubetsere. Zvakawanda zvinotsamira pamamiriro ezvinhu. Zvimwe shamwari yako inoda kuvimba newe. Nenzira yomuzvarirwo, ungada kuvapo nokuda kwake ndokuteerera. (Zvirevo 18:24; 21:13) Kana kuti kungave kuti avamba kutevera mararamiro anopanikirika. Kwaizova kwakakodzera kutanga kuita chiito ndokumuudza kuti nepo uchimuitira hanya, haugoni kutendera zvaari kuita.

Mumwe mumiriro wezvinhu ungabatanidza shamwari inobvuma chakaipa chakakomba. Angatoedza kuti umupikire kusaudza munhu upi noupi. Asika Bhaibheri rinoti: “Usagoverana . . . zvivi zvavamwe; uzvichengetedze iwe umene wakachena.” (1 Timotio 5:22, NW) Kana shamwari yako yairwara zvakakomba uye ichida kurapwa, haungaomereri pakuiendesa kuna chiremba here? Nenzira yakafanana, kana iye akapinda muchakaipa chakakomba, anoda betsero yomudzimu. Kuchengeta nhau dzakavanzika kunogona kumuuraya kumudzimu—uye kutapura zvakaipa ungano. Iwe naizvozvo une musengwa wokuona kuti vakuru veungano vanoziviswa.—Enzanisa naRevhitiko 5:1.

Caroline muduku akatora chimiro choushingi pamusoro peshamwari yaisadzoreka iyo yakanga ichireva nhema kuvabereki vayo. Iye anoti: “Ndakamupa vhiki mbiri dzokuti aende kuvakuru. Kana asina, ndakamuudza kuti ndaizoenda kwavari. Ikoku kwakanga kusiri nyore kwandiri kuita.” Johnny, adudzwa pakutanga, akaratidza simba rakafanana reunhu. Pamusoro peshamwari yake, Johnny anoyeuka: “Ndakashamiswa kuwana kuti akanga achigara nomusikana. Pakanga pane vamwe vakomana ipapo vainwa nokusvuta.” Johnny akakumbira shamwari yake kubuda kunze ndokurumbidza zvakasimba kuti atsvake betsero kuvakuru vomuungano.

Shamwari yako ingaonga kana kusaonga nhamburiko dzako. Bhaibheri rinotiudza kuti apo vakoma vake vakapinda muchakaipa, murume muduku Josefa “akaunza mushumo wakaipa pamusoro pavo kuna baba vavo.” Ikoku zvirokwazvo hakuna kuwedzera mukurumbira wake navakoma vake. Zvirokwazvo, “vakavamba kumuvenga.” —Genesi 37:2, NW.

Senguva Dzose Here?

Unganetesa nhamburiko dzako dzokubetsera, kunyange zvazvo zvakadaro, kana ukaramba uchisonganirana neshamwari yako sokunge kuti hapana chinhu chakaipa chakanga chaitika. Pana 1 VaKorinte 15:33, muapostora Pauro akanyevera vaKristu kuti varege kusonganirana navaiti vezvakaipa. Songanirano yapedyo navanhu vakadaro inogona bedzi kukuwisira pasi!

Mollie muduku akadzidza ikoku nenzira yakaoma apo shamwari yake Sally yakavamba kuronga misi yokuvhakacha pakavanda. Sally akanga asati ari muduku bedzi zvokusagona kuroorwa asi akaronga misi yokuvhakacha navakomana vaisava vaKristu. Mollie akafuratira mamiriro ezvinhu ndokupfuurira kusonganirana neshamwari dzake. Mugumisiro wacho? Anodaro Mollie: “Pakupedzisira, Sally akaronga kuti ndifambidzane nomukomana wekunyika, uye takaenda pamusi wakarongwa kuvhakacha.” Sezvineiwo, Mollie akawana betsero kubva kuvakuru veungano mamiriro ezvinhu asati akomba zvikuru.

Lynn nenzira yakafanana akaita kubvumirana pane zvisina kufanira kuti achengete ushamwari hwake nemusikana anonzi Beth. “Ndakarangarira kuti ndaigona kumununura,” anoyeuka kudaro Lynn, “asi hazvina kushanda. Ndakaenda naye kumakirabhu. Ndaiziva kuti kwakanga kwakaipa, asi ndakanga ndisingadi kuti akuvare. Zvinetso zvake zvakavamba kundiremera. Ndakaramba ndakanyarara pamusoro penhau yacho, ndichifunga kuti chinetso chacho chaizopera, asi chakakura zvikuru.” Ngwavaira yakakatyamadza Lynn. Shamwari yake Beth yakaurawa nemurume muduku uyo akanga achironga misi yokuvhakacha naye.

Kunamatira kushamwari kunganzwika sokwakanaka. Asi kana shamwari yako ichinyura chaizvoizvo mudziva rine mvura inotenderera nesimba, ungasvetukiramo here iwe umene? Chingangoitika bedzi ndechokuurawa mose muri vaviri. Chinhu chine mufungo chokuita kungava kumukandira chinoponesa upenyu. Nenzira yakafanana, unofanira kupa betsero uri padaro.—Judhasi 22, 23.

Kuramba uri kure kuri madikanwa kana shamwari yako yadzingwa muungano. Murayiro weBhaibheri ndewo“kurega kusonganirana” naiyeyo. (1 VaKorinte 5:11, NW) Uchiri kuitira hanya munhu iyeyo, unogona kumubetsera zvakanakisisa, kwete kupfurikidza nokumutevera kupinda muchakaipa, asi kupfurikidza nokuratidzira ruvimbiko rwako muna Jehovha. (Pisarema 18:25) Chimiro chako chokusabvumirana pane zvakaipa chingava chinhu chimene chinomusunda kurangarira zviito zvake. Chinokosha zvikuru, ruvimbiko rwako ruchaunza mufaro kuna Jehovha.—Zvirevo 27:11.

Mutoro Mukuru

Kazhinji kazhinji, kunyange zvazvo zvakadaro, nhamburiko dzomunhu dzakanakisisa dzokubetsera dzinokundikana. Rebekah anoyeuka pamusoro peshamwari yake, kuti: “Ndakaedza kusvika ndokumubetsera. Ndakatomunyorera tsamba, asi haana kutongoipindura.” Caroline akawana kuti mushure memwedzi wokuedza kubetsera shamwari yakanga yave kuita zvinhu zvaizounza chinetso, aka“tanga kunzwa kuvadziko.”

Kunokosha kuziva kuti “mumwe nomumwe wedu uchazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12) Uye nepo kwakafanira kubetsera mumwe munhu kutakura mitoro yake, kana kuti zvinetso zvake, kupfurikidza nokupa rubatsiro runoshanda, haumbogona kutakura “mutoro” womumwe munhu—ndiko kuti, basa romunhu kuna Mwari. “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake amene,” rinodaro Bhaibheri. (VaGaratia 6:5, NW) Hauna mutoro wezvisarudzo zvinoita shamwari yako.

Kunyange zvazvo zvakadaro, kutarira shamwari ichiparadza upenyu hwayo kunorwadza. Murume muduku anonzi Mike anoti pamusoro pekurasikirwa neshamwari: “Kwakandirwadza zvikuru. Ndakanga ndiri pedyo kwazvo naMark navabereki vake. Ndakaora mwoyo.”

Kunongova bedzi kwemuzvarirwo bedzi kutambudzika nerasikirwo yakadaro. Zvisinei, kutaura pamusoro pemirangariro yako nomumwe munhu waunovimba naye kunogona kubetsera. (Zvirevo 12:25) “Nebetsero yavabereki vangu,” anodaro Rebekah, “ndakakwanisa kuchipedza.” Unogonawo kudururira mirangariro yako yaunoita kuna Jehovha Mwari mumunyengetero. (Pisarema 62:8) Caroline anopfupikisa zvakanaka kupfurikidza nokuti: “Kunyengetera kuna Jehovha nokuparidza kuna vamwe kwakandibetsera zvikuru kwazvo. Ndakasvikawo pedyo navamwe muungano, zvikurukuru vakadzi vakuru. Ndakaziva pakupedzisira kuti vanhu vanozvidavirira nokuda kwezviito zvavo vamene uye kuti ndaifanira kupfuurira noupenyu hwangu.” Kupfurikidza nokuita zvose izvozvo, uchazvibetsera iwe umene zvirokwazvo. Uye ungabetsera chaizvo shamwari yako isingadzorekiwo.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe amazita akachinjwa.

b Nokuda kwokupfava, tichanongedzera kushamwari isingadzoreki somunhurume.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kurudzira shamwari yako kuti iwane betsero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe