Kutenda kwaWyndham—Matapurire Akwakaita Vamwe
MAGAZINI yaMukai! yaAugust 22, 1991 yechiNgezi yakabudisa nyaya pamusoro pokutendeka kwaWyndham Cook kumutemo waMwari unoraira maKristu kurega ropa. (Mabasa 15:20; 21:25) Wyndham ane tsinga dzakazvimba pahuro pake, uye akanga ari munhu ane ropa rinononoka kuoma pakubuda. Nyaya yacho yakashuma kuti akapona zvinoitika zvinoverengeka zvokubuda ropa, chimwe icho mwero wake weropa wehemoglobin wakaderera kuva pasi pe 2. Nomutoo unosuruvarisa, apo chinyorwa chinodudzwa pamusoro apa chakanga chichindotsikirirwa, Wyndham akafa pashure pokutambura chimwe chinoitika chokubuda ropa.
Tapuro Papwere Biyake
Pwere dzakawanda muUnited States dzakanyorera Mukai! dzichiratidzira kuonga nokuda kwenyaya yacho uye dzichirondedzera tapuro yayakava nayo padziri. Imwe yakabva kuClinton, Iowa, yakati: “Apo ndakarava kunangana noushingi kwakaita uyu mukomana wamakore 15 okukura navanachiremba uye kutsanangurira nomutoo wokushivira chikonzero nei akaramba ropa, kwakandiita ndinzvere kutenda kwangu ndimene ndokuzvibvunza icho ini ndaizodai ndakaita. Kutenda kwaWyndham netsungiriro kwakandiita ndinzwe ndakashinga zvikuru kupinda nakare kose kuti kana ndikava mumugariro woupenyu norufu, ndingava akashinga nenzira yaakaita nayo.”
Imwe tsamba yakabva kuna wamakore 15 okukura wokuMaiden, North Carolina, yakati: “Pashure pokurava pamusoro pokutambura kwaWyndham norutsamiro rwake pana Jehovha kunyange kusvikira kurufu, ndakachema. Ndakanzvera kunzwa kwangu kwomukatikati, ‘Ko ini mumigariro yakadaro ndaizoisa upenyu hwangu mumaoko aMwari ndokuvimba zvakakwana naye kundiyeuka here?’
“Ndarava ndaravazve nyaya yacho kazhinji, uye ndinorangarira kuirava nguva ipi neipi yandinosuruvara nokuda kwenyika inodzvinyirira. Kutenda kwaWyndham kunogovera rukurudziro. Ndinotarisira mberi kukusangana naye munyika itsva yakapikirwa yaJehovha.”
Imwe pwere, yomuGuta reNew York, yakanyora, kuti: “Kazhinji kazhinji ndinozvifungidzira ndimene ndiri mumugariro wakafanana nowaWyndham Cook uye ndinozvibvunza kuti ndaizotaurei kudai chiremba wangu akandiudza kuti ndaizofa kana ndisina kugamuchira kuisirwa ropa. Ndinogarozadzwa noushingi uye ndinosimbaradzwa nemienzaniso ine simba, kufanana nowaWyndham, kuita napandinogona napo pose mukubatira Jehovha.”
Pwere yokuKent, Washington, yakatsanangura, kuti: “Ndakanhonga magazini paposvo yedu nezuro uye ndakapedza kuirava ndisati ndadzokera kumba. Ndakashanyira shamwari zhinji dzomuungano kuti ndirumbidze nyaya yacho. Ipapo madekwana iwayo takaifunda mufundo yedu yemhuri.” Achicherekedza tapuro yayakava nayo paari, akati: “Haisati yakangobvumikisa bedzi kuva inokurudzira neinosimbisa kutenda asi yakandiita kuti, pazera ramakore 17, ndizvibvunze ndimene kana ndaizokwanisa kushinga pamuedzo wakadaro.”
Imwe pwere yokuNorth Berwick, Maine, yakanyora, kuti: “Ndaigona kunzwisisa Wyndham nokuti neniwo ndine makore 15 okukura. Handigoni kutaura kuti tsungiriro yake noushingi zvakandikuchidzira zvikuru zvakadini kuti ndiite napandinogona napo pose mubasa raJehovha. Kana aigona kuita zvakawanda zvakadaro kuti afadze Mwari kunyange mumugariro wake wakaneta, ipapoka chikonzeroiko chandinacho chokusaita napandinogona napo?
“Apo ndakapedza kurava nyaya yakaisvonaka, meso angu akazara nemisodzi. Ndakanzwa kuti ndakanga ndichiziva Wyndham upenyu hwangu hwose. Ndakashuva kuti kudai ndakadaro. Ipapo ndakatarira mufananidzo wake navabereki vake ndokufunga nezvokuti ndaigona kumirira sei kuona kunyemwerera kwake kwakanaka zvakare pashure porumuko apo asati aizonzwazve kurwadza.”
Mumwe wezera ramakore 15 aida kuti vabereki vaWyndham vazive kuti akanzwa sei pamusoro penyaya yacho. Akanyora, kuti: “Ushingi hwaWyndham hwakandibetsera kuona kuti ndinodikanirwa kugadzirira kushinga nokuda kwezvitendero zvangu. Panguva ipi neipi ndingava mumugariro wakafanana. Ndinongoshuva bedzi kuti kudai nguva yacho ikasvika apo ndinoda kushinga, ndingava akashinga naakatsunga sezvakanga zvakaita Wyndham mukutevedzera izvo Bhaibheri rinoreva.
“Handina kutongoziva Wyndham, uko ndine chokwadi chokuti kurasikirwa makuri kumene, asi ndinotarisira mberi zvomenemene kukumuziva apo nyika itsva ichava pano. Nhau yake yakandikuchidzira kuita zvose zvandinogona mubasa raJehovha uye kuzviita kuburukira kumugumo.”
Kutenda Kunosimbisa Kuna Vose
Mubereki wokuNewark, New Jersey, akatsanangura, kuti: “Ini ndave ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha kwamakore 22 asi ndaipinda misangano pamberi penguva iyeyo. Pahwaro hwenguva dzose ndakarava magazini angu ose, asi handina kutongorava nhau yakanga ichitapura zvikuru uye ichikurudzira kupfuura iya yaWyndham Cook.
“Zvino ndinogona bedzi kupfuurira kuzadza basa rangu rakapiwa naMwari somubereki kupfurikidza nokubetsera mwanasikana wangu ane makore gumi okukura kuti amire akasimba uye kuita dziviriro nokuda kwokutenda sezvakaita Wyndham. Ingava nhau yeropa, mirimo, vatano, kana kuti chipi nechipi chezvakashata izvo Satani anounza panesu tose, zvikurukuru pwere dzedu, tinofanira kupfuurira kuramba takasimba kupfurikidza nokuvaka kutenda kwedu.”
Chimwe Chapupu chokuCadiz, Kentucky, chakaratidzira kunzwa kwakafanana, chichinyora, kuti: “Iyi ndiimwe yenyaya dzinotapura zvikurusa dzandati ndamborava. Wyndham akanga ari muenzaniso wakaisvonaka zvikuru wokuti pwere dzose dzitevere. Ndakachema zvandakarava izvo ichi Chapupu chiduku chakaisvonaka chaifanira kutambura. Ndakaziva kuti isu tose, pwere navakura nomutoo wakafanana, tinofanira kutevedzera kumira kwake kwokushinga. Muenzaniso waWyndham wakandiita ndizvinzverezve. Wakandiita ndiedze kunyange zvakaoma kuti ndishande nomweya wose nokuda kwaJehovha, nguva dzose ndichiedza kugadza muenzaniso wakaisvonaka, saWyndham, kutsvenesa zita raJehovha.”
Chimwe Chapupu, chokuPalm Springs, California, chakanyora, kuti: “Nyaya iyi yakatapura zvikurukuru mwoyo wangu. Ini ndine vana vashanu, uye ndingakarira uye kunyengetera kuti kana vakanangana nourwu rudzi rwedambudziko, vangava nesimba rokutenda iro Wyndham akanga anaro. . . . Wyndham muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwepwere dzedu.”
Kutenda chaikoiko ndikwo kariro yakapikirwa yezvinhu zvinokarirwa kunyange zvazvo munhu achigere kuona kana kuti kuwana izvi zvinhu. (VaHebheru 11:1) Wyndham akanga ane kutenda munyika itsva yaMwari uye rumuko rwavakafa nemhaka yezivo yakarurama yezvipikirwa zveBhaibheri. (Mabasa 24:15; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kutenda kwakadaro, kunoratidzirwa kunyange mukunangana norufu, zvirokwazvo kunosimbisa hukama hwenyika yose.—1 Petro 5:9.