Krisimisi—Inodya Zvakawanda Kupfuura Zvaunofunga Here?
“AMAI, Baba—kuna Santa Claus chaizvoizvo here?” Inhambo inokosha kwazvo iyo vabereki vakawanda vanotya. Nomuvhenganiswa wokuodzwa mwoyo nokukuvadzwa mumeso ake, Jimmy ane makore manomwe okukura anokumbira vimbiso yokuti munhu wokufungidzira uyo akaunza zvipiwa izvozvo zvose zvinoshamisa ariko chaizvoizvo—uye kuti vabereki vake havana kumurevera nhema.
Chakaitika ndechokuti, kakomana kaduku kakavakidzana navo kakanga kari muparimhaka uyo akazivisa zvokwadi inotyisa ndokuisa ava vabereki muiyi nzvimbo yakaipa. Zvichida yeuko dzouhwana hwako dzinobatanidza chinoitika chakafanana.
Kuchengetwa kwamazororo kwanhasi kunopfuura zvikuru kuchengetawo zvako kworudzidziso. Kunoratidzika kuti Krisimisi yakazvipinza imene munzvimbo umo isingakarirwi kuva yakakurumbira. VaBuddha vechiJapan, vezvokudavira kuti zvinhu zvose zvine mweya veAfrica, vaJudha veAmerica, uye maMuslim eSingapore nenzira yakafanana vakazarurira nzira murume ari chigwitigwiti, akapfeka sutu tsvuku ane zvipo. Mumwe mutungamiriri worudzidziso akabvunza, kuti: “Krisimisi haisati yava zororo renyika yose rinochengetwa navose here?”
Mukuwirirana nokufunga kwavakawanda, Krisimisi yakaratidza chimiro chayo chokushongedzwa kwe“chiKristu” chokuMadokero ndokuva nguva inokwezva yomufaro womutambo nokuda kwavose. Vana vanova musimboti wokuchengeta. Vamwe vanhu vangatsunga kutaura kuti hakuna upenyu hwomwana hwakakwana kana pasina mufaro wamashiripiti weiri zororo. Sezvinoratidzika, iripo kuti igare. Zvidzidzo zvechikoro nemitambo zvinovakirwa pairi. TV inoikudza. Zvivako zvine mashopu akawanda nezvitoro zvamadhipatimendi zvinoiratidzira. Vabereki vanodira nguva zhinji nemari muKrisimisi. Asi kunze kwomuuyo wenguva dzose wechikwereti chinorema, pane mutengo mukuru zvikuru mhuri yako ingabhadhara here?
Ngano yaSanta—Kuputswa Kwechivimbo Here?
“Handidaviri kuti kuna Mwari,” John ana makore manomwe okukura akaudza amai vake kudaro. Nyaya yeWorld Herald inotsanangura chikonzero nei: “Kwakaratidzika kuti, John akanga aziva pakuvamba zvikuru pezuva iroro kuti Santa Claus akanga asiri chaiyeiye. Zvimwe Mwari akanga asiriwo chaiyeiye, akaudza amai vake kudaro.” Achiyeuka kuodzwa mwoyo kwake kwapakuvamba, John wamakore 25 okukura akati: “Apo vabereki vanoudza vana kuti Santa ndiye chaiyeiye, ndinofunga kuti zvichida ikoko kuputswa kwechivimbo.”
Chii chinofanira kuitwa nomugariro iwoyu unotambudza? Nyanzvi dzavana hadzibvumirani. Mumwe akakurudzira vabereki kuudza vana vavo zvokwadi pazera ramakore matanhatu kana kuti manomwe, achinyevera kuti “zvomenemene kungava kunokuvadza kundangariro dzavo kana vabereki vakaomerera mukupfuudzira ngano.”
Mubhuku rinonzi Why Kids Lie—How Parents Can Encourage Truthfulness, Dr. Paul Ekman anoti: “Hapana panikiro kuti imi savabereki mune pesvedzero huru pavana venyu pakureva nezvezvimiro zvendangariro, zvitendero, uye zviito zvefambidzano zvakadai sokureva nhema kana kuti kunyengedza.” Ekman anopfuurira, kuti: “Ukama hungasava hwakafanana kana kureva nhema kwangoputsa chivimbo. Kurasikirwa nechivimbo kunonetsa kugadziridza; dzimwe nguva hakutongogadziridziki.” Naizvozvo kupfuuridzirei nyengedzo pakureva nezvokupa kwezororo?
Mumwe munzveri womwana akazivisa, kuti: “Ndinofunga kuti vana vanokuvadzwa zvikuru navabereki vanovarevera nhema navanovanyengedza kupfuura zvavari pamusoro pokuwana kuti Santa Claus haasiri chaiye.” Dr. Judith A. Boss, purofesa wouzivi, anoti: “Vavariro yavanhu vakura . . . ndeyokunyengedza noune vana pamusoro pechimiro chaSanta Claus. . . . Mukuudza vana kuti Santa Claus munhu chaiyeiye, hatisiri kufadza fungidziro dzavana. Tiri kungovarevera nhema bedzi.”
Kana uri mubereki, une basa rakaoma zvikuru—kurera vana vanodiwa, vanofara munyika umo ivo vanodzidza pazera rokutanga kuti vanhu havangagoni kuvimbwa navo. “Usataura kuvaenzi.” “Haugoni kudavira chinhu chiri chose icho chiziviso cheTV chinotaura.” “Vaudzei kuti Amai havapo pamusha.” Mwana anodzidza sei wokuvimba naye? Bhuku rinonzi How to Help Your Child Grow Up rinoti: “Vana vaduku vanofanira kudzidza pakuvamba kudikanwa norunako rwokutendeseka, nezvoushingi, nezvokubata kunoremekedzeka navamwe; uye musha ndipo apo izvozvi zvinova namavambo azvo.”
Chokwadika, hakuna chinhu chakadai semhuri yakakwana. Zvisinei, munyori Dolores Curran akatanga kuziva vara remhuri dzakasimba. Akakumbira nyanzvi dzemhuri 551 mumativi akasiana-siana kusarudza mativi anokosha zvikurusa. Zviwanwa zvake, mubhuku rinonzi Traits of a Healthy Family, anokurukura mavara 15 apamusoro akasarudzwa nenyanzvi. Vara renhamba yechina rakanga riri “pfungwa yokuvimba.” “Mumhuri yakanaka,” iye anodaro, “kuvimba kunozivikanwa sevara rinokosha, rinosanokudziridzwa nokuchengetwa sezvo vose vari vaviri vana navabereki vanoenderera mberi vachipfuura nomunhano dzakasiana-siana dzoupenyu hwemhuri pamwe chete.”
Vabereki vanoita zvakanaka kubvunza kuti, ‘Kupfuudzirwa kwengano yaSanta kwakafanirwa nokurasikirwa nechivimbo chomwana wangu norunyindo mandiri here?’ Pangasava nokuchidzorera kunobvira. Krisimisi ine kumwe kurasikirwa kwakavanda here?
Kupa Kwakanyanyisa Here?
“Tanga noucheche kupa mwana chinhu chiri chose chaanoda. Neiyi nzira achakura kukudavira kuti nyika ine musengwa wokumutsigira,” rinodaro bhukwana rinonzi 12 Rules for Raising Delinquent Children. Kunyanyosimbisa zvinhu zvokunyama kunogona zvamazvirokwazvo kuva kunokuvadza.
Munyori nomubereki Maureen Orth anobvunza, kuti: “Tinoroverera sei mipimo nevara munyika inosimbisa zvinhu zvokunyama, umo kushandisa namakaro zvinoratidzika kuva zvinorumbidzwa kwazvo, kazhinji kazhinji nomutoo wokusaziva? Munyaya inoti “The Gift of Not Giving,” anochema, kuti: “Mwana wedu muduku anoita somutongi anodavira kuti zvipiwa ndichinoitika chezuva riri rose—sokuwana tsamba.” Iri ishoko chairoiro reKrisimisi here?
Zvakadiniko nemhuri dzisingagoni kana kukwanisa kuwana zvipo zvakawanda zvinotengeswa sezvipo zveKrisimisi zviri madikanwa chose chose? Dzinonzwa sei pwere idzedzo padzinonzwa kuti Santa anounza zvipiwa bedzi kuna vana vakanaka? Uye zvakadiniko navaduku vari mumisha yakaputsika vanorwadziswa mukuziva mukaha uri mumhuri dzavo panguva yezororo?
“Kazhinji kazhinji zvikuru chinhu chikuru chokuungana kwezororo ndechokuzarura zvipiwa,” inodaro The New York Times. “Kusimbisa ikoko kunopa vana shoko rokuti zvipiwa ndizvo izvo kuungana kwemhuri kuri nokuda kwako ndokuvagadzirira nokuda kwokuodzwa mwoyo kwavo.”
Rudo isundo inotoita zvikuru kukuita zvakanaka. Glenn Austin, munyori weLove and Power: Parent and Child, anoti: “Mumhuri inotsinhirana umo mwana anoita zvose zviri zviviri kuda nokuremekedza mubereki, mwana angaita nenzira inotenderwa kuti afadze mubereki.” Zvapupu zvaJehovha zvinoshanda zvakaoma kuti zviite boka roushamwari rakadaro rorudo mumisha yazvo. Mukuwedzera, vana veZvapupu zvaJehovha vanorerwa kuti vazive uye kuda Mwari wazvinobatira, Jehovha. Isimba guru rakadini riri muupenyu hwazvo nokuda kwokuitwa kwezvakanaka! Hazvidi munhu womungano kuti zvigombedzerwe mabasa akanaka.
Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa vana vazvo sezvipo zvinobva kuna Mwari. (Pisarema 127:3) Nokudaro, panzvimbo pokumirira karenda kuti ridzore kupa zvipo, ava vabereki vanogona kupa zvipiwa mugore rose. Panguva dzakadaro kwakaoma kuziva uyo anofadzwa zvikuru—muduku anokatyamadzwa kana kuti mubereki wake anofara. Mwana anoziva uko chipo chakabva. Kupfuurirazve, vabereki vari Zvapupu vanokurudzirwa kupa kazhinji kazhinji chipo chenguva yavo. Nokuti apo kasikana kaduku kanonzwa kakasuruvara kana kuti kane ukata, kamuri rizere nemidhori rinogona sei kuenzana nenhambo shomanene dzinopedzwa akambundirwa mumaoko aamai vake achiteerera kuna Amai vanotaura nhau pamusoro peapo vakanga vari muduku? Kakomana kaduku kachadzidziswa nzira yokuva murume newodhuropu izere neshongedzero yebaseball kana kuti nehurukuro refu, dzinofadza aina baba vake sezvavanofamba pamwe chete here?
Uhu hupedyo hunochengetwa hunogona kuva hunoponesa upenyu. Vanzveri vavana vakawana kuti sezvo mukaha wechizvarwa wakakurumbira unovamba nokuda kwepwere, anova anopesvedzerwa zvakasimba zvikuru navaenzani. Kusazvibata kwoupwere nechimiro chendangariro chinoshata kuvanhu vakura zvakabatanidzwa pamwe chete. “Asi avo vakachengeta mirangariro yakanaka yavabereki vavo navanhu vakura vose zvazvo havana kukumbanirana vamwe vaenzani vavo mumisikanzwa.”
Zvapupu zvaJehovha padzimwe nguva zvakatsoropodzwa nokuda kwokusagoverana mumufaro wezororo nemhuri dzazvo. Kungaratidzika kuti vana veZvapupu zvaJehovha vanonyimwa uyu mufaro chaiwo. Asi ava vabereki vapachokwadi navana vane zvikonzero zvakanaka zveBhaibheri zvokurega. (Tapota ona mapeji 19-22.) Uye ava vaduku vari kukudziridza simba retsika rakasimba richakurira uremu hwedzvinyiriro yavaenzani inoputsanya chido chedzimwe pwere. Tsika dziri kukukurwa nefungu rinokwira rouipi. Vatano youtere, mirimo, masimba masimba, chinwiwa chinodhakisa, tsika dzorudzidziso, vanobata vana zvisina kufanira—ngozi dzakawanda zvikuru dzinotyisidzira vanhu vaduku vasina kudzivirirwa.
Mubereki anogona sei kudzivirira muduku pangozi idzodzi dzenguva dzose? Kubvira paucheche vana veZvapupu vanogamuchira rovedzo yenguva dzose kuti vatsamire pamitemo yakasimba yetsika yeBhaibheri. Vabereki vane rudo vanovabetsera kunzwisisa murangariro waMwari kwete bedzi pamusoro pamazororo asi pamusoro pamativi ose oupenyu. Kuteerera Mwari wavo kunobva murudo noruremekedzo nokuda kwake, kunyange kana kukareva kuva akasiana. Fungidzira kuti ikoku kunofanira kuvagadzirira sei nokuda kwohukuru huduku hunobudirira! Kana mwana muduku achigona kugara mukirasi rakazara navaenzani vari kuita zvinoratidzika kuva zvinofadza uye achishinga nokuda kweicho anodavira kuti chakarurama, anokwanisa zviri nani sei kukurira muedzo wapashure wezvinhu zvinoratidzikazve kuva zvinofadza—mirimo, vatano yapamberi peroorano, uye dzimwe nyengedzo dzinokuvadza! Vana veZvapupu zvaJehovha vangakudziridza simba retsika iro vamwe vana vakawanda vanganyimwa.
“Vazhinji vavana vandanzvera havana kutenda,” anodaro Dr. Robert Coles, munzveri wapaHarvard. “Vakarasikirwa nechinhu chiri chose kunze kwokuzvibatikanisa vamene, uye ikoku kunokudziridzwa zuva rimwe nerimwe nenzira yavanorerwa nayo.”
Nyanzvi yezvirwere zvavana inorondedzera mhuri yakasiana, kuti: “Vanoda vana vanoitira hanya vamwe uye vanozvipa vamene zvishoma. . . . Vanorarama upenyu hwakapfava zvikuru . . . , asi vane chimwe chinhuzve. Nokuda kwokushaika kwenzira iri nani yokukutaura, ndingakudana kuti gutsikano.”
Dolores Curran anodudza kukoshesa basa kuna vamwe sechinhu chikuru kumufaro. “Nokuti dzimwe mhuri murudzi rwedu [United States]—zvamazvirokwazvo zhinjisa, ndingadaro—budiriro nokurondwa kwoupenyu hwakanaka ndiro donzo guru.” Asi “mhuri dzinofunga kuti mitezo inogona uye ichava inotarisira vamwe inova mhuri dziya dzakanaka dzinokoshesa basa kuna vamwe. . . . Vana vomuidzi mhuri zvavanokura, vanoda kuva vanhu vanoitira hanya zvikuru navane mutoro somuuyo wezvinoitika zvemhuri yavo.” Curran anocherekedza pakati pavabereki vanobudirira “kudzokera kuukoshi hwokutsvaka mufaro muvanhu nomukupa panzvimbo pokutenga, kutora, uye kupedza.”
Kuchitaurwa neimwe nzira nenyanzvi yakatanhamara pamusoro pokupa, “mune mufaro mukuru mukupa kupfuura uri mukugamuchira.” (Mabasa 20:35, NW) Mhuri dziri Zvapupu chibvumikiso chaichoicho chouku kutaura kwakaitwa naKristu Jesu. Kufanana naye upenyu hwazvo hwakavakirwa paushumiri hwechiKristu. Vamwe vangarangarira havo kuti pwere dziri Zvapupu dziri kudyeredzerwa uye kumanikidzwa kuperekedza vabereki vadzo pasuo nesuo. Mukupesana zvikuru, dziri kudzidziswa nomuenzaniso wavabereki nzira yokuratidza nayo rudo kuna vanhu biyavo kupfurikidza nokupa kwapachena kuvavakidzani vavo mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari.—Mateo 24:14.
‘Hakudzvinyiriri Vana Here?’
Asi kurera kworudzidziso kworumano hakudzvinyiriri mwana muduku here? Hakusi nani kurega zvisarudzo zvorudzidziso zvichiitwa nomunhu mumwe nomumwe pakusvika ukuru here? Iwoyo ungava murao wenhamba yechitatu we 12 Rules for Raising Delinquent Children, unoti: “Usatongomupa rovedzo ipi neipi yomudzimu. Mirira kusvikira asvika makore 21 uye ipapo murege ‘azvisarudzire amene.’”
Zvisinei, pfungwa huru yetsika yomwana, mukuwirirana naDr. Coles, inovamba kukura pakuvamba sapamakore matatu ezera. “Mumwana mune pfungwa yetsika iri kukura. Ndinofunga kuti ndeyokupiwa naMwari, kuti mune kupanga tsika.” Iyi inguva inotambudza nokuda kwokurovererwa kwemipimo yechokwadi yetsika. Somuenzaniso, ndiyo nguva yokudzidzisa kupfurikidza nomuenzaniso ukoshi hwezvokwadi mukupesana nokureva nhema. Bhaibheri rinosimbisa ukoshi hwokurovedza mukati mamakore oupwere: “Rovedza mukomana mukuwirirana nenzira yake; kunyange apo iye anokura iye haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6, NW.
Curran anoti: “Vana nhasi havagoni kukarirwa kuva vane tsika pasina betsero. . . . Vanozvidavirira vangu venzvero vanokarakadza kuti kana mhuri yakanaka zvikuru pfungwa yavo yechakarurama nechakashata inokudziridzika zvikuru.”
Mushandi womunzanga achipindura kukunzvera kwaCurran akati: “Pane chikonzero chisinganzvengeki chesimba icho kutenda kworudzidziso kunopa mhuri.” Nokuda kwemhuri ine chikonzero chinogoveranwa chorudzidziso, anodaro Curran, “kutenda muna Mwari kunoita basa guru muupenyu hwemhuri hwezuva nezuva. Chikonzero chorudzidziso chinosimbisa gadziriro yokutsigira mhuri. Vabereki vanonzwa mutoro wakasimba wokupa kutenda, asi vanoita kudaro munzira dzakananga nedzine revo.”
Betserai Vana Venyu Kunzwa Rudo rwaMwari
Ratidza vana zvipo zvaMwari zvinovaunzira mufaro wakadaro. Vatai pauswa uye nzverai navo karuva kakagadzirwa nomutoo wakaoma kunzwisisa. Onai tsikidzi yorukweza inobuda muiri sango rizere nouswa kuti ikwire kusvikira kumusorosoro kwechipande chouswa, inosimudza zvikukidzo zvamapapiro ayo zvina matsaratsate matsvuku namatema, uye inobhururuka. Varegei vanzwe kushamiswa kwokuturabefu sezvo fufura kamwe kamwe rinomhara paruoko kuti risimudze nokuderedza mapapiro aro akacheneruka akajeka nokuda kwezororo pfupi uye kupinza mushana. Vatai namanhede kuti muone hore dzinoyanguruka pamusoro, uye onai sezvadzinochinja kubva mukunoratidzika sengarava kukuva mabhiza ari kuenda kudzimba dzoumambo mudenga. Munguvayi yose ratidzai kuvana venyu kuti ndiye Musiki wedu Mwari anotiunzira zvipo zvakadaro zvomufaro.
Uye zvimwe zvipo zvakawanda, zvakadai sekitsi ine miitiro yayo yokutamba neshizha inotisiya tapfurupfutidzika nokuseka kana kuti mbwanana ine mvere zhinji dzakagonyana inoti“denha” mukutamba, musoro uchizunguzwa rutivi norutivi, ichidhuruma nomutoo unotyisa sezvainokwinha maoko ezvipfeko zvedu, bva noushamwari ichipinimidza muswe wayo mukusarega munguvayi yose. Kana kuti kutamba mufuro regungwa, kukwira mugomo, kana kuti kuringa usiku kumusoro mukushamisika denga rakazara zviedza zvinotaima nezvinopenya kwakakwirira kumusoro. Kuziva kuti izvi zvipo nezvimwe zvisingaverengeki zvinobva kuno Uyo akatipa upenyu hwedu, kuva vanokwanisa kumuonga nokuda kweizvi zvipo, kunzwa kuonga kwokumuziva—kose ikoku kunounza mufaro kwatiri uye kunoratidzira rudo rukuru nerwokuonga nokuda kwake.
Uye pakupedzisira mumhoteredzo yemhuri, kumbundirana nokutsvodana kwakawanda kunobva kuna Baba naAmai, uko kunobetsera vana kunzwa kuchidziro youshamwari hwechengeteko nokuonga zuva riri rose. Vabetserei kuchengeta kutenda muna Jehovha, vachiramba kunyange kureva nhema kukuru kupfuura kwapamusoro paSanta akapfeka sutu tsvuku, ndiko kuti, kuti izvi zvipo zvose zvakaisvonaka zvinobva kuna Mwari zvakangoitika hazvo, zvakangovapo—nhema dzinodzidziswa pasina ufakazi hwesayenzi, dzisingatsigirwi nomutoo wesayenzi, uye dzinochengetwa bedzi nedzidziso isingapokanidzwi inodzokororwa yadzokororwazve kazhinji kazhinji kuti dzifashamire ndangariro dzomuduku.a
Goveranai navana venyu muminyengetero yenguva dzose kumukurusa waVapi—pazvokudya, pakurava Shoko rake, pakupera kwezuva. Simudzai mwana anoonga, uye pfungwa iyeyo yokuonga ichanatsa chinoitika chiri chose iye anacho muupenyu. Iye amene achakura kuva mupi anofara mukutevedzerwa kwaMwari wechokwadi nokwavabereki vaanoda. Ipapo mufaro uchauya, kwete namazuva akafanogadzwa ekarenda, asi nenhambo dzinongozviitikira dzimene dzomufaro mukuru mukurarama. “Vanofara vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha!”—Pisarema 144:15.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Chimwe chezvipo zvakanakisisa zvaunogona kupa vana vako inguva