A‘kayeuka Musiki Wake muMazuva oUpwere Hwake’
“ADRIAN aikwezva nguva dzose yakawanda zvikuru yengwariro yavabereki,” baba vake vakadaro. “Pazera ramakore mana akarovera motokari yemhuri pamuti, achinonotsa munhu ari wose kumusangano weungano. Pazera ramakore mashanu akaunganidza matatya mazhinji kwazvo ndokuaunza mumba. Kwakatora mazuva kubvisa zvinhu izvozvo. Takanzwa semhuri yavaEgipita mukati medambudziko ramatatya reBhaibheri.
“Apo akanga ava namakore 11, akawana maraccoon maduku matatu parutivi pomugwagwa ndokuenda nawo kuchikoro ari mubhegi rake ramabhuku. Apo mudzidzisi akapinda, kirasi rakanga riri munyongano—vana vakaunganira bhegi ramabhuku raAdrian, vachiseka nokufara. Mudzidzisi wacho akatarira mukati, akaona maraccoon, ndokumuendesa nemotokari namapeti ake kunzvimbo yaichengeterwa nherera dzemhuka. Adrian akanga achichema pamufungo wokurasikirwa navana vake, asi pashure pokuona nzvimbo yacho nokuona vana vamakava nedzimwe nherera dzichisanotarisirwa, akasiya maraccoon ake ikoko.”
Baba vake vakapfuurira, kuti: “Adrian akanga asiri mukomana akashata. Akanga akabatikana zvikuru. Aiva nepfungwa yakasimba iyo yairamba ichiita upenyu hunofadza.”
Amai vaAdrian vakaratidza rumwe rutivi rwake—kurerekera kumhuri, mukomana wapamba, anoda zvikuru. Vanorondedzera, kuti: “Vana pachikoro vaimurondedzera somunhu aisakuvadza munhu upi noupi. Musikana mukirasi rake akanga akaganhurirwa mundangariro kunyange zvazvo akanga asina kuitwa rema. Aikwira bhazi rechikoro naAdrian. Vamwe vana vaimuitira musere, asi amai vake vakatiudza kuti Adrian nguva dzose aibata mwanasikana wavo noruremekedzo nomutsa chaiwo. Akanga aine rutivi rwakakomba kwaari—mukomana ane mufungo zvikuru ane kunzwa kukuru uyo aisakuratidzira kazhinji kazhinji. Asi apo akakuita, akatishamisa netsinhiro dzakaratidza nzwisiso huru pamusoro penhau.”
Vakagumisa kuongorora kwavo mwanakomana wavo, vachiti: “Kurwara kwake kwakamuita mukuru nokukurumidza ndokuita umudzimu hukuru maari.”
Akanga Akatsiga—Pasina Ropa!
Kurwara kwake here? Hungu. Kwakatanga muna March 1993, apo Adrian akanga aine makore 14 okukura. Mota rinokura nokukurumidza rakawanwa mudumbu make. Vanachiremba vakanga vachida kutora nyama duku nokuda kwokunzvera asi vaitya kubuda ropa kwakanyanyisa ndokutaura kuti kuisira ropa kungava kuri madikanwa. Adrian akati aiwa. Akanga akatsiga. Nemisodzi mumaziso ake, akati: “Handingagoni kuchengeta kuzviremekedza kwangu kana ndikapiwa ropa.” Iye nemhuri yake vaiva Zvapupu zvaJehovha, izvo zvinoramba kuisirwa ropa pazvikonzero zveBhaibheri zvakanyorwa pana Revhitiko 17:10-12 naMabasa 15:28, 29.
Ari muChild Health Centre yaDr. Charles A. Janeway muSt. John’s Newfoundland, achimirira kutorwa kwenyama duku nokuda kwokunzvera—kuti kuitwe pasina ropa—Adrian akakumbirwa nenyanzvi yemishonga Dr. Lawrence Jardine kuzvitaurira amene pamusoro penhau yeropa.
“Tarirai,” akadaro Adrian, “hazvinei nokuti vabereki vangu Zvapupu zvaJehovha kana kuti kwete. Ndaisazomboisirwa ropa.”
Dr. Jardine, akabvunza, kuti “Unoziva here kuti ungagona kufa kana usakabvuma kuisirwa ropa?”
“Hungu.”
“Uye uri kuda kuita izvozvo here?”
“Kana kuri ndiko kuchaitika.”
Amai vake, vakanga varipowo, vakabvunza kuti, “Neiko uri kutora chimiro chakadaro?”
Adrian akapindura, kuti: “Amai, hakusati kuri kutsinhana kwakanaka. Kusateerera Mwari ndokutambanudza upenyu hwangu kwamakore mashomanene zvino uye ipapo nemhaka yokusateerera kwangu Mwari ndokurasikirwa parumuko uye kurarama nokusingaperi muparadhiso yake yapasi—hakusati kuri kwakanaka!”—Pisarema 37:10, 11; Zvirevo 2:21, 22.
Kutorwa nyama duku nokuda kwokunzvera kwakaitwa pana March 18. Kwakaratidza kuti Adrian akanga aine mota guru relymphoma. Kutorwa kwomwongo mushomanene nokuda kwokunzvera kwakatevera kwakasimbisa rutyo rwokuti akanga atanga leukemia. Dr. Jardine zvino akatsanangura kuti muitiro wechemotherapy huru pamwe nokuisira ropa ndiyo yakanga iri nzira bedzi Adrian aigona sezvinobvira kurarama nayo. Adrian, zvisinei, akarambazve kuisirwa ropa. Chemotherapy yakatangwa, pasina kuisira kwacho.
Zvino, zvisinei, neiyi nhano ine ngozi yokurapa kuri kuitwa, pakanga paine rutyo rwokuti Child Welfare Department ingapindira ndokuwana murairo wedare nokuda kwetarisiro nesimba rokuisira ropa. Mutemo waibvumira munhu upi noupi ane makore 16 okukura kana kuti kupfuura kuita zvisarudzo zvake amene pamusoro pokurapa. Nzira bedzi yokuti munhu upi noupi ari pasi pamakore 16 ave namaruramiro iwayo yakanga iri kurangarirwa somuduku akura.
Mudare Rapamusoro Zvikuru reNewfoundland
Naizvozvo paSvondo mangwanani, July 18, mukuru mukuru anotsiva weChild Welfare akatanga kutamba mhaka kwedare kuti awane tarisiro. Nokukurumidza, gweta rakatanhamara nerinoremekedzwa zvikuru, David C. Day, Q.C., reSt. John’s, Newfoundland, rakahayiwa kuzomirira Adrian. Masikati mamwe chetewo, na 3:30, Dare Rapamusoro Zvikuru reNewfoundland rakaungana, Justice Robert Wells achitungamirira.
Mukati morusando rwamasikati, Dr. Jardine akakujekesa zvikuru kumutongi kuti airangarira Adrian somuduku akura uyo akanga aine kupwiswa kukuru mukurwisana nokushandiswa kweropa uye kuti iye, Dr. Jardine, akanga avimbisa Adrian kuti aisazobatanidza kuisira ropa mukurapa kupi nokupi. Justice Wells akabvunza chiremba wacho kuti kudai kwakanga kwasarudzwa kupa kuisira kwomurairo wedare wokuisira, aizokupa here? Dr. Jardine akapindura, kuti: “Aiwa, ini pachangu handaizokuita.” Akadudza kuti Adrian ainzwa kuti tariro yake yeBhaibheri youpenyu husingaperi yaizotyisidzirwa. Chipupuriro chapachokwadi chouyu chiremba akatanhamara chakanga chiri zvose zviri zviviri chinoshamisa nechinofadza uye chakaunza misodzi yomufaro kuvabereki vaAdrian.
“Ndapota Ndiremekedzei uye Zvishuvo Zvangu”
Apo dare rakaunganazve paMuvhuro, July 19, David Day akapa makopi amashoko akanyorwa emhiko ayo Adrian—akanga achirwara zvokusagona kuoneka mudare—akanga agadzira ndokusaina achidudza zvishuvo zvake amene pamusoro pokurapwa kwekenza yake pasina ropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa. Maari Adrian akati:
“Unofunga zvakawanda pamusoro pezvinhu apo unenge uchirwara, uye kana uchirwara nekenza, unoziva kuti unogona kufa uye unofunga pamusoro paikoko. . . . Handisati ndichibvumira ropa kana kuti kuribvumira kushandiswa; aiwa. Ndinoziva kuti ndinogona kufa kana ropa rikasashandiswa. Asi ichocho ndicho chisarudzo changu. Hapana munhu akanditaurira kuita ikoko. Ndinovimba naDr. Jardine zvikuru kwazvo. Ndinodavira kuti iye munhu anochengeta vimbiso yake. Anoti achandipa kurapa kukuru pasina ropa rinomboshandiswa. Akandiudza ngozi dzacho. Ndinonzwisisa ikoko. Ndinoziva chakashatisisa chinogona kuitika. . . . Nzira yandinonzwa nayo ndeyokuti kana ndikapiwa ropa ripi neripi ikoko kuchava kwakafanana nokundibata chibharo, kubata zvisina kufanira muviri wangu. Handidi muviri wangu kana izvozvo zvikaitika. Handigoni kurarama naizvozvo. Handidi kurapa kupi nokupi kana ropa richizoshandiswa, kunyange bviro yako. Ndichadzivisa kushandiswa kweropa.” Mashoko emhiko akanyorwa aAdrian akaguma neichi chikumbiro: “Ndapota ndiremekedzei uye zvishuvo zvangu.”
Mukati mokutonga kwose Adrian akanga akavharirwa mukamuri rake rechipatara, uye Justice Wells akauya nenzira yomutsa zvikuru kuzomuona imomo, naDavid Day aripo. Mukupa nhauro yebvunzurudzo iyoyo, VaDay vakataura nezvetsinhiro dzinobata ngwariro nedzinogombedzera kumutongi pauyu musoro mumwe chete, muuchokwadi: “Ndinoziva kuti ndiri kurwara zvikuru, uye ndinoziva ndingagona kufa. Vanhu vezvokurapa vanoti ropa richabetsera. Handifungi kudaro, nengozi dzose dzandinorava pamusoro paro. Ringave rinobetsera kana kuti kwete, kutenda kwangu kunoshora ropa. Remekedzai kutenda kwangu uye muchandiremekedza. Kana mukasaremekedza kutenda kwangu, ndichanzwa ndaputswa. Kana mukaremekedza kutenda kwangu, ndinogona kutarisana nokurwara kwangu nechiremera. Kutenda ndiko bedzi kwandinako, uye zvino ndicho chinhu chinokosha zvikuru chandinoda kundibetsera kurwisa hosha yacho.”
VaDay vakanga vaine tsinhiro dzakati dzavo vamene pamusoro paAdrian: “Akanga ari anowanzorapwa anokwanisa kubata kurwara kwake kwakakomba nomutoo wokushivirira, nokutsunga, uye noushingi. Makanga mune kutsunga mumaziso ake; chivimbo chisingadudzwi muinzwi rake; kuva akagadzirira kwoushingi mumuitiro wake. Kupfuura zvose, majangariko ake okutaura noomuviri akakurukura kwandiri kutenda kusingazununguki. Vara rake rinosiyanisa rakanga riri kutenda. Kurwara kwakatsiga kwaida kuti avake mazambuko pakati pezviroto zvoupwere nouzvomene hwoukuru. Kutenda kwakamubetsera kuita kudaro. . . . Akanga ari wapachokwadi asingazenguriri uye, kufunga kwangu, kutaura chokwadi. . . . Ndakanga ndichiziva bviro yokuti vabereki vake [vakanga vaisa] paari kushora kwavo kushandiswa kweropa mukurapwa kwake. . . . Ndakagutswa [kuti] akashandisa ndangariro yake amene mukutaura chishuvo chake nokuda kwokurapa kusina ropa.”
Pane chimwe chinoitika VaDay vakatsinhira pazvitendero zvaAdrian izvo “zvakanga zvichikosha zvikuru kwaari kupfuura upenyu humene,” ipapo vakawedzera, kuti: “Iri jaya risingazununguki, mukutarisana nezvinetso zvakadai, rinondiita ndinzwe kuti nhamo dzose dzoupenyu hwangu hadzikoshi. Acharangarirwa muyeuko yangu nokusingaperi. Muduku akura woushingi hukuru, nzwisiso, uye ungwaru.”
Chisarudzo Chacho—Adrian Muduku Akura
Pamuvhuro, July 19, kutonga kwacho kwakaguma, uye Justice Wells akapa chisarudzo chake, icho chakabudiswa gare gare muHuman Rights Law Journal, September 30, 1993. Kunokora mashoko kunotevera:
“Nokuda kwezvikonzero zvinotevera, kumbiriso dzoMutungamiriri weChild Welfare dzakabviswa; mwana haadi dziviriro; kushandiswa kweropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa nokuda kwamadonzo okuisira ropa kana kuti kupinza namajekiseni hazvina kuratidzirwa kuva zviri madikanwa, uye zvikurukuru mumigariro yeichi chinoitika, zvinogona kuva zvinokuvadza.
“Kutoti kana chinjo mumigariro ikaparira kudikanwa kwomumwe murairo, kushandiswa kweropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa mukurapwa kwake zvinorambidzwa: uye mukomana wacho anoziviswa kuva muduku akura uyo chishuvo chake chokugamuchira kurapa kusina ropa kana kuti zvinhu zvinogadzirwa neropa chinofanira kuremekedzwa. . . .
“Hapana panikiro kuti uyu ‘munhu muduku’ ane ushingi zvikuru. Ndinofunga ane tsigiro yemhuri ine rudo, neinoitira hanya uye ndinofunga kuti ari kutarisana nedambudziko rake noushingi hukuru zvikuru. Rutivi rwechitendero chake chorudzidziso ndorwokuti kwakaipa kuti ashandise zvinhu zvinogadzirwa neropa kupfurikidza nokuzvipinza mumuviri wake, nokuda kwamadonzo api naapi . . . Ndakava nebetsero yokurava mashoko emhiko akanyorwa ayo akaitwa naA. zuro, uye ndakava nebetsero yokunzwa amai vake, avo vakapa ufakazi, uye ndakava nebetsero yokutaura kuna A. amene.
“Ndinogutswa kuti anodavira nomwoyo wake wose kuti kuisirwa ropa kwaizova kwakaipa uye kuti kumanikidzirwa kuisira ropa mumigariro yatiri kutaura pamusoro payo kwaizova kuvhozhokerwa kwomuviri wake, kuvhozhokerwa kwezvakavanzika zvake, uye kuvhozhokerwa kwake somunhu wose, kusvika kutambanuko yokuti kwaizoroverera zvakaipisisa pasimba rake nokukwanisa zvokugonana nechinoitika chinotyisa icho anofanira kutambura, pasinei zvapo nomuuyo wacho.
“Ndinobvuma kuti chiremba akataura chimwe chinhu chine mufungo zvikuru apo akataura kuti murwere anofanira kuva muchimiro chendangariro chokubatira pamwe nechakanaka pamusoro pechemotherapy nokumwe kurapwa kwekenza kuti pagova netariro ipi neipi, tariro ipi neipi chaiyoiyo, yokubudirira, uye kuti murwere paari chimwe chinhu chinomanikidzirwa paari mukupesana nezvitendero zvake zvinoomererwa kwazviri zvikurusa kwazvo aizova murwere uyo kufanira kwake nokuda kwokurapa kwaizova kwakaderedzwa zvikurusa. . . .
“Ndinofunga kuti zvakaitika kuna A. zvakamuita mukuru muzivo kusvika kumwero wakati uyo waizova usina mufungo nokuda kweane makore 15 okukura asiri kutarisana nokurarama neizvo ari kurarama nazvo uye anofanira kutarisana uye ari kutarisana nazvo. Ndinofunga kuti chinoitika chake chakashata zvikuru sechinoitika chandinogona kufunga nezvacho, uye ndinonyumwira kuti kutenda kwavo ndokumwe kwezvinhu izvo zviri kumutsigira nemhuri yake. Ndinofunga kuti izvo zvakaitika zvakaita A. mukuru muzivo kupfuura kariro ipi neipi yenguva dzose kana kuti ukuru muane makore 15 okukura. Ndinofunga kuti mukomana uyo ndataura kwaari mangwanani ano akasiyana zvikuru neane makore 15 okukura wenguva dzose, nemhaka yeichi chinoitika chine ngwavaira.
“Ndinofunga akura muzivo zvakakwana zvokugona kuratidzira murangariro unopwisa, uye auratidzira kwandiri . . . ndinogutswawo kuti kwakakodzera . . . kuti ndirangarire zvishuvo zvake, uye ndinoita kudaro. Zvishuvo zvake ndezvokuti zvinhu zvinogadzirwa neropa hazvifaniri kupiwa uye ndinogutswawo kuti kana izvi zvishuvo zvikadziviswa munzira yakati noMutungamiriri pasi pomurairo weDare rino, kuti fariro dzake dzakanakisisa dzaizoonekwa uye mupfungwa imene chaiyo zvinotapurwa zvakashata . . . Kupfuurirazve, kana kuchibvira—uye ikoku kunobvira zvikuru—achifanira kufa neiyi hosha, aizoita kudaro muchimiro chendangariro icho, tichirangarira zvitendero zvake zvorudzidziso, kwaizova kunosuruvarisa zvikuru, kunonzwisa tsitsi zvikuru, uye kusingafaniri kutongoshuviwa. Ndiri kurangarira zvinhu izvi zvose. . . .
“Muyose yemigariro yacho, ndinonzwa kuti kwakafanira kuti ini ndirambe chikumbiro chokuti zvinhu zvinogadzirwa neropa zvishandiswe mukurapwa kwaA.”
Mashoko aAdrian kuna Justice Wells
Rakanga riri shoko rine mufungo rinoshamisa iro uyu mukomana muduku, aiziva kuti akanga achifa, akatumira kuna Justice Robert Wells, iro rakapfuudzwa naVaDavid Day, sezvinotevera: “Ndinofunga kuti ndaizova asingaitiri hanya, kudai ndisina, nokuda kwaanowanzomiririrwa wangu uyo ndataura naye nokupfupikisa zvikuru pashure bedzi pokubva pachipatara nhasi, kukuongai chaizvoizvo uye zvapachokwadi, kuri kukuru zvikuru, nokuda kwokubata kwenyu neiyi nhau nokukurumidza uye nokutapurika uye nokururamisa kukuru. Ari kukuongai zvikuru, Ishe Wangu, uye ndinoshuva kuti chinyorwa chiratidze izvozvo. Makaita henyu.”
Amai vaAdrian vanorondedzera zvinoitika zvokupedzisira zvenhau yacho.
“Pashure pokuedza kwacho Adrian akabvunza Dr. Jardine, kuti, ‘Ndichararama kwenguva yakareba sei?’ Mhinduro yachiremba wacho yakanga iri: ‘Vhiki imwe kana kuti mbiri.’ Ndakaona mwanakomana wangu ava kusvimha misodzi, ichibuda napakati pezvikope zvakavharwa zvakasimba. Ndakaenda kunomumbundira, uye akati: ‘Musadaro, Amai. Ndiri kunyengetera.’ Pashure penhambo shomanene, ndakabvunza, kuti, ‘Uri kubata sei naikoku, Adrian?’ ‘Amai, ndichararama hangu zvisinei, kunyange kana ndikafa. Uye kana ndichingova bedzi namavhiki maviri okurarama, ndinoda kuafarikanya. Naizvozvo munofanira kuva vanofara.’
“Akanga achida kushanyira bazu reWatch Tower muGeorgetown, Canada. Akaita ikoko. Akashambira mudziva ikoko neimwe yeshamwari dzake. Akaenda kumutambo webaseball wetimu yeBlue Jays uye akaita kuti mufananidzo wake utorwe navamwe vavatambi vacho. Chinokosha zvikuru, mumwoyo make akanga azvitsaurira amene kubatira Jehovha Mwari, uye zvino akanga achida kuratidzira ikoko kupfurikidza noruombeko rwomumvura. Kusvika pari zvino mugariro wake wakanga wakomba, uye akanga adzoka muchipatara uye aisagona kubudazve. Naizvozvo vakoti vakamurongera nomutoo womutsa kushandisa rimwe ramatengi asingaiti ngura mukamuri rokurovedzera muviri. Akabhapatidzwa imomo pana September 12; akafa zuva rakatevera racho, September 13.
“Mariro ake akanga ari makurusa ayo nzvimbo inogadzirirwa mufi nokuda kwokuviga yakambova nayo—vakoti, vanachiremba, vabereki vavarwere, vomukirasi biyake, vavakidzani, uye vazhinji vehama nehanzvadzi dzake dzomudzimu vanobva muungano yake amene nedzimwe ungano. Savabereki, hatina kutongoziva mavara ose anoshamisa ayo akava pachena mumwanakomana wedu sezvaakatsungirira miedzo yake mizhinji kana kuti mutsa nokuva nomufungo izvo zvakanga zviri rutivi rwokuvaka kwake hunhu hwechiKristu. Wezvamapisarema akafuridzirwa akati: ‘Vana inhaka inobva kuna Jehovha.’ Zvamazvirokwazvo uyu akanga ari mumwe, uye tinotarira mberi kukumuona munyika itsva yaJehovha yokururama, ichagadzwa nokukurumidza zvino muparadhiso yapasi.”—Pisarema 127:3; Jakobho 1:2, 3.
Ngatikarirei kuzadzika kwechipikirwa chaJesu nokuda kwaAdrian chiri pana Johane 5:28, 29: “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.”
Kupfurikidza nokuramba kuisira ropa uko nomutoo unopwisa kungadai kwakatambanudza upenyu hwake hwazvino, Adrian Yeatts akazviratidza amene kuva mumwe wavanhu vaduku vazhinji avo vanoisa Mwari pakutanga.
[Bhokisi riri papeji 5]
‘Upenyu Huri Muropa’
Ropa rakaoma kunzwisisa nomutoo usingadaviriki, richisvika sero rimwe nerimwe riri mumuviri. Mudonhwe rimwe chete, masero matsvuku 250 000 000 anotakura oxygen ndokubvisa carbon dioxide; masero machena 400 000 anotsvaka ndokuparadza utachiona husingadiwi; maplatelet 15 000 000 anoungana nokukurumidza apo pane pakakuvara ndokuvamba kugwamba kuvhara ronda racho. Zvose izvozvi zviri muplasma yakajeka, ine ruvara rwakachenuruka, iyo inoumbwa imene namativi anosvika zviuru anoita mabasa anokosha mundaza refu yamabasa eropa. Vezvesayenzi havanzwisisi zvose izvo ropa rinoita.
Hakushamisi kuti Jehovha Mwari, Musiki weichi chinoyerera chinoshamisa, anozivisa kuti ‘upenyu huri muropa.’—Revhitiko 17:11, 14.
[Bhokisi riri papeji 7]
Kuisirwa Mwoyo Womumwe Kusina Ropa
October apfuura, Chandra Sharp ane makore matatu okukura akaiswa muchipatara muCleveland, Ohio, U.S.A., nemwoyo uyo wakanga usina kungokura bedzi asiwo waikundikana. Akanga asingawani kudya kwakakwana, kukura kwake kwakadukupiswa, uremo hwake makirogiromu mapfumbamwe bedzi, uye akanga achida kuisirwa mwoyo womumwe. Akapiwa mavhiki mashomanene bedzi okurarama. Vabereki vake vakabvuma kuisirwa mutezo womumwe asi kwete kuisira ropa. Ivo Zvapupu zvaJehovha.
Ichi chakanga chisati chiri chinetso nachiremba wacho, Dr. Charles Fraser. The Flint Journal yeMichigan yakashuma pana December 1, 1993, kuti: “Fraser akati Cleveland Clinic nedzimwe nzvimbo dzokurapa dziri kuva nyanzvi zvikuru pakuita kuvhiya kuzhinji—kubatanidza kuisira mutezo womumwe—pasina kuisira murwere ropa ravamwe vanhu. ‘Takadzidza zvakawanda pamusoro pokudzivirira kubuda ropa, uye nzira yokugadzira nayo muchina unoshanda samapapu nomwoyo nemishonga isati iri yeropa,’ akadaro Fraser.” Akawedzera ipapo, kuti: “Kwamakumi amakore zvipatara zvine unyanzvi zvave zvichiita kuvhiya tsinga dzomwoyo kukuru pasina kuisira ropa. . . . Tinoedza nguva dzose kuita kuvhiya pasina ropa (rinoisirwa).”
Pana October 29, akaisira mwoyo womumwe pana Chandra pasina ropa. Pashure pomwedzi Chandra akashumwa kuva ari nani.