RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 12/8 pp. 17-19
  • Miitiro Yechinguvana—Ndinofanira Kuigamuchira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Miitiro Yechinguvana—Ndinofanira Kuigamuchira Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kungwarira Nhano Dzako
  • Murangariro Waunopa Vamwe
  • Dikanwo Yokungwarira
  • Miitiro Yechinguvana—Chii Chiri Kukwezva Kwayo?
    Mukai!—1994
  • Neiko Ndichifanira Kuva Akasiana?
    Mukai!—1992
  • Zvipfeko Zvangu Zvinoratidzira Ini Chaiyeiye Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinofanira Kuona Sei Makirabhu Emadhanzi Epwere?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 12/8 pp. 17-19

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Miitiro Yechinguvana—Ndinofanira Kuigamuchira Here?

‘NDOKWAZVINO uno chaizvoizvo!’ ‘Zvino kunofadza zvikuru!’ Kuyemura kungataurwa nenzira yakanakisisa apo vaenzani vako vanoona kuti uri kutevera muitiro wechinguvana wazvino uno. Hungu, miitiro yechinguvana ine nzira yokubata nayo ngwariro nokumutsa kuita kwakasimba.

Zvisinei, miitiro yechinguvana inochinjawo nokukurumidza zvikuru, uye inogara kwenguva pfupi nomutoo wakakurumbira. Maererano nokumwe kunzvera kwokutengeswa kwezvinhu, muitiro wechinguvana unotanga kuwana simba pakati pamapoka maduku epwere dzakashinga, dzinowirirana. Sezvaunovamba kupararira, vagadziri navazivisi vanousimudzira kupfurikidza nezviziviso zvemagazini, TV, uye redhiyo. Vaimbi navakakurumbira vanoripirwa kuti vaupe kuremekedzwa nomukurumbira kupfurikidza nokuutendera. Pwere dzimene dzingausimudzira nembavarira huru. Uye kana ukawana mukurumbira, unogona kuva fashoni pakati pa“voruzhinji vakawandisa vechiverengero chavagari vemo chavaduku.”

Kunyange zvazvo, pakupedzisira, muitiro wechinguvana unorasikirwa nokufadza kwawo ndokupera. (American Demographics) Asi apo rudzi rutsva, kutamba, kana kuti chinhu chitsva chinenge chiri fashoni, unganzwa uri mudzvinyiriro huru yokuwirirana. Vazhinji vanonzwa saKim ane makore 15 okukura, akati: “Unoitwa kuti unzwe sousingagamuchiriki apo unenge wakasiyana.”

Kugamuchira miitiro yechinguvana kunogona kuva mubato unodhura. Rangarira, somuenzaniso, muitiro wepini uyo wakatanga pakati pepwere dzechiFrench makore mashomanene akapfuura. Maererano nenyaya ya 1991 muThe New York Times, “imanikidziro [chinodikanwa] kuita kuti kepisi yako yebaseball kana kuti nzeve dzebhachi dzizadzwe namapini anopenya ane mavara akasiyana-siyana, ane ukuru hwedhoti redhomino.” Muitiro wacho wairatidzika sousingakuvadzi zvikuru—asi waifanira kuva anokwanisa kuripa Z$96 yakawanda zvikuru nokuda kwepini imwe neimwe yakagadzirwa nounyanzvi.

Pwere ingawanawo kuti kuva “wazvino uno” kunoreva zvakawanda kungopfuura kupedza mari yakawanda. Mumamwe mapoka umo iri fashoni kupfeka kepisi yebaseball, unofanira kusarudza kepisi ine ruvara rwakarurama, inomirira timu yakarurama, uye rutivi rwomuitiro wacho wechinguvana ndiyo nzira iyo unopfeka nayo kepisi yacho.

Kupwere zhinji inhau yakakomba. Dzinorangarira kutevera miitiro yechinguvana yakati sechinhu chinokosha kukuwana mukurumbira kana kuti kugamuchirika. Kunyange zvakadaro, tichaona kuti kugamuchira miitiro yechinguvana hakugarova chinhu chakanaka chokuita.

Kungwarira Nhano Dzako

Bhaibheri harishurikidzi chose miitiro yechinguvana maererano norudzi rwairi imene. Mimwe mibato yakakurumbira ingava yakakodzera pasinei zvapo norudzi rwomuitiro wayo. Kumhanya zvishoma nezvishoma, somuenzaniso, kwairangarirwa somuitiro wechinguvana navamwe apo kwakava kwakakurumbira makore akati akapfuura. Asi ndiani anogona kuramba betsero dzokurovedza kwakanaka, kune mwero?—Enzanisa na 1 Timotio 4:8.

Kunyanguvezvo, miitiro yechinguvana inosiyana-siyana kubva pane youpenzi kusvika kune ine ngozi. Nokudaro nyevero yechirevo chekare yakakodzera, inoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Munhu akangwara akachenjera, anonzwisisa. Haateveri fashoni itsva noupofu nemhaka bedzi yokuti yakakurumbira. Nokuchenjera, anosanorangarira migumisiro yezviito zvake.

Mutengo ungava chimwe chinhu chokurangarira. Magazini yeCanada inotaura nezvomusikana muduku anoshanda munzvimbo yokudyira yavose yezvokudya zvinogadzirwa nokukurumidza. Inopfuura hafu yemari yaanotambira kupfurikidza nokushanda zvakaoma inopedzerwa mukutenga zvipfeko zvemiitiro yechinguvana yazvino uno. “Mariwo chitaviridzo,” rinodaro Bhaibheri, ndiko kuti, chishandiso chinodikanwa, chinoshanda. (Muparidzi 7:12) Unokwanisa kuipambadza here pazvinhu izvo zviri, seizvo mumwe munyori anotaura, “zvakagadzirirwa kubuda mufashoni mumwaka mumwe kana kuti miviri”?

Ngozi yomuviri ingava chimwe chinhu chokurangarira. Break dancing yakanga yakakurumbira mazuva achangobva kupfuura aya. Asi yakaparira kuvadziko zhinji dzemisana. Zvakadiniko nanhasi? Nyaya yaiva mumagazini yeRolling Stone inotaura pamusoro pokufarisa kwoupenzi pamabandiko okutamba namakonzati enziyo dzerock, kwakadai se“stage-diving” (kusvetuka kubva pachikuva uchienda mumaoko avatsigiri vanofara), “kutamba kwokubonderana,” uye “kutamba kwokubonderana kwavanhu vakatsvikinyidzana”—mibato yo“kutamba” iyo iri zvomenemene masimba masimba anowirirana nomutinhimira wenziyo. “Ichi chinhu chava chisingadzoreki zvikuru. Ndinoreva, chaizvoizvo,” inonyunyuta kudaro imwe pwere. Inotsanangura nzira iyo “vatambi” vane upengo vacha“dzora nayo uriri hwokutambira vasingadzorwi, vachitenderera vatendererazve, vachirovera nokusava nehanya nomunhu upi noupi ane rushambwa rwokumira munzvimbo iri pedyo.” Mufambiro wakadaro ungaorora vamwe vavaenzani vako. Asi kuva munzvimbo dzakadaro kana kuti kuita zvinhu zvakadaro kunowana tendero yaMwari here, uyo anorayira vaKristu ku“ramba kusava woumwari nezvishuvo zvenyika ndokurarama nokunaka kwendangariro”?—Tito 2:12, NW.

Zvakadiniko nengozi dzoutano dzokuboora muviri nokutemwa nyora—izvo zviri kuwanawo mukurumbira pakati pepwere? Vanachiremba vanotaura kuti kutemwa nyora kunogona kupa ngozi dzezvokurapa, dzakadai sokuzvimba chiropa uye zvichida AIDS, kana matanho outsanana akasaitwa. Ipapo pane kariro yokuva akashongedzwa kwechigarire pashure pokunge muitiro wacho wechinguvana wabuda mufashoni. Chokwadi, dzimwe nyora dzinogona kubviswa nelaser. Asi kurapwa nelaser kunobatanidza nhambo dzinorwadza dzinoverengeka, dzinoita mazana amadhora imwe neimwe.

Chinouraya zvikurusa chezvose ikuvadziko yokumudzimu iyo inogona kuparirwa nokutevera miitiro yechinguvana yakati. Mizhinji yayo inonangidzira pavakakurumbira—vatambi, vamhanyi, vaimbi, navamwe vakafanana navo. Kunova “kwazvino uno” kupfeka nokuita saani naani ari zvino ngwariro yavose. Asi Jehovha Mwari anorangarira sei kunamata gamba kwakadaro? Sokunamata chifananidzo kukuru. Nokudaro Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Tizai kunamata zvifananidzo.” (1 VaKorinte 10:14) Vakakurumbira vazhinji havarangariri chipi kana chipi pamusoro pemipimo yetsika yeBhaibheri. (1 VaKorinte 6:9-11) Zvakwakadaro, Mwari angagona kufadzwa here kana ukaita kana kuti kupfeka munzira idzo, kutaura idi, dzinopa rukudzo kuvakadaro?

Murangariro Waunopa Vamwe

Bhaibheri rinorayirawo pwere kukudza vabereki vadzo. (VaEfeso 6:2) Kwaisazovazvidza here kana ukauya kumba wakashongedzwa nezvishongo zvomuviri kana kuti wakafukidzwa nenyora? Uye zvakadini nevamwe, vakadai savomukirasi biyako? Kana uri muKristu, vaizokuwana kwakaoma here kukurangarira zvakakomba kana ukaedza gare gare kugoverana kutenda kwako navo?—Enzanisa na 2 VaKorinte 6:3.

Zvimwe chetezvo zvingagona kutaurwa pamusoro pokupfeka fashoni dzakati dzinoitwa dzakakurumbira nenyanzvi dzerap. Sezvinobvumwa, munharaunda zhinji kepisi yebaseball inongova chifukidziro chomusoro. Asi mune dzimwe nharaunda dzomumaguta, “ukama hwavanhu zvino hunoita rutivi rwunokosha mumukurumbira wengowani dzakati.” (Entertainment Weekly) Kupfeka kepisi dzakati, mabhachi, mazishangu, kana kuti zvimwe zvinhu zvehip-hop kunopa murangariro wokuti unonamatira kumuraramire werap here? Yeuka, rudo rwechiKristu “haruiti zvisingafaniri” kana kuti munzira inokatyamadza.—1 VaKorinte 13:5.

Rangarira chakaitika kurimwe boka ravasikana vaduku mutaundi rinochengeta tsika avo, maererano nemagazini inonzi People, vakazvidza kutapurika kwomunzvimbomo kupfurikidza nokuenda kuchikoro vakapfeka “zvipfeko zvefashoni yehip-hop.” Mumwe musikana akatsanangura, kuti: “Tinoona izvi zvipfeko muMTV [cable TV nhepfenyuro yenziyo dzevhidhiyo]. Ndakafunga kuti zvinoratidzika zvakanaka.” Zvisinei, fashoni yapamusoro yomuitiro yakamutsa kuitirana nharo—uye masimba masimba ourudzi.

Naizvozvo savaKristu tinoda ‘kuzvipfekedza timene nomwero nokunaka kwendangariro.’ (1 Timotio 2:9) Ikoku kunobatanidza kurangarira kunzwa nezvimiro zvavamwe nokusarambira pazvido zvako zvomunhu oga. Kunorevawo kudzivisa fashoni yomupfekero nomufambiro izvo vamwe vangarangarira sezvokunyanyisa.

Dikanwo Yokungwarira

Chokwadika, muitiro wechinguvana mumwe nomumwe unofanira kurangarirwa pakodzero yawo umene. Yeuka, kunyange zvazvo, kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye mutongi wenyika ino uye nharidzano yake ndeyoku“paradza.” (1 Petro 5:8; Johane 12:31; 1 Johane 5:19) Pasina kupokana mimwe miitiro yakakurumbira yakashandiswa naSatani kutsausa nokutungamirira pwere kubva kuna Mwari. Nokudaro ngwariro yakakodzera.

Kunowanzova kusachenjera kuva pakati povokutanga kutevera muitiro mutsva upi noupi kana kuti muitiro wechinguvana; kwakakotsekana zvikuru kurerekera kukuva asingachinji. Kuno rumwe rutivi, Bhaibheri rinonyeverawo pamusoro pokuva “wakaisvorurama.” (Muparidzi 7:16) Chokwadi haufaniri kudzivisa chinjo mufashoni kusvika kutambanuko yokuratidzika kuva wechinyakare apererwa nezano, wechienzi, kana kuti akasiyana.

Apo muitiro wechinguvana unoputsa zvakajeka nheyo dzeBhaibheri kana kuti chisarudzo chakanaka, ipapo chinhu chakanaka chokuita kuudzivisa. Sezvinobvumwa, hakusi nyore kuva akasiyana navaenzani vako. Asi mubhuku rake rinonzi How to Say No and Keep Your Friends, munyori Sharon Scott anobvunza, kuti: “Une here shamwari dzipi nedzipi dzakangwara zvikuru nedzinosanokuziva zvokuti dzinofanira kuva dzichiita zvisarudzo zvako nokuda kwako? Zvimwe kwete!” Kwaisazova kuri nani here kutungamirirwa nezvido zvavabereki vako nehana yako yakarovedzwa neBhaibheri? Kuita kudaro kungasakuunzira tendero yavaenzani vako vose, asi kuchaunza tendero yaJehovha, iyo, mukusafanana nemuitiro unopfuura, inogona kuva yokusingaperi!—Pisarema 41:12; Zvirevo 12:2.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vabereki vako vachaita sei kana ukagamuchira muitiro wechinguvana wakati?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe