Denda Ravana Vari Kudzvinyirirwa
“RANDY!” Rita akadanidzira kudaro, atyisidzirwa nechaakaona ari padaro rakati sezvo iye akasvika pamba pake. Pakanga pane mwanakomana wake Randy, akarembera hafu kunze kwefafitera rekamuri rokurara rouriri hwapamusoro, mamita masere pamusoro peberere rekongiri. Mukati memba, Larry akanzwa kudanidzira kusingadzoreki kwomudzimai wake uye akasundirwa mukuita chiito. Achimhanyira kumusoro nomumatanho, akasvetukira mukamuri rokurara ndokubata Randy, achimukwevera mukati nomutoo wakakotsekana. Vabereki vaRandy vakada mhinduro dzapakarepo. “Neiko waita izvozvo? Neiko?” vakabvunza kudaro mukusadavira. “Ungadai wakuvara; ungadai wafa!” “Ndaida kufa,” Randy akapindura mukusakendenga.Randy aingova bedzi namakore mashanu okukura.
MUZVITARISIKO zvose zvokunze, Randy akanga ari mukomana asingapengi, ane utano hwakanaka. Hapana munhu aimunyumwira kuti iye muchivande aida kufa. Bva, kupa zano kwakatevedzana kwakaratidzira kuti Randy akanga ari mwana ari kutambura kudzvinyirirwa zvikurusa.
Kufanana naRandy vana vakawanda nhasi ndivanyajambwa venhamo huru. Vasingakwanisi kuwana nzira dzakanaka dzokubata nadzo nokutambudzika kwavo, vamwe vanoedza mukusava namaturo kudzvinyirira funganyo yavo. Asi dzvinyiriro inovharirwa pakupedzisira inowana pokubuda napo. Nokuda kwavamwe, funganyo isingagoni kubudiswa nokutaura ichaguma nechirwere chokunyama kana kuti mufambiro wokusindimara. Nokuda kwavamwe, dzvinyiriro ichatendeudzirwa mukati kupfurikidza nezviito zvokuzviparadza, kubatanidza kuvadziko dzokuzvirwadzisa, vhiringidziko dzokudya, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhakisa nemirimo, uye kunyange kuzviuraya. The Child in Crisis inoti: “Zvizhinji zveizvi zvinetso—zvikurukuru kuzviuraya—zvakambonzwisiswa senzvimbo iri yoga yavanhu vakura navayaruki vakura. Zvino zvinoratidzika kuva zviri kubatanidza zvishoma nezvishoma vaduku zvikuru.”
‘Ikoku kunogona sei kuitika?’ vanhu vakura vakakangaidzika vanobvunza kudaro. ‘Uhwana hahusati huri nguva yezvitambiso nokutamba here, nguva yokuseka nokuita musere?’ Kuna vana vazhinji mhinduro ndikwete. “Uhwana senguva yemifaro isina kushatiswa inhau inoitwa navanhu vakura,” anotaura kudaro Dr. Julius Segal. Huchokwadi ihwohwu hunosuruvarisa hunosimbiswa nenyanzvi yezvokurapa vana Joseph Lupo: “Ndave ndakabatikana mubasa rokurapa kwamakore ana makumi maviri namashanu. Nhasi ndinoona vana navarwere vayaruka vakapera mwoyo vakawanda nekana.”
Chii chiri kuparira iyi dzvinyiriro isingaenzaniswi muvana? Ndezvipi zviri zviratidzo zvenyevero? Vana vari kudzvinyirirwa vanogona sei kubetserwa? Iyi mibvunzo ichakurukurwa munyaya dzinotevera.