Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Zvakadiniko Kana Ndikadanana Naasingatendi?
“Ndine chinetso,” akabvuma kudaro mumwe musikana wechiKristu. “Ndine rudo rwokuhunguka nomuvakidzani wangu. Ane mutsa, akaterama, uye anorangarira, asi pane chinhu chimwe chete icho asiri—mudi waJehovha. Ndinoziva kuti kwakaipa kuti ndimude, asi handina chokwadi nenzira yokubata nayo nokunzwa kwangu nokuda kwake.”
Mark akanga aine makore 14 okukura apo akazviwana amene ari mumugariro wakafanana.a Akava norudo rwoufuza nomusikana akanga asingagoverani zvitendero zvake zvorudzidziso. “Ndairota masikati machena kazhinji kazhinji pamusoro peizvo zvazvaizova pakuva pamwe chete, taroorana,” anodaro. “Asi ndaiziva kuti kwakanga kwakaipa.”
RUDO rwokuhunguka norwoufuza zvakarovedzeka mukati mamakore okuyaruka, apo kunzwa kworudo kunenge kwakasimba. (Enzanisa na 1 VaKorinte 7:36.) Dzichiva dzisina nzira yakanaka yokubudisa nayo kunzwa kwakadaro, pwere dzinokombamira kukukudziridza rudo rwoufuza nokuda kwavadzidzisi vavanofarira, vavaraidzi, uye zvichingunodaro. Sezvo ukama hwomunhu oga navakura vakadaro huri, nokuda kworutivi rukuru, husingawaniki, kazhinji kazhinji uku kuhunguka ndokwenguva duku uye kunokuvadza zvishoma.b Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana wakakudziridza kunzwa kwakasimba nokuda kwomuenzani—mumwe munhu anoda uye anokwanisa kuva noukama—asi munhu iyeyo asingagoverani zvitendero zvako zvorudzidziso?
Vamwe vangasaona ichi sechinetso. Kutanga, pwere zhinji dzine fariro duku murudzidziso. Uye kunyange pakati peidzo dzinodaro, kuronga misi yomubvakacho nomumwe munhu wokutenda kwakasiyana kungasava kusingatenderwi nguva dzose. Vanhu vanofunga zvakafara vangatokutendera. Vakura vazhinji, kunyanguvezvo, vanoona zvinetso zvinobvira muukama hwakadaro, zvikurukuru sezvo kazhinji kazhinji huchiguma neroorano. Munyori Andrea Eagan nokudaro akapa zano pwere, kuti: “Kuva nomugariro worudzidziso wakafanana hakukoshi kana imi mose muri vorudzidziso. Asi kana kuitwa kworudzidziso kuchikosha kuno mumwe chete kana kuti mose muri vaviri, ipapo misiyano pamusoro porudzidziso inofanira kurangarirwa. . . . Hamufaniri kuva vakafanana kana toreva nezvorudzidziso . . . , asi munofanira kuva vanokwanisa kurarama nomumwe nomumwe.”
Zano rakadaro ringanzwika serine mufungo. Asi muchokwadi rinoratidzira “uchenjeri hwenyika ino.” (1 VaKorinte 3:19) Bhaibheri rinoratidza kuti rudo pakati pomutendi naasingatendi runomutsa nhau dzoukoshi hukuru kupfuura zvinetso zveroorano. Pwere pakati peZvapupu zvaJehovha dzinoziva kuti izvi inhau yokuteerera Shoko raMwari, iro rinokurudzira vaKristu kuroora “bedzi munaShe.” (1 VaKorinte 7:39, NW) Sezvo kuronga misi yemibvakacho kusati kuchingovawo hako varaidzo asi mavambo eroorano, kwaisazofadza Mwari kuti mumwe wavabatiri vake abatanidzwe murudo nomumwe munhu uyo asina kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha.
Kunyange zvakadaro, dzimwe pwere Zvapupu dzakazviwana dzimene dzichiva dzinokwezvwa kuvasingatendi. Ikoku kunoitika sei? Chii chaunofanira kuita kana ukazviwana umene uri mumugariro wakadaro?
Maitikire Akwo
Ziva, kutanga, kuti vanhu vose vakakombamira kuchikanganiso. “Zvikanganiso—ndiani anogona kuzviziva?” akabvunza kudaro wezvamapisarema. (Pisarema 19:12, NW) Pwere zvikurukuru dzinogona kutapurwa nezvikanganiso mune zvorudo. Neiko? Nokuda kwechikonzero chakapfava chokuti havana uchenjeri uhwo hunouya noruzivo rwokuzviwanira nezera. (Zvirevo 1:4) Ichiva yakava noruzivo rwokuzviwanira ruduku mukubata navanhu vomutezo wakasiyana wokubereka nawo, pwere yechiKristu ingasaziva bedzi nzira yokubata nayo kukwezva kworudo—kana kuti ngwariro.
Ichochi chakanga chiri chinoitika naSheila apo akaziva kuti mudzidzi biyake akanga aine rudo rwokuhunguka pamusoro pake. “Ndaigona kuona kuti aindida,” akadaro Sheila. “Mukati mamaawa okudya kwamasikati aiuya kwandiri ndokudya neni. Mukati menhambo dzokufunda muraibhurari, ainditsvaka.” Kunzwa kwaSheila nokuda kwomukomana wacho kwakavamba kukura. Mark, adudzwa pakuvamba, nomutoo wakafanana anoyeuka, kuti: “Ndaiona uyu musikana nguva dzose mukirasi rokurovedza muviri. Aiita nhamburiko chaiyo yokundisvika ndokutaura neni. Kwakanga kusina kuoma kuti ushamwari hutange.” Muchinoitika chaPam ane makore 14 okukura, mukomana womunharaunda yavo akasvika pakunyanyisa kusvikira pakumupa ringi rake sechiratidzo chechidakadaka chake nokuda kwake.
Sezvinobvumwa, kwave kusati kuri nguva dzose chinoitika cheChapupu chichiva nyajambwa asina mhaka yokusvikwa. Mumwe musikana akanga achingoratidzirawo fariro yakajeka yairatidzirwa nomukomana wechiKristu anonzi Jim. Akamanikidzirwa kubvuma izvo akanga aita, kunyange zvazvo, apo rimwe zuva akauya kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, achimutsvaka!
Chipi kana chipi chingava mugariro wacho, ungave wakaziva kuti kwakanga kwakaipa kubatanidzwa. Asi pane dzimwe nguva kwakaoma kudzivisa ngwariro inobva kuane mutezo wakasiyana wokubereka nawo. Rangarira Andrew. Mukati megore rake rokutanga muchikoro chapamusoro, vabereki vake vakanga vachirambana. “Ndaida mumwe munhu wokutaura kwaari,” anoyeuka kudaro. Musikana muchikoro airatidzika nguva dzose kuva neshoko rakanaka rekurudziro nokuda kwake. Kunzwa kworudo kunokurukuriranwa kwakatanga nokukurumidza.
Ngozi Dzacho
Kukasiiwa kusingadziviswi, kunzwa kwakadaro kunogona kukupinza muchinetso chaichoicho. Zvirevo 6:27 inoti: “Ko munhu ungaisa mwoto muchifuva chake, Nguvo dzake dzikasatsva here?” Rangarira, somuenzaniso, chinoitika chomusikana anonzi Kim. Kunyange zvazvo akarerwa somuKristu, akazvirega amene achibatanidzwa mumirangariro nomukomana wokuchikoro. “Akanga ari mumwe wavakomana vakakurumbira navanofadza muchikoro,” Kim anoyeuka kudaro. Nguva refu isati yapfuura akanga ava kupinda mapati pachivande umo mirimo yakanga ichishandiswa pamhene. “Ndaitya zvikuru, asi ndakanga ndichidanana naye. Ndakava napamuviri.” Kim akaroorwa nomukomana wake, asi akaguma ava mujeri nemhaka yougororo. Zvakare nyevero yeBhaibheri yakabvumikisa kuva yechokwadi: “Ushamwari hwakaipa hunovodza tsika dzakanaka.”—1 VaKorinte 15:33.
Ikoku hakurevi kuti pwere dzose dzisiri Zvapupu zvaJehovha ndedzoutere kana kuti dzinoshandisa mirimo. Pamwero mudukusa zvikuru, zvisinei, pwere dzakadaro hadzigoverani mipimo yakafanana, zvimiro zvendangariro, kana kuti nharidzano sepwere Zvapupu. 1 VaKorinte Wokutanga 2:14 anotsanangura kuti asingatendi “haagamuchiri zvinhu zvomweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.” Funga maumbire akaita mipimo yako yorudzidziso mirangariro yako—mufaro waunova nawo pamisangano yechiKristu, mufarwa wokugoverana shoko reBhaibheri nomunhu anogamuchira, mufaro wokudzidza Bhaibheri rimene. Asingatendi anogona here kunzwisisa sezvinobvira—mugove muduku zvikuru—kunzwa kwakadaro? Kana.
Pauro nokudaro anopangira vaKristu, kuti: “Musasungwa zvisinakufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava novukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?” (2 VaKorinte 6:14, 15) Sonya muduku akadzidza ichi chidzidzo iye amene apo akava anobatanidzwa mumirangariro neasingatendi. Anobvuma, kuti: “Kuva neshamwari isingagoverani shingairo yako norudo nokuda kwaJehovha ndiwo ukata hwakashata hungafungwa. Kunoparadza mumirangariro. Apo zvokwadi inenge iri simba rinosunda roupenyu hwako, unotofanira kuigoverana—unotofanira bedzi! Kunzwa kusina chinhu zvikuru apo usingagoni kuigoverana nomukwanyina wako nemhaka yokuti une asingatendi.”
Muukama hwakadaro, ipapo, rudzidziso sezvinobvira, handi hwarowo zvahwo, asi nzvimbo huru yekakavadzano. Unogona kunzwa nyore nyore kumanikidzirwa kusakoshesa fariro dzako dzomudzimu kuti uchengete rugare. Asi kuita kudaro kwaizongoparadza bedzi umudzimu hwako. Imwe mhandara inotsanangura, kuti: “Ndakava pedyo zvikuru nomukomana uyo akanga asiri Chapupu. Asi sezvo ushamwari hwacho hwakava pedyo zvikuru, ndakaziva kuti ndakanga ndadanana naye. Pashoma napashoma ukama hwangu naJehovha hwakaramba huchiva noukoshi huduku nokuda kwangu; ukama hwangu nouyu mukomana hwakava chinhu chinokosha zvikuru kwandiri. Ndakanga ndisichatongodizve kuenda kumisangano, kusonganirana nehama dzangu dzechiKristu, kana kuti kuenda mubasa rokuparidzira. Zvose zvandaida kuita kwakanga kuri kuva naye. Ndakava asichaiti basa seChapupu kwamakore maviri akatevera. Uye makuri kwose, ‘shamwari’ yangu haina kutongoratidzirawo rudo rwangu nokuda kwake. Ndakaramba ndichifunga kuti rimwe zuva pakupedzisira aizodaro, asi hakuna kutongoitika.”
Hungu, kubatanidzwa nomumwe munhu uyo asingagoverani mipimo yako yorudzidziso netsika kune chokwadi chokuunza rusuruvaro nokusafara. Nzira youchenjeri ndeyokubva mukusungwa kusina kufanira kwakadaro. Asi unogona kuita kudaro sei apo unonzwa zvakasimba pamusoro pomumwe munhu? Ikoku kuchava musoro wenyaya yedu inotevera muiyi nhevedzano.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Ona ganhuro 28 rebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Asingatendi achagoverana mbavarira yako nokuda kwezvinhu zvomudzimu here?