Rudzi Rwomunhu Runoshuva Nyika Itsva
KUSHUVIWA kwenyika itsva hakuna kutombova kukuru zvikuru kupfuura zvino. Makore ana makumi masere akapfuura ehondo, zvimurenga, nzara, hosha, utsotsi, uye kushatiswa kwokunze zvave zviri zvinoitika zvinotyisa. Rudzi rwomunhu runoda kumukira munyika itsva yorugare. Kupindura kuichi chishuvo, vatungamiriri venyika vakavamba kutaura pamusoro pokuita nyika itsva yakadaro.
Pasina panikiro wakanzwa kana kuti kurava kutaura kwakaitwa navanhu vakatanhamara vachizivisa kuti nyika itsva yava pedyo. Purezidhendi weU.S. George Bush akataura mune imwe hurukuro muna September 1991, kuti: “Manheru ano, sezvandinoona chinoitika chehurumende dzinosarudzwa navanhu chichiwadzanyurwa munyika yose, zvichida—zvichida tava pedyo zvikuru nenyika itsva iyoyo kupfuura nakare kose.”
Soufakazi hwokuti nyika itsva yava pedyo, vatungamiriri venyika vanonongedzera kumugumo weHondo Youtsinye pakati pamarudzi eboka rokuMabvazuva neboka rokuMavirira. Zvamazvirokwazvo, nyika inonzwa yatisunungukei sezvo gadziriro dzokurega zvombo dzinoitwa. Kuderedzwa kwezvombo zvenyukireya kunosimbaradza tariro yavanhu vakawanda yenyika itsva yorugare nechengeteko.
Muna April wegore rino, George McGhee, munyori wehurumende mukati mokudzora kwomushakabvu purezidhendi weU.S. John F. Kennedy, akazivisa, kuti: “Zvino tava nebanza—zvamazvirokwazvo, chinodikanwa—rokuita rongedzero yegadziriro yenyika itsva yakavakirwa pamirangariro mitsva yechengeteko.” Iye akawedzera, kuti: “Tariro inopikira zvikurusa nokuda kwegadziriro yenyika itsva inobudirira iri, ndinodavira kudaro, mukusimbisa zvisungo zvenzanga yamarudzi ose.”
McGhee akataura kuti kudzivisa kweFrance kuedzwa kwenyukireya kusvikira pakupera kwa 1992 kwakanga kuri “murairo wokunyengerera mamwe masimba enyukireya kutevera zvimwe chetezvo.” Iye akanongedzerawo ku“kutanga [kweRussia] kuderedza nzvimbo dzokugadzirira zvombo zvenyukireya uye kubva panzvimbo yakaoma yokugadzirira kurwa nokuda kwamasimba enyukireya amataundi.”
Uyezve, pamusangano wavatungamiriri venyika muLondon muna July 1991, vanomwe vavo vakazivisa kuti hondo yomubatanidzwa yePersian Gulf “yakasimbisa mano enzanga yamarudzi ose okuita chiito pamwe chete ‘kuti adzorere rugare rwamarudzi ose nechengeteko uye kupedza rwisano.’”
Rudzii Rwenyika Itsva?
Kwose ikoku kunonzwika kuva kunokurudzira. Asi zvibvunze umene kuti, Rudzii rwenyika itsva urwo marudzi anokarira kusika? Inyika itsva isina zvombo, isina hondo here?
McGhee anopindura, kuti: “America inofanira kuchengeta zvombo zvakakwana kuti ipe mugove wayo kunhamburiko ipi neipi yomunguva yemberi yehondo yomubatanidzwa, kana kuti kukurira kana hondo isingadzivisiki.” Naizvozvo vatungamiriri venyika havasati vari kurumbidza kuregwa chose chose kwezvombo, uyewo havasi kubvisa nhamburiko dzehondo kana, sokutaura kwakaita McGhee, “hondo isingadzivisiki.” Hurumende hadzigoni zvadzo kuvimbisa nyika itsva isina hondo. Zvomenemene, idzo dzinoziva kuti hadzigoni kusika nyika yakadaro.
Somuenzaniso, tarira chakatoitika. Pasi pomusoro unoti “Nhevedzo Yenyika Itsva” iri muNew York Times, yaMay 17, 1992, murongi wepepanhau Anthony Lewis akanyora, kuti: “Kutarira mifananidzo yeterevhizheni yamabhomba ehondo achidonhera pa[Sarajevo, Bosnia uye Herzegovina,] uye vanhu vasiri varwi vachiungana mukutya, ndakafunga kuti pepuko yakanga isina kuenderera mberi chibviro cheapo mabhomba eNazi akadonhera paRotterdam. Nhevedzowo zvayo yenyika itsva.”
Bva, kunze kwokubviswa kwehondo, kune zvimwe zvinetso zvakawanda zvinofanira kupedzwa kuti kuitwe nyika itsva inogutsa. Rangarira kushatiswa kwokunze kwakapararira uko kuri kuparadza pashoma napashoma mhepo yedu, pasi, uye makungwa; mapoka amatsotsi ane simba uye vatengesi vemirimo avo vanobira mamirioni avanhu pfuma yavo noutano; kuparadzwa kusina mufungo kwamasango uko kunopira kukukukurwa kwevhu uye pakupedzisira kunoparira mafashamo anoparadza zvirimwa.
Uyezve, zvichiri kumirira mishonga ihosha dzinotyisa dzomuviri, kubatanidza chinetso chomwoyo, kenza, AIDS, leukemia, uye diabetes. Uye zvakadiniko nezvinetso zvourombo, kushaikwa kwedzimba, kushaikwa kwezvokudya nemvura, zvokudya zvisingavaki muviri, kusakwanisa kurava nokunyora, uye kuparadzwa kweozone layer? Zvamazvirokwazvo, ndaza yacho inopfuurira. Izvi zvinetso zvakaoma zvakafanana nomurwi wamabhomba akarongwa kuputika nenguva yakagadzwa. Munhu anofanira kuaparadza zvino asati aputika munhevedzano yengwavaira dzingaparira kuparadzwa kwake. Anogona here kugadza nyika itsva munguva yokuita ikoku?
Kwamakore masangano namatare zvave zvichishanda zvakaoma kuti zvibvise zvinetso zvapasi. Bva, zvinetso hazvina kungokura bedzi asi zvitsva zvikuru nezvakaoma zvikuru zvakavamba. Kusakwanisa kwomunhu kupedza izvozvi kunoreva here kuti kushuva kworudzi rwomunhu nyika itsva ine rugare, yakachengeteka hakuna maturo? Tinogona kupindura nechivimbo kuti aiwa! Tapota rangarira chikonzero nei tichitaura ikoku.