RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 8/8 pp. 27-28
  • Betsera Vana Vako Kugonana Nedzvinyiriro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsera Vana Vako Kugonana Nedzvinyiriro
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Teerera
  • Bvuma Kunzwa
  • Nzwira Tsitsi
  • Gadza Muenzaniso Wakanaka
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 8/8 pp. 27-28

Betsera Vana Vako Kugonana Nedzvinyiriro

“Vana vakawanda havawani munhu pamusha—mumuviri kana kuti mundangariro—apo vanoda kutaura.”—Depression—What Families Should Know.

MHURI yakaidzwa zvakarurama kuti rabhoritari yendangariro. Inzvimbo yokunzverera umo vana vanoedza zvitendero zvavo, vanocherekedza miuyo, ndokuvamba kusvika mhedziso dzakati pamusoro poupenyu. Vabereki vanogona sei kuva nechokwadi chokuti vana vavo vari kuita kuedza kwakadaro kunokosha mumhoteredzo yakanaka panzvimbo peinodzvinyirira?

Teerera

Bhuku rinonzi The Child in Crisis rinokurudzira vabereki, kuti: “Pfuurirai kukurukura nomwana wenyu.” Somutoo wekurukurirano pakati pomubereki nomwana, kurukurirano inokosha zvikuru apo pave pane chinoitika chekuvadziko mumhuri. Usatongofunga hako kuti nemhaka yokuti mwana anyerere, haasiri kutambura kuita kwakashata kuchinoitika chekuvadziko kana kuti kugadziridza. Angave ari kudzvinyirira kunzwa kwefunganyo uye achitambura mukunyarara, sezvakaita mumwe musikana wamakore manomwe okukura uyo akawana makirogiramu 15 mumwedzi mitanhatu pashure peparadzano yavabereki vake.

Shoko rokuti “kurukurirano” rinoratidzira kuti vakurukuri vaviri kana kuti vanopfuura vanobatanidzwa. Nokudaro, mubereki haafaniri kuita kutaura kwose. Rick naSue vakatsvaka kupiwa zano apo mwanakomana wavo wamakore matanhatu okukura akatanga mufambiro usingadzoreki wokuvirima pamusha. Pashure pokusangana nemhuri yose, mupi zano akacherekedza chimwe chinhu. “Vabereki vaikamuranisa chinhu chiri chose noungwaru, netsananguro refu uye kazhinji kazhinji dzokunyanyisa,” akataura kudaro. “Kupfuurirazve, vabereki vaikombamira kukuita kurukurirano yose, uye ndaigona kuona vana vachiva nechinya.” Kunobetsera kurega mwana achitaura amene. (Enzanisa naJobho 32:20.) Kana asingagoni kutaura zvinetso zvake apo zvinotanga, angazviratidzira kupfurikidza nomufambiro gare gare.—Enzanisa naZvirevo 18:1.

Kurukurirano inokosha apo chirango chinodikanwa. Mwana anonzwa sei pamusoro peruramiso? Anonzwisisa here chikonzero nei iri kupiwa? Panzvimbo pokungoudza bedzi mwana manzwire aanofanira kuita, wana chiri mumwoyo make. Rangarira naye kuti agone kutungamirirwa kumhedziso yakakodzera. “Govera zano rakafanirwa nokurangarira kwokungwarira,” anonyora kudaro Elaine Fantle Shimberg, “asi rega mwana wako afungisise.”

Bvuma Kunzwa

Vamwe vabereki vanovhara kurukurirano nokutaura kwakadai sokuti, “Nyarara kuchema kwako.” “Haufaniri kunzwa nenzira iyoyo.” “Hakuna kushata samafungire aunokuita.” Kuri nani zvikuru kubvuma kunzwa kwomwana. “Ndinoona kuti chimwe chinhu chakusuruvarisa.” “Unoratidzika zvomenemene kuva atsamwa.” “Ndinoziva kuti unofanira kuva aora mwoyo.” Ikoku kuchaita kuti kurukurirano ipfuurire.

Bhuku rinonzi How to Talk so Kids Will Listen & Listen so Kids Will Talk rinoita cherekedzo inobetsera muna ikoku: “Kana uchiedza zvikuru kusundira kure kunzwa kwokusafara kwomwana, anova asingakwanisi zvikuru kubvisa kunzwa kwakaipa. Kana uchigona kugamuchira zviri nyore zvikuru kunzwa kwakaipa, kunova nyore zvikuru kuti vana vabvise kunzwa kwakaipa. Ndinofunga kuti ungataura kuti kana uchida kuva nemhuri inofara, ungasva hako wagadzirira kubvumira kutaura kwokusafara kwakawanda.”—Enzanisa naMuparidzi 7:3.

Nzwira Tsitsi

“Sezvo vanhu vakura vazhinjisa vachirangarira nyika yavana mumurangariro wavo vamene,” anonyora kudaro Mary Susan Miller, “kwakavaomera kufunga upenyu hupi nohupi asi hwavo humene sohunodzvinyirira.”

Hungu, vabereki vanokanganwa nyore nyore kurwadza nefunganyo ivo vamene vakatambura vachingunoveri kukura. Naizvozvo, vanowanzodukupisa dzvinyiriro dzinonzwa vana vavo. Vabereki vanofanira kuyeuka icho kwakanga kwakaita kunangana nokufirwa nemhuka yaunotamba nayo, rufu rweshamwari, kutambura kunharaunda itsva. Vanofanira kuyeuka kutya kwavo vamene kwouhwana, kunyange kuya kwokusava nomufungo. Kuyeuka chinhu chinokosha chokunzwira tsitsi.

Gadza Muenzaniso Wakanaka

Kuti mwana wako anobata sei dzvinyiriro kunotsamira patambanuko huru pamabatire aunoiita iwe somubereki. Unoedza kuderedza dzvinyiriro kupfurikidza nokutendeukira kumasimba masimba here? Ipapo usashamiswa apo mwana wako anoratidzira funganyo yake nenzira yakafanana. Unotambura mukunyarara here apo unokangaidzwa zvikuru? Ipapo unogona sei kuraira kuti mwana wako ave akananga naanovimba? Kunzwa kwokudzvinyirirwa kwakavanzika zvikuru mumhuri yako zvokuti kunorambwa panzvimbo pokubvumwa ndokugadzikiswa here? Ipapo usakatyamadzwa nomuuyo wakaipa wakungava nawo mumuviri nomundangariro pamwana wako, nokuti kuedza kupi nokupi kuviga funganyo nguva dzose kuchawedzera bedzi ukombi hwokutaurwa kwako.

Kurera vana munyika ino yakazara nedzvinyiriro kunopa denho chaidzo kuvabereki. Kufundwa kweBhaibheri kwakabetsera vazhinji kugonana neidzi denho. Ikoku ndiko kwatingakarira, nokuti Muvambi weBhaibheri ndiyewo Muvambi woupenyu hwemhuri. “Uchenjeri hwaMwari hunobvumikiswa kuva hwakarurama kupfurikidza nemiuyo yahwo,” akadaro Jesu Kristu. (Mateo 11:19, The New English Bible) Kupfurikidza nokushandisa kwavo nheyo dzeBhaibheri, vabereki vachawana kuti Magwaro ano“betsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama.”—2 Timotio 3:16, NW.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kurukurirano yakanaka inosunungura dzvinyiriro

[Mufananidzo uri papeji 28]

Mukomana anoteura mukaka, mukoma anomuseka, asi baba nomutoo wokunzwisisa vanomunyaradza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe