Murangariro weBhaibheri
MaKristu Anofanira Kushandisa Mazita Ezviratidzo Orudzidziso Here?
ZVAKAWANDA zvinotaurwa pamusoro peperevedzo yavafundisi muchiKristudhomu nhasi, asi hakutongorina perevedzo yamazita ezviratidzo orudzidziso pakati pavo. Mamwe mazita ezviratidzo akapfava; mamwe ndeokuzvitutumadza. Heino mienzaniso mishomanene:
Mufundisi: “Revhurendi.”
Bishopi weAnglican: “Right Reverend the Lord Bishop.”
Bhishopi weRoma Katurike (muItaly): “His Excellency, the Most Illustrious and Most Reverend Monsignor.”
Cardinal: “His Eminence.”
Papa: “Most Holy Father.”
Mazita ezviratidzo “revhurendi” uye “bhishopi” ave achishandiswa kwenguva yakareba zvakadaro zvokuti haafadzi mitezo yechechi mizhinjisa. Asi mazita ezviratidzo akadaro anobvumirwa neBhaibheri here?
“Revhurendi,” “Bhishopi,” Uye “Cardinal”
MuKing James Version, shoko rokuti “tyisa” (reverend) rinooneka kamwe bedzi, paPisarema 111:9, iyo inoti: “Zita rake idzvene uye rinotyisa [reverend].” Zita raani? Ndima inotevera inoti: “Kutya ISHE ndiwo mavambo ouchenjeri.” (Pisarema 111:10) Muimwe shanduro yeKaturike, izvi zvikamu zviviri zvamashoko zvinorava, kuti: “Zita rake idzvene uye rinotyisa [awesome]. Mavambo ouchenjeri ndiko kutya Yahweh [Jehovha].” (The New Jerusalem Bible) Nokudaro, mukuwirirana neShoko raMwari, rutyo rwoumwari, kana kuti kutya, ndorwaJehovha chose chose, Wamasimba ose. Kwakarurama here ipapoka kuripa kuvanhu?
“Kana murume achishuva basa rabhishopi, iye anoshuva basa rakanaka,” akanyora kudaro Pauro kuna Timotio. (1 Timotio 3:1, KJ) Zvisinei, mukuwirirana neThe New Jerusalem Bible, ndima yacho inorava, kuti: “Kuda kuva mukuru anotungamirira ndiko kushuva basa rakanaka.” MaKristu apakuvamba aiva namabasa omutoro ainongedzerwa kwaari sa“vakuru” na“vatariri.” Mashoko iwayo aishandiswa samazita ezviratidzo here? Aiwa. Varume vakadaro vaisatongodanwa kuti “Bishopi Petro” kana “Mukuru Jakobho.” Ndicho chikonzero nei varume vechiKristu vakakura mumudzimu pakati peZvapupu zvaJehovha avo vanobatira ungano savakuru vasingatongoshandisi shoko rokuti “mukuru” sezita rechiratidzo. Mashoko okuti “mukuru” uye “mutariri” (bhishopi) anoshanda kuavo vane nzvimbo yechiremera nomutoro. Mashoko acho anorondedzerawo zvikwaniriso zvavarume vanogadzwa nebasa ravanoita.
Zvakadiniko nezita rechiratidzo rokuti “cardinal”? Rinowanikwa muBhaibheri here? Aiwa. Harisati riri mune shanduro ipi neipi. Kutaura idi, Chechi yeRoma Katurike inobvuma kuti iri zita rechiratidzo harisati riri romuBhaibheri. New Catholic Encyclopedia inotsanangura, kuti: “Shoko racho rinotorwa mushoko rechiLatin cardo rinoreva ‘hinji,’ uye mumashoko aPapa Eugene IV, ‘sokutenderera kunoita suo reimba nomumahinge aro, saizvozvo Nzvimbo youdzori yaVaapostora, suo reChechi yose, inotsamira ndokuwana tsigiro pamacardinal.’” Iri bhuku renongedzero rinotizivisawo kuti “macardinal anofarikanya ropafadzo yokuva vanodanwa zvakananga sa‘Eminence.’” Mugariro wawo unovabvumirawo kupfeka nguvo tsvuku nekopisi tsvuku. Vaapostora vaiva ne‘ropafadzo’ idzodzo here? Bhaibheri rinopindura kuti aiwa.
“Ishe,” “Monsignor,” Uye “Baba”
Mitezo yavafundisi inofanira kudanwa kunzi madzishe here? Mabhishopi eAnglican anodanwa kunzi “ishe.” Vakuru vakuru veKaturike kazhinji kazhinji vanodanwa kunzi “monsignor,” iro rinoreva kuti “Ishe wangu.” Mune dzimwe nyika, vafundisi veDutch Reformed Church vanodanwa kunzi dominee, zita rechiratidzo rakatorwa mushoko rechiLatin rokuti dominus, kureva kuti “ishe.” Asi Jesu akarairidza vadzidzi vake, kuti: “Munoziva kuti munyika, vatongi vanoremedza vadzorwi vavo, . . . asi hakufaniri kuva kwakadaro nemi.” (Mateo 20:25, 26, The New English Bible) Uyewo, muapostora Petro akanyora, kuti: “Musaremedza boka riri mutarisiro yenyu, asi ivai muenzaniso nokuda kweboka.” (1 Petro 5:3, NJB) Panhambo apo Jesu akashamba nenzira yokuzvininipisa tsoka dzavadzidzi vake, iye akati kwavari: “Munondidana kuti Tenzi uye Ishe, uye nenzira yakarurama; ndizvo zvandiri.” (Johane 13:13, NJB) Kwakarurama here kuti vanhu vashandise zita rechiratidzo rorudzidziso iro riri raMwari neroMwanakoamana wake?
Zita rechiratidzo rokuti “baba” rakarurama here? Rinoshandiswa zvikuru navaRoma Katurike navaAnglican. “Padre,” kureva kuti “baba,” rinoshandiswawo zvikuru. Asi Jesu akadzidzisa vadzidzi vake, kuti: “Hapana munhu ari pasi pano wanomufanira kudana kuti baba venyu, sezvo muna Baba mumwe bedzi, uye ivo vari mudenga.” (Mateo 23:9, NJB) The New English Bible rinorava nenzira yakafanana, kuti: “Musadana munhu upi noupi pasi pano kuti ‘baba.’” Neiko vafundisi navateveri vavo vasingateereri uyu murairo waIshe Jesu Kristu?
Papa veRoma kazhinji kazhinji vanodanwa sa“Baba Vatsvene” (Holy Father). Asi vashandi vake vokuItaly kazhinji kazhinji vanomudana saSantissimo Padre, iro rinoreva kuti “Most Holy Father.” “Baba Vatsvene” (Holy Father) izita rechiratidzo rinooneka kamwe bedzi muBhaibheri. (Johane 17:11) Izita rechiratidzo risingagoveranwi navamwe raNyakuvapo Mukurusa. Kwakarurama here kuti zvisikwa, izvo zviri zvapasi nezvisina kukwana, zvidanwe nezita rechiratidzo iroro?
Kudarika Kworudzidziso
Tapota rava ndokucherekedza mashoko akapoteredza aMateo 23:1-12. Jesu anovamba kutaura pamusoro pavaFarise, avo vakanga vari sekete rakatanhamara rechiJudha. Vaiva vezvomutemo, vaomereri vokuchengetwa kwoudzame huri hwose hwoMutemo waMosesi. Vaida kupfeka nokuita nenzira yakadaro kuti vadanire ngwariro kwavari vamene. Rudzidziso rwavo rwakanga rwuri urwo rwokuzvikudza—mupfekero wavo, nzvimbo dzavo huru pazvokudya, zvigaro zvavo zvapamberi mumasinagoge, uye mazita avo ezviratidzo orukudzo. Vaitotaura kuti vane ruremekedzo rukuru zvikuru kupfuura urwo rwaipiwa kuvabereki. Vaida kudanwa kunzi baba. Zvisinei, Jesu anoratidza kuti vateveri vake vose vakaenzana savana vaMwari. Zita rechiratidzo ripi neripi iro rinokarakadza musiano kubvutwa kwokuzvitutumadza kwechimwe chinhu icho chiri chaMwari. Nokudaro, Jesu anorambidza kushandiswa kweshoko rokuti “baba” sezita rechiratidzo rorukudzo mupfungwa yorudzidziso. Jesu anosimbisa kuti vateveri vake vana Baba mumwe bedzi mukutenda, Jehovha.
Hakuna kujeka here kuti vafundisi vakawanda vakamira ‘panzvimbo tsvene’ yakachengeterwa Mwari noMwanakomana wake, uye kuti ruremekedzo rukuru runobviswa kwavari kuenda kuvanhu vasina kukwana? MaKristu echokwadi nhasi anodzivisa kushandisa mazita ezviratidzo orudzidziso okunyengera, uye anodzivisa muitiro wokukwidziridza vanhu kworudzidziso. Pakati peZvapupu zvaJehovha chimiro bedzi chokudana chavashumiri ndi“hama.” (2 Petro 3:15) Ikoko kuri mutsinhirano neizvo Jesu akataura, kuti: “Imi mose muri hama.”—Mateo 23:8, NJB.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
The Three Bishops, by Albrecht Dürer, c. 1507