Zvinotaura Bhaibheri
Usataura Zvinokuvadza
“Mumuromo mumwe chete munobuda rumbidzo nokutuka. Hama dzangu, hazvina kufanira kuti zvinhu izvi zvienderere mberi zvichiitika nenzira iyi.”—JAKOBHO 3:10.
KUKWANISA kutaura ndechimwe chinhu chinokosha chinotisiyanisa nemhuka. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vanhu vanoshandisa chipo ichi zvisiri izvo. Kutuka, kupika kusina kufanira, mutauro wakasviba, kumhura, majee akaipa, uye kutaura kunonyadzisa zvinogona kukuvadza—dzimwe nguva kutodarika nokure kukuvadzwa kwomuviri. “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo,” rinodaro Bhaibheri.—Zvirevo 12:18.
Vanhu vakawanda kwazvo vane tsika yokutuka. Zvikoro zviri kuti kushandiswa kwomutauro unonyadzisa nevana kuri kuwedzera. Kunyange zvakadaro, vamwe vanhu vanoti, mutauro unokuvadza unogona kubatsira kana ukashandiswa kubudisa pfungwa dzako. Mumwe mudzidzi wesayenzi yezvematongerwe enyika akanyora kuti: “Kushandisa mutauro usina kuchena kwakakodzera kana mashoko edu atinogara tichitaura asingabudisi manzwiro edu omukati-kati.” VaKristu vanofanira kuona mutauro unokuvadza nemafungiro akareruka kudaro here? Mwari anozviona sei?
Sema Majee Anonyadzisa
Mutauro unonyadzisa hauna kutanga mazuva ano. Zvingakushamisa here kuziva kuti vanhu vaitaura zvinonyadzisa mumazuva evaapostora, makore anoda kusvika 2 000 akapfuura? Somuenzaniso, zvinoita sokuti vamwe vaiva muungano yeKorose vaishandisa mashoko anonyadzisa pavainge vagumburwa. Vangave vakaita kudaro kuti varwise kana kukuvadza vamwe vachiziva zvavo, zvichida vachitsiva. Saizvozvowo, vanhu vakawanda nhasi vanoshandisa mutauro unonyadzisa kana vafufutirwa nehasha. Saka, tsamba yaPauro kuVaKorose inokosha muzuva redu. Pauro akanyora kuti: “Bvisai chaizvoizvo zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, uipi, kutaura zvakaipa, nokutaura kunonyadzisa kunobva mumuromo menyu.” (VaKorose 3:8) Zviri pachena kuti, vaKristu vanorayirwa kusafufutirwa nehasha uye kusataura zvinonyadzisa zvinowanzofambidzana nehasha.
Ichokwadi kuti vakawanda vanotaura zvinonyadzisa vasina vavariro yokurwisa kana yokukuvadza vamwe. Zvichida mutauro unonyadzisa unowanzoshandiswa nenzira yokusakendenga. Saka mashoko akaipa anobva adzika midzi mumutauro wezuva nezuva. Vamwe vanotowana zvakaoma kukurukura vasingashandisi mashoko anonyadzisa. Kazhinji, mutauro unonyadzisa unotoshandiswa kusetsa. Asi majee anonyadzisa akadaro anofanira kuonekwa seasinganyanyi kugumbura, seanogamuchirika here? Chimbofunga zvinotevera.
Majee anonyadzisa ndiwo mutauro unogumbura unoitirwa kusetsa vamwe. Nhasi majee anonyadzisa akanyanya kurerekera kuzvokurarana kwomurume nomukadzi. Uye vakawanda vanozviti vanhu vakadzikama, vanovaraidzwa nomutauro wakadaro. (VaRoma 1:28-32) Saka hazvishamisi kuti tsika dzokurarana kwomurume nomukadzi kwomuzvarirwo nokusiri, ndidzo nyaya dzinonyanya kukurukurwa nevezvemitambo inosetsa vakawanda vane unyanzvi. Majee anonyadzisa anoratidzwa mumafirimu akawanda nomumapurogiramuwo eterevhizheni neenhepfenyuro.
Bhaibheri rinotaura nyaya iyi yemajee anonyadzisa. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muEfeso kuti: “Ufeve nokusachena kworudzi rwose kana kukara ngazvirege kumbodudzwa pakati penyu, sezvazvinokodzera vanhu vatsvene; kana mufambiro unonyadzisa kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa, zvinhu zvisina kufanira.” (VaEfeso 5:3, 4) Zviri pachena kuti mutauro unonyadzisa, pasinei nechinangwa chawo, haufadzi Mwari. Wakaipa. Mutauro unokuvadza.
Mashoko Asiri Omutsa Asingafadzi Mwari
Kutaura kunokuvadza chokwadi kunosanganisira zvakawanda kwazvo kupfuura mutauro unonyadzisa chete. Kutuka, kunyomba, kuseka vamwe, uye kutsoropodza kusina mutsa zvinogona kukuvadza kwazvo. Ichokwadi kuti tose tinotadza norurimi rwedu, zvikurukuru munyika yedu izere kunyomba nokunyeya vamwe. (Jakobho 3:2) Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi havafaniri kumboona mutauro unokuvadza vamwe nokurerutsa. Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Jehovha Mwari haafariri kutaura kwose kunokuvadza.
Somuenzaniso, mubhuku reBhaibheri raMadzimambo Wechipiri, tinoudzwa kuti pane boka revakomana rakanyomba muprofita Erisha. Nhoroondo yacho inoti va“kamuseka” uye va“kati kwaari: ‘Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!’” Jehovha, uyo aigona kuona zvaiva mumwoyo yevaduku ava uye kuona vavariro yavo yakaipa, akarwadziwa kwazvo nokutaura kwavo kwokuzvidza. Nhoroondo yacho inotaura kuti Mwari akauraya vakomana vacho 42 pamusana pokutaura kwavo kwokunyomba.—2 Madzimambo 2:23, 24.
Vanhu vaIsraeri “vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasingachagoni kurapwa.” (2 Makoronike 36:16) Kunyange zvazvo kutsamwa kwaMwari kwakanga kwanyanya kukonzerwa nokunamata zvidhori kwevanhu vake uye nzira yavo yokusateerera, zvinokoshawo kucherechedza kuti Bhabheri rinotaura zvakananga nezvemashoko okuzvidza aiitirwa vaprofita vaMwari. Izvi zvinosimbisa pachena kusafarira zvachose kwaMwari muitiro wakadaro.
Nokudaro, Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti: “Usatsoropodze kwazvo murume akura.” (1 Timoti 5:1) Nhungamiro iyi inogona kushandiswa pakurarama kwatinoita nevamwe. Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tisataure zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi, kuti tisave vanorwa, kuti tive vanonzwisisa, tichiratidza unyoro hwose kuvanhu vose.’—Tito 3:2.
Kudzora Miromo Yedu
Dzimwe nguva, tinganzwa zvakaoma kuti tirege kutuka mumwe munhu. Kana atadzirwa, munhu anganzwa zvakakodzera kuranga amugumbura wacho nemashoko anorwadza, magara mwoyo—zvichida zvakananga kana kuti nokumunyeya. Kunyange zvakadaro, vaKristu havafaniri kudaro. Zvirevo 10:19 inoti: “Kudarika hakungakoni pamunhu une mashoko mazhinji; asi unodzora miromo yake, une uchenjeri.”
Ngirozi dzaMwari dzinotiitira muenzaniso wakanaka. Dzinoziva zvakaipa zvose zvinoitwa nevanhu. Kunyange zvazvo ngirozi idzi dziri huru kupfuura vanhu musimba, hadzipomeri vanhu nemashoko okuzvidza, “dzisingadaro nemhaka yokuremekedza Jehovha.” (2 Petro 2:11) Dzichiziva kuti Mwari anonyatsoziva zvakaipa zvinoitwa nomunhu wose uye kuti anonyatsokwanisa kugadzirisa zvinhu, ngirozi dzinoramba dzichidzora miromo yadzo. Mikaeri, ngirozi huru pane dzose, haana kushandisa mashoko akaipa, kunyange kuna Dhiyabhorosi.—Judha 9.
VaKristu vanoedza kutevedzera ngirozi. Vanotevedzera zano reBhaibheri rinoti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. Goverai zvinhu zvakanaka kwazvo pamberi pevanhu vose. Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose. Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”—VaRoma 12:17-19.
Zvimwewo zvokufunga ndezvokuti, matauriro uye ukuru hwenzwi redu zvinogona kuwedzera kukuvadza pane zvatinotaura. Hazvishamisi kuti varume nevakadzi varwadzisane nokupopotedzana nemanzwi epamusoro. Vabereki vakawanda vanowanzozhambatata kuvana vavo. Zvisinei, hapana chikonzero chokuti tizhambatate patinenge tichitaura manzwiro edu. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) Bhaibheri rinotaurawo kuti “muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose.”—2 Timoti 2:24.
Mashoko Anoporesa
Pamusana pokupararira kwakaita mutauro wakaipa uye unonyadzisa nhasi, vaKristu vanofanira kuva nenzira yokunzvenga nayo mutauro unokuvadza uyu. Bhaibheri rinoratidza nzira yakanaka yacho, rinoiti, kuda muvakidzani wedu. (Mateu 7:12; Ruka 10:27) Kuva nehanya kwepachokwadi uye kuda muvakidzani wedu zvichaita kuti nguva yose tishandise mashoko anoporesa. Bhaibheri rinoti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko rose rakanaka nokuda kwokuvaka sezvingave zvichidikanwa, kuti ape zvinofadza kuvanonzwa.”—VaEfeso 4:29.
Uyewo, kuroverera Shoko raMwari mupfungwa dzedu kunotibatsira kusataura zvinokuvadza. Kuverenga nokuzeya Magwaro Matsvene zvinogona kutibatsira ku‘bvisa tsvina yose.’ (Jakobho 1:21) Chokwadi, Shoko raMwari rinogona kuporesa pfungwa dzedu.