RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 4/8 p. 31
  • Chii Chiri Muzita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chiri Muzita?
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Zita Rako Rinomborevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 4/8 p. 31

Chii Chiri Muzita?

UNOZIVA here chikonzero nei vabereki vako vakakupa zita rako? Munguva dzeBhaibheri mazita avanhu aiwanzoratidzira kutenda muna Mwari nezvipikirwa zvake. Somuenzaniso, zita rokuti Abrahama, iro Mwari akamupa, rinoreva kuti “Baba veBoka (Vazhinji zhinji).” Ishmaeri rinoreva kuti “Mwari Anonzwa (Anoteerera).” Uye Jesu rinoreva kuti “Jehovha Ndiye Ruponeso.”

Munyika dzomuAfrica nhasi, kupiwa kwamazita kunowanzoratidzira zvitendero zvorudzidziso nemipimo. Ikoku kwakadaro zvamazvirokwazvo pakati peZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvomuAfrica.

MuNigeria mudzimai muduku anorondedzera kuti: “Baba vangu vakadzidza zvokwadi yeBhaibheri kuZvapupu zvaJehovha gore rimwe ndisati ndaberekwa. Mugore rimwe chetero, bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi rakabudiswa muchiNgezi. Gare gare, panenge panguva yangu yokuberekwa, bhuku raZvokwadi rakabuda mumutauro wedu weYoruba. Nemhaka yaikoko, baba vangu vakakufunga kuva kwakakodzera kundipa zita rinonzi Truth [Zvokwadi].”

Chimwe chapupu chaJehovha, murume, chinoti: “Baba vangu vakava Chapupu gore ndisati ndaberekwa. Vaishanda panzvimbo yaitarisirwa navaKaturike vanoshingaira, uye nokuda kwezvitendero zvavo, vakarasikirwa nebasa ravo. Apo ini ndakaberekwa, vakanga vasina basa uye mari shomanene zvikuru. Asi havana kuora mwoyo. ‘Ndiri kutambura kusava nebasa nokuda kworuvimbiko rwangu kuUmambo hwaMwari,’ vakadaro. Naizvozvo vakanditumidza kuti Kingdom [Umambo].”

“Vabereki vangu vakanditumidza kuti Ifeanyichukwu, zita rechiIgbo,” akadaro mumwe murume. “Irero izita rinonetsa kududza nokuda kwaavo vasingatauri chiIgbo, nokudaro ini ndaida zita rakanga riri nyore zvikuru. Ndakanga ndichidawo kubatira paBheteri [hofisi yebazu yomunzvimbomo yeWatch Tower Society], uye ini ndakanga ndine shamwari yakanga ine zita rinonzi Bethel [Imba yaMwari]. Nokudaro ndakakumbira vabereki vangu kana ndingatora ‘Bethel’ sezita rangu. Vakabvuma.”

“Vabereki vangu vaiva [vashumiri venguva yakazara],” anotsanangura kudaro mumwe murume weNigeria. “Baba vangu vakanga vachida kutumidza mumwe wavana vavo zita rebasa ravo. Ndomawanire andakaita zita rokuti Pioneer [Mushumiri wenguva yakazara]. Vaikarira kuti iniwo ndaizowana zvikomborero zvikuru zvebasa renguva yakazara.”

Apo mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakanga uri muCôte d’Ivoire muna December 1978, wakasangana nehanzvadzi ine mwana mucheche anonzi Victorious Faith [Kutenda Kunokurira] nokuti akaberekwa apo amai vacho vakanga vachipinda kokorodzano yo“Kutenda Kunokurira.”

Truth, Kingdom, Bethel, and Pioneer vose vanoshanda pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muNigeria. Vanobatirawo ipapo ndizvo Zvapupu zvine mazita akadai saBible, Wisdom, Christian, Love, Innocent, Genesis, uye Blessing. Vashumiri vose ivava vechiKristu vari kushanda nesimba kuti vachengete mukurumbira wakanaka, kana kuti zita, naJehovha Mwari, uko mhuri iri yose iri mudenga napasi pano inowana zita rayo.—Enzanisa naVaEfeso 3:14, 15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe