RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 4/8 pp. 10-11
  • Uipi—Ndiani Anofanira Kupomerwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uipi—Ndiani Anofanira Kupomerwa?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Haasi Iye Wokupomera
  • Chisakiso Chaicho Chakafumurwa
  • Mwari Achagumisa Uipi Here?
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
    Kuna Mwari Anoitira Hanya?
  • Nei Zvakaipa Zvichiripo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Uipi
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Nei Mwari Achibvumira Zvakaipa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 4/8 pp. 10-11

Murangariro weBhaibheri

Uipi—Ndiani Anofanira Kupomerwa?

ZVAAKAPINDA mumba make, nokukurumidza akacherekedza kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama. Kuringa kwokukurumidza mumbamo kwakasimbisa nyumwiro dzake dzakasviba zvikurusa—terevhizheni, siterio, zvipfeko zvakati kuti, uye zvimwe zvinhu zvakanga zvisimo. Ipapo, mufungo unongwadza wakamuka nokukurumidza mundangariro make, ‘Zvakadiniko kana vapazi vachiri mumba?’ Akatizira kuimba yomuvakidzani kuti adane mapurisa. Hungu, akanga ari mumwezve nyajambwa woutsotsi.

Kana iwe pachako usati watambura utsotsi, zvimwe unoziva mumwe akadaro. Ndichinoitika chinoitwa kazhinji kazhinji zvikurusa kupota nyika yose navaiti vane utsinye. Mukuwirirana nenzvero yakaitwa neDare reCM pamusoro peCrime Prevention and Control, mwero woutsotsi hwakashumwa uri kuwedzera nokukurumidza kupinda upfumi hwenyika nezviverengero zvavagarivemo.

Vanhu vapachokwadi, vane mwoyo yakatendeseka kunzvimbo iri yose vanotambudzika pamusoro poutsotsi, kuponda kunotyisa, kusaruramisira, uye ushati hunotapura nyika uye vanokatyamadzwa norutyo rwamasimba masimba asina donzo. Vazhinji vanobvunza kuti, ‘Neiko Mwari asingakumisi?’

Iwoyo mubvunzo wakanaka, uye Bhaibheri rinopa mhinduro. Zvisinei, kuti tigonzwisisa mhinduro, kunokosha kuziva manyuko, chisakiso chikuru, chouipi.

Mwari Haasi Iye Wokupomera

“Kune kusaruramisira kuri kuna Mwari here?” anobvunza kudaro Pauro munyori weBhaibheri. “Ikoko ngakurege kutongova kwakadaro!” anopindura kudaro. (VaRoma 9:14, NW) Asi vamwe vangarangarira havo kuti sezvo Mwari ari wamasimba ose, ane mutoro nokuda kwechinhu chiri chose chinoitika. Ikoku hakuna kudaro. Rangarira: Mutari wedzimba anotara chivako chakaisvonaka chichigere kushanda. Basaro nderevara gurusa, uye zvivakiso zvinoshandiswa ndizvakanakisisa. Zvisinei, vagari vanoputsa uye vanoshandisa zvisina kufanira chivako chacho. Nokukurumidza chinoda gadziridzo huru. Zvamazvirokwazvo ungadavira kuti vagari vemo, kwete mutari wedzimba kana kuti muvaki, vane mutoro nokuda kwomugariro unosuruvarisa! Ndizvo zvakwakaita norudzi rwomunhu nepasi nhasi. Sokutsanangura kunoita Dheuteronomio 32:4, 5 (NW), mubato waJehovha wakakwana. “Nzira dzake dzose iruramisiro. Mwari wokutendeka, uyo asina kusaruramisira kwaari.” Ndianiko, ipapoka, anofanira kupomerwa nokuda kwenhamo yakawanda pasi pano nhasi?

Rugwaro rwacho runopfuurira, kuti: “Ivo vamene vakaita nomutoo unoparadza . . . Hurema ndohwavo vamene.” Zvamazvirokwazvo, nhamo yakawanda munyika nhasi muuyo wakananga woutera hworudzi rwomunhu rumene kana kuti, zvimwe, maune. Zvisinei, kuna mamwe manyuko, makuru zvikuru nechisakiso chouipi.

Chisakiso Chaicho Chakafumurwa

Pana Zvakazarurwa 12:9 (NW), tinorava kuti Satani Dhiabhorosi, “uyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa,” anokandirwa kunzvimbo iri pedyo napasi. Chii chiri muuyo? Zvakazarurwa 12 Ndima 12 yeganhuro rimwe chetero inopfuurira, kuti: “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa zvikuru, achiziva kuti ane nhambo pfupi yenguva.” Naizvozvo ndiye, Muvengi mukuru, anoparira kusaruramisira kunozadza pasi. Chokwadi, kuna vamwe vanhu vanobatira pamwe nenhamburiko dzake; bva iye ndiye uyo anorondedzerwa so“muurayi apo iye akavamba.” (Johane 8:44, NW) Magwaro anotiratidza kuti Satani Dhiabhorosi ndiye chisakiso chikuru chezvinetso zvomunhu. Haasati achingova bedzi chisakiso asi iye ave ari mupfuudziri anopfuurira wouipi, achikudziridza nhamburiko dzake muna ano “mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5, 13) Naizvozvo Jehovha Mwari haasati ari musakisi wouipi. Asika iye anoitira hanya zvakakwana kugumisa kutambura kworudzi rwomunhu here?

Mwari Achagumisa Uipi Here?

Hungu, anoitira hanya, uye achagumisa uipi nokutambura. Iye ndiMwari worudo, uye saBaba vane rudo, anoziva uye anoda kugutsa zvinoshaikwa nezvishuvo zvavana vake. (Pisarema 145:16; 1 Johane 4:8-10) Kuti Mwari haasati atoita kudaro hakuzati kuri chiratidzo chokusakendenga. Panzvimbo pezvo, kudzivisa kwake norushiviro ufakazi hwokuva wamasimba ose kwake uye kuziva kwake kwose. Anoziva nguva yakanakisisa yokugumisa tsika ino yakaipa yezvinhu, uye panguva chaiyoiyo yakarurama, achaita kudaro.

Mugariro wacho ungaenzanisirwa nouya waamai vanokarira kusununguka. Apo ivo vanenge vane shungu dzokusvika kwomwana wavo, vanoziva kuti hapana dikanwo yokuva vanozvidya mwoyo zvisina kufanira. Vanonzwisisa kuti kunoda huwandu hwakati kuti hwenguva kuti mwana ari mudumbu mavo akure zvizere. Nomutoo wokusapanikira, pachava neshungu yakati kuti nokusagadzikana munguvayo, asi kusvika kwomwana akagwinya, akakura zvakakwana, ane mwedzi yakakwana kunoita kuti kuzvidya mwoyo kose uye kumirira kuve kunokosha.

Naizvozvowo, ndozvakwakaita nenyika itsva ine mbiri yorugare inorondedzerwa muBhaibheri. Ichasvika nokukurumidza pashure pokunge Umambo hwaMwari hwapindira muzvinhu zvavanhu, huchibvisa nyika isakarurama yazvino. Ipapo, uipi hwose huchava chinhu chomunguva yakapfuura. Kutambura, marwadzo, chirwere, uye rufu—zvinhu zvose izvozvi zvichave zvapfuura. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Avo vane mutoro nokuda kwokutambura kose vachaparadzwawo. Satani namadhemoni ake, pamwe chete navanhu vamwe navamwe vakava rutivi rwake rwetsika yake yezvinhu, vachabatwa navo.—Maraki 4:1; Zvakazarurwa 20:1-4.

Hakuchazovizve naavo vakafanana nomukadzi anodudzwa pakuvamba penyaya ino vanodikanirwa kuva noruzazu pamusoro pokusvika pamba vari voga. Sokutaura kunoita iye nomurume wake: “Pashure pokunge imba yedu yapazwa, takaisa gadziriro yebhero rinongwadza. Ave makore zvino chifo chokuba ikoko, naizvozvo hatinyanyonzwa kunetseka kukuru pamusoro pako zvakare. Asi tinoziva hedu kuti munongova bedzi munguva yemberi, mugadziriro yoUmambo hwaMwari, umo tichafarikanya rugare chairwo nechengeteko.”

Kutozosvikira zuva irero richaonwa nokukurumidza rasvika, tinodikanirwa kushandisa nguva yatinayo zvino nomutoo wokuchenjera. Petro anotiudza kurangarira “rushiviro rwaShe wedu soruponeso.” (2 Petro 3:15, NW) Uye ruponeso nokuda kwavamwewo, nokuti zvatinoudza vanhu pamusoro peiyi tariro inoshamisa, isu ‘tichaponesa vose vari vaviri isu timene naavo vanotiteerera.’ (1 Timotio 4:16) Zvino ndiyo nguva yokuti tishandire mavara achatiita rudzi rwavanhu vachararama munyika itsva iyoyo, umo uipi huchava chinhu chomunguva yakapfuura. (Pisarema 37:9-11) Tinodikanirwa kunzvera Bhaibheri kwete bedzi nokuda kwemhinduro dzemibvunzo yedu asiwo nokuda kwenhungamiro yatinoda kuti titsinhiranise upenyu hwedu nokuda kwaMwari.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]

Muenzanisiro waDoré waLucifer nokuda kweDivine Comedy yaDante

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe