Udhakwa Hunogarwa Nhaka Here?
Mune chinoitika chavamwe vanhu, masayendisiti anofungidzira kuti muitiro kuudhakwa hungagarwa nhaka kupfurikidza nevara chairo rokutodzana rinogarwa nhaka, mukuwirirana nefundo yazvino uno yakashumwa muThe Journal of the American Medical Association. Rinozivisa kuve rakanongedzera kuvara rinogarwa nhaka rokutodzana rinoisa vanhu pangozi yokuva zvidhakwa. Zvisinei, masayendisiti anonyevera kuti hakuna vara rokutodzana rinogarwa nhaka rinoparira udhakwa. Mutungamiriri wechikwata chokunzvera akati: “Ishe akanaka haana kuita vara rokutodzana roudhakwa, asi rimwe rinoratidzira kuva rinobatanidzwa mumiitiro yokutsvaka mufaro.”
Mushumo wacho wakapfuurira, kuti: “Vanzveri vakataura kuti hakuna vara rokutodzana rimwe, kubatanidza neiri, rakaparira zvimiro zvose zvoudhakwa. Vamwe vanhu vane vara rokutodzana ravakafunda havana kuva zvidhakwa, nepo vamwe vakashaiwa vara rokutodzana vakava zvidhakwa . . . Zvitemeso zvamagariro avanhu nezvetsika zvinovamba nhamo nokuda kwezvidhakwa zvizhinji.”