RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 11/8 pp. 15-17
  • Zvakadiniko Nenzendo Dzekirasi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadiniko Nenzendo Dzekirasi?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuverenga Ndyiko
  • Kufadza Mwari Zvizere
  • Mhuri yaJesu Inoenda kuJerusarema
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Pwere dzechiKristu—Ivai Vakasimba Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Vana Vechikoro Zvapupu Vanorumbidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Vechiduku—Jehovha Haasi Kuzokanganwa Basa Renyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Mukai!—1994
g94 11/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakadiniko Nenzendo Dzekirasi?

“UNOWANA nguva yokusava pachikoro.” “Kumbochinjawo unoona chimwe chinhu chitsva.” “Unosvika pakuziva vomukirasi biyako zviri nani.”

Ndizvo zvakataura pwere nhatu dzeGermany kutsanangura chikonzero nei dzichifarikanya nzendo dzekirasi. Nzendo dzakadaro dzakarovedzeka zvikuru kuna vanhu vaduku kupota nyika yose.

Zvisinei, havasi vadzidzi bedzi vanofunga zvikuru pamusoro penzendo dzekirasi. “Rwendo rwekirasi rwakasanorongwa nderwebetsero chaiyoiyo kupwere, runokudza kariro dzayo ndokuibetsera kuzvimirira,” anodaro mumwe mudzidzisi. “Kupfuurirazve, ukama pakati pomudzidzisi nekirasi hunosimbiswa.” Hapana kupokana kwokuti vadzidzisi vanongwarira nekirasi ine tsika dzakanaka vanogona kubatana kuti vaite rwendo rwekirasi runodzidzisa nerunofarikanyika.

Hunyanguvezvo, pangava nezvinhu zvinoverengeka zvinobatanidzwa izvo zvinosanobatanidza pwere dzechiKristu navabereki vadzo. Somuenzaniso, muGermany nedzimwe nyika dzeEurope, vadzidzi vemitezo yose iri miviri yokubereka nayo vanowanzofamba pamwe chete panzendo dzekirasi refu. Ikoku kunowanzobatanidza kurara kure nomusha. Kazhinji kazhinji zvikuru ikoku kunoreva chinetso. Anna-Laura ane makore gumi namana okukura anoyeuka, kuti: “Pashure pamazuva mashomanene tiri parwendo, zvinhu hazvina kudzoreka. Kunyange usiku hatina kuva norugare norunyararo. Vakawanda mukirasi yacho vakaita nenzira youdyire neyokusarangarira.”

Chii, ipapoka, chaunofanira kuita kana ukapiwa mukana wokuenda parwendo rwekirasi?

Kuverenga Ndyiko

Pana Ruka 14:28, Jesu Kristu akati: “Ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?” Iwe navabereki vako musati masarudza kana rwendo rwekirasi rwacho ruri chimwe chinhu nokuda kwako, sanonzverai zvose izvo zvinobatanidzwa. Heino mibvunzo yokurangarira:

Rwendo rwacho ruchakuendesa kupi? Kana ruchibatanidza kushanya kwezuva rimwe kumuyuziyemu iri pedyo kana kuti rwendo rurefu rune kurara kumwe kungaita musiyano mukuru. Mukuwedzera, kana vabereki vako vari kuripira ndyiko yacho, vachada kusarudza kana vangaikwanisa.

Chii chiri muchirongwa chacho? Kana zuva rimwe nerimwe rakasanorongwa nemibato yakanaka neinofadza, ikoku kuchachengeta kirasi yakabatikana ndokuderedza ngozi yokushata kwechimwe chinhu. Naizvozvo sanonzverai udzame hworudungwe rwechirongwa chacho musati masarudza pamusoro perwendo rwekirasi. Kushanyira mamuyuziyemu kana kuti kuenda panzendo yokudzidza nezvenhau yomusikirwo zvingava zvinodzidzisa. Asi kuedza namarudzidziso eYoga neechiAsia—seizvo zvakanga zvakarongwa nokuda kwerumwe rwendo rwekirasi—hakuna kutongokodzera muKristu.—1 VaKorinte 10:21.

Kuchava netarisiro inobudirira neyenguva dzose here? Musikana wechiKristu ane makore 15 okukura anonzi Julia anoyeuka, kuti: “Ndakanga ndiri mukirasi ine tsika dzakanaka, naizvozvo Mai naBaba havana kuva nebasa nokukumbanira kwangu rwendo rwacho. Vadzidzisi vacho vainyatsotitarisira.” Zvisinei, tarisiro yakadaro ingava isingawanzowanikwi mazuva ano. Seizvo mumwe mudzidzisi weGermany anobvuma, tarisiro yokungwarira neyakavimbika “haivimbiswi chaizvoizvo.” Zvamazvirokwazvo, imwe pwere yakaganza pashure perwendo rwekirasi, kuti: “Tangokunda vadzidzisi vose vari vaviri, takaita chaizvo izvo taida.”

Vamwe vadzidzi vachaita chinetso kunyange apo vadzidzisi vanoita zvavanogona kuvadzora. Mumwe aichimbova mudzidzisi anoyeuka, kuti: “Pwere dzacho dzakawana nzira dzoungwaru dzokuverevedza dzichipinza chinwiwa chinodhaka, naizvozvo kunzvera makamuri adzo kwakanga kusingabetseri. Ndakaziva kuti vakanga vachinwa chinwiwa chinodhaka chakawanda apo mumwe wavasikana vacho akavamba kurutsa.” Nenzira yakajeka, kungava kwakaoma zvikuru kuva nechokwadi chokuti rwendo ruchasanotarisirwa. Bva kungakudzivisira funganyo nekangaidziko zvakawanda kana iwe navabereki vako mukanyatsonzvera kuti igadziriroi dzakaitwa nokuda kwetarisiro. Zvirevo 22:3, inoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”

Vokuchikoro biyako vanoita sei kunhungamiro dzomudzidzisi wako? Ikoku kuchakupa pfungwa yakanaka pamusoro pokuzvibata kwavachaita parwendo rwechikoro. Sezvinoshumwa, chimwe chikoro chesekondari cheGermany chaitofanira kupfupikisa rwendo rwekirasi rwamazuva matatu nemhaka yokuti vadzidzi vasingadzoreki vaingofuratira “mirayiridzo yakajeka neyeshiviro” yavadzidzisi.

Mukadzi muduku weGermany anonzi Stephanie akaenda panzendo dzakadaro munguva yakapfuura uye somugumisiro woruzivo rwake rwokuzviwanira anorumbidza kuzvibvunza umene mibvunzo inotevera: ‘Vomukirasi biyangu vane mufungo zvakakwana zvokuti vanogona kuteerera vadzidzisi here? Chikoro chacho chinovavarira kuchengeta mukurumbira wakanaka here? Vadzidzisi vacho vakasimba zvakakwana zvokuti vanogona kugovera utungamiriri hwakakodzera here? Pwere dzacho dzinorangarira tsika zvakakomba here? Dzinoshandisa chinwiwa chinodhaka nemirimo here?’ Chokwadi, Stephanie anobvuma kuti zvakawanda “zvinotsamira pauri somunhu, kana ungatera nyore nyore kana kuti kwete.” Asi unogona sei kunyengetera kuti Jehovha ‘asakuise pakuidzwa’ ipapo ndokuzviisa umene namaune mumamiriro ezvinhu anobvumiranisa pane zvisina kufanira?—Mateo 6:13.

Petra ane makore gumi namanomwe okukura akaramba nokudaro kuenda parwendo rwekirasi. “Ndaiziva izvo vomukirasi biyangu vaizoita,” anotsanangura kudaro. “Ndaigona kuona pachine nguva mberi kuti mamiriro ezvinhu anobatanidza chinwiwa chinodhakisa nevatano zvaizoedza chaizvoizvo hana yangu. Sezvakwakaitika, vakomana vashanu vakapfekenura musikana ndokumutora mapikicha, ayo akazofambiswa gare gare muchivanze chechikoro.”

Nheyo dzako dzorudzidziso dzicharemekedzwa here? Somuenzaniso, Timon muduku, akati: “Kazhinji kazhinji pane pati yezuva rokuberekwa, iyo yakaoma kudzivisa.” Somumwe weZvapupu zvaJehovha, anoramba kutora rutivi mukuchengeta kwakadaro.a Vadzidzisi navomukirasi biyako vaizoremekedza chimiro chako chendangariro kana kuchengeta kwakadaro kukava rutivi rwerwendo rwekirasi here?

Uchazviratidzira kurudzii rwesonganiro? VaKristu vanoziva kuti Mwari anoshurikidza kusvuta, kushandisa mirimo, kushandisa zvisina kufanira chinwiwa chinodhaka, kana kuzvigutsa muvatano inotangira muchato. (1 VaKorinte 6:9, 10; 2 VaKorinte 7:1) Ndicho chikonzero nei kusonganirana nepwere dzinoita zvinhu zvakadaro kuchidziviswa nenzira yokuchenjera. (1 VaKorinte 15:33) Zvirevo 13:20 inonyevera, kuti: “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Parwendo rwekirasi, unopedza nguva yakawanda kupfuura yenguva dzose nepwere dzakadaro, uye ikoku kuri mumhoteredzo yakasununguka. Andreas muduku anokutaura neiyi nzira: “Parwendo rwekirasi, unoratidzirwa nguva dzose kumudzimu wenyika, nenziyo dzose dzenyika nokutaura kwakashata.”

Chimwe chinhu ndechokuti kuri nyore kunzwa uri woga apo unenge usiri pamusha. Nzendo dzekirasi dzakanyandura rudo rwavaduku vakawanda. Paizova nengozi yokubatanidzwa kwako nenzira yorudo naasingatendi here? VaKorinte Wokutanga 1 VaKorinte 10:12 inonyevera, kuti: “Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.” Uye kunyange kana wakanga wakasimba zvakakwana kudzivisa muedzo, kuvapo kwako parwendo rwakadaro kungagona kuva chigumbuso kudzimwe pwere dzechiKristu here?—Enzanisa na 1 VaKorinte 8:7-13; 10:28, 29.

Yvonne ane makore gumi namana okukura akaramba kuenda parwendo rwekirasi rweski. Anotsanangura, kuti: “Ndingadai ndakapedza vhiki yose ndisina mumwe munhu asi pwere navadzidzisi venyika. Mukuwedzera kuna ikoko, ushamwaridzani hwehama dzangu, basa rokuparidza, uye misangano—izvozvo ndizvo zvinhu zvandingadai ndakarasikirwa nazvo chaizvoizvo. Chimwe chikonzero chaiva nzira iyo pwere dzakawanda dzinoita nayo apo panenge pasina munhu anodzitarisira.”

Kufadza Mwari Zvizere

Sezvo nzendo dzekirasi dzisingawanzobatanidzi zvakananga rudzidziso, zvematongerwe enyika, kana kuti mimwe mibato iyo inorambidzwa vaKristu, mudzidzi navabereki vake vachatofanira kusarudza kana rwendo rwakadaro ruri rune mufungo. (Enzanisa naIsaya 2:4; Zvakazarurwa 18:4.) Migariro nemamiriro ezvinhu zvinosiyana nzvimbo nenzvimbo uye kirasi nekirasi; naizvozvo, vaKristu vari mune imwe nzvimbo vangafanira kurwisana nezvinetso zvakasiyana neizvo zviri mune imwe.

“Mai vangu vakanga vakarovedzana nepwere dzaiva mukirasi yangu uye vaiziva mudzidzisi wacho kuva ane chimiro chendangariro chomutoro. Naizvozvo rwendo rwekirasi rwakabudirira,” anotsinhira kudaro Stephan. “Asi apo ndakava mukuru uye rwendo rwokupedzisira rwakaswedera, nhau yokuenda kwangu pamwe chete yakanga yakasiyana chose.” Neiko? Anopfuurira, kuti: “Makore matatu bedzi pakuvamba, vomukirasi biyangu vakanga vari vakanaka navanoremekedzeka. Asi mirimo nounzenza zvanguve zviri rutivi rwoupenyu hwavo hwezuva nezuva. Naizvozvo handina kukumbanira rwendo rwacho. Sezvineiwo, rwendo rwokupedzisira rwaitofanira kugurwa rusati rwapedzwa.”

Mukusarudza kwokupedzisira, kunyanguvezvo, iwe navabereki vako munofanira kurangarira zvinhu zvose zvinobatanidzwa ndokuita chisarudzo chenyu mumene. Ivai nechokwadi chokuti, chipi nechipi chamunosarudza, nharidzano yenyu ku“famba sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose.”—VaKorose 1:10.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona “Mazororo—Chikonzero Nei Vamwe Vana Vasingaachengeti” muchinyorwa chedu chechiNgezi chaNovember 22, 1993.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Waizoratidzirwa kusonganiro yorudzii kudai waizoenda panzendo dzekirasi dzousiku humwe?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe