“Ndakachemera Mufaro”
Varavi Vanoratidzira Kuonga Kukuru Nokuda Kweinoti “Kuporesa Kuvadziko Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana”
NHEVEDZANO yemisi ichangobva kupfuura iyi yenyaya dziri mumagazini yaMukai! yakasunda varavi vakawanda munyika yose kuratidzira kuonga kwavo kwapachokwadi nokuda kwenhevedzano yebutiro reinoti “Kuporesa Kuvadziko Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana” iri muNo. 4, 1991, Mukai! Kudavidza kwavo kwakaratidza kuti aya mashoko akasanogadzirwa akapedza donzo rawo, rakanga rina mativi matatu: (1) kugovera nzwisiso netariro nokuda kwavanyajambwa; (2) kunyevera vabereki kuti vagone kuva vanosvinurira pamusoro pekotsekano yavana vavo; (3) kubetsera vakuru vanobetsera vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira kuti vaziviswe zviri nani zvikuru kuti vagone kupa yamuro inobudirira zvikuru.—Zvirevo 21:13; enzanisa na Zvirevo 27:23.
Musoro wakadzokororwa navaravi vazhinji wakafananidzirwa neiyi tsinhiro: “Nguva dzose ndave ndichida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, kuonga kwangu norudo nokuda kwaJehovha no‘muranda (wake) akatendeka naakangwara’ (Mateo 24:45-47) kwakawedzerwa kane zana pashure pokurava No. 4, 1991, chinyorwa chaMukai!”
“Jehovha Anonzwisisa Chaizvoizvo Uye Anoitira Hanya Zvikuru”
Chiverengero chikuru chakaratidzira kuonga nokuda kworutivi runoisvokosha rwenyaya dzacho: kuti Mwari anoteerera, anoitira hanya, anoziva kuti nyajambwa akanga asina mhaka, uye anogona kugovera kuporesa. Mumwe muravi anoti: “Ndinoonga zvapachokwadi zvikuru nokuda kwaMukai! No. 4. Nyaya dzenyu dzakandibetsera kupfurikidza nokundiratidzira kuti Jehovha anonzwisisa chaizvoizvo uye anoitira hanya zvikuru.”—Britain.
Mumwe mukadzi anonyora kuti: “Mwedzi yakati kuti yakapfuura ndakanga ndichida kukukumbirai kunyora pamusoro penhau yokuporesa kuvadziko dzendangariro dzokubatwa zvisina kufanira kwavana. Handina kunyora asi panzvimbo pezvo ndakanyengetera kuna Jehovha pamusoro pako. Mungagona henyu kufungidzira, ipapoka, chikonzero nei ndakafara kwazvo apo ndakaona butiro rechinyorwa cheNo. 4. Ndakachema, uye ndakaonga Mwari wedu ane rudo, Jehovha, zvapachokwadi zvikuru.”—Greece.
Mumwe anoti: “Apo ndinofunga pamusoro pezvandaifanira kutambura, ndinochema zvikuru. Ndokusaka ndakarava nengwariro chaiyo nhevedzano inoreva nezve‘Kuporesa Kuvadziko Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana,’ iyo yandakawana kuva inonyanyobetsera chose. Dzinosanoratidza kuti munofarira norudo avo vaitofanira kutambura zvinhu zvakadaro muupenyu hwavo.”—Italy.
Vazhinji vakaratidzira uyu mufungo: “Ndinoonga Jehovha nokuda kwokugovera aya mashoko, nyaya dzakanakisisa dzandati ndamborava pamusoro wacho. Ndinonyengeterera kuti iyoyi haisati ichizobetsera bedzi vanyajambwa (vapukunyuki) asiwo avo vakava nourwu rutyo rwakashata rwokutaura nhauyo uye vakakuwana kuri kwakaoma kutaura pamusoro penhau yacho.”—United States.
“Ndinonzwa Kuti Upenyu Hunokosha Zvino”
Mumwe mukadzi ane mwanasikana akabatwa zvisina kufanira akanga achigere kugonana mundangariro nechinetso chokubatwa zvisina kufanira ikoko. “Asi nyaya dzenyu dzakandiratidzira nzira,” iye akatsanangura kudaro. “Ndave ndichirapwa vhiki nevhiki kwemwedzi 11 nokuda kwefunganyo, denho dzoruzazu, uye kupera mwoyo. Nyaya idzodzo dzakaita zvakawanda nokuda kwangu kupinda kurapwa kose kuri munyika! Ndinonzwa kuti upenyu hunokosha zvino, nepo ndisati ndarava chinyorwa chacho, ndave ndichiri kunzwa ndine mhaka nokuda kwechimwe chinhu chandaisagona kudzivisa.”—Britain.
Vazhinji vakataura kuti mashoko akanga ari chinjo muupenyu hwavo: “Kukuongai kwangu hakuna kukwana pakuenzanisirwa nebetsero dzandakawana munyaya idzodzo. Dzakasvika apo ini ndakanga ndiri panenge papfundo rakadereresa randisingagoni kumboyeuka. Mamwe mazuva ndaigonyana pahuvato ndokupfikura. Ndinoonga idzi nyaya, idzo ndakarava ndaravazve, ndinogona kuona kuti marwadzo angu, uye marwadzo omunhu ari wose, anokosha kuna Jehovha nesangano rake. Aya mashoko andipa chido chokuvamba kupora. Ndava kutonzwa ndiri pedyo zvikuru naJehovha zvakare.”—United States.
Asi kubatwa zvisina kufanira kwavana hakusati kuri chinetso chokuMadokero bedzi, sokuratidzira kunoita uyu muenzaniso: “Apo ini ndakagamuchira chinyorwa cheNo. 4, pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana, ndakachirava nokukurumidza. Kwakada nguva yakati kuti kuti ndirave nyaya dzacho nemhaka yokuva nechinetso chokuona mashoko nomumisodzi yangu! Kunzwa kwangu nemifungo zvakaratidzirwa imomo chaimo munyaya dzacho. Zvino ndinonzwa ndichifara kuti mumwe munhu anonzwisisa. Ndakakurudzirwa kuona kuti Jehovha anobetsera sei nomutsa vanhu vane kutambura kusingaonwi navamwe. Ndinoonga zvamazvirokwazvo kuti imi makabudisa idzi nyaya. Kuti ndiporese kuvadziko dzangu dzendangariro, ndichapfuurira kushandisa zvakanyorwa munyaya dzacho. Norudo nokunzwa kwokuonga kunopfuura mashoko.”—Japan.
Mumwe anonyora, kuti: “Ndave ndichirwisana nekuvadziko dzendangariro dzokubatwa zvisina kufanira kwavana muupenyu hwangu hwose. Apo ini ndakawana magazini yeNo. 4, ndakarangarira kuti Jehovha anoziva zvatinoshaiwa kunyange tisati taita uye kuti anotida zvomenemene. Ndisaitongogona kuona nokuda kwamafashamo emisodzi, uye mwoyo wangu wakanzwa sokunge kuti wakanga wodokuputika nokuda kworudo nokuonga nokuda kwaBaba vedu vokudenga vane rudo. Ichi chinyorwa cheNo. 4, imagazini yandichakoshesa ‘kutozosvikira zvinhu zvekare zvisati zvichizorangarirwa, uyewo zvisati zvichizomukazve mumwoyo.’”(Isaya 65:17)—United States.
“Ndakabudiswa Mutorongo!”
Mumwe mukadzi anotambudzwa zvikuru kwazvo noupenyu hwake anonyora, kuti: “Ndinokuongai nokuda kwenyaya dzinoreva pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana. Pakupedzisira, pazera ramakore 53, ndakabudiswa mutorongo! Chikiyinuriso chinokiyinura nokuda kwangu chakanga chiri mutsetse wamashoko unoratidza kuti ava vanyajambwa vaduku ‘havana simba rokuzvidzivirira vamene apo vanotyisidzirwa, naizvozvo Mwari haavawaniri mhaka.’” Kurava Mukai! No. 4, uye kunzwisisa ikoko sokureva kwakaita magazini, “YAKANGA ISIRI MHAKA YAKO!” kwakamubetsera kushandisa chibairo chorudzikinuro chaJesu mukuvamba muitiro wake wokupora.—Britain.
Mumwe mukadzi anoti: “Kubvira panguva yandakanga ndiri muduku kutozosvikira mumakore angu apakuvamba echikoro chepuraimari, ndakabatwa ndabatwazve zvisina kufanira muvatano. Sezvinodudzwa munyaya dzacho, ndakapukunyuka mundangariro. Zvisinei, yeuko dzakaramba dzichidzoka. Ndanguve ndichifunga, kuti: ‘Ini ndiri munhu asina kuchena. Jehovha haasati aizotongondigamuchira.’ Naizvozvo munyengetero wangu kuna Mwari nguva dzose wave uri wokuti: ‘Imi hamungandipi nzvimbo muParadhiso, asi zvisinei ndapota ndiregei henyu ndigare musangano renyu kutozosvikira ndafa.’ Ikoku kuri nokuda kwokufunga, kufanana navanyajambwa avo vakadudzwa munyaya dzacho, kuti ‘Ini handina kuchena zvomenemene zvakakwana kuti ndive muUmambo hwaMwari’ uye kuti rufu rwangu rwungava paArmagedhoni. Kwakanga kwakaita sokunge kuti kunzwa kwenyadzi nokupererwa nesimba kwakanga kuchinditswanya kusvikira ndafa. Nokudaro, zvine nyaya dzacho, idzo dzakanga dzichifadza zvikuru uye dziri nyoro, zvakandibetsera zvikuru. Sezvandakadzirava, misodzi yangu yakayerera.”—Japan.
Mumwe anoti: “Ndinoda kukuongai nokuda kwenyaya dzinotapura uye dzakasanonzverwa. Kwamakore, kuvadziko yendangariro yokubatwa zvisina kufanira yakanga yaparira kangaidziko yendangariro. Kuri nyore kuna vazhinji kuti vanzwisise kubatwa zvisina kufanira nokutambudza kwehondo nekangaidziko yezvamatongerwe enyika. Tinonzwisisa vapukunyuki Vokuparadzanya. Ushati hunoitwa navaenzi huri nyore kugamuchira. Bva neiko vamwe vasingakunzwisisi apo vanokuita vanenge vari vana baba vedu timene, vana mai, vana babamunini, hanzvadzisikana, hanzvadzikomana—avo vaifanira kunyaradza, kurera, uye kutitaviridzira? Ndakaona madzvanga angu ndimene uye ndakaziva huchokwadi hunopedza simba rose hwokupererwa nezano. Mukupora kwangu vave vari Baba vangu vomudzimu, Jehovha, avo vakandibvisa vandibvisazve pakuzviputsanya ndimene, vachindidzivirira paruparadziko.”—United States.
“Ndakava Mupenyu Nokukurumidza!”
Mumwe mukadzi anotaura kuti kwamakore akawanda ane 28 ainzwa sokunge akanga arambwa akanyora, kuti: “Ndakapedza kurava nyaya dzose madekwana andakagamuchira chinyorwa chacho ndikabudisa misodzi nemhaka yokuti ndakatapurwa zvikuru uye ndakaonga. Ndinofara zvikuru kufunga kuti Jehovha anosanonzwisisa zvikuru kunzwa kwangu. Ndinonzwa sokunge kuti ndakurumidza kuva mupenyu! Nokuti nyaya dzacho dzinosimbisa kuti vana vari munzvimbo iyeyo havana mutoro nokuda kwechakaitika, ndinoziva kuti handitongorina chikonzero chokuzvizvidza ndimene. Ndangariro yangu yakazorodzwa zvomenemene.” Mwoyo wake wakasundwa kudavidza kukuporesa kweShoko raMwari.—Japan.
Kubatwa chibharo kwavana chinetsowo munyika dzichiri kubudirira, sezvinooneka kupfurikidza neiyi davidzo yomuAfrica: “Nyayadzo dzakasvika panguva apo ndaidzida zvikurusa. Isununguko yakadini kurava kutaura kwakadai sokuti, ‘iva nechokwadi chokuti pane tariro, kuti unogona kunaya’ uye, ‘YAKANGA ISIIRI MHAKA YAKO!’ Zvandakarava nyayadzo, ndakanzwa ndakakotsekana zvomenemene uye ndanyaradzwa kwenguva yokutanga muupenyu hwangu. Dzakaunza nyaradzo chaiyo kundangariro yangu, mweya, uye muviri. Zvino ndichava nesimba rokufamba mugwagwa unoenda kukunaya zvizere.”—Nigeria.
Mumwe anonyora, kuti: “Mashoko haagoni kuratidzira kuonga kwangu namanzwire andakaita pashure pokurava Mukai! No. 4, pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana. Misodzi yakazadza meso angu sezvandairava ndima iri yose, peji riri rose, rugwaro ruri rwose. Yakanyorwa nomufungo mukuru, unyoro, uye rudo. Sanyajambwa, ndave ndichirwisana nokunzwa kwangu nemirangariro. Zvino ndinonzwa kuti mwero wakati kuti womutoro wenhamo wabviswa. Ndinoonga nyaya dzenyu uye shamwari inovimbwa nayo, inoshivira inoteerera uye inondipa tsigiro, ndinogona kurega kupora kuchivamba.” Mwari womutsa wose usakafanirwa, kupfurikidza nebasa rouprista roMwanakomana wake, ari kuita kuti vanyajambwa vazhinji vakadaro va“tsige” uye va“simbe.” (1 Petro 5:6-11)—United States.
Mumwe nyajambwa wevatano nehama yokunyama akanetseka zvikuru zvokuti akaedza kuzviuraya kupfurikidza nokupisa garaji iye ari imomo. Akadzikinurwa ndokuendeswa kuchipatara. Nokukurumidza apo chinyorwa cheNo. 4, chakabuda, chakaunzwa kwaari. Akachema zvikurusa apo akachirava, uye ipapo akaravazve nyaya dzacho nguva nenguva nokuda kwetsigiro, dzichimubetsera kukurira mirangariro yokuzviuraya. Shamwari yake iyo yakamubetsera zvikuru yakanyora, kuti: “Padzimwe nguva ini ndinofunga kuti Mukai! inofanira kutumidzwazve zita kuti Kugonana nokuti ndizvo chaizvo zvairi kutibetsera kuita.”—United States.
“Vamwe Vanogona Kukanganwa, Vamwe Havagoni”
Mumwe muravi anoonga anotaura izvi: “Nyaya dzinotaura pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana dzakadzikama zvikuru. Ndinoonga magwaro akashandiswa. Idzi nyaya dzakasanonyorwa zvokuti ndingakurumbidzai pamusoro pako pandima nendima. Ndinoonga kuti makaratidzira kuti kunyange zvazvo vamwe vachigona kukanganwa, vamwe havagoni. Ndave ndichiva nezviono zvezvinoitika zvakapfuura kwamakore matatu uye marwadzo omuviri anovapo pamwe chete neyeuko imwe neimwe. Asi kunoita zviri nani kupfurikidza nokudzidza kubata nezviono zvezvinoitika zvomunguva yakapfuura. Ndinokuongaizve nokuda kwenhevedzano yakadaro yakadzikamiswa nomutoo unoshamisa.” (United States) Idzi nyaya dzapaMagwaro dzakabetsera uyu nyajambwa, navamwe vazhinji, kufara zvakare mugadziriro dzomudzimu dzaJehovha.—VaFiripi 4:4-9.
“Ndave ndiri muravi wamagazini yaMukai! kwamakore,” anonyora kudaro mumwe mukadzi. “Zvisinei, handina kutongotapurwa zvikuru nenyaya kupinda kupfurikidza nenhevedzano yamagazini ine musoro unoti ‘Kuporesa Kuvadziko Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana.’ Musoro wacho ndimumwe wakaoma, asi makaubata nokungwarira pakuunyora nomutsa worudo. Zvandave ndiri akabatwa zvisina kufanira ini ndimene somwana, yakandibetsera ndokundinyaradza zvikurukuru. Ndichachengeta iyi magazini kuti ndigone kuirava ndairavazve kazhinji kazhinji. Handigoni kukuongai zvakakwana nokuda kwenguva, nhamburiko, nzwisiso, uye kupfuura zvose rudo rwamakaratidzira nokuda kwaavo vanotambura mumwoyo.”—United States.
Kunangana Nohuchokwadi
Yakabvumikisa kuva inobetsera zvikuru kuna vanyajambwa vasingagoni kukanganwa mhaka dzavakaitirwa kuva vanobvumirwa kutaura nomukuru anonzwira tsitsi, kunangana nechinetso nomutoo wapachokwadi, kuona nzira iyo Jehovha anorangarira nayo nhau yacho, ndokubata nayo mukuwirirana naMagwaro kuti kuporesa musimba rorudzikinuro rwaJesu kugone kuitika. Muna ikoku, mumwe mukadzi anoti:
“Handigoni kutsanangura kuti nyaya dzacho dzaikodzera musi sei chaizvo. Handati ndaigona kudavira chaizvoizvo maruramire akaita mashoko acho. Ndakatambura kupera mwoyo nokuvhiringidzika ndangariro kwamakore 20, ndichitsvaka betsero nemhinduro kunzvimbo iri yose: nyazvi dzezvirwere zvendangariro, nyanzvi dzokushanda kwendangariro, vanachiremba, kurapa kweboka, makiriniki okurasikirwa nouremu—zvose zvakava zvisina maturo kwandiri.
“Asi zvino ndowana betsero kupfurikidza namashoko akadai saawo anowanwa muchinyorwa cheNo. 4. Chinodikanwa zvikurukuru. Handigoni kukuudzai kunzwa kwokusava netariro kwandinova nako padzimwe nguva, kunoremedza zvikuru zvokuti rufu rungaratidzika kuva sununguro. Asi zvino ndinogona kuona kuti icho chakaitika kwandiri somwana chakanga chisiri mhaka yangu, kuti Mwari haasati achifunga kuti ndine tsvina. Ndakanga ndiri nyajambwa. Nokuda kwamashoko akadai seiwaya, ndinoona kuti Jehovha anoitira hanya, kuti ndinogona kuvimba naye. Pashure pamakore 33 oupenyu, ndinonzwa mudzimu waJehovha uchivamba kukiyinura ngetani dzousungwa. Ndinoonga nokuda kwokutirangarira zvakakwana kuratidzira nhamburiko muchinhu chinokosha chinoshamisa chakadai seiyi Mukai! Ndapota pfuurirai kubudisa urwu rudzi rwenyaya nedzimwe, sezvadzinokosha nokuda kwoumudzimu hwedu.”
Tsamba inotevera inobva kune mumwe murume inopeta kunzwa kwavazhinji. Iye akanga atambura kwaanopfuura makore 50 eshungu nokuda kwokubatwa zvisina kufanira somwana. Iye anoti: “Itiro hanya yorudo yaJehovha kupfurikidza nesangano rake rapasi haitongogumi kutishamisa nokukuchidzira kuzvipira kunoramba kuchikura zvikuru nechivimbo maari. Pashure pokusanofunda mashoko ari muna Mukai! No. 4, pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana, ini ndakachemera mufaro ndokuimba rwiyo pashure porwiyo kuna Jehovha, dombo nenhare, utiziro hwedu. Rambai muchibudisa nyaya idzodzo, hama. Jehovha ari kukushandisai nenzira dzamusingatongogoni kufungidzira.”
Dzinobva Kuvatariri
Inofadza ndiyo iyi tsamba inobva kumutariri anofambira anotarisira mubato wechiverengero chakati kuti cheungano dzeZvapupu zvaJehovha:
“Ndinokuongai nokuda kwaMukai! No. 4, inoreva nezve‘Kuporesa Kuvadziko Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana.’ Mashoko akaisvonaka akapiwa ayo tinoda zvomenemene. Nyaya dzacho dzakanga dzakarurama zvikuru. Ndakacherekedza nguva nenguva kuti vanyajambwa vane nguva yakaoma zvikuru kutaura kuna Jehovha saBaba ane rudo. Apo ndinoona ichi chitambudzo, ndinovabvunza nomutoo wokungwarira, ‘Wakabatwa zvisina kufanira somwana here?’ Nguva yakawanda zvikuru, mhinduro ndihungu! Muchinoitika chiri chose umo munhu wacho akanga achikwanisa kuona batano pakati pokubatwa zvisina kufanira nenzira iyo kupera mwoyo kwavo kwazvino uno kana kuti kangaidziko kunovatapura nayo, vakavamba kuvandudzika.”
Inopeta manzwire anoita vakuru vakawanda ndiyo iyi tsinhiro pfupi yakaitwa nomumwe: “Chinyorwa cheNo. 4, pamusoro pokubatwa zvisina kufanira kwavana chakanga chiri chakaisvonaka uye chinodikanwa. Savakuru muungano, tinodikanirwa kuziva zvakawanda sezvatinogona pamusoro peizvi zvinetso kuti tiratidzire itiro hanya norushiviro izvo vanyajambwa vanoshaiwa. Tsika ino zvairi kuipisisa, marudzi aya ezvinetso ari kuzivikanwa zvikuru navose. Ndinokuongaizve nokuda kwebetsero.”
Kwakatifadza kugamuchira matsamba akadai. Vachisvika zvizere pakunzwisisa kuti ‘yakanga isiri mhaka yavo,’ uye somuuyo wesimba rinoshandura reShoko raMwari, vanyajambwa vakadaro vokubatwa zvisina kufanira kwavana vanogonana neyeuko dzisingafadzi. Vanofara mutariro iri mberi, vachivimba kuti munyika itsva yaMwari, “zvinhu zvekare hazvisati zvichizorangarirwa, uyewo hazvisati zvichizofungwa mumwoyo.” (Isaya 65:17 NW; VaRoma 12:12) Kunyange zvino, kupfurikidza nesimba rinoporesa reropa raJesu, vane kumira kwakachena naMwari. (VaHebheru 9:14) Uye vanodikanirwa kutendeukira kuna vakuru nokuda kwebetsero. Ava vakuru vanogona kuita chiito se“nzvimbo yokuvanda pamhepo” kuna avo vanoshaiwa, vachitaura nomutoo unonyaradza uye vachinyengetera navo. (Isaya 32:2; 1 VaTesaronika 5:14; Jakobho 5:14, 15) Nokudaro, vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira vanogona kubetserwa kuenda mberi ndokuwana mufaro mumibato yose yeungano yechiKristu.