Vanhu Vaduku, Dzvinyiriro Huru
“Nhamo dzavana iduku, zvamazvirokwazvo, asi mwana akadarowo.”—Percy Bysshe Shelley.
TARIRA mufananidzo uri pasi apa wengowani ine korona refu. Pakuringa kwokutanga ngowani inoratidzika kuva refu kupfuura muromo wakafara. Chaizvoizvo, zvisinei, zvose zviri zviviri kukwirira nokupamhama zvakaenzana. Ukuru hunogona nyore nyore kuva hunorangarirwa zvisina kururama.
Kunongova bedzi kuri nyore kuti vanhu vakura varangarire zvisina kururama ukuru hwedzvinyiriro yomwana. ‘Zvinetso zvavana zviduku zvikuru,’ vamwe vanorangarira kudaro. Asi uku kufunga ifungidziro. “Vanhu vakura havafaniri kurangarira zvinetso kupfurikidza noukuru hwazvo,” rinonyevera kudaro bhuku rinonzi Childstress! “asi kupfurikidza noukuru hwokurwadza kwazvinoparira.”
Muzvinoitika zvakawanda mwero yokurwadziwa kwomwana mikuru zvikuru kupfuura inozivikanwa navanhu vakura. Ikoku kwakasimbiswa nefundo umo vabereki vakakumbirwa kukarakadza mugariro wendangariro wavana vavo. Vanodokuva vose vakapindura kuti vana vavo vakanga “vachifara zvikuru.” Bva, pavakabvunzwa vakaparadzana navabereki vavo, vazhinjisa vavana vakazvirondedzera vamene sa“vasingafari” uye kunyange “vanosiririsa.” Vana vanonangana nokutya uko vabereki vanodukupisa zvikuru.
Mune imwe fundo, yakaitwa naDr. Kaoru Yamamoto, boka ravana rakabvunzwa kukarakadza zvinoitika zvoupenyu 20 pamwero wedzvinyiriro yamapfundo manomwe. Ipapo boka ravanhu vakura rakakarakadza zvinoitika zvimwe chetezvo zvakafanana mukuwirirana namanzwire avakaita kuti mwana aizozvikarakadza. Vanhu vakura vakarangarira zvisina kururama pazvinhu 16 zve 20! “Isu tose tinofunga kuti tinoziva vana vedu,” anogumisa kudaro Dr. Yamamoto, “asi kazhinji kazhinji zvikuru hationi zvomenemene kana kuti kunzwa, uyewo kunzwisisa, chiri kuvanetsa zvomenemene.”
Vabereki vanofanira kudzidza kuhwirudzura zvinoitika zvoupenyu murutivi rutsva: kupfurikidza nameso omwana. (Ona bhokisi.) Ikoku kunokosha zvikurukuru nhasi. Bhaibheri rakadeya kutaura kuti “mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzedzvinyiriro huru dzichavamba . . . dzakaoma kubata nadzo uye kutsungirira.” (2 Timotio 3:1, The Amplified Bible) Vana havasati vari vasingatapurwi nedzvinyiriro yakadaro; kazhinji kazhinji, ndivo vanyajambwa vayo vakuru. Nepo dzimwe dzvinyiriro dzavana dzichingova hadzo “dzinongoerekana dzamuka kupwere,” dzimwe ndedzechienzi zvikuru uye dzakafanirwa nengwariro chaiyo.—2 Timotio 2:22.
[Bhokisi riri papeji 22]
Kupfurikidza Nameso Omwana
Rufu Rwomubereki = Kunzwa Kuva Nemhaka. Achiyeuka mifungo yapakarepo yokutsamwira mubereki, mwana angachengeta kunzwa kwakavanzwa kwokuva nomutoro nokuda kworufu rwomubereki.
Chatanuro = Kusiiwa. Kurangarira kwomwana kunotaura kuti kana vabereki vachigona kurega kudanana, vangaregawo kumuda.
Udhakwa = Kusagadzikana. Claudia Black anonyora, kuti: “Mhoteredzo yezuva nezuva yorutyo, kusiiwa, kurambwa, kusawirirana, uye masimba masimba chaiwo kana anobvira anochengetwa mumusha woudhakwa haisati iri mhoteredzo inoshanda, yakanaka.”
Kurwa Kwavabereki = Kutya. Imwe fundo yavadzidzi 24 yakazivisa kurwa kwavabereki kuva kunodzvinyirira zvikuru zvokuti nhambo dzokurutsa, zvinyamunhari zvorutyo zvechiso, kurasikirwa nebvudzi, kurasikirwa nouremu kana kuti kuva nomuviri, uye kunyange chironda zvakanga zviri miuyo.
Kunyanyowana rubudiriro = Kangaidziko. “Kupi kana kupi vana vanotendeukira,” anonyora kudaro Mary Susan Miller, “vanoratidzika kuva vari kumhanyira upenyu hwavo munhangemutange yavakarongerwa navanhu vakura.” Vachidzinyirirwa kuti vave vari nani zvikurusa kuchikoro, pamusha, uye kunyange pakutamba, mwana haatongokundi, uye nhangemutange yacho haitongogumi.
Achangobva Kuberekwa = Kurasikirwa. Zvino achifanira kugoverana ngwariro norudo zvomubereki, mwana anganzwa kuti iye arasikirwa nomubereki panzvimbo pokuwana munun’una.
Chikoro = Funganyo Yeparadzano. Nokuda kwaAmy, kusiya amai vake uye kuenda kuchikoro kwakanga kuchirwadza zvikurusa uye kuchitambudza.
Mhosho = Nyadzi. Nokuzvirangarira kwavo kusina kutsiga, vana vano“kombamira kurangarira zvinhu sezvinetso zvikuru kwazvo kupfuura zvazviri chaizvoizvo,” anodaro Dr. Ann Epstein. Nyadzi, iye akawana, dzakanga dziri chimwe chezvisakiso zvinozivikanwa zvikurusa zvokuzviuraya kwavana.
Hurema = Kangaidziko. Kunze kwokusekwa navezera rake vasinganzwiri tsitsi, mwana akaremara mumuviri kana kuti mundangariro angatofanira kutsungirira kusashivirira kwavadzidzisi nemitezo yemhuri vanoratidzira kuodzwa mwoyo pamusoro peicho asingakwanisi.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Ngowani ine korona refu yechinyakare