RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 6/8 pp. 23-25
  • Shoko raMwari Rinodzidzisa Kuberekwazve Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Rinodzidzisa Kuberekwazve Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Magwaro AnonzwisiswaZvisina Kururama
  • Rumuko, Kwete Kuberekwazve
  • Upenyu Husingagumi Pasi Pano
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Kuti Kana Munhu Afa Anozoberekwazve Nemumwe Muviri Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kutama-tama Kwemweya
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Kuberekwazve Chinhu Chinokosha Kuzvakavanzika Zvoupenyu Here?
    Mukai!—1994
  • Kuita Zvemidzimu uye Kutsvaka Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 6/8 pp. 23-25

Shoko raMwari Rinodzidzisa Kuberekwazve Here?

MUNHU upi noupi anonzvera Bhaibheri mukariro dzokuwana tsigiro yedzidziso yokuberekwazve ane chokwadi chokuodzwa mwoyo. Hapana pauchawana kuti vanhu vakararama upenyu hwekare. Kupfuurirazve, hausati uchizowana kutaura kwakadai so“kuberekwazve” kana kuti “kutama kwomweya” kana kuti “mweya usingafi” muBhaibheri.

Zvisinei, vamwe vanodavira mukuberekwazve vanoedza kutsanangura uku kushaikwa kwetsigiro yeBhaibheri kupfurikidza nokutaura kuti pfungwa yokuberekwazve yakanga ichizivikanwa zvikuru munguva dzekare zvokuti tsananguro ipi neipi yaizove yakava isiri madikanwa. Chokwadi, dzidziso yokuberekwazve ndeyekare zvikuru, asi pasinei hapo nokuti ndeyekare zvakadini kana kuti yaizivikanwa zvakadini kana kuti yakanga isati, mubvunzo unoramba uripo ndowokuti, Bhaibheri rinokudzidzisa here?

Pana 2 Timotio 3:16, 17 (NW), muapostora Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe zvizere, akashongedzerwa chose chose nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” Hungu, Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari, kurukurirano yake nemhuri yohunhu. Uye sokunyora kwakaita muapostora Pauro, rinogonesa mubvunzi wapachokwadi kuti “akwaniswe zvizere, akashongedzerwa chose chose” kupindura mibvunzo yose inokosha pamusoro poupenyu, kubatanidza mibvunzo pamusoro penguva yakapfuura, yazvino uno, uye yomunguva yemberi.

Pauro akataurawo, kuti: “Apo imi makagamuchira shoko raMwari, iro ramakanzwa kwatiri, imi makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi, sezvarakangoita chaizvoizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13, NW) Bhaibheri zvarine mifungo yaMwari, kwete iyo yomunhu asina kukwana, hakusati kuchifanira kutikatyamadza kuwana kuti Bhaibheri kazhinji kazhinji rinosiyana nemifungo yomunhu kunyange kana iyoyi yave ichidiwa mumakore ose. Asika ungati, ‘Bhaibheri, mune nzvimbo dzakati, harisati here richinge rinokarakadza kuberekwazve?’

Magwaro AnonzwisiswaZvisina Kururama

Avo vanodavira mukuberekwazve vanotaura kuti Bhaibheri rinonongedzera mukupfupikisa kunyaya iri pana Mateo 17:11-13 (NW), apo Jesu anobatanidza Johane Mubhapatidzi nomuporofita wekare Eria. Uru rugwaro runorava, kuti: “‘Eria, zvamazvirokwazvo, ari kuuya uye achadzorera zvinhu zvose. Zvisinei, ndinoti kwamuri Eria akatouya . . .’ Ipapo vadzidzi vakaziva kuti akataura kwavari pamusoro paJohane Mubhapatidzi.”

Mukutaura izvi, Jesu akareva here kuti Johane Mubhapatidzi akanga ari kuberekwazve kwomuporofita Eria? Johane amene aiziva kuti iye akanga asati. Pane imwe nhambo apo iye akabvunzwa kuti, “Ndiwe Eria here?” Johane nenzira yakajeka akapindura, kuti: “Handizi iye.” (Johane 1:21) Zvisinei, kwakanga kwadeya kutaurwa kuti Johane aizotangira Mesia “nomudzimu nesimba zvaEria.” (Ruka 1:17, NW; Maraki 4:5, 6) Namamwe mashoko, Johane Mubhapatidzi akanga ari “Eria” mupfungwa yokuti akaita basa rakafanana neiro raEria.

Pana Johane 9:1, 2 (NW), tinorava, kuti: “Zvino sezvo iye [Jesu] akanga achipfuura akaona munhu akanga ari bofu kubvira pakuberekwa. Uye vadzidzi vake vakamubvunza, kuti: ‘Rabhi, ndiani akaita chivi, munhu uyu kana kuti vabereki vake, zvokuti iye akaberekwa riri bofu?’” Vamwe vanodavira mukuberekwazve vanokarakadza kuti munhu uyu zvaakaberekwa riri bofu, chivi chake chinofanira kuve chakaitika muupenyu hwapakuvamba.

Asi chipi kana chipi chakanga chiri icho chakamutsa mubvunzo wavadzidzi, mhinduro yakapa Jesu inofanira kuve chisarudzo. Akazivisa, kuti: “Munhu uyu kana kuti vabereki vake havana kuita chivi.” (Johane 9:3, NW) Ikoku kunoreva kuberekwazve, uko kunopokanidza kuti hurema hunotsamira pazvivi zvinobva muupenyu hwekare. Pfundo rokuti hakuna munhu anogona kuita chivi pamberi pokuberekwa rakasimbiswawo naPauro apo iye akanyora pamusoro paEsau naJakobho kuti “vakanga vachigere kuberekwa kana kuti vakanga vasati vaita chinhu chipi nechipi chakanaka kana kuti chakashata.”—VaRoma 9:11, NW.

Rumuko, Kwete Kuberekwazve

Kunyange zvazvo Bhaibheri risati richitsigira dzidziso yokuberekwazve, hakuna munhu anoda kuodzwa mwoyo. Shoko reBhaibheri rinopa chimwe chinhu chinonyaradza zvikuru kupfuura pfungwa yokuva anoberekwa patsva munyika yakazadzwa nechirwere, rusuruvaro, kurwadziwa, uye rufu. Uye hachizati chiri icho bedzi Bhaibheri rinopa chinonyaradza asi ndiyo zvokwadi, Shoko raMwari amene.

Pauro akataura dzidziso inokurudzira neiyi nzira: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” Shoko rokuti “rumuko,” kana kuti chimiro chakati charo, chinooneka kanopfuura kane 50 muMagwaro echiGiriki echiKristu, uye Pauro anotaura nezvarwo sedzidziso yehwaro yokutenda kwechiKristu.—Mabasa 24:15, NW; VaHebheru 6:1, 2.

Rumuko muvakafa runoreva, sezvinooneka, kuti rufu ruripo. Hapana muBhaibheri pauchawana ratidziro yokuti munhu ane mweya usingafi. Kudai munhu akanga ane mweya usingafi unoparadzana nomuviri parufu uye uchienda kumugumo mudenga kana kuti muhero kana kuti wakanga uchiberekwazve, ipapoka kwaisazova nedikanwo yorumuko. Kuno rumwe rutivi, magwaro eBhaibheri ane zana anoratidza kuti mweya womunhu, hausati uri usingafi, asi unofa uye unoparadzika. Bhaibheri nguva dzose rinotaura nezvorufu soruri musiyano woupenyu, ndiko kuti, kusavapo sapakusiyaniswa nokuvapo.

Rufu, kana kuti kusavapo, kwakanga kuri chirango nokuda kwokutadzira Mwari kwaAdhama naEvha. Kwakanga kuri chirango, kwete mukova wokupinda nawo kuupenyu husingafi kune imwe nzvimbowo zvayo. Mwari akazivisa zvakajeka kuti ivo vaizodzokera kwavakabva—guruva revhu: “Wakatorwa mariri. Nemhaka yokuti uri guruva nokudaro uchadzokera kuguruva.” (Genesi 3:19, NW) Vakanga vasina mweya usingafi vasati vasikwa naMwari ndokuiswa pasi pano, mubindu reEdheni, uye vakanga vasina pashure pokunge vafa.

Rumuko muvakafa runofananidzirwa nokumuka muhope, kana kuti zororo. Somuenzaniso, Jesu akataura nezvaRazaro uyo akanga achizomutsa, kuti: “Razaro . . . andozorora, asi ndinoenda kundomumutsa muhope.” (Johane 11:11, NW) Pamusoro pomuporofita Dhanieri, tinorava kuti: “Uchazorora, asi uchamira nokuda kwomuuyo wako pakupera kwamazuva.”—Dhanieri 12:13, NW.

Upenyu Husingagumi Pasi Pano

Chii chichava muuyo waavo vanomutswa muvakafa? Bhaibheri rinotaura nezvemarudzi maviri orumuko—rwokudenga norwapasi pano. Rumuko rwapasi rwuchava muuyo wavoruzhinji zvikurusa waavo vakamborarama navakafa. Vashomanene zvikuru vane rumuko rwokudenga, kuti vatonge pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga hwaMwari. (Zvakazarurwa 14:1-3; 20:4) Rumuko rwapasi ruchavamba rini? Ruchavamba pashure pokunge tsika ino iripo yakaipa yaparadzwa naMwari uye “pasi idzva,” chaunga chitsva chavanhu chakarurama, chava chinhu chaichoicho.—2 Petro 3:13; Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44.

Mu“pasi idzva,” hamuzati muchizovazve nechirwere kana kuti kutambura. Kunyange rufu haruzati ruchizovamozve asi ruchatsiviwa nekariro youpenyu husingagumi. “[Mwari] achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4, NW) Uyewo, wezvamapisarema akadeya kutaura, kuti: “Vakarurama vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachagara pariri nokusingaperi.” (Pisarema 37:29, NW) Nenzira yakafanana, Jesu akati: “Vanofara vanyoro, nokuti ivo vachagara nhaka pasi.”—Mateo 5:5, NW.

Enzanisa zvikomborero zvikuru izvozvo zvaMwari nedzidziso yokuberekwazve. Mukuwirirana nepfungwa iyeyo, kunofungidzirwa kuti unodzokera nguva nenguva kuzorarama mune iyi tsika yezvinhu yekare yakashata imwe cheteyo. Ikoko kwaizoreva kuti waizopfuurira kuva akapoteredzwa nouipi, kutambura, chirwere, uye kufa murinodokuva gango risingagumi. Haiwa mufungo usina tariro sei iwowo!

Nokudaro, Bhaibheri rinopindura mibvunzo yokuti, Wakamborarama here? uye, Uchararamazve here? neiyi nzira: Kwete, hauna kumborarama upenyu hupi nohupi kunze kwoupenyu hwazvino. Asi kunokubvirira kuita kuti upenyu hwako huve hunogara narini, zvamazvirokwazvo, husingagumi. Nhasi, mumazuva ano “okupedzisira” etsika ino iripo, unogona kuva netariro yokupukunyuka mugumo wenyika ino uye kuwana kupinda munyika itsva yaMwari pasina kufa. (2 Timotio 3:1-5; Zvakazarurwa 7:9-15) Kana kuti kana ukafa nyika itsva yaMwari isati yasvika, unogona kuva netariro yokuva anomutsirwa kuupenyu husingagumi paparadhiso yapasi.—Ruka 23:43.

Kana ukashandisa kutenda muna Jesu, pasinei hapo nechingaitika, mashoko aJesu kuna Marta apo hanzvadzi yake Razaro akafa anoshandawo kwauri: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama. Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi.”—Johane 11:25, 26.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]

Adhama haana kuva nomweya usingafi asi akadzokera kuguruva apo akafa

[Mufananidzo uri papeji 24]

Shoko raMwari rinodzidzisa rumuko, kwete kuberekwazve

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe