RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 11/8 pp. 22-25
  • Wakaponeswa Pakudokufa Kupfurikidza Nokurapa Kusina Ropa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakaponeswa Pakudokufa Kupfurikidza Nokurapa Kusina Ropa
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndovhiiwa Here Kana Kuti Kwete?
  • Kuvhiiwa
  • Dzvinyiriro Yokugamuchira Ropa
  • Kurapa Kunoponesa Upenyu Kunobudirira
  • Mitoo Yokurapa Yakanaka Ingashandiswa Munzvimbo Mokuisirwa Ropa
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Kuvhara Mukaha Uri Pakati Pavanachiremba Navarwere veZvapupu
    Mukai!—1991
  • Hatisati Tiri Vezvamashiripiti Kana Kuti vaMwari
    Mukai!—1994
  • Kutarisana Nemamiriro Ezvinhu Anoda Kurumidziro Ezvokurapa
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 11/8 pp. 22-25

Wakaponeswa Pakudokufa Kupfurikidza Nokurapa Kusina Ropa

Yakataurwa nomutezo wavashandi wapadzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha

KWAKARATIDZIKA kuva kwechienzi. Muna February 1991, ndakanga ndaenda kuBuenos Aires, Argentina, kundobetsera kuitisa chikoro pamusoro pokushandiswa kwemimwe mitoo ingashandiswa panzvimbo pokuisira ropa. Uye zvino ndakanga ndodokufa, ndichibuda ropa zvakakomba mukati.

Chinetso chakavamba vhiki rapamberi, apo ndakanga ndiri muMexico. Ndakanzwa kurwadza mudumbu asi handina kufunga kuti kwakanga kwakakomba. Chiremba womunzvimbomo akataura kuti kwakanga kwakarovedzeka kuti vashanyi vanobva North America vabatire zvinetso zvomudumbu vachingunoshanyira havo nharaunda. Akagovera mushonga wokupodza kurwadza.

Apo ndakanga ndiri mundege ndichienda Buenos Aires zuva rinotevera, kurwadza kwakawedzera. Ndakanzwa kupisa mudumbu, uye mazuva maviri gare gare kwakanga kuchiita sokunge mwoto unobvira. Ndakabaiwa jekiseni kurwisa kurwadza. Ikoku kwakandibetsera kupedza kuitisa zvidzidzo zvangu muchikoro. Pashure pezvo, ndakatorwa pabazu reZvapupu zvaJehovha, apo mudzimai wangu neni takanga tichigara, kuenda kuchipatara chomunzvimbomo. Ikoko ndakanzverwa ndokuwanwa kuva ndine ronda iro sezvinooneka rakanga richangobva kurega kubuda ropa.

Kunzvera kwakanga kuchitikangaidzei, sezvo ndakanga ndisina kutongova neronda kana kuti kunyange zviratidzo zverimwe. Zvisinei hazvo, kwakakarirwa kuti ndaizonaya kupfurikidza nokuzorora kwokuganhurirwa pahuvato, mushonga unorwisa acid, uye zvokudya zvinosarudzwa zvezvokudya zvakareruka. Sezvineiwo, pashure pokudzokera kuchipatara chapabazu, kubuda ropa kwakatangazve.

Tsvina yangu yakanga yakasviba, izerwe neropa, uye ndakanga ndakacheneruka sechitunha. Pakupedzisira, ndakafenda, netsaona ndichibvisa chubhu yakabairirwa paruoko rwangu. Mudzimai wangu akamhanya neberere achidana mukoti.

Ndovhiiwa Here Kana Kuti Kwete?

Vanachiremba vaviri nokukurumidza vakanga vava kurutivi rwohuvato hwangu. Kupfurikidza nomuturikiri, vakandizivisa kuti hemoglobin yangu yakanga yaderera kusvikira kumagiramu 6,8 padeciliter (kazhinji kazhinji inowanzova 15). Vakataura kuti vakanga vachibvunza kupfurikidza norunhare nyanzvi mukuvhiya kusina ropa. Iye akanga achirumbidza kuvhiiwa kwekurumidziro. Ini ndakabvunza pamusoro pomumwe mutoo ungashandiswa panzvimbo pokuvhiya.

Nyanzvi yoruzivo rwomudumbu yakabvunzwa. Yakataura kuti kwakanga kuchibvira kupinza mudziyo unonzvera uchidzika nomuhuro mangu kusvikira kuburi rinowanwa muduodenum, rutivi rwokutanga rwoura hutete. Kana wangosvika panzvimbo inobuda ropa, mushonga unodzivisa kubuda ropa ungagona kudonhedzerwa pachironda munhamburiko yokudzivisa kubuda ropa.

“Ndedzipi dziri bviro dzorubudiriro?” ndakabvunza kudaro.

“Inenge hafu yakanaka uye hafu yakashata,” akapindura kudaro. Zvisinei, nyanzvi yokuvhiya yakataura kuti kana kushandiswa kwomushonga unodzivisa kubuda ropa kukakundikana, kunonozeka uye kurasika kweropa zvimwe kungakuita kuti kuve kusingabviri kupfuurira nokuvhiya. Kwakaratidzika sokunge kuti ndakanga ndisina chisarudzo kunze bedzi kwokuvhiiwa.

Yakanga iri nhambo inonyandura. Mudzimai wangu neni takambundirana. Ndisati ndaenda neamburenzi kuchipatara, chido chenhaka chakaitwa nokuda kwangu, uye ndakachisaina. Shamwari dzedu dzakarangarira kuti zvimwe handisati ndaizopukunyuka kuvhiya.

Kuvhiiwa

Mukamuri rokuvhiira, ndakaiswa pane rairatidzika kuva tafura guru regirazi. Mwenje waijeka uchibva pasi uchipenya uchibva kumusoro. Funganyo yangu yakakura, iyo inofanira kuve yakaoneka, sezvo mumwe wavanachiremba vokuvhiya akandisvika. “Usazvidyamwoyo. Chinhu chiri chose chichava chakanaka,” akataura kudaro. Itiro hanya yake youshamwari yakanga ichinyaradza. Mutindivadzo wakaitwa kupfurikidza nokufemba, uye mune inoratidzika kuva sekondi, ndakabva pakuva nechipapadzungu, kukuva nechiveve, kusvikira pakusaziva.

Ndakamuka apo ivo vakanga vachindibvisa pahwanyanza vachindiisa pahuvato hwenguva dzose hwechipatara. Ndakatanga kupanikira apo ndakanzwa kurwadziwa kukuru kunoparirwa nokuvhiiwa uye kunoparirwa namachubhu ari mumhino mangu napahuro. Mudzimai wangu, pamwe chete neshamwari vakandinyaradza. Kunzwa nyota kwangu kukuru kwakaderedzwa nokupukutira kwavo mvura pamiromo yangu. Ndakafara kuva mupenyu.

Kunyange zvazvo ndakavimbiswa kuti kuvhiiwa kwakanga kuri rubudiriro, mwero weropa rangu wakapfuurira kuderera. Chii chaigona kuva chisina kururama? Kunzverwa kwetsvina yangu kwakaratidzira kuti ndakanga ndichiri kubuda ropa. Vanachiremba vokuvhiya vaiva nechokwadi chokuti rakanga risiri kubva munzvimbo yavakanga vachangobva kugadzira—asi raibva papi, panguva ino?

Vanachiremba vakarangarira kuti ndinofanira kuve ndakamedza muchetura wakaparira buri, zvimwe muura hukuru. Vakati ndakanga ndakanyanyoneta zvokusagona kuvhiiwazve.

Dzvinyiriro Yokugamuchira Ropa

Mwero weropa rangu zvawakaramba uchiderera, dzvinyiriro yokugamuchira kuisirwa ropa yakakura. Mukoti anorindira akataura kuti kudai aiva chiremba, aizongopfuurira bedzi ndokundipa ropa pasina kubvunza. Painenge nguva yechitatu mumangwanani, chiremba akauya kwandiri ndokuti: “Unofanira kugamuchira ropa kana uchizorarama.”

Ndakamutsanangurira kuti ini ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti nokuda kwezvikonzero zvose zviri zviviri zvorudzidziso nezvokurapa, ndakanga ndisingazogamuchiri kuisirwa ropa. (Revhitiko 17:10-14; Mabasa 15:28, 29) Akashatirwa nomutoo unooneka, asi ini ndakarangarira chimiro chake chendangariro kuva chakaparirwa nokusanzwisisa kwake uye kusaremekedza chimiro changu chakasimba.

Nokuda kwedzvinyiriro inokura, pamwe chete nemimwe migariro muchipatara, ndakakumbira hangu kubudiswa. Nokukurumidza ndakadzorerwa neamburenzi kuchipatara chapabazu.

Kurapa Kunoponesa Upenyu Kunobudirira

Ndakabvunza chiremba ikoko, mumwe weZvapupu zvaJehovha, kundisimbisira kuti iye akanga aita EPO (erythropoietin), synthetic hormone inonyandura mwongo wamapfupa kuti uite masero matsvuku eropa pamwero wakati kuti unokuchidzirwa. Akataura kuti akaita. Chokwadi, muviri uchiri kuda zvivakiso chaizvo kuti uite masero matsvuku eropa. Izvi zvivakiso ifolic acid, vitamin B, uye zvikurukuru iron. Iron dextran (Imferon) inopinzwa nomutsinga ndiyo nzira inokurumidzisa yokugovera nayo iron inodikanwa, uye ini ndakaikumbira.a

Zvisinei, Imferon yakanga isingawanikwi muArgentina. Yakanga yakaoma kuiwana kunyange muUnited States, sezvo huzhinjisa hwayo hwakanga hwatumirwa kuMiddle East nokuda kwehondo yePersian Gulf. Bva, yakati kuti yakawanwa pakupedzisira, uye nokukurumidza yakapiwa kune mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achiuya kuArgentina.

Pakuzosvika paiyi nguva hemoglobin yangu yakanga yava bedzi nomwero we 4. Ndichiziva kuti kutora ropa rakanyanyisa rokunzvera kunogona kuparira kupererwa neropa, ndakaudza nyanzvi yezvokurapa yakauya kubazu kuti handisati ndaizomubvumirazve kutora ropa. Akaramba, achiti: “Tinofanira kuritora kana tichizoziva chiri kuitika.”

“Unoziva chiri kuitika,” ndakapindura kudaro. “Ndiri kubuda ropa, uye chii chiri chinhu chinoisvokosha mumuviri wangu?”

“Ropa,” akabvuma kudaro.

“Uye zvino ndasarudza nokuda kwokusapazve rimwe ripi neripi rangu,” ndakapindura kudaro. Kuti mwero weropa rangu waderera zvakadini hakuzivikanwi.

Usiku ihwohwo ndakanyengetera norushingairo kuna Jehovha, ndichikumbira nhungamiro yake uye ndichitaura tariro yangu yokumuka zuva rinotevera. Ndakamuka, asi ndakanzwa kuti simba rangu roupenyu rakanga richindisiya. Rufu rwakaratidzika kuva rwuri kusvika. Mwero wehemoglobin yangu unowanzova unenge magiramu 17,2 padeciliter, uchiva uri pakakwirira pemwero unogamuchirika, nokudaro ndakanga ndarasikirwa neinopfuura 75 muzana yeropa rangu. Chimwezve chinhu chaitofanira kuitwa.

Mangwanani iwayo ndakakumbira kurukurirano pamusoro pokurapwa kwangu navanachiremba vanonditarisira. Vitamin K, inokosha nokuda kwokumandana kweropa, yakanga isiri kushandiswa, asi zvino vakabvumira nokukurumidza kuvamba kuipa. Tevere ndakabvunza, kuti: “Ko upi noupi wemirimo yamuri kushandisa haungagoni kuva unoparira kana kuti unobetsera kukubuda ropa here?”

“Aiwa,” vakapindura kudaro.

“Mune chokwadi here?” ndakasimbisa kudaro.

Mumangwanani akatevera, mumwe wavanachiremba vokuvhiya akauya kwandiri ndokutaura kuti pakumwezve kufeyafeya vakawana kuti mumwe wemirimo ungasanova uri kuparira kubuda ropa. Kushandiswa kwawo kwakaregwa pakarepo. Kudisa kwavanachiremba nomutoo wokungwarira kunzvera kurapwa kwangu kwakawedzera ruremekedzo rwangu nokuda kwavo.

Pamukumbiro wangu, mabhuku ezvokurapa akaunzwa kurutivi rwohuvato hwangu, uye ini nomudzimai wangu takavamba kukunzvera. Imwe nyaya yakataura nezvehemostat, mushonga unodzivisa kubuda kweropa. Nokukurumidza patakaiona kupfuura Dr. Marcelo Calderón Blanco, Chapupu biyedu, chakapinda ndokuzivisa chishuvo chacho chokushandisa mushonga mumwe cheteyo! Mushonga wakapiwa kwandiri nenzira imwe cheteyo inopiwa nayo enema. Painenge nguva imwe cheteyo, Imferon yakasvika ichibva kuUnited States uye yakandipiwa nomutsinga.

Zvino taingogona bedzi kumirira. Mukati mezuva, ndakavamba kunzwa ndakasimba zvikuru. Mazuva matatu gare gare ndakavabvumira kutora ropa. Nomutoo unoshamisa, hemoglobin yakanga yakwira kusvikira ku 6! Bva, apo yakanga yanzverwa mazuva mashanu pamberi pezvi, yakanga iri 4 uye ichiri kuderera! Vanachiremba vakanga vachipanikira. Vakaraira kumwe kunzvera. Kwakasimbisa kwokutanga. EPO neImferon zvakanga zvichishanda.

Nyanzvi yezvokurapa yapakiriniki yakanga yanzvera ropa rangu yakashanya uye yakataura kuti chiremba anofanira kuve akaisira ropa. “Hakuna mwero weropa romunhu unogona kukwira nokukurumidza kudaro kana pasina kuisirwa ropa,” akaomerera kudaro. Chiremba akamuvimbisa kuti hapana ropa rakanga rapiwa. “Igadziriroi iri kushandiswa inosimudzira mwero weropa nokukurumidza kudaro?” aida kuziva. Akaudzwa pamusoro pokushandiswa kweEPO neImferon.

Dr. Amilcar Fernández Llerena, mumwe wavanachiremba vangu asiri Chapupu, akandishanyira pazuva rakagamuchirwa ropa rakanzverwa. Pashure pokundinzvera, mukushamisika, akati: “Ndinokupa zita idzva—Lazarus.” (Enzanisa naJohane 11:38-44.) Ndaitofanira kushandisa simba rangu kuti ndidzivise misodzi.

Dr. Llerena akati: “Unogona kuonga Mwari wako, Jehovha, nokuda kwokuva mupenyu.” Ndakamubvunza chaaireva. “Kudai wave uri musvuti wefodya, mushandisi zvisina kufanira wemirimo, kana kuti chidhakwa,” akapindura kudaro, “hausati waizodai wakapukunyuka kuvhiiwa. Asi sezvo muviri wako wakachena uye wakasimba nokuda kwokuteerera mutemo waMwari wako, wapona.”

Mashoko andakashandisa muchinoitika changu zvikurukuru akanga ari ayo atave tichidzidzisa Matare Okubatana Nechipatara pazvikoro muNorth America, Europe, uye Latin America. Kusimbiswa kwepurogiramu kuri pane mimwe mitoo ingashandiswa inobudirira inogona kushandiswa mukurapa kusina ropa. Nomufaro, mashoko pamusoro peiyi mimwe mitoo angashandiswa anowanika kuna vanachiremba kupfurikidza neDare Rokubatana Nechipatara, anopfuura 800 ayo zvino aripo munyika yose.

Ndinokarira kuti chinoitika changu chichabetsera zvimwe Zvapupu zvinotsvaka kurapa kusina ropa. Chipatara uko ini ndakavhiirwa gare gare chakanyorera bazu reArgentina reZvapupu zvaJehovha uye chakataura kuti zvino vanoziva kuti tine gadziriro inobudirira yokurapa varwere nemimwe mitoo isina ropa uye kuti ivo vangafara kubatira pamwe chete nesu munguva yemberi.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwendaza ine udzame hwemimwe mitoo ingashandiswa, ona Mukai! yechiNgezi yaNovember 22, 1991, peji 10.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kusiya chipatara pashure pokuvhiiwa kwangu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe