Murangariro weBhaibheri
Minyengetero—Ndeyokudzokorora Kana Kuti Ndeyokuzviitikira Here?
JUMBO jeti yakanga ichifamba pamamita 12 500. Pasi pakanga pane mvura dzinotonhora dzePacific. Kamwe kamwe, injini imwe yakadzima. Ipapo, dzimwe nhatu dzakapererwa nesimba. Ndege yakadonha pakarepo makiromita gumi mumaminiti maviri! Asi pamamita 2 700 ndenge yakawanazve simba ndokufamba yakakotsekana kuenda kuSan Francisco. Mumwe mutakurwi akatura befu, achiti: “Ndanyengetera zvikuru kwazvo kupfuura panguva ipi neipi youpenyu hwangu.”
Munguva dzengwavaira, ngozi, kana kuti rusuruvaro rukuru, vanhu vazhinji, kunyange vasiri vorudzidziso, vanotendeukira kune Wamasimba ose nokuda kwebetsero. Mukusiana, vorudzidziso vanogarodzokorora minyengetero yomuitiro mumachechi nomumatembere kana kuti pamusha. Vachiyamurwa namarozari, vazhinji vanotaura mukudzorora Paternosters uye Ave Marias. Vamwe vanoshandisa mabhuku eminyengetero. Mamirioni Okumabvazuva vanotenderedza makango ane minyengetero iri mukati mao somutoo wokudzokorora minyengetero nokukurumidza.
Wati wambobvunza here kuti, ‘Tinofanira kunyengetera sei? Minyengetero inofanira kuva yokudzokorora here kana kuti yokuzviitikira?’
Chiri Munyengetero
Ngatitii baba vako vanodiwa zvikuru, vanogara mune imwe nyika, vakakukurudzira kuridza runhare pari pose pawaida hako—pachena. Hausati waizoridza runhare kazhinji kazhinji here? Hausati waizofarira kuchengeta, kunyange kusimbisa, chisungo chako chinokosha here? Hausati waizokurukura funganyo dzako uye kuratidzira kuonga kukuru nokuda kwebetsero ipi neipi norukurudziro zvaakakupa muupenyu hwako hwose here? Ukama ihwohwo hwomunhu oga hwaizova pfuma huru kwauri, hausati here?
Mukuridza kwako runhare, ungadudza wadudzazve dzimwe nhau, asi hausati waizotaura umene kupfurikidza nokurava mubhuku kana kuti kudzokorora umene mumuitiro, waizodaro here? Ipapoka, munyengetero womuKristu hausati waizova wakadarowo. Kutaura idi, Kristu Jesu akataura kuti munyengetero hausati waizova chinhu chakadaro.
Kristu Jesu Akati Kudini?
“Pakunyengetera, musataura mataurazve zvinhu zvimwe chetezvo, kungofanana nezvinoita vanhu vamarudzi, nokuti ivo vanofunga kuti ivo vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji.”a (Mateo 6:7, NW) Dzimwe shanduro dzinotaura neiyi nzira: “Muminyengetero yenyu, musabwerebweta savahedheni.” (The New English Bible) “Mukunyengetera musaunganidza zvikamu zvamashoko zvisina maturo sezvinoita vaVamarudzi.”—Revised Standard Version.
Vamwe vanhu vanonyonganisa mashoko akawanda noutsvene, kudekudza nokuzvipira, kudzokorora nourefu nedavidzo yakasimbisirwa. Zvisinei, Mwari haayeri ukoshi hwomunyengetero kupfurikidza nourefu. Sezvinooneka, Jesu haana kuda kuti vadzidzi vake vashandise miitiro yorumano kana kuti kudzokorora minyengetero. Nokudaro, marusariro, mabhuku eminyengetero, kana kuti makango eminyengetero ndeoukoshii husingaperi?
Pashure pokutaura zviri pamusoro apa, Jesu akapfuurira kupa vadzidzi vake munyengetero womuenzaniso—Munyengetero waShe unosanozivikanwa. (Mateo 6:9-13) Asi iye aida kuti vapfuurire kudzokorora mashoko iwayo amene here? Aiwa. Kutaura idi, pakuataurazve rinopfuura gore rimwe gare gare, kunyange Jesu haana kushandisa mashoko mamwe chete chaiwoiwo. (Ruka 11:2-4) Pane chinyorwa chipi nechipi here chamaKristu apakuvamba anoita kudaro kana kuti chokudzokorora kwawo mimwe minyengetero yomuitiro? Zvakare, hapana.
Ikoku kunoreva here kuti hatigoni kududza pfundo rimwe chetero kana kuti kukumbira kazhinji? Nyangwe napaduku zvapo, nokuti Jesu akataurawo, kuti: “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana.” (Mateo 7:7) Kazhinji kazhinji kunova kuri madikanwa kwatiri kuita mukumbiro mumwe chetewo kazhinji. Naizvozvo Jehovha anoona kuva vapachokwadi kwatiri mumikumbiro yedu uye manzwire zvikuru atiri pamusoro penhau yacho.
Somuenzaniso, muzana ramakore rechishanu P.N.V., aigara somutezo wenzanga youtapwa yechiJudha muBhabhironi akanga ari murume anoshingaira ainzi Nehemia. Akanga ari mupereki weimba youmambo kuna mambo wePersia. Apo akaudzwa kuti hama dzake, vagari vomuJudhea, vakanga vachitambura, akanyengetera “masikati nousiku” nokuda kwokusunungurwa kwavo. (Nehemia 1:6) Minyengetero yake yakanzwiwa zvakanaka. Jehovha akasunda mubati ushe wePersia anonzwira urombo kupa Nehemia chiremera chokuita rwendo rwokuenda Jerusarema kundogadzikisa nhau. Iye akaita ikoku, vanhu vokwake vakafara uye vakachengeta kutenda kwavo.—Nehemia 1:3–2:8.
Nzira Iyo Munyengetero Wapachokwadi Unobetsera Nayo
Kunyange zvazvo ari Simba Gurusa rechisiko chapose pose, Jehovha anokoka “vana” vake kumusvika nomwoyo wose. “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri,” anodaro mudzidzi waJesu Jakobho. (Jakobho 4:8) Asika seiko? Eya, tinofanira kunyengetera muzita raJesu. (Johane 14:6, 14) Uyezve, sokutaura kwakaita Pauro, kuti: “Kana pasina kutenda hakubviri kusanomufadza, nokuti iye anosvika Mwari anofanira kudavira kuti iye ariko uye kuti iye anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.”—VaHebheru 11:6, NW.
Avo vane zvinetso, kunyange avo vakaita zvisina kururama zvakakomba, vanogona kukumbira ndokuwana betsero nekanganwiro. Jesu akaenzanisira ikoku nenhau yomutungamiriri worudzidziso uyo, pakunyengetera, akaonga Mwari kuti iye akanga ari mutsvene zvikuru kupinda vamwe; asi muteresi (aisadiwa uye airangarirwa somuiti wechakaipa zvikuru mumazuva iwayo) akangoti bedzi: “Haiwa Mwari, ndinzwirei ngoni ini mutadzi.” Zvamazvirokwazvo, munyengetero iwoyo wakapfava, wapachokwadi hauna kubuda mubhuku. Uye Jesu akashurikidza munyengeri worudzidziso asi akataura nezvomumwe kuti: “Iye unozvininipisa amene uchakudzwa.”—Ruka 18:10-14, NW.
Miitiro yakashata yenyika inoparira vazhinji kuzvidya mwoyo uye kutambura kupera mwoyo. MaKristu angatozvidya mwoyo pamusoro pokumira kwawo pamberi paMwari. Asi kutendeukira kuna Jehovha kwenguva dzose, kazhinji kazhinji, kwokuzviitikira nokuda kwebetsero kunogona kuita zvishamiso. Pauro akanyora, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi, asi muchinhu chiri chose kupfurikidza nomunyengetero nomukumbiro pamwe chete nokuonga itai kuti kuteterera kwenyu kuzivikanwe kuna Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu uye masimba enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7, NW.
Mukumbiro unoreva kuteterera kwechokwadi, kukumbira Mwari betsero, kudurura mwoyo yedu kwaari sezvaizoita mwana kune mubereki ane rudo zvikuru naanonzwisisa. Minyengetero yakadaro haibvi mumabhuku, uyewo haidzokororwi nomutoo wokutaurwa yataurwazve. Inobva mumwoyo inoda betsero uye ine kutenda chaiko muna Jehovha, “Munzwi womunyengetero.”—Pisarema 65:2.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rinoshandurwa kuti “kutaura mataurazve zvinhu zvimwe chetezvo” (bat·ta·lo·geʹo) rinoshandiswa kamwe chete bedzi muBhaibheri uye rinoreva kuti “‘kubwerebweta’ mupfungwa yokuedza kuwana rubudiriro mumunyengetero kupfurikidza nokuunganidza zvokudzokorora.”—Theological Dictionary of the New Testament.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
Drawings of Albrecht Dürer/Dover Publications, Inc.