RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 7/8 pp. 8-11
  • Upenyu Hweroorano—Kuhuita Kuti Hufadze Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hweroorano—Kuhuita Kuti Hufadze Zvikuru
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinhu Chinokosha Chomufarwa Weroorano
  • Kuratidza Rudo Nokuda Kwomuvakidzani Wako Wapedyosa
  • “Uvato Hweroorano Ngahuve Husina Svipiso”
  • Varume, Idai uye Chengetai Vadzimai Venyu
  • “Kwakarungwa Nomunyu”
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kiyi Mbiri Dzeroorano Inogara
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Itai Kuti Roorano Yenyu Ive Mubatanidzwa Usingagumi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 7/8 pp. 8-11

Upenyu Hweroorano—Kuhuita Kuti Hufadze Zvikuru

Chii chinogona kuita kuti roorano ibudirire?

Inhungamiro yaani inogona kutungamirira kumufarwa weroorano?

Zvinetso zvekurukurirano zvinogona sei kupedzwa?

VACHIPESVEDZERWA namabhuku avanorava pamusoro porusununguko rwavakadzi, Yasuhiro nomusikana wake, Kayoko, vakatanga kugara pamwe chete, vachifunga havo kuti vangagona kuparadza ukama hwavo panguva ipi neipi. Ivo vakanyoresa roorano yavo pamutemo pashure bedzi pokunge Kayoko ava nemimba. Zvisinei, Yasuhiro akapfuurira kuva nepanikiro pamusoro pegadziriro yemhuri. Nokusvika kwezvinetso zvemari nokunzwa kwokusawirirana, pakanga pasina chinhu chokuvadzivisa kuchatanura.

Imwe nguva pashure pechatanuro yavo, uye zvisingazivikanwi kuno mumwe nomumwe, vose vari vaviri Yasuhiro naKayoko vakatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pashure penguva yakati, mumwe nomumwe akadzidza nezvaikoku uye vaigona kucherekedza chinjo dzaiitwa muupenyu hwomumwe kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri. Vakasarudza kurooranazve. Zvino, nomurangariro wavo woumwari weroorano, vanodisa kurega zvimwe zvinhu kuti vapedze zvinetso zvavo.

Chii chakaita kuti roorano yavo yechipiri ibudirire? Kwakanga kuri kuremekedza kwavo Muvambi weroorano. (Genesi 2:18-24) Nhungamiro yakapiwa nomupi zano weroorano ane ruzivo rwokuzviwanira zvikurusa, Jehovha Mwari, ndiyo kiyi inozarura suo rokuenda kumufarwa weroorano.

Chinhu Chinokosha Chomufarwa Weroorano

Zvinetso zveroorano zvinogona kupedzwa uye roorano dzinochengetwa apo vakwanyina vose vari vaviri vanoshandisa icho Jesu Kristu akataura: “‘Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nendangariro yako yose.’ Uyu ndiwo murairo mukurusa nowokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sokuzvida kwaunoita umene.’” (Mateo 22:37-39, NW) Hechino chinhu chinokosha kumufaro weroorano. Vose vari vaviri murume nomudzimai vanofanira kuda Jehovha vasati vazvida vamene kana kuti mumwe nomumwe. Uhu ukama hungaenzaniswa norwonzi rwakakoswa rutatu. “Kana mumwe munhu akakurira mumwe bedzi, vaviri pamwe chete vangamudzivisa. Uye rwonzi rwakakoswa mutatu harungagoni kukurumidza kudamburwa kuva ruviri.”—Muparidzi 4:12, NW.

Sezvo kuda Mwari kuchireva kuchengeta mirairo yake, murume nomudzimai vanofanira kuisa mitemo yake nenheyo pamusoro pokuzvibata kwohunhu pakutanga muupenyu hwavo. Kupfurikidza nokuita kudaro vari kuita rwonzi rwakakoswa mutatu urwo rwonzi rwaro rwakasimba zvikurusa rwuri kuda kwavo Jehovha. Uye “mirairo yake hairemi,” inodaro 1 Johane 5:3.

Ikoku kunotungamirira kukurangarira roorano segadziriro yechigarire. (Maraki 2:16) Nenheyo yakadaro muroorano yavo, vakaroorana vachasundwa kupedza zvinetso zveroorano panzvimbo pokukundikana kunangana nezvinetso kupfurikidza nechatanuro.

Kuratidza Rudo Nokuda Kwomuvakidzani Wako Wapedyosa

Kuti uve nechisungo chechigarire nomukwanyina wako, unofanira kukudziridza kumuda kwako, muvakidzani wako wapedyosa. Urwu rudo runofanira kuva rusina udyire. Cherekedza kuti Bhaibheri rinokurudzira sei iyi nheyo: “Ivai norudo rwumwe cheterwo, zvamakabatanidzwa pamwe chete mumweya, muchibatisisa mufungo mumwe mundangariro, musingaiti chinhu nokuda kwekakavadzano kana kuti nokuda kwokuzvikudza, asi nokuzvininipisa kwendangariro muchirangarira kuti vamwe vakuru kwamuri, muchisvinurira, kwete fariro dzomunhu oga pazvinhu zvako umene bedzi, asiwo mufariro yomunhu oga paizvo zvavamwe.”—VaFiripi 2:2-4, NW.

Chokwadi, kwakaoma kusaita chinhu nokuda kwekakavadzano kana kuti kuzvikudza munyika ino ine udyire. Apo mukwanyina wako asingatangi mukuratidzira rudo, kusava noudyire kwakatooma zvikuru; asi kupfurikidza nokupfeka kuzvininipisa kwendangariro, uchirangarira kuti mukwanyina wako mukuru kwauri, uchakuwana kuri nyore zvikuru kufunga fariro dzomukwanyina wako. Bhaibheri rinotipa zano kuti tive nechimiro chendangariro chakanga chiri muna Kristu Jesu. Akanga ari mudzimu une simba, asi a“katora chimiro chomuranda,” achiva munhu. Kwete izvozvo bedzi, asi apo iye aiva pasi pano, iye a“kazvininipisa amene ndokuva anoteerera kusvikira kurufu,” uko kwakabetsera kunyange vanhu vasina kumugamuchira. (VaFiripi 2:5-8, NW) Kupfurikidza nokuratidza ichi chimiro chendangariro, Jesu akawana mwoyo yavashori vazhinji, uye ndizvo zvakaitawo vateveri vake, kupfurikidza nokutevedzera Jesu. (Mabasa 6:7; 9:1, 2, 17, 18) Kumwe cheteko kunogona kuitika kwauri. Kupfurikidza nokurangarira mukwanyina wako somukuru kwauri uye kusvinurira fariro yomunhu oga pazvinhu zvomukwanyina wako, zvishoma nezvishoma ungawana mwoyo wake.

Zvisinei, kurangarira mukwanyina wako somukuru hakusati kuchida kutera kwokusaita chinhu kwomudzimai kuushushi hwomurume, sezvo kwave kuri chinoitika muMabvazuva. Vose vari vaviri murume nomudzimai vanofanira kurangarirana savakuru mukuti mumwe nomumwe anodisa kurega zvimwe zvinhu nokuda kwomumwe. Apo vakaroorana vanotaura pamusoro pezvinetso zvavo nouku kuzvininipisa kwendangariro, vanoratidzira fariro isiri youdyire mune mumwe nomumwe, uye vanotevera zano roumwari, vanosanova mumugwagwa unoenda kukupedza zvinetso zvavo. Zvino ngatirangarirei rimwe rezano raMwari.

“Uvato Hweroorano Ngahuve Husina Svipiso”

Jehovha, akatanga gadziriro yeroorano, ane rongedzero nokuda kwoukama hwakafanira pakati pomurume nomudzimai wake. Apo akabvunzwa kana kuri kwapamutemo kuti murume achatanure mudzimai wake pamusoro porudzi rwuri rwose rwechikonzero, Jesu Kristu akati: “Ngaparege kuva nomunhu unoparadzanisa icho Mwari akabatanidza pamwe chete.” Akaratidzira kuti kunongova bedzi nechikonzero chimwe chapamutemo nokuda kwechatanuro nokuroorazve kupfurikidza nokutaurazve, kuti: “Ini ndinotaura kwamuri kuti upi noupi unochatanura mudzimai wake, kunze kwechikonzero choufeve, uye anoroora mumwe anoita upombwe.”—Mateo 19:3-9, NW.

Vatano yokunze kweroorano, kunyange kana ichiitwa muzita rorudo, hakusi kutongoda, nokuda kweshamwari ipi kana ipi. Mumwe murume pakati peJapan akanga achivatana navakadzi vanoverengeka kunze kweroorano yake. Mudzimai wake akava anonyumwira uye akakangaidzika. Roorano yavo yakanangana nenjodzi. Ipapo zuva rakasvika apo mumwe wavadiwa vake akamuudza kuti aizoita kuti ukama hwavo huzivikanwe kumudzimai wake uye akaraira kuti amuroore. “Ukama hwakadaro huhuiti kuti munhu afare,” anoyeuka kudaro norusuruvaro. Akabuda muna aya matope pashure pokukuvadza munhu ari wose aibatanidzwa. Mupimo weBhaibheri wakajeka zvikuru pane iyi nhau. “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye uvato hweroorano ngahuve husina svipiso, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4, NW) Kupfurikidza nokuchengeta uyu murairo, munhu anodzivisa hosha dzinopomeranwa muvatano, dzvinyiriro dzeroorano, uye nhamo yokudanana kwakavanzwa.

Varume, Idai uye Chengetai Vadzimai Venyu

Nheyo youmusoro mukati memhuri yakarongwawo naMwari. “Vadzimai ngavazviise pasi pavarume vavo sokuna Ishe, nemhaka yokuti murume ndiye musoro womudzimai wake sezvo Kristu ariwo musoro weungano,” inodaro VaEfeso 5:22, 23, (NW). Kushandisa iri zano hakusi nyore. “Yakanga iri denho huru nokuda kwangu,” anobvuma kudaro Shoko, akanga achibvuta maruramiro omurume wake okuita zvisarudzo zvokupedzisira. Achifunga kuti murume anofanira kutenga imba apo iye akanga asvika makore ake omukupera kwama 20, akamanikidzira murume wake kutenga imba yaakanga atowana. Apo akadzidza nheyo dzeBhaibheri dzinobatanidzwa, zvisinei, akavamba kurangarira murume wake nomufungo wakasiana. Iro rairatidzika kuva vara rokusaita chinhu uye kusava noushingi rakanga riri, apo rakaoneka mumufungo wakakodzera, kunzwisisa, kuzvininipisa, uye unyoro.

Iyi nheyo inoda kuti varume vave vanoziva kuti ivo vari pasi pechiremera chikuru chaKristu Jesu. (1 VaKorinte 11:3) Zvaari pasi pechiremera zvikuru chaKristu, murume anofanira kuda uye kuchengeta mudzimai wake nenzira imwe cheteyo Jesu anoda nayo vateveri vake. (VaEfeso 5:28-30) Nokudaro, murume wechiKristu nomutoo une mufungo acharangarira kunzwa kwomudzimai wake, zvishuvo, uye ganhuriro asati aita zvisarudzo.

“Kwakarungwa Nomunyu”

Hisako akanga ane zvinetso mukukurukurirana nomurume wake. Pari pose apo aiedza kukurukura chimwe chinhu naye, aizodzivisa kurukurirano kupfurikidza nokutaura, kuti: “Ita sezvaunoda.” Hisako anoyeuka, kuti: “Ndinofunga kuti kushaikwa kwounyoro kwandiri kwakanga kuri chisakiso chechinetso chedu. Kungadai kwakava nani kudai ndakanga ndataura nechimiro chenzwi chakaderera.” Nhasi, iye nomurume wake vanogona kukurukura nhau nenyemwerero pazviso zvavo. Chinjo yakaitika kubvira apo Hisako akashandisa zano rinotevera: “Kutaura kwenyu nguva dzose ngakuve nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapire amungaita mhinduro kune mumwe nomumwe.” (VaKorose 4:6, NW) Sezvo zvokudya zvakarungwa nomunyu zvichinaka zvikuru, mashoko akasanofungwa anotaurwa nomutoo wenyasha ari nyore zvikuru kugamuchira. (Zvirevo 15:1) Kutaura idi, kupfurikidza bedzi nokuva anorangarira mumataurire aunoita, kusanzwana muroorano kunogona kazhinji kazhinji kudziviswa.

Hungu, kuda Jehovha Mwari nokuremekedza nheyo dzake kunoshanda zvomenemene. Kuda Jehovha kunokusunda kuti urangarire roorano sechisungo chechigarire uye kunokubetsera kuva akatsunga kuichengeta. Mwari akagovera nhungamiro dzakanaka dzichakubetsera kubata nokusanzwana kwose kweroorano ndokupedza zvinetso zvenyu, pasinei hapo nokuti zvingave zvichiratidzika kuva zvakakura sei. Aiwa, mune zvinoitika zvizhinjisa chatanuro haisiri suo rokuenda kuupenyu hunofadza zvikuru, asi kushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri. Unogona kuzarura suo irero kupfurikidza nokukudziridza kuda kwako Jehovha. Kuregererei kudzidza zvakawanda pamusoro pezano rake mubhuku renhungamiro reroorano rine chiremera chikurusa, Bhaibheri?

[Bhokisi riri papeji 9]

Apo Chatanuro Iri Chisarudzo

KUNYANGE zvazvo Bhaibheri richibvumira chatanuro nokuroorazve pazvikonzero zvoufeve, upombwe hausati huchingoerekana hwagumisa ukama pakati pomurume nomudzimai. Mukwanyina asina mhaka ane chisarudzo chokuwana chatanuro kana kuti zvimwe kwete.—Mateo 19:9.

Yasuko akanangana neichi chisarudzo. Murume wake akanga aita mumwe musha nehure rake. Amai vomurume wake vakashora Yasuko ndokuti: “Zvose izvi imhaka yako kuti mwanakomana wangu ari kuzvibata neiyi nzira.” Yasuko akapfuurira kuchema. Vanhu vazhinji vakamupa pangiro, asi hapana nomumwe akashora upombwe hwomurume wake. Ipapo, amai vake vamene, avo vakanga vatanga kufunda Bhaibheri, vakamuudza, kuti: “MuBhaibheri, kunotaurwa nomutoo wakajeka kuti kuita upombwe kwakashata.” (1 VaKorinte 6:9) Yasuko akasunungurwa zvikuru kwazvo kuziva kuti kuchine mupimo nokuda kwezvakanaka nezvakashata munyika ino nhasi.

Zvino Yasuko akanga ane chisarudzo. Kunyange zvazvo aifunga nezvokuchatanura murume wake, aigona kuona pashure pokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kuti iye akanga asiri kuita rutivi rwakewo. Naizvozvo akasarudza kuedza nheyo dzeBhaibheri mukupedza zvinetso zvake. Akatanga kudzishandisa. (VaEfeso 5:21-23) “Kwakanga kusiri nyore,” anoyeuka kudaro. “Ndakapfuurira kuita ndaitazve. Ndainyengetera nguva zhinji kuna Jehovha nemisodzi.” Zvaakachinja, murume wake zvishoma nezvishoma akachinjawo. Makore mashanu gare gare, murume wake akagura chose chose batano dzose nehure rake. Yasuko anogumisa, kuti: “Ndinopwiswa kuti kuteerera Shoko raMwari kunobetsera chaizvoizvo.”

[Bhokisi riri papeji 11]

Kusawirirana Muvatano neChatanuro

VAKAROORANA vazhinji vanodudza kusawirirana muvatano sechikonzero chavo chechatanuro. Richinongedzera pane chinetso, bhuku rinobata negadziriro yemhuri inochinja yanhasi, rine musoro unoti Sekkushuaritii to Kazoku (Vatano neMhuri), rinoti: “Gadziriro yeroorano yomukadzi mumwe chete namashoko anobatikana noruchiva rwevatano nhasi hazviwirirani. Mashoko mazhinji evatano anoshatsa Rudo rwevatano uye anoparadza chidakadakawo zvacho. Hakusati kuri kutengeswa kwevatano bedzi asi matepi evhidhiyo ane mifananidzo youtere namabhuku amakomiki anoratidza miviri yavanhukadzi sezvinhu zvinotengeswa zvinoshatisa pfungwa dzavanhu nemwoyo. Nokudaro, vadzimai vanotapurwa nevatano [yavarume vavo] yakafanana nokubata chibharo, uye varume vanorambwa vanova vasine simba.”

Zvinyorwa zvoutere, mavhidhiyo, uye mapurogiramu eTV zvinoshatsa vatano. Hazvidzidzisi icho chinoumba farikanyo chaiyo yeroorano. Zvinoparadzawo chivimbo icho murume nomudzimai vanofanira kukudziridza kuti vave neroorano inobudirira. Psychology Today inoti: “Chivimbo chinokugonesa kuisa kunzwa kwako kwakadzama zvikurusa nokutya muchanza choruoko rwomukwanyina wako, uchiziva kuti zvichabatwa nengwariro. Nepo kunzwa kworudo kana kuti nyanduko yevatano kungawedzera kana kuti kuderera kwenhambo yakati yenguva, mupfungwa, chivimbo ndechenguva yose.”

Vatano haisati iri chinhu chinokosha apo upenyu hweroorano hunobudirira hunovakirwa. Mudzimai akapinda nomuzvinetso zveroorano zvinotambudza anoti: “Akandikurudzira zvikurusa aiva mashoko ebhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze: ‘Kungotaurawo zvakwo, kana humwe ukama hwose muroorano hwakanaka, kana pane rudo, ruremekedzo, kurukurirano yakanaka nokunzwisisa, ipapo vatano haisati ichizowanzova chinetso.’”a

Chisungo chaichoicho pakati pavakwanyina haisati iri vatano asi rudo. Vatano isina rudo haina maturo, asi rudo runogona kuvapo pasina vatano. Kupfurikidza nokuisa vatano munzvimbo yayo, kwete kuiita chinhu chikuru muupenyu hwavo, vakaroorana vanogona kufarikanya ushamwaridzani hwavo ndokupedza chinetso chokusawirirana muvatano.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kuremekedza nheyo dzeBhaibheri kuchabetsera vakaroorana kuti vakurukure norusununguko

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe