MaMarsupial Ayo Anoshamisa omuAustralia
Yakanyorwa nomunyori waMukai! muAustralia
MARSUPIAL chii chaizvoizvo, uye chii chinoita mamarsupial ave anoshamisa?
Kuchitaurwa nomutoo wakapfava, marsupial rudzi rwemhuka inoyamwisa, ndiko kuti, mhuka ine ropa rinopisa inoyamwisa tsvana dzayo. Zvisinei, mukusiana nedzimwe mhuka zhinji dzinoyamwisa mamarsupial ehadzi haiiti musana munhumbu mao panguva yaanova namauta. Anobereka tsvana dziri muchimiro chidukuduku, dzisingaoni, dzokonokei kwaakudzinwisa nokudzitaviridzira dziri muhombodo dziri kunze. Naizvozvo, zvikurukuru, marsupial imhuka inoyamwisa ine hombodo, nokuti shoko rechiLatin rokuti marsupium rinoreva “hombodo” kana kuti “homwe.”
Chaizvoizvo, kangaroo inongova imwe bedzi yaanenge marudzi 250 amamarsupial. Kuna mamarsupial ari munyika kunze kweAustralia—asi kwete akawanda. Somuenzaniso, opossum yeNorth America imarsupial, uye mamwe anowanwa muSouth America. Asi mamarsupial mazhinjisa zvikuru enyika akaganhurirwa munzvimbo dzeAustralasia, marudzi akasiana ane 175 achiva ave achizivikanwa imomo. Pamwe chete, muna marudzi 45 ekangaroo muAustralia, asi kangaroo tsvuku hombe ndiyo inozivikanwa zvikurusa. Iyo ndiyo hurusa kupfuura mamarsupial ose, inorema makirogiramu 90, uye yakareba zvikuru kupfuura vanhu vazhinjisa. Hadzi yayo, kunyange zvakadaro, inocherekedzwa kuva duku zvikuru uye ipfumbu yakasvibira muruvara.
Kangaroo dzinogona kusvetuka mamita 11 mukusvetuka kumwe chete. Dzimwe dzakayerwa newachi pakumhanya kunosvika kumakiromita 64 paawa uye dzakasvetuka ruzhova runopfuura mamita matatu muukwiriri. Iyi kangaroo tsvuku hombe nepfumbu yakatidukupei zvikuru dzinowanwa mumativi makuru enyika dzeAustralia. Idzo chionwa chakarovedzeka nechinofadza kuvachakairi vanotyaira vachigura nomunharaunda dziri pedyo namasango uye kunyange nomunzvimbo dzamagwenga dzapakati peAustralia. Kangaroo imhuka dzinofamba mumakumbi uye dzinowanzogara pamwe chete mumapoka anonzi maguruutsi.
Kubereka Kunoshamisa
Zvimwe rutivi runoshamisa zvikurusa rwoupenyu hwemarsupial ndiko kubereka nokutarisira tsvana. Kangaroo ndidzimwe dzorudzi rwamamarsupial chaiwo. Mazuva 33 kusvikira ku 38 bedzi pashure pokugara nehono, tsvana yekangaroo inoberekwa. Asi tsvana ichangobva kuberekwa iduku zvomenemene kupfuura muviri usati wakwaniswa—chisikwa chidukusa, chakaumbwa sebhinzi, chinorema anenge magiramu 0,75, chiduku zvikuru kupfuura muromo wekasiyanwa kako, uye chinenge chinoonekera.
Nokukurumidza pashure pokunge yaberekwa, ino“kwira” ichibva muchibereko chaamai vayo ichipinda mumvere dzavo. Ipapo, ichishandisa makumbo apamberi madukusa akashongedzerwa nenzara, inoparapatika masendimita gumi namashanu ichienda kuhombodo yaamai vayo. Imomo inozvinamatidza imene kumumwe weminyatso mina, uyo zvino unozvimbira mukanwa mayo. Kupfurikidza nouyu mukoto woupenyu, inowana zvokudya zvose zvinodikanwa, uye kwemwedzi mishanu inotevera, inoramba iri mune iyi nzvimbo yokurerera yakanaka isati yabudisa kunze musoro wayo kwenguva yokutanga.
Painenge mwedzi mitanhatu, joey muduku (sokudanwa kunoitwa tsvana dzekangaroo) inoita nhano yayo yokutanga yokuedza kubuda kunze, asi inowanzodzokera muhombodo nokuda kwezvokudya nechengeteko. Zvisinei, pakupedzisira amai vanofunga kuti joey anyanyokura zvokuti haachakwani muhombodo nokudaro vanomudzivisa kusatongotomuka achidzokera mukati. Pakuzosvika panguva yaanenge ava nezera remwedzi 18, azvimirira chose chose kubva kuna amai.
Chimwe chinoitika chinoshamisa ndechokuti amai vekangaroo vanogona kubudisa marudzi maviri akasiana omukaka panguva imwe cheteyo. Chinguvana pashure pokuberekwa kwajoey wokutanga, vanogarazve nehono. Muviri usati wakwaniswa uchangobva kunambwa unoramba usingaiti chinhu kutozosvikira joey wokutanga avamba kubuda kwake kupfupi muhombodo. Ipapo joey wechipiri anoberekwa ari muchimiro chake chidukusa ndokuzvinamatidza amene kuno mumwe munyatso uri muhombodo.
Asi joey mukuru achikuwana mukaka pamunyatso wake wokutanga. Kupfuurirazve kuomesa zvinhu, joey mutsva akaita somuviri usati wakwaniswa anoda rudzi rwakasiana rwomukaka. Zvisinei, ikoku hakusiri chinetso sezvo pamunyatso wake, amai zvino vanokwanisa kugovera mukaka une shuga yakawanda, nepo mumunyatso wokutanga womukoma ivo vanopfuurira kumugovera mukaka une protein yakawanda namafuta akawanda!
Kunyange zvazvo dzisati dziri mhuka dzinowanzodenha, hono padzimwe nguva dzinopinda mune kunoratidzika kuva mitambo yetsiva. Kazhinji kazhinji ihono duku mbiri bedzi dzinoedza simba radzo. Asi padzimwe nguva hono mbiri dzakura dzinorwa netsiva—dzichirovana chaizvo pamusoro pehadzi inosarudzwa! Uku kurwa kunogona kuva kwakakomba zvikuru, sezvo izvi zvikomba zvinorwisana zvinokwaranzurana nenzara namakumbo azvo emberi uye zvichibanhana nomutoo wamasimba masimba namakumbo azvo eshure.
Koala Inofadza—Ndiimwe Marsupial Inoshamisa
Inodokusanozivikanwa sekangaroo, uye inoratidzirwa kazhinji-kazhinji zvikuru pamabhurocha avachakairi veAustralia, ndiyo marsupial inoyevedza zvikurusa kupinda ose—koala. Aka kamhuka kaduku kanogara chose chose mumiti uye kanofamba-famba zvikurukuru usiku. Kanowanzorangarirwa kuva bere nemhaka yechitarisiko chako, nokudaro padzimwe nguva mukukanganisa kanonzi bere rekoala. Asi hakana rudzi nemhuri yebere kana zvodini, uyewo hakasi rudzi rweopossum kana kuti tsoko. Kakasiana zvirokwazvo. Hungu, kunongova bedzi norudzi rumwe rwekoala, uye rwakaganhurirwa kunyika dzokumabvazuva kweAustralia.
Koala ine simba risingaganhurirwi rokufadza, nechitarisiko chayo chakapfava, chokumbundira, meso akajeka akaita sengopero, mhuno yakapfava yakaita sendande, uye chitarisiko chinenge chinogaronetseka. Handi mhuka huru, dzinokura kusvika kumasendimita makumi matanhatu mukukwirira uye dzinorema makirogiramu 8 kusvikira ku 14.
Mwana wekoala anoberekwa semamwe mamarsupial kunze kwokuti amai vekoala vane hombodo yomushure. Mwana achangobva kuberekwa anogara muhombodo kwemwedzi mitanhatu, uye apo pakupedzisira anobuda, anobatirira kumusana kwamai vake zvavanofamba-famba nomutoo wokubatikana mukutsvaka miti nokuda kwamashizha anonaka.
Gadziriro Yakasiana Yokugaya Zvokudya
Koala vadyi vanosarudza. Dzinozviganhurira dzimene kumashizha omueucalyptus. Uye kwete shizha ripi neripi zvaro ringaita. Pamarudzi 600 akasiana anowanika omueucalyptus, koala dzinodya 50 kana kuti 60 bedzi. Kudai dzimwe mhuka dzaizodya aya mashizha, sezvinobvira zvikuru dzaizofa nemhaka yamafuta uye zvinhu zvinodhakisa zviri mumashizha zviri zvinochetura. Gadziriro yokugaya yakaoma zvikuru kunzwisiswa inobetsera koala kugaya zvokudya zvadzo chaizvo, asi zvokudya zvakadaro zvakasiana zvinokombamira kukudzipa hwema hwomuviri hwakasiana!
Zvimwe zviremera zvinotaura kuti koala hadzinwi mvura napaduku pose zvapo, uye shoko rokuti “koala” rinokarakadzwa kuva shoko reZvizvarwa Zvemo rinoreva kuti “Handinwi.” Bva kucherekedza nokungwarira kwakaratidza kuti koala panhambo nenhambo dzinoburuka mumiti yadzo kuti dzinwe, uye padzimwe nguva dzinotodya ivhu shoma kuti dziwedzere zvokudya zvadzo zvinoperevedza zvamamineral.
Kunyange zvazvo kangaroo dzichigona kuonwa mumazoo anoverengeka kupota nyika, koala dzinowanwa mumazoo mashomanene ari kunze kweAustralia. Asi kana ukambova nebanza iwe pachako rokudziona kana kuti kwete, tine chokwadi chokuti uchabvuma kuti zvamazvirokwazvo imhuka dzinoshamisa—idzi mhuka dzinoyamwisa dzine hombodo asi dzisina musana.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Amai ve“kangaroo” vana “joey” ari muhombodo
[Mufananidzo uri papeji 31]
“Koala” ichidya mashizha omundande
[Kwazvakatorwa]
Melbourne Zoo Education Service, Victoria, Australia