RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 7/1 p. 3
  • Zvinoita Here Kuziva Mwari Nezita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinoita Here Kuziva Mwari Nezita?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Maziviro Aungaita Mwari Nezita
    Mukai!—2004
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 7/1 p. 3

Zvinoita Here Kuziva Mwari Nezita?

Kana munhu anokosha akakuti umumhorose uye utaure naye nezita rake, anenge akuremekedza chaizvo. Vanhu vane zvinzvimbo vanowanzoshevedzwa nemazita akadai sokuti “Purezidhendi,” “Vakuru,” kana kuti “Changamire.” Saka kana munhu ane chinzvimbo akakuti, “Ingondishevedza hako nezita rangu,” hapana mubvunzo kuti unenge waremekedzwa chaizvo.

MWARI wechokwadi anotiudza muShoko rake, Bhaibheri, kuti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Kunyange zvazvo aine mamwe mazita akawanda okumuremekedza, akadai sookuti “Musiki,” “Wemasimbaose,” uye “Changamire Ishe,” agara achiremekedza vashumiri vake vakatendeka nokuvabvumira kuti vamudane nezita rake chairo.

Somuenzaniso, muprofita Mosesi akambotanga kuteterera Mwari achiti: “Pamusoroi, Jehovha.” (Eksodho 4:10) Pakatsaurirwa temberi muJerusarema, Mambo Soromoni paainyengetera akatanga nemashoko okuti: “Haiwa Jehovha.” (1 Madzimambo 8:22, 23) Uye muprofita Isaya paakataura kuna Mwari achimiririra vaIsraeri, akati: “Imi, haiwa Jehovha, ndimi Baba vedu.” (Isaya 63:16) Zviri pachena kuti Baba vedu vokudenga vanoda kuti tishandise nezita ravo patinotaura navo.

Sezvo kushevedza Jehovha nezita kuchikosha, kunyatsomuziva nezita kunoda kuti tiite zvakawanda. Jehovha anovimbisa munhu anoda Mwari uye anovimba naye, kuti: “Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.” (Pisarema 91:14) Zviri pachena kuti kuziva zita raMwari kunofanira kunge kune zvakawanda zvakunoreva, zvauri iwo musimboti wokudzivirirwa naMwari. Saka unofanira kuitei kuti uzive Jehovha nezita?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe