Uipi
Tsanangudzo: Chinhu chinenge chakaipa zvikuru mutsika. Shoko racho rinowanzoreva chinhu chinokuvadza, chakashata, kana kuti chinoita kuti zvimwe zvinhu zviparare.
Nei kuine uipi hwakawanda kudaro?
Haisi mhosva yaMwari. Akasika vanhu vakakwana, asi vakasarudza kusaita zvinodiwa naMwari uye vanozvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. (Dheut. 32:4, 5; Mup. 7:29; Gen. 3:5, 6) Nokuita kudaro, vakatanga kudzorwa nemasimba akaipa.—VaEf. 6:11, 12.
1 Joh. 5:19: “Nyika yose iri musimba reakaipa.”
Zvak. 12:7-12: “Hondo yakavapo mudenga . . . dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukunda, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanikazve kudenga. Naizvozvo dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye. . . . ‘Saka farai, imi matenga nemi munogara maari! Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.’” (Iyi nhamo yakawedzera panyika kubva pakakandwa Satani kubva kudenga pashure pokuzvarwa kwoUmambo. Ona Zva 12 ndima 10.)
2 Tim. 3:1-5: “Ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (Uyu ndiwo mubayiro wokutsauka pakunamata kwechokwadi kwemazana emakore. Izvi zvave zvichiitika nokuti vanhu vanoti vanonamata vakarega kuteerera zvinonyatsotaurwa neShoko raMwari. Vakakundikana kurarama maererano nesimba rinobatsira rokuzvipira kuna Mwari.)
Nei Mwari achibvumira uipi?
Dzimwe nguva tingaona sezvakanakisisa kuti Mwari angoparadza vanhu vose vanoita zvakaipa. Tinoda chaizvo kuti uipi hugume, asi hwangotitambudza kwekanguva kadiki kana zvichienzaniswa nokuti uipi hwave huripo kwenguva yakareba sei. Jehovha Mwari anonzwa sei? Kwezviuru zvemakore vanhu vave vachimupomera, vachitomutuka, pamusana pezvinhu zvakaipa zvavave vachitsungirira. Asi izvi hazvikonzerwi naye, asi zvinokonzerwa naSatani nevanhu vakaipa. Jehovha ane simba rokuparadza vakaipa. Chokwadi, panofanira kuva nezvikonzero zvakanaka nei asina kuvaparadza. Kana Jehovha akagadzirisa nyaya yacho nenzira yakasiyana neyatinofunga kuti ndiyo yakanaka, izvi zvinofanira kutishamisa here? Anoziva zvakawanda zvikuru kupfuura vanhu, uye anonzwisisa nyaya yacho zvikuru kupfuura munhu upi noupi.—Enzanisa naIsaya 55:8, 9; Ezekieri 33:17.
Kungadai kusina uipi kudai Mwari asina kupa zvisikwa zvake zvakachenjera rusununguko rwokusarudza. Asi Mwari akaita kuti tikwanise kusarudza kumuteerera nokuti tinomuda kana kusarudza kusamuteerera. (Dheut. 30:19, 20; Josh. 24:15) Tinoshuva kuti dai zvisirizvo here? Kana tiri vabereki, ndechipi chinoita kuti tifare—vana vedu pavanotiteerera nokuti vanotida kana kuti patinoita kuti vatiteerere? Mwari angadai akamanikidza Adhamu kuteerera here? Taizonyatsofara here kurarama munyika matinenge tichimanikidzwa kuteerera Mwari? Mwari ari kupa vanhu mukana wokuratidza kuti vanoda here kurarama maererano nemitemo yake yakarurama kana kuti kwete, asati aparadza mamiriro ano ezvinhu akaipa. Panguva yake yaakasarudza, zvechokwadi achaparadza vakaipa.—2 VaT. 1:9, 10.
Iye nokuchenjera ari kubvumira nguva kuti nyaya dzinokosha dzigadziriswe: (1) Kutonga kwaJehovha kwakarurama uye kwakakodzera kwakapikiswa muEdheni. (Gen. 2:16, 17; 3:1-5) (2) Pakava nemibvunzo nezvekuvimbika kwevashumiri vaMwari vose vokudenga nevepanyika. (Job. 1:6-11; 2:1-5; Ruka 22:31) Mwari aigona kunge akaparadza vapanduki vacho (Satani, Adhamu, naEvha) pakarepo, asi izvozvo zvingadai zvisina kupedza nyaya. Kuva nesimba rokuita chimwe chinhu hakuratidzi kuti munhu akarurama. Nyaya dzakamutswa dzaiva nechokuita nezvakanaka nezvakaipa. Kubvumira kwakaita Mwari nguva kwakanga kusiri kuti ane chaaida kuona iye pachake, asi aida kubvumira zvisikwa zvose zvine rusununguko rwokuzvisarudzira kuti zvione mubayiro wakaipa wokupandukira kutonga kwake, uyewo kuzvipa mukana wokuratidza pazvimire chaipo panyaya idzi dzinokosha. Kana nyaya dzacho dzapera, hapana aizobvumirwa zvakare kukanganisa rugare. Kufamba zvakanaka kwezvinhu zvose zvakasikwa uye kubatana kwazvo kunobva pakutsveneswa kwezita raJehovha, kukudzwa kwaanoitwa nemwoyo wose nezvisikwa zvose zvakachenjera. (Onawo mapeji 337, 338, pasi pemusoro unoti “Satani Dhiyabhorosi.”)
Muenzaniso: Kana mumwe munhu akakupomera pamberi pevanhu vomunzvimbo yaunogara kuti unoshandisa simba rako somusoro wemhuri zvisina kunaka, kuti kudai vana vako vaizvisarudzira voga usingavasarudziri, zvaizovanakira, uye kuti vose vanokuteerera, kwete nokuti vanokuda, asi pamusana pezvaunovapa, ndeipi yaizova nzira yakanaka yokupedza nyaya yacho? Kuuraya munhu anenge achikupomera zvenhema ndiko kwaizoita kuti vanhu vomunzvimbo yaunogara vakanganwe nezvenyaya yacho here? Kwete, asi waizowana mhinduro yakanaka kudai waizopa vana vako mukana wokuratidza kuti uri musoro wemhuri wakarurama, une rudo uye kuti vanogara newe nokuti vanokuda! Kana vamwe vana vako vaizobvuma zvinotaurwa nomuvengi wako, vobva pamba ndokukanganisa upenyu hwavo nokutevedzera mamwe mararamiro, izvi zvaizongoita kuti vamwe vanhu vakatendeka vanenge vachiona vaone kuti kudai vana vako vaizokuteerera zvinhu zvaizovanakira.
Tine chatakabatsirwawo nacho here nokubvumira kwakaita Mwari uipi kusvikira iye zvino?
2 Pet. 3:9: “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (Pamusana pokuti Mwari ave achishivirira kusvikira panguva ino, tine mukana wokuratidza kuti tinopfidza uye kuti pane kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa, tinoda kuzviisa pasi pokutonga kwaJehovha kwakarurama.)
VaR. 9:14-24: “Saka, tichatii? Mwari haaruramisiri here? Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro! . . . Zvino, kana Mwari akashivirira nomwoyo murefu kwazvo midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa [kureva kuti akashivirira kuti vanhu vakaipa vavepo kwenguva yakati], kunyange zvazvo aida kuratidza hasha dzake uye kuita kuti simba rake rizivikanwe, kuti azivise pfuma yokukudzwa kwake pamidziyo yengoni, yaakafanogadzira nokuda kwokukudzwa [kureva kuti aizoshandisa nguva yacho kuratidza ngoni kuvamwe vanhu, zvichienderana nechinangwa chake], zvino zvakadini nesu vaakadana kwete chete kubva pakati pevaJudha asiwo kubva pakati pemamwe marudzi?” (Saka Mwari haana kuparadza vakaipa kuitira kuti ave nenguva yokusarudza vanhu vaaizokudza naKristu sevamwe voUmambo hwokudenga. Zvakaitwa naMwari izvi kwaiva kusaruramisira kumunhu upi noupi here? Kwete; zvinobatanidzwa paurongwa hwaJehovha hwokukomborera vanhu vemarudzi ose vachawana mukana wokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Enzanisa nePisarema 37:10, 11.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Nei Mwari achibvumira uipi hwakadaro?’
Ungapindura kuti: ‘Mubvunzo wenyu wakanaka. Vashumiri vaMwari vakawanda vakatendeka vave vachishungurudzwa nouipi hwavanoona. (Hab. 1:3, 13)’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Hakusi kuti Mwari haana hanya. Anotivimbisa kuti akaronga nguva yaachatonga vakaipa. (Hab. 2:3)’ (2) ‘Asi isu tinofanira kuitei kuti tizoponawo panosvika nguva iyoyo? (Hab. 2:4b; Zef. 2:3)’
Kana kuti ungati: ‘Ndafarira kuti mabvunza mubvunzo iwoyo. Mubvunzo unonetsa vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka. Pano ndine mashoko anobatsira zvikuru anopindura mubvunzo wenyu. (Ibvai maverenga pamwe chete mamwe mashoko ari pamapeji 345-347.)
‘Pashure pemakore ose aya, handifungi kuti Mwari ane zvaachaita kuti achinje zvinhu’
Ungapindura kuti: ‘Ndinofara kunzwa kuti munotenda muna Mwari. Ichokwadi kuti kune uipi hwakawanda zvikuru, uye hwakatanga kare tisati tavapo. Asi makambofunga izvi here . . . ? (Shandisa pfungwa dziri papeji 345 ndima 2, nezvokuti Mwari ave achitsungirira kwenguva yakareba sei.)’
Kana kuti ungati: ‘Ndine chokwadi chokuti munobvumirana neni pandinoti munhu upi noupi anokwanisa kuvaka imba zvechokwadi anokwanisawo kuichenesa. . . . Sezvo Mwari akasika nyika, hazvingambomuomeri kuti aichenese. Nei akatora nguva yakareba kudai asati aichenesa? Ndakaona kuti mhinduro iyi inogutsa zvikuru. Munofungei? (Ibvai maverenga pamwe chete mashoko ari pamapeji 345-347.)’