Chii Chiri Kuitika Muzvikoro Nhasi?
“ZVIKORO Zvedu Zviri Munjodzi: Uyisai Mapurisa Zvino” wakanga uri musoro mukuru wemisi ichangobva kupfuura wepeji yokutanga mupepanhau reNew York City. New York City Board of Education ine varindi vokuchengetedza chikoro vayo imene—uto revane 3 200—avo vanorinda zvikoro zvinopfuura 1 000 zvomuguta racho. Zvino vazhinji vanoda kuti mapurisa eguta enguva dzose apinzwe muzvikoro zvacho kuti vabetsere nokuchengetedza. Vanodikanwa chaizvoizvo here?
Mumwe musoro mukuru weNew York Times wakati: “Mushumo Unowana kuti 20 muzana yeVadzidzi Vari muNew York City Vanotakura Zvombo.” Mukuru wezvikoro zveNew York City kubvira muna 1990 kusvikira muna 1992, Joseph Fernandez, akabvuma, kuti: “Handisati ndatongoona chinhu chipi nechipi chakafanana nemasimba masimba atinawo zvino muzvikoro zvedu zvomumaguta makuru. . . . ndaisagona kufungidzira apo ndakabvuma nzvimbo youtungamiriri mudzidzo yapamusoro muNew York muna 1990 kuti kwaizova kwakaipa kudaro. Harisiri danho, uipi hunopfuurira.”
Kwakaipa Sei?
Fernandez akashuma, kuti: “Mukati memwedzi yangu gumi yokutanga somukuru, taive neavhareji yemwana wechikoro mumwe aipondwa rimwe zuva riri rose—aibayiwa munjanji dzepasi pevhu, aipfurwa mumayadhi ezvikoro kana kuti mumakona emigwagwa . . . Zvimwe zvikoro zvapamusoro zvine [varindi] gumi nevashanu kana kuti gumi nevatanhatu vanorinda mikoto nezvivanze.” Akawedzera, kuti: “Masimba masimba muzvikoro zvedu akapararira, uye matanho anopfuura enguva dzose aifanira kuitwa. Zvikoro zviri muChicago, Los Angeles, Detroit—nzvimbo dzemaguta makuru dzose—zvino dzinoratidza chitarisiko chimwe chetecho chinodokuva choutsinye hwakaipisisa.
“Chinyadzo chiri muna ikoku chiri pachena zvinoshamisa. Mumakumi maviri emakore akapfuura takasvika pakubvuma zvisingabvumiki: zvikoro zveAmerica senhandare dzehondo. Dzimba dzerutyo netyisidziro panzvimbo pokuva nzvimbo dzedzidzo.”
Kune vakuru vakuru vokuchengeta mugadziriro yezvikoro 245 zviri muUnited States, uye mu102 zveizvi, vakuru vakuru vacho vane zvombo. Asi havasiri ivo bedzi vane zvombo. Maererano nekuongorora kweUniversity of Michigan, kunofungidzirwa kuti vadzidzi vari muUnited States vanoenda nepfuti dzinenge 270 000, tisingaverengi zvimwe zvombo, kuchikoro zuva riri rose!
Panzvimbo pokuvandudza, mamiriro ezvinhu aipa zvikuru kwazvo. Michina inobata simbi inoshandiswa muzvikoro zvakawanda yakundikana kumisa kupinda kwezvombo. Mukati mematsutso a1994, zviitiko zvakashumwa zvemasimba masimba muzvikoro zveNew York City zvakakwira ne28 muzana mukuenzaniswa nenhambo imwe cheteyo gore rakapfuura! “Kwenguva yokutanga kubvira nakare kwose,” anotsanangura kudaro Phi Delta Kappan pamusoro pebvunzurudzo yevakasiyana-siyana yakaitwa muUnited States, “boka re‘kurwa, masimba masimba, uye zvikwata zvematsotsi’ rinogoverana nzvimbo yokutanga ne‘kushayikwa kwechirango’ sechinetso chikurusa chiri kutarisana nezvikoro zvehurumende zvomunzvimbomo.”
Masimba masimba muchikoro akaparira zvikoro njodzi munyika zhinji. MuCanada, Globe and Mail yeToronto yakanga ine musoro mukuru, unoti: “Zvikoro Zviri Kuva Nzvimbo Dzine Ngozi.” Uye imwe nzvero muMelbourne, Australia, yakazivisa kuti inenge 60 muzana yevana vechikoro-vepuraimari vanoendeswa nokudzoswa kuchikoro chavo nevabereki nemhaka yokutya kudenhwa kana kuti kubiwa.
Masimba masimba, zvisinei, anongova bedzi rutivi rwechinetso chacho. Kune zvimwe zvinhu zviri kuitika muzvikoro zvedu zvinoparira kushushikana kwakakomba.
Nhau Yetsika
Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura kuti ufeve—kuvatana kunze kweroorano—hakuna kururama, zvikoro nhasi hazvitsigiri dzidziso yetsika yakanaka yakadaro. (VaEfeso 5:5; 1 VaTesaronika 4:3-5; Zvakazarurwa 22:15) Zvirokwazvo ikoku kwakaparira mamiriro ezvinhu ayo Fernandez akarondedzera apo akati: “Vakawanda se80 muzana yevechiduku vedu vanoda kuvatana.” Mune chimwe chikoro chapamusoro chiri muChicago, chikamu chimwe muzvitatu chevadzidzi vechikadzi vakanga vane nhumbu!
Zvimwe zvikoro zvine kireshi dzokutarisira vana vevadzidzi. Mukuwedzera, makondomu anogoverwa somuitiro wenguva dzose munhamburiko isina maturo yokudzivisa murakatira weAIDS uye wekukwira kwekuberekwa kwevana kusiri kwapamutemo kunowedzera. Kana kuparadzirwa kwemakondomu kusingakurudziri chaizvoizvo vadzidzi kufeva, kunofuratira kuita kwavo kudaro. Pamusoro petsika, vadzidzi vanofanira kufungei?
Mudzidzisi wenguva yakareba wepayunivhesiti akataura kuti kune “nhamba inoshamisa yevanhu vaduku vanofunga kuti hakuna chakarurama kana kuti chisakarurama, kuti zvisarudzo zvetsika zvinotsamira pamafungire aunoita.” Nei pwere dzichifunga nenzira iyi? Mudzidzisi wacho akati: “Zvichida rwakanga rwuri ruzivo rwavo rwokuzviwanira pachikoro chepamusoro rwakavatungamirira kuva vasingadaviri kuvapo kwetsika.” Chii chiri mugumisiro wekusava nechokwadi netsika kwakadaro?
Nyaya yomupepeti wenhau yomupepanhau remisi ichangobva kupfuura iyi yakademba, kuti: “Hapana munhu upi noupi, kunoratidzika kudaro padzimwe nguva, anoda kubvuma kushorwa nokuda kwechinhu chipi nechipi. Munzira ipi neipi. Hungu, shoko racho nderokuti chinhu chipi nechipi chinobvumirwa! Rangarira mumwe muenzaniso wetapuro yakakomba uku kunogona kuva nayo pavadzidzi. Mukirasi yepayunivhesiti panhau yeHondo yeNyika II uye kumuka kwechiNazi, mumwe purofesa akawana kuti vazhinjisa vevadzidzi vake vaive vasingadaviri kuti munhu upi noupi akanga achifanira kushorwa nokuda kweKupondwa Kwavazhinji! “Mundangariro dzevadzidzi,” mudzidzisi wacho akadaro, “Kupondwa Kwavazhinji kwacho kwakanga kwakafanana nengwavaira yomusikirwo: Kwakanga kusingadzivisiki.”
Imhaka yaani apo vadzidzi vasingakwanisi kuziva chakarurama nechisakarurama?
Pakati Penguva Dzakaoma
Mukudzivirira zvikoro, aichimbova mudzidzisi akati: “Chinetso chinovambira munzanga, uye zvikoro zvinongoratidza hazvo zvinetso zvagara zvirimo.” Zvirokwazvo, kwakaoma kudzidzisa nenzira inobudirira izvo vatungamiriri venzanga vanokundikana kushandisa.
Achienzanisira ikoku, mukati menguva apo unzenza hwevakuru vakuru vehurumende yeU.S. hwakanga huri musoro mukuru wenhau, munyori wemupepanhau anozivikanwa zvikuru akanyora, kuti: “Handizivi kuti vadzidzisi vari muchizvarwa chino chisina kuvimbika vanogona sei kuedza kudzidzisa kuva netsika. . . . ‘Tarisa paWashington!’ kunyange vadzidzi vaduku vacharamba. Vanoziva . . . kuti kunyengera kwakaipisisa munhau kwakapfuurira muimba yokugara yapamutemo yapurezidhendi weUnited States.”
Bhaibheri rakafanotaura kuti “namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.” (2 Timotio 3:1-5) Zvirokwazvo dzino ndidzo nguva dzokutambudzika! Mukurangarira ikoku, chii chiri kuitwa kugonana nenjodzi dziri muzvikoro nhasi uye kubetsera vadzidzi kuwana dzidzo yakanaka? Chii chamunogona kuita sevabereki nevadzidzi? Nyaya dzinotevera dzichakurukura ikoku.