RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 9/8 p. 30
  • Dzimwe Pwere Hadzidi Kurarama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzimwe Pwere Hadzidi Kurarama
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzviuraya—Dambudziko Rakapararira Revaduku
    Mukai!—1998
  • Chinoita Kuti Vanhu Varase Tariro Muupenyu
    Mukai!—2001
  • Dambudziko Riri Pasi Pose
    Mukai!—2001
  • Kuzviuraya—Dambudziko Revakawanda Risiri Pachena
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 9/8 p. 30

Dzimwe Pwere Hadzidi Kurarama

KUZVIURAYA kunoitwa navanhu vaduku ikombamiro inonyevera muIndia. Vanzveri munyika iyoyo vanokarakadza kuti maminiti maviri ari ose mumwe munhu anoedza kuzviuraya amene, uye maminiti gumi ari ose mumwe munhu anobudirira.

Mukati ma 1990 vanhu vane 60 000 vakazviuraya muIndia, uye “inodokusvika hafu yavo yakanga iri pakati pezera re 18 ne 35,” yakatsinhira kudaro magazini yeIndia Today. Vamwe vanyajambwa vokuzviuraya vaduku zvikuru samakore gumi okukura. Chiverengero chaichoicho chavanhu avo vanozviuraya vamene muIndia hachizivikanwi nemhaka yokuti mhuri zhinji dzinofarira kushuma kuzviuraya setsaona kuti dzidzivise ruzvidzo.

India Today inotsinhira kuti “vayaruki vanopfuura 2 500 vakazviuraya vamene nokuda kwenhau dzorudo dzisingafadzi” mukati ma 1990. Mukuwirirana nenyanzvi dzezvirwere zvendangariro, chimwe chikonzero chechiverengero chinokura chokuzviuraya pakati pavanhu vaduku idzvinyiriro dzamakwikwi nokukwanisa muchikoro, izvo zvinotangira pazera duku.

Magazini yacho inowedzera kuti “nyanzvi dzezvirwere zvendangariro dzinodavira kuti kuputsika kwemhuri inogara pamwe chete kune chokuita zvikuru nenhamo noushoma izvo zvinogona kukuchidzira kunzwa kwokuzviuraya” muvana. Imwe nyanzvi yezvirwere zvendangariro, Dr. S. G. Dastoor, yakati: “Kudai bedzi vabereki vaiitira hanya kupedzera nguva yakawanda navana vavo ndokuwana kuti chii chaivanetsa, upenyu hwavo hwaigona kuponeswa. Kazhinji kazhinji ndinofunga kuti vabereki vanoda kupiwa zano.”

Bhaibheri rinokurudzira vabereki vechiKristu kupedza nguva navana vavo ndokupinza nheyo dzoumwari mavari. (Dheuteronomio 6:4-9) Magwaro anopangirawo vabereki kusatsamwisa vana vavo asi kuvarera “muchirango nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW.

Kupfuurirazve, pwere dzechiKristu dzinogona kugonana nedzvinyiriro dzanhasi kupfurikidza nokushandisa zano rouchenjeri rinowanika muBhaibheri pana VaFiripi 4:6, 7, iro rinoti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe