Vati Vawana Hero Here?
WATI wacherekedza here kuti dzidziso yehero yomwoto inoratidzika kuva iri kuderera pamisi ichangobva kupfuura iyi? Zvimwe haingagoni chaizvo kupukunyuka iri zera repanikiro ratiri kurarama mariri. Kana kuti zvimwe vanhu vazhinji-zhinji vava kuziva kuti mashoko okutambudza vanhu nokusingaperi mumwoto haasati achiwirirana naMwari akarurama uye ane rudo anoratidzirwa muBhaibheri. Chipi kana chipi chiri chikonzero chokusadavira, vamwe vatungamiriri vorudzidziso vari kudavidza nemwero inokarakadzira kupererwa nezano rose zvaro. Rangarira muenzaniso.
MuUnited States, zvose zviri zviviri kochekedzano yeterevhizheni ye“chiKristu” yorudzi netsamba yenhau yeevhangeri pamisi ichangobva kupfuura iyi zvakashuma kuti nyanzvi dzesayenzi dzakanga dzawana “hero” dzichingunobhovora muSiberia! Magazini inonzi Biblical Archaeology Review yakapeta nomutoo wokungwara imwe nhauro yakadaro.
Sezvinotaurwa, chikwata chenyanzvi dzesayenzi dzeFinland neNorway chaiva muSiberia chichibhovora mundware yapasi senzvero. Vakakatyamadzwa zvikuru apo, makiromita anoverengeka pasi pavo, chibhovoreso chakavamba kutenderera munzvimbo isina chinhu! Vakatokatyamadzwa zvikuru pavakawana kuti tembericha pasi ikoko yakanga iri inopfuura 1 100 degrees Celsius! Kunyange zvakadaro, vakakatyamadzwa zvikurusa kwazvo apo vakadzikisa maikorofoni nomumwena uye nomutoo une nhevedzano vakanzwa manzwi ane zviuru—zvimwe mamirioni—avanhu, ose achijwiririka mukurwadziwa! Naizvozvo nyanzvi dzesayenzi dzakava noruzazu, nhauyo inopfuurira, kuti vazhinji vakasia basa racho. Vamwe vakaitwa kuti vapikire kuvanza, nepo vamwe vakatendeukira ku“chiKristu” vachibva mudzidziso yokusadavira kuvapo kwaMwari nemhaka yeichi chibvumikiso chehero.
Nomutoo usingakatyamadzi, avo vakatsikirira uye vakadzokorora iyi nhau vakataura kuti yakasanosimbiswa. Rich Buhler, muchinguri wekurukurirano dzapaterevhizheni, akanyora muChristianity Today kuti iye nechikwata chake vakaedza kutevera mishumo yakadaro. Mukunzvera, mamwe manyuko akatsakatikira munyaya dzakanga dzabudiswa idzo dzakanokora mashoko mutsamba dzakanga dzichinokora mashoko munyaya dzisina kusimbiswa chose chose.
Mamwe manyuko akanga ari tsamba yomurume weNorway uyo, pakubvunzwa, akabvuma pachena kuti tsamba yake yakanga iri nyengedzo. Akaitumira nemhaka yokuti ainzwa chokwadi chokuti yaizodavirwa ndokubudiswa. Pasina panikiro akaziva kuti zvokwadi inosuruvarisa pamusoro pamasangano akanyanyowandisa zvikuru—anodavira zvaanoda kudavira.
MuMagwaro echiHebheru eBhaibheri shoko rokuti “hero” rinoshandurwa mushoko rechiHebheru rokuti sheori. Rinooneka kane 65 uye mushanduro yeBhaibheri reAuthorized King James rinoshandurwa kane 31 kuti “hero,” kane 31 kuti “guva,” uye kane 3 kuti “gomba.” MuMagwaro echiGiriki eshanduro yeBhaibheri shoko rokuti “hero” rinoshandurwa mushoko rechiGiriki rokuti Hadhesi mukuoneka kwaro kwose kune gumi. Ose ari maviri sheori uye hadhesi anoreva guva ravose rorudzi rwomunhu, uye haatongorina chokuita namarwadzo kana kuti chitambudzo chomwoto kana kuti upi noupi anorarama makiromita anoverengeka pasi pepamusoro peSiberia!
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]
Picture Book of Devils, Demons and Witchcraft/Ernst and Johanna Lehner/Dover